BHUKU REBHAIBHERI RECHI29
Joeri
ZVIRI MUBHUKU RACHO: Uprofita hwekuyambira vaJudha ‘nezvezuva raJehovha’ rakanga rava pedyo
BHUKU IRI RINOBATANA PAPI NEDINGINDIRA REBHAIBHERI?: Bhuku iri rinoratidza kuti zuva raJehovha parichasvika, Jehovha achaponesa munhu wese anodana zita rake
AKANYORA: Joeri
KWARAKANYORERWA: Judha
PARAKAPERA KUNYORWA: Munenge muna 820 B.C.E. (?)
Nei Jehovha Akaita Kuti Bhuku Iri Rinyorwe?
1. Izuva ripi rinotaurwa nezvaro mubhuku raJoeri, uye Bhaibheri rinenge richirevei parinotaura nezvezuva iroro?
JEHOVHA ane zuva raanoda kuti munhu wese azive nezvaro, kunyanya vaya vanomunamata. Akatoita kuti rinyorwe ka5 mubhuku raJoeri. Izuva ripi iroro? ‘Izuva raJehovha.’ Zvinoita sekuti muBhaibheri, zuva iri rinotanga kutaurwa nezvaro mubhuku raJoeri. (1:15; 2:1, 11, 31; 3:14) Bhaibheri parinotaura ‘nezvezuva raJehovha’ rinenge richireva nguva yaachatonga nekuranga vaya vanomuvenga achiratidza kuti ndiye Mwari wechokwadi. Asi dzimwe nguva rinenge richireva zvaakatomboita kare kune vaya vaimuvenga.
Bhuku raJoeri ndiro rinogona kunge riri bhuku rekutanga muBhaibheri kutaura ‘nezvezuva raJehovha’
2. Mamwe mabhuku eBhaibheri anotibatsira sei kunzwisisa uprofita hwaJoeri hunotaura ‘nezvezuva raJehovha’?
2 Zvinotaurwa nemamwe mabhuku emuBhaibheri zvinotibatsira kunzwisisa uprofita hwaJoeri hunotaura ‘nezvezuva raJehovha.’ (Ona bhokisi rakanzi 29-A.) Semuenzaniso, Joeri anoprofita nezvemhashu dzakawanda dzaizodya zvirimwa zvese zvaiva munyika yacho. Mhashu idzi dzaimiririra zvaizoitika kuvaJudha. Izvi zvakazoitika uto revaBhabhironi kana kuti vaKadheya parakapinda semhashu rikaparadza Jerusarema muna 607 B.C.E. Zvakataurwa naJeremiya naEzra vachitsanangura kuti Jerusarema rakaparadzwa sei, zvinoratidza kuti uprofita uhwu hwaJoeri hwakazadzika. (Joe 1:6; 2:1, 8-11, 20, 25; enzanisa na2Mak 36:17, 19; Jer 32:43.) Papera makore akawanda, Jesu akashandisa mashoko akada kufanana neakashandiswa naJoeri paaitaura nezvekutonga kuchaita Jehovha vakaipa mune ramangwana. (Joe 2:31; Mt 24:29, 30) Muapostora Petro akaratidza kuti zvimwe zvakaprofitwa naJoeri zvakanga zvazadzika, Jehovha paakadurura mweya mutsvene wake pavadzidzi vaJesu paPendekosti ya33 C.E. (Joe 2:28-32; Mab 2:16-21) Vadzidzi vaJesu ava, vairarama ‘mumazuva ekupedzisira’ nekuti Jerusarema netemberi yaro zvakanga zvava pedyo kuparadzwa. Izvi zvakazoitika muna 70 C.E., Jehovha paakashandisa vaRoma kuparadza guta reJerusarema. Iri raitova “zuva raJehovha.” Uyewo Petro naPauro vakataura kuti paizova ‘nezuva raJehovha’ mune ramangwana zvichiratidza kuti kwaizova nekuzadzika kukuru kweuprofita hwaJoeri.—2Pe 3:12, 13; 1VaT 5:2-4.
3. Marudzi api akarangwa naJehovha uye nei akamaranga?
3 Joeri anotaura kuti ‘zuva raJehovha’ rekuti atonge marudzi aibata vanhu vake zvisina kunaka rakanga rava pedyo. (3:2-6, 12, 14, 19) Joeri anotaura kuti Jehovha aizoranga Tire neSidhoni, maguta eFenikiya. Anotaurawo kuti Jehovha aizoranga Edhomu, Ijipiti uye Ashidhodhi, rimwe remaguta makuru aiva muFiristiya. Uprofita hwaJoeri hwakafanana neuprofita hwakataurwa nevamwe vaprofita, vachitaura kuti Jehovha aizoranga sei marudzi aya. (Enzanisa naEze 29:14-18; Amo 1:8; Mar 1:3, 4.) Mabhuku anotaura zvakaitika kare, anoratidza kuti zvakaprofitwa naJoeri nezvemarudzi aya zvakazadzika. Izvi zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti zvimwe zvakaprofitwa naJoeri zvichazadzika mune ramangwana.
4. Bhuku raJoeri rinoratidza kuti tinofanira kuita sei kuti tipone?
4 Bhuku raJoeri rinotibatsira kuti tizive zvatingaita kuti tipone ‘pazuva raJehovha.’ Mubhuku racho tinodzidzawo kuti “munhu wese anodana zita raJehovha achaponeswa.” (2:31, 32) Pauro akazotaura mashoko ari mubhuku raJoeri, achiratidza kuti vaKristu vanofanira kudana zita raJehovha kuti vaponeswe. Pauro akatsanangura kuti imwe nzira yavanodana nayo zita raJehovha ndeyekutenda maari.—VaR 10:13, 14.
5. Bhuku raJoeri rinotidzidzisei nezvaJehovha?
5 Bhuku raJoeri rinotiyeuchidza kuti ‘Jehovha ndiMwari ane ngoni, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji.’ (Joe 2:13; Eks 34:6) Jehovha anokurudzira vaya vasisamunamate kuti vadzoke kwaari. Anoda kuvaregerera uye anoda kuvakomborera. (2:12-14, 21) Asiwo Jehovha haazomboregi kuranga vatadzi vasingapfidze uye vaya vanobata vanhu vake zvisina kunaka.—1:15; 3:19.
Zvaunofanira Kuziva Usati Waverenga Bhuku raJoeri
6. Joeri akashanda semuprofita riini uye aiprofita ari kupi?
6 Akanyora: Hatina zvakawanda zvatinoziva nezvemuprofita Joeri, kunze kwezita rake iro rinoreva kuti “Jehovha ndiMwari.” Joeri akanyora nezveJudha, Jerusarema uye temberi, zvichiratidza kuti anenge aigara muJerusarema uye akaprofita ari muJudha. (1:9, 14; 2:17, 32; 3:1, 2, 16-20) MuMagwaro echiHebheru, bhuku raJoeri rakaiswa pakati pebhuku raHosiya neraAmosi. Izvi zvinogona kunge zvichireva kuti Joeri akashumira semuprofita panguva imwe chete naHosiya naAmosi, mumakore ekuma800 B.C.E. Amosi akapedza kunyora bhuku rake munenge muna 804 B.C.E. Paakanyora bhuku rake, kunenge kuti akatora mamwe mashoko mubhuku raJoeri. (Joe 3:16; Amo 1:1, 2) Kana zvakadaro, Joeri ndiye akatanga kunyora uprofita hwake, Amosi asati anyora bhuku rake. Joeri anogona kunge akapedza kunyora bhuku rake munenge muna 820 B.C.E. Kana zviri izvo, zvinogona kureva kuti Joeri akatanga kuprofita, Jona paakanga achiri kushandawo semuprofita.
7. Joeri akanyora nezvei uye akazvinyora sei?
7 Zvaiitika pakanyorwa bhuku iri: Muna 820 B.C.E., Uziya (uyo anonziwo Azariya) ndiye aiva mambo weJudha. “Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha,” uye panguva yaaitonga, vaJudha vakakunda muhondo dzakawanda uye vainge vakabudirira mune zveupfumi. (2Mak 26:3-14) Asi vanhu vakawanda muumambo hwacho vainamata zvidhori. (2Mad 15:1-4) Saka zvakanyorwa naJoeri zvainyatsoenderana nezvaiitika panguva iyoyo. Akakurudzira vanhu kuti vapfidze zvivi zvavo uye vatange zvakare kunamata Jehovha nenzira yaanoda. (2:1, 12) Paakanyora bhuku rake, Joeri akashandisa mashoko aibudisa mafungiro aJehovha uye kuti ainzwa sei nezvaiitwa nevaJudha. Joeri aidzokorora pfungwa dzinokosha dzaaida kusimbisa. Uye akashandisa mienzaniso inodzidzisa yaiva nyore kuyeuka. Izvi zvinooneka paaitaura nezvechiratidzo chemhashu dzakawanda dzakapinda munyika dzikadya zvese zvaivamo. (1:4, 6; 2:7) Kunyange zvazvo Joeri akanyora nezvekurangwa kwaizoitwa vanhu naJehovha, zvaakanyora zvinotikurudzira. Nei tichidaro? Nekuti zvinoratidza kuti Jehovha anodzivirira vashumiri vake vakatendeka paanenge achiranga vaya vanomupikisa.
Pfupiso Yebhuku Racho
8. Chii chinoitwa nemhashu dzinoonekwa naJoeri muchiratidzo?
8 Mhashu dzinodya zvirimwa zvese munyika yacho. (1:1–2:11) Joeri anotsanangura chiratidzo chinotyisa chaakaona chemhashu dzakaparadza zvirimwa zvese zvaiva munyika yacho. Vanhu vanosara vasina kana zvekudya zvekuti vanotadza kana kupa zvibayiro paimba yaJehovha. Mhashu dzacho dzinofananidzwa nerudzi “rune simba uye rusingaverengeki” uyewo neuto rinoita zvinenge zvataurwa naMwari ‘pazuva raJehovha.’—1:6; 2:11; ona bhokisi rakanzi 29-B.
9. Jehovha akaudza vanhu vake kuti vaitei?
9 Jehovha anokurudzira vanhu vake kuti vapfidze zvivi zvavo uye kuti vadzoke kwaari. (2:12-32) Kana vakapfidza zvivi zvavo achavanzwira tsitsi orega kuvaranga. Achavakomborera nekuvaregerera uye achadurura mweya wake pavari.
10. Jehovha achaitei kune vaya vanobata vanhu vake zvisina kunaka?
10 Jehovha anotaura kuti acharanga marudzi asiri kubata vanhu vake zvakanaka. (3:1-21) Mwari achadzosa vanhu vake kuJudha nekuJerusarema. Achaunganidza marudzi ‘kubani raJehoshafati,’ obva amaranga ikoko. Bani iri rinonziwo “bani rekutongwa.” (3:12, 14) Mashoko ekupedzisira mubhuku racho anoti: “Jehovha achagara muZiyoni.” (3:21) Mashoko iwayo anoita kuti vanhu vaMwari vave nechokwadi chekuti Jehovha achavakomborera uye achavadzivirira.
Zvandadzidza Mubhuku raJoeri
1. SWEDERA PEDYO NAJEHOVHA
a. Pana Joeri 2:11-13 Jehovha anoti: ‘Asi kunyange iye zvino dzokai kwandiri.’ Mashoko iwayo anotidzidzisei nezvaJehovha?
b. Zvinotaurwa pana Joeri 2:13 zvinokuswededza sei pedyo naJehovha?
2. WEDZERA KUNZWISISA ZVIRI MUBHAIBHERI
a. Zvinoitwa nemhashu dzinobhururuka dzakawanda zvinotibatsira sei kunzwisisa uprofita hwaJoeri? (1:4; ona bhokisi rakanzi 29-B.)
b. Kuzadzika kwakaita vimbiso yaJehovha yekuti aizodurura mweya wake pavanhu vake kunosimbisa sei kutenda kwako? (Joe 2:28-32; Mab 2:16-21)
3. UNGAZVISHANDISA SEI MUUPENYU HWAKO?
a. Tinofanira kuita sei kuti tipone ‘pazuva raJehovha’? (Joe 2:12, 13, 32; enzanisa na1VaT 5:2-6.)
b. Verenga Joeri 2:23-26. Mavhesi aya anoratidza sei kuti Jehovha ndiMwari anopa? Tingamutevedzera sei?
4. ZVII ZVIMWE ZVAWADZIDZA KUBVA MUBHUKU raJOERI?