RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 6 pp. 36-39
  • Akaenda Kwaakanga Asingazivi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akaenda Kwaakanga Asingazivi
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • “Ndinoda Kuenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Rebheka—Mukadzi Aibishaira Aitya Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Ribheka Aida Kufadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ribheka Aida Kufadza Jehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 6 pp. 36-39

6 RIBHEKA

Akaenda Kwaakanga Asingazivi

Rakaprindwa
Rakaprindwa

RIBHEKA akanga ava kusvika pedyo netsime, akatakura chirongo chihombe. Zuva rakanga rava kunyura, uye yakanga yava nguva yekuti vanhu vaende kunochera mvura yekushandisa. Zvekuita mabasa epamba zvakanga zvisiri zvitsva kwaari. Asi pedyo netsime racho anoona pakangozara vanhu vaasingazivi. Pane varume vakamira ipapo, vaine ngamera. Asi anoramba achifamba achienda kutsime ikoko, obva asvika achizadza chirongo chake nemvura.

Paakanga atakura chirongo chacho chinorema achitanga kufamba kuti adzokere kumba, panobva paita mumwe murume wechikuru anouya kwaari achibva pavarume vaya obva asvika achiti, “Ndinokumbirawo kumbodzvuta zvishomanana mvura iri muchirongo chako.” Ribheka haana kuzeza kubata zvakanaka vanhu ava vaakanga asingazivi. Akavagamuchira zvakanaka chaizvo. Ribheka akabva ati kumurume wacho: “Inwai henyu ishe wangu,” uye akabva adzikisa chirongo chake kuti murume wacho anwe kusvikira aguta.

Asi haana kungogumira ipapo. Akabva ati aizocherawo mvura mutsime macho yekuti ngamera gumi dzavakanga vauya nadzo dzinwe. Achishamisika, murume wacho akaramba akatarisa musikana uyu tsvarakadenga, musikana wacho achiti akaenda kutsime, odzoka nemvura oidururira maizonwira ngamera dzacho kusvikira mazimhuka iwayo mahombe aguta. Murume wacho akabva amubvunza kuti aiva mwanasikana waani uye kuti kumba kwavo kwaiva nenzvimbo yekuti iye nevamwe varume vaaiva navo vawane pekurara here. Ribheka haana kumbofunga kaviri. Akavaudza kuti nzvimbo yekurara yaivepo uye kuti kwaitovawo nezvekudya zvengamera dzavo.

Jehovha ndiye aitungamirira zvese izvi zvaiitika asi Ribheka akanga asingazvizivi. Murume wacho wechikuru, uyo anofanira kunge aiva Eriyezeri, aiva muranda aivimbwa naye chaizvo aibva kune imwe nyika yaiva kure. Mavhiki akawanda akanga adarika, tenzi wake Abrahamu, akanga amukumbira kuti aende kune imwe nyika yaiva kure kuti anotsvagira Isaka mudzimai. Isaka aiva mwanakomana waAbrahamu uyezve ndiye aiva mugari wenhaka. Abrahamu akadzokorora adzokororazve kuna Eriyezeri kuti aifanira kutsvaga musikana aibva mumhuri yevanhu vainamata Jehovha. Saka Eriyezeri akanga anyengetera achikumbira kuti Jehovha aite kuti rwendo rwacho rwubudirire. Akakumbira Mwari kuti aite kuti musikana akakodzera kuroorwa naIsaka avagamuchire zvakanaka uye izvozvo ndizvo chaizvo zvakanga zvichangobva kuitwa naRibheka kuvarume vacho!

Ribheka haana kumbozeza kubatsira varume ava vaakanga asingazivi. Ichokwadi kuti kare ikako zvinhu zvainge zvakati siyanei nezvazvava mazuva ano, nekuti mazuva ano vanhu vakawanda vave ‘kutyisa, havachadi zvakanaka.’ (2 Tim. 3:​1, 3) Kunyange panguva iyoyo, Ribheka aiva neunhu hwakanyatsosiyana nehwevakawanda. Uye akaratidzawo kuti aiva neushingi.

Akazoziva kuti varume ivavo vakanga vafambirei vachibva kure kwese ikoko. Baba vaRibheka, Bhetueri, nehanzvadzi yake Rabhani vakaita kuti Eriyezeri auye agare pasi kuti vadye. Asi Eriyezeri akaramba kudya asati ataura nyaya yaakanga afambira. Akataura nezvekubatsirwa kwaakanga aitwa naJehovha kuti aonane naRibheka. Bhetueri naRabhani vakaona kuti zvaaitaura chaiva chokwadi, vachibva vati: “Izvi zvabva kuna Jehovha.”

Ribheka aizoita sei paakaziva kuti Mwari aida kuti aende kure nekwaaigara, kuti anoroorwa nemurume waakanga asina kumbobvira aona?

Ko Ribheka aizoita sei? Abrahamu akanga ambotaura mashoko airatidza kuti pamwe musikana wacho aisazobvuma kuuya kuKenani naEriyezeri. Saka zvinoita sekuti Ribheka aikwanisa kusarudza kuti oenda here kana kuti orega? Mangwana acho mangwanani, Eriyezeri akavabvunza kuti zvaiita here kuti abva atoenda naRibheka musi iwoyo. Vemumhuri mavanaRibheka vakati regai tinzwe kuna Ribheka wacho. Pavakamubvunza, akabva angopindura kuti: “Ndinoda.” Ainge azvipira kubva pamba pavo achisiya vanhu vemumhuri mavo, kunyange zvazvo aigona kusazombofa akavaonazve. Chii chakamupa ushingi ihwohwo? Zvinoita sekuti naiyewo akatoona kuti ndizvo zvaidiwa naJehovha kuti aite.

Pavakanga vaita mavhiki vari parwendo vachishandisa ngamera, vakazosvika kwaiva naAbrahamu kuKenani. Zuva parainge rava kunonyura, Ribheka akaona murume aifamba-famba ari ega musango. Murume wacho akanga aenda kusango ikoko kuti ambonodzamisa pfungwa. Paakaudzwa kuti ndiIsaka, akabva aratidza kuzvininipisa akatora jira remumusoro akazvifukidza achiratidza kuzviisa pasi pemunhu iyeye aizova murume wake. Isaka akanga ava nemakore 40, uye aiva nemwoyo wakanaka. Panguva iyoyo, akanga achiri kurwadziwa nekufa kwakanga kwaita amai vake, Sara, avo vakanga vava nemakore matatu vafa. Ribheka aizova neushingi hwekuita basa raaida kupiwa naMwari here? Aizoda Isaka nemwoyo wese here omutsigira semudzimai wake? Aizomubatsira pakushumira Jehovha here achizviisa pasi pake semusoro wemhuri yavo? Bhaibheri rinoratidza kuti izvozvo ndizvo chaizvo zvaakaita. Bhaibheri rinotaura kuti Isaka akanzwa sei mumwoyo make nezvaRibheka, richiti: “Akamuda, uye Isaka akanyaradzwa pakufirwa kwaakanga aitwa naamai vake.”

Ribheka achienda kunosangana naIsaka. Akafukidza musoro wake nejira uye akabata tambo yakasungirirwa pangamera uku achiona Isaka naEriyezeri vari nechekure.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Genesisi 24:​1-67; 25:20

Mubvunzo wekukurukura:

Ribheka akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Eriyezeri akarasikirwa nei Abrahamu paakava nevana, asi chii chinoratidza kuti hazvina kumugumbura? (Gen. 15:​2-4; 24:12; w97 1/1 30 ¶2-wcgr)

  2. 2. Nei Abrahamu aida kuti Ribheka auye kuKenani pane kuti Isaka aende kunogara kwavanaRibheka? (w97 1/1 30 ¶3-wcgr)

  3. 3. Zvipo zvakapiwa Ribheka nemhuri yavo zvairevei? (it “Ribheka” ¶4-wcgr)

  4. 4. Rondedzera zvainge zvakaita rwendo rwakafamba Ribheka kubva kuHarani kuenda kwaigara vanaIsaka kuNegebhu. (wp16.3 15 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo A

    Gwenga reNegebhu muIsraeri. Makawanda ivhu, matombo nemakomo ejecha.

    www.LifeintheHolyLand.com

    Mufananidzo A: MuNegebhu maimbogara vanhu vakawanda uye maiva nemafuro ezvipfuwo zvakawanda zvaiva naAbrahamu

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Zvii zvatingadzidza pana Abrahamu, Ribheka, uye Isaka panyaya yekusarudza munhu wekuroorana naye? (Gen. 24:​2, 3; 27:46–28:1)

  • Ribheka aiva munhu anoshanda nesimba, anopa, uye anoremekedza vamwe. Hanzvadzi dzingamutevedzerawo sei mazuva ano? Ona mufananidzo B

    Mifananidzo: Zvinhu zvitatu zvinogona kuitwa nehanzvadzi dzichitevedzera unhu hwakanaka hwaiva naRibheka. Zvinhu zvacho zviri kudzokororwa chimwe nechimwe muchitsauko chino. Amai vari kubatsira mwanasikana wavo kuzadza bhasiketi nezvekudya zvavatora mugadheni mavo. Amai vaya nemwanasikana wavo vanoendesera imwe hanzvadzi yechikuru bhasiketi racho. Amai vaya nemwanasikana wavo vava pamwe chete nemurume wavo vachiita kunamata kwemhuri.

    Mufananidzo B

  • Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naRibheka?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Ribheka paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ona kuti Ribheka akaramba sei achiratidza ushingi semudzimai uye saamai vainge vakatendeka.

“Ribheka—Mukadzi Aitya Mwari uye Aishanda Nesimba” (w04 4/15 8-11-wcgr)

Vana vanodzidzei pana Ribheka?

“Ribheka Aiva Neunhu Hwakanaka” (Nyaya dziri pajw.org dzakanzi “Kudzidzisa Pachishandiswa Mifananidzo”-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe