Kutyirei Mwari, Kwete Vanhu?
“KUTYA munhu kunouyisa musungo; asi ani naani unovimba naJehovha, uchachengetwa.” (Zvirevo 29:25) Naawa mashoko chirevo chakare chinotisvinudzira kurudzi rworutyo urwo zvamazvirokwazvo rwuri chepfu yendangariro—kutya munhu. Irwo runofananidzwa nomusungo. Neiko? Nemhaka yokuti mhuka duku, yakafanana nembira, haibetseri apo inobatwa mumusungo. Inoda kutiza, asi musungo unoibata zvisina tsitsi. Nyajambwa, chaizvoizvo, anoshaiswa simba.
Kana isu tikabatwa nokutya munhu, takafanana zvikuru nembira iyoyo. Tingaziva chatinofanira kuita. Tingatoda kuchiita. Asi rutyo runotibata muuranda. Tinokuvadzwa ndokusakwanisa kuita chinhu.
Musungo Wokutya Munhu
Funga nezvemienzaniso yomunguva dzeBhaibheri yaavo vakabatwa nomusungo worutyo. Mumazuva aJoshua, varume 12 vakatumwa kundosora nyika yeKanani pamberi pevhozhokero yakarongwa yavaIsraeri. Vasori vakadzokera uye vakashuma kuti nyika yakanga yakaibva uye yakapfuma, seizvo chaizvo Mwari akanga ataura. Asi gumi vavasori vakavhundutswa nesimba ravagari vemo. Nokudaro, vabatwa nokutya munhu, ivo vakapa mushumo wakakatutsirwa pamusoro pesimba iri kuvaIsraeri ndokuparira rudzi rwose kubatwa norutyo. VaIsraeri vakaramba kuteerera murairo waMwari wokupinda muKanani nokutora nyika. Somuuyo, mukati mamakore 40 akatevera, vagari vakuru vechirume vose venguva iyeyo, kunze kwavashomanene, vakafira murenje.—Numeri 13:21–14:38.
Jona akanga ari mumwe nyajambwa wokutya munhu. Apo akagoverwa kundoparidzira kuguta guru reNinevhe, iye “wakasimuka achida kutizira Tarshishi abve pamberi paJehovha.” (Jona 1:3) Neiko? VaNinevhe vaiva nomukurumbira wokuva vanhu vane utsinye navane masimba masimba, uye Jona zvamazvirokwazvo aiziva izvozvi. Kutya munhu kwakamuparira kudzokera nenzira iri kure neNinevhe. Nokudaro, iye pakupedzisira akagamuchira mugove wake asi bedzi pashure pokugamuchira chirango chechienzi kuna Jehovha.—Jona 1:4, 17.
Kunyange madzimambo angatya vanhu. Pane imwe nhambo, Mambo Sauro akasateerera zvakananga murairo wakajeka wakabva kuna Mwari. Pembedzo yake? “Ndakadarika murairo waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera manzwi avo.” (1 Samueri 15:24) Mazana amakore akati gare gare, apo Jerusarema rakanga richidenhwa navaBhabhironi, Jeremia, muporofita akatendeka, akapa zano Mambo Zedhekia rokutera nokudaro ndokudzivisira Jerusarema kudeurwa kukuru kweropa. Asi Zedhekia akaramba. Neiko? Iye areurura kuna Jeremia, achiti: “Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKardhea, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka.”—Jeremia 38:19.
Pakupedzisira, kunyange muapostora aigona kutya. Pazuva Jesu aifanira kufa, iye akanyevera vateveri vake kuti vaizomusiya vose. Petro, zvisinei, akati noushingi: “Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.” (Ruka 22:33; Mateo 26:31, 33) Mashoko iwayo akabvumikisa kuva asina kururama sei! Maawa mashomanene chete gare gare, Petro akaramba norutyo kuva aiva naJesu kana kuti kunyange kumuziva. Kutya munhu kwakamukurira! Hungu, kutya munhu zvamazvirokwazvo ichepfu yendangariro.
Ndiani Watinofanira Kutya?
Tinogona sei kukurira kutya munhu? Kupfurikidza nokukutsiva norutyo rwakanaka kwazvo. Rudzi urwu rworutyo rwakakurudzirwa nomuporofita mumwe cheteyo, Petro, paakati: “Ityai Mwari.” (1 Petro 2:17) Ngirozi yakaonwa naJohane muchiono yakadanidzira kurudzi rwomunhu, ichiti: “Ityai Mwari, mumurumbidzei.” (Zvakazarurwa 14:7) Mambo akachenjera Soromoni akakurudzira rutyo rwakadaro, paakati: “Mhedziso yenhau, chinhu chiri chose zvachanzwiwa, ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi ndokuchengeta mirairo yake. Nokuti uyu ndiwo musengwa wose womunhu.” (Muparidzi 12:13, NW) Hungu, kutya Mwari ndiwo musengwa.
Kutya Mwari kunounza betsero. Wezvamapisarema wakare akaimba, achiti: “Zvirokwazvo kuponesa kwa[Jehovha] kuri pedyo navanomutya.” (Pisarema 85:9) Chimwe chirevo cheBhaibheri chinosimbisawo, kuti: “Kutya Jehovha kunowedzera mazuva.” (Zvirevo 10:27) Hungu, kutya Jehovha chinhu chakanaka, chinobetsera. ‘Asi zvirokwazvo,’ ungadaro, ‘Jehovha ndiMwari ane rudo. Tinofanirireiko kutya Mwari worudo?’
Kutya Mwari Worudo Here?
Nemhaka yokuti kutya Mwari hakusi rutyo rwakaipa, runokuvadza urwo runobata vanhu mumigariro yakati. Irwo rudzi rworutyo urwo mwana anganzwa nokuda kwababa vake, kunyange zvazvo iye achida baba vake uye achiziva kuti baba vake vanomuda.
Kutya Mwari chaizvoizvo ruremekedzo rukuru rwoMusiki urwo runobva mukuziva kuti iye mufananidzo wakakwana wokururama, ruramisiro, uchenjeri, uye rudo. Irwo runobatanidza kuzeza kwakanaka kwokutsamwisa Mwari nemhaka yokuti iye ndiye Mutongi Mukuru ane simba rokutusa nokuranga. “Zvinotyisa kuwira pamaoko aMwari mupenyu,” akanyora muapostora Pauro. (VaHebheru 10:31) Rudo rwaMwari harusi chimwe chinhu chinofanira kurerutswa, uyewo rutongeso rwake harusi chimwe chinhu chinofanira kubviswa. Ndokusaka Bhaibheri richitiyeuchidza, kuti: “Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha.”—Zvirevo 9:10.
Tinofanira kuyeuka, zvisinei, kuti nepo Jehovha ane simba rokuranga avo vasingamuteereri—uye akaita saizvozvo kazhinji kazhinji—iye haasati achitongoda kuteura ropa kana kuti ane utsinye. Iye chaizvoizvo ndiMwari worudo, kunyange zvazvo iye, kufanana nababa ane rudo, pane dzimwe nguva achishatirwa zvakarurama. (1 Johane 4:8) Ndokusaka kumutya kwakanaka. Kunotitungamirira kuteerera mitemo yake, iyo yakagadzirirwa zvakanaka zvedu. Kuteerera mitemo yaMwari kunounza mufarwa, nepo kusaiteerera nguva dzose kuchiunza miuyo yakashata. (VaGaratia 6:7, 8) Wezvamapisarema akafuridzirwa kuzivisa, kuti: “Ityai Jehovha, imi vatsvene vake; nokuti vanomutya havana chavanoshaiwa.”—Pisarema 34:9.
Ndiani Waunotya?
Kutya Mwari kunotibetsera sei kukurira munhu? Eya, vanhu vangatinyomba kana kuti kunyange kutitambudza nokuda kwokuita chiri chakarurama, uko kunoisa dzvinyiriro patiri. Asi kutya Mwari kwokuremekedza kuchaisa dzvinyiriro patiri kunamatira munzira yakarurama, sezvo tisingadi kumutsamwisa. Uyezve, rudo rwaMwari ruchatikusvudzira kuita chinounza mufarwa kumwoyo wake. Mukuwedzera, tinoyeuka kuti Mwari anotitusa zvikuru nokuda kwokuita chiri chakarurama, uko kunotiita timude zvikuru kwazvo uye kunotiita tide kuita kuda kwake. Nokudaro, murangariro wakadzikama waMwari unotibetsera kukurira rutyo rupi norupi rwatingava narwo rwavanhu.
Somuenzaniso, vazhinji vanodzvinyirirwa kupinda mukuita chiri chakaipa nemhaka yokutya izvo vaenzani vavo vanofunga. Vanhu vaduku kuchikoro vangasvuta, kushandisa mutauro wakashata, kudada nevatano (chaiyoiyo kana kuti inofungidzirwa), uye kunyange kuedza zvinodhaka kana kuti mirimo. Neiko? Kwete nguva dzose nemhaka yokuti vanoda kudaro, asi nemhaka yokuti vanotya izvo vaenzani vavo vangataura kana vakaita zvakasiana. Kuwechiduku, nyombo nokuseka zvingava zvakaoma kutsungirira sechitambudzo chomuviri.
Mukuru anganzwawo dzvinyiriro yokuita chakaipa. Zvichida bhasi pabasa achaudza mushandi kuwedzera chikwerete kukasitoma kana kuti kuzadza fomu romutero rehurumende nokusatendeseka nokuda kwokuderedza kubhadhara mutero. MuKristu angarangarira kuti kana asingateereri, angarasikirwa nebasa rake. Nokudaro, kutya munhu kungamudzvinyirira kuita chiri chakaipa.
Muzvinoitika zvose zviri zviviri, kutya Mwari kwakanaka nokuremekedzwa kwemirairo yake kwaizodzivisa muKristu kukuvadzwa nokutya munhu. Uye rudo rwaMwari rwaizomudzivisa kupinda mumabasa ayo Mwari akarambidza. (Zvirevo 8:13) Uyezve, kutenda kwake muna Mwari kwaizomuvimbisa kuti kana akaita mukuwirirana nehana yakarovedzwa neBhaibheri, Mwari aizomutsigira pasinei zvapo nomuuyo. Muapostora Pauro akaratidzira kutenda kwake naawa mashoko: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.”—VaFiripi 4:13.
Bhaibheri rinogovera mienzaniso yakawanda yavarume navakadzi vakanga vakatendeka kuna Jehovha kunyange mumiedzo yakakomba zvikurusa. Ivo “vakaidzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, . . . vachisungwa, vachiiswa mutorongo. Vakatakwa namabwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaurawa nomunondo.” (VaHebheru 11:36, 37) Asi ivo havana kubvumira kutya munhu kudzora ndangariro dzavo. Panzvimbo pezvo, ivo vakaronda nzira imwe cheteyo yokuchenjera iyo Jesu akapa vadzidzi vake gare gare, inoti: “Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye [Mwari] unogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena.”—Mateo 10:28.
Kutevera iri zano raJesu rokutya Mwari panzvimbo pavanhu kwakagonesawo maKristu apakuvamba kutsungirira mutoo uri wose wenhamo, muedzo, uye zvitambudzo “nokuda kwamashoko akanaka.” (Firemoni 13, NW) Muapostora Pauro muenzaniso wakatanhamara waikoku. Mutsamba yake yechipiri kuvaKorinte, iye anoratidza kuti kutya Mwari kwakamushingisa sei kutsungirira tongero dzomutorongo, kurohwa, kutakwa namabwe, kupunzikirwa nechikepe, ngozi dzakasiana-siana mumugwagwa, usiku hwokusavata, nzara, nyota, kutonhorwa, uye kushaya zvokupfeka.—2 VaKorinte 11:23-27.
Kutya Mwari kwakasimbisawo maKristu apakuvamba iwayo kutsungirira chitambudzo chakakomba muUmambo hweRoma, apo vamwe vakatokandirwa kuzvikara munhandare. MuMiddle Ages, vatendi vakashinga vakapiswa pachena kusvikira kurufu nemhaka yokuti havasati vaizobvumiranisa pane zvisino kufanira kutenda kwavo. Mukati mehondo yenyika yokupedzisira, maKristu akada zvawo kutambura ndokufira mumisasa yechibharo panzvimbo pokuita zvinhu zvaitsamwisa Mwari. Kutya kwoumwari isimba rine simba rakadini! Zvirokwazvo, kana iko kwakasimbisa maKristu kukurira kutya munhu mumigariro yakakomba yakadaro, kungagona kutisimbisa mumugariro upi kana upi watingazviona timene tiri mauri.
Nhasi, Satani Dhiabhorosi ari kuita zvose zvaanogona kutidzvinyirira kupinda mukusafadza Mwari. MaKristu echokwadi anofanira naizvozvo kuva nokutsunga kumwe cheteko souko kwakaratidzirwa nomuapostora Pauro paakanyora, kuti: “Isu hatisi rudzi runodzokera shure, asi rudzi rune kutenda kunotungamirira kukuponeswa kwomweya.” (VaHebheru 10:39, NW) Kutya Jehovha manyuko chaiwoiwo esimba. Nebetsero yako, isu “tinotsunga mwoyo, tichiti: ‘[Jehovha, NW] ndiye mubatsiri wangu, handingatyi; munhu ungandiiteiko?’”—VaHebheru 13:6.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kutya Mwari kwakashingisa Pauro kutsungirira zvinhu zvose, kubatanidza kurohwa, kuiswa mutorongo, uye kunyange kupunzikirwa nechikepe.—2 VaKorinte 11:23-27