“Zvibatei Nomutoo Wakafanira Mashoko Akanaka”
“Zvibatei bedzi nomutoo wakafanira mashoko akanaka pamusoro paKristu.”—VAFIRIPI 1:27, “NW.”
1. Chinoitika chemisi ichangobva kupfuura iyi muNew York City chakanyandura tsinhiroi dzakanaka dzakabva kuna meya? (VaRoma 13:3)
“ZVAPUPU zvinopfuura 1 000” zvakauya kuCity Hall muManhattan yezasi pana September 29, 1988, yakashuma kudaro The New York Times. Ivo vakauya kuzotsigira rumbidzo yechivako yaizotongwa pamberi peBoard of Estimate yeguta. Kunyange zvazvo rumbidzo yokubvumidza chivako chitsva chokugara padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha yakarambwa, meya “akarumbidza Zvapupu se‘zvakatsvinda zvikuru kwazvo’ uye akati izvo zvaifanira ‘kuyemurwa chaizvoizvo.’”
2. Tsika dzeZvapupu dzakasiana munzirai, uye neiko?
2 Kazhinji kazhinji, apo vanhu vanopfuura chiuru chimwe vanoungana pamwe chete kuzoratidza kutsigira donzo risingadiwi, chii chinogona kukarirwa? Kusaidzira, mhere, kunyange kuratidzirwa kwesimba chairo namasimba masimba hazvisi zvisingazivikanwi navose. Neiko Zvapupu zvakasiana? Imhaka yokuti izvo zvinoziva kuti panguva dzose mufambiro wazvo unotapura chitendero chazvo. Izvo zvinoyeuka zvakanaka zano rapaMagwaro, rinoti: “Mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira, kana vachiona mabasa enyu akanaka.”—1 Petro 2:12.
Tsika Dzakaisvonaka Dzinorumbidza Jehovha
3. Tsika dzedu dzinoita basai mukukudza Jehovha?
3 Kurumbidza Jehovha Mwari nomufambiro wakaisvonaka nenzira yakajeka rutivi rwomutoro wedu wechiKristu. (Mateo 5:16) Mufambiro wakaisvonaka, chokwadika, unobatanidza zvinhu zvakawanda—somuenzaniso, kutendeseka, kubishaira, uye tsika dzakanaka. Zvisinei, aya mavara anowanzoongwa bedzi naavo vanosanotiziva kana kuti tinobata navo nguva dzose, zvakadai seshamwari dzedu, hama dzokunyama, vashandirwi, vashandi biyedu, uye vadzidzisi. Zvakadiniko nezvavoruzhinji vavanhu vatinongova bedzi neonano yokukurumidza navo? Apa ndipo apo tsika dzedu dzinoshanda. Nokuti kufanana nebutiro rinokwezva iro rinowedzera kufadza kwechipo chinokosha, tsika dzakanaka dzinoita kuti chatinofanira kupa chive chinofadza zvikuru. Mamwe mavara akaisvonaka echiKristu api naapi atingava nawo kana kuti vavariro dzedu dzingayemurika sei, dzichaita zvakanaka zvishomanene kana tsika dzedu dzakashata. Naizvozvo tsika dzedu dzinogona sei kuunza mbiri kuna Jehovha?
4. Tinofanira kupa ngwariro kutsika dzedu munzvimboi dzoupenyu?
4 “Zvibatei bedzi nomutoo wakafanira mashoko akanaka,” anodaro Pauro. (VaFiripi 1:27, NW) Ikoku, chokwadika, kunobatanidza ushumiri hwedu hwapachena. Asi mufambiro wedu netsika panzvimbo yedu yokunamata, munharaunda medu, kubasa, muchikoro, hungu, murutivi rwuri rwose rwoupenyu hwedu, unewo chokuita chakananga nokubudirira kwoushumiri hwedu. “Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa,” anonyora kudaro Pauro. (2 VaKorinte 6:3) Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti tiri kushandisa zano iroro? Chii chatinogona kuita kubetserana, zvikurukuru vaduku vari pakati pedu, kuratidzira tsika dzechiKristu panguva dzose?
PaHoro yoUmambo
5. Chii chatinofanira kuziva patinenge tiri paHoro yoUmambo?
5 Horo yoUmambo inzvimbo yedu yokunamatira. Tiripo pakokero yaJehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Mupfungwa iyoyo, tiri vashanyi paimba yaJehovha. (Pisarema 15:1; Mateo 18:20) Ko iwe uri mushanyi akanaka here apo unouya kuHoro yoUmambo? Kuti tive vakadaro, tinofanira kuratidza rangariro yakafanira noruremekedzo kwete bedzi nokuda kwomukoki asiwo nokuda kwavamwe vashanyi. Ikoko kunobatanidzei?
6. (a) Kunonoka nguva dzose kumisangano kunoratidza kushaikwa kwechii? (b) Chii chinogona kuitwa kukurira chinetso chacho?
6 Kutanga, kune nhau yokusvika nenguva. Sezvinobvumwa hakusi nyore nguva dzose kuita saizvozvo. Vamwe vanogara kure; vamwe vane mhuri navana vokugadzirira. Nhamburiko yavanoshandisa yokuuya kumisangano yechiKristu nguva dzose inorumbidzwa zvirokwazvo. Kwakacherechedzwa, zvisinei, kuti vamwe vakapinda mutsika yokunonoka kusvika nokuda kwemisangano. Chii chavanogona kuita kururamisa ikoku? Munhu anofanira kutanga kuziva kuti kunonoka nguva dzose kumisangano yechiKristu hakuratidziri nguva dzose kushaikwa kwokunzwisisa ukoshi hwemisangano. Vamwe vanononoka vanonokazve vanoratidzika kuva vanofarikanya misangano zvikuru somunhu upi noupi zvake—vakangosvikako bedzi. Panzvimbo pezvo, chinetso chingabva mukuronga kwakashata nokushaya kurangarira maKristu biyavo. Chimwe chezvikonzero tinopangirwa ‘kusarega kuungana kwedu timene pamwe chete’ ndechokuti tigo“rangarirana nokunyandurira kurudo namabasa akaisvonaka.” (VaHebheru 10:24, 25, NW) Hatitongogoni kuita saizvozvo kana, nguva nenguva, tichinonoka kusvika nokudaro ndokuparira kutsausa kana kuti vhiringidzo. Kuti tirege kunonoka, nyanzvi dzinokarakadza, kuti tinofanira kuvavarira kusvika pachine nguva mberi zvikuru panzvimbo pokuvapo panguva chaipo. Ko iwe unodikanirwa kushandisa ikoku here?
7. Tsanangura icho kupa ngwariro kumisangano kune chokuita netsika dzakanaka.
7 Tsika dzakanaka dzinoda kuti tipe ngwariro yedu kuvanhu pavanotaura kwatiri. (Zvirevo 4:1, 20) Ikoku kunoshandawo kumisangano yechiKristu, apo vashumiri vaMwari vanotaura kuti vape chipo chomudzimu chokutivaka. Kwaizova chaizvoizvo kuratidza kwedu tsika dzakaipa zvikuru kana tikakotsira, tikaita taitazve kazevezeve kumunhu akagara pedyo nesu, kutsenga chingamu kana kuti zviwiti, kurava mamwe mashoko, kana kuti kutarisira zvimwe zvinhu mukati momusangano. Erihu muduku haasati bedzi akagara nenzira yokushivirira muhurukuro refu dzakaitwa naJobho neshamwari nhatu asiwo “akaramba achiteerera” izvo vaitaura uye “akachengeta ngwariro [yake] yakatendeudzirwa” kwavari. (Jobho 32:11, 12, NW) Tsika dzakanaka dzechiKristu dzichatisunda kuratidza ruremekedzo rwakafanira nokuda kwomukurukuri neshoko rake rakavakirwa paBhaibheri kupfurikidza nokumupa ngwariro yedu isina kukamuraniswa netsigiro.
8. Tinoratidza sei kuti tiri vadzidzi biyavo vaJesu Kristu?
8 Pamberi napashure pemisangano, tsika dzechiKristu dzinobatanidza kuva kwedu nefariro yokushingaira muvamwe vari paHoro yoUmambo. Pauro akataura kuti mitezo yakazodzwa yeungano yechiKristu “haisati ichasiri vaenzi navagari vokumwe, asi . . . mitezo yeimba yaMwari.” (VaEfeso 2:19, NW) Ko iwe unobata Zvapupu biyako savaenzi uye sevekumwe kana kuti semitezo yemhuri imwe cheteyo here? Kwaziso youshamwari, kubata ruoko kunodziya, nyemwerero yomutsa—zvose zvinhu zviduku, zvichida, asi izvo rutivi rwoufakazi hwokuti tiri vadzidzi biyavo vaJesu Kristu. Kana tichiita zviito zvakadaro patinosangana navaenzi, hatifaniri kuita saizvozvo here “zvikurukuru kuavo vane ukama nesu mukutenda”?—VaGaratia 6:10, NW.
9. Vana vanogona sei kudzidziswa kuratidza fariro muvanhu kunze kwaavo vezera ravo vamene?
9 Ko vana vanogona kudzidziswa here kuratidza rudzi urwu rwefariro muvanhu kunze kwaavo vezera ravo vamene? Vamwe vakuru vangarangarira kuti vana vanofanira kuenda ndokutamba neshamwari dzavo duku pashure pokugara kweawa imwe kana kuti maviri vachiteerera pamisangano. Asi Horo yoUmambo haisi nzvimbo yokutambira. (Muparidzi 3:1, 17) Apo mumwe mukomana ane makore mana nehafu okukura akabvunzwa nomudzidzisi wake kuti aiva navakoma nehanzvadzi vangani, iye akapindura, achiti: “Kune vakawanda kwazvo zvokuti handigoni kuvaverenga vose.” Gare gare, apo vabereki vakamubvunza pamusoro paikoku, mukomana akatsanangura, kuti: “Handizivi kuti ndine vakoma nehanzvadzi ngani. Apo ndinoenda kuHoro yoUmambo, kune vakawanda kwazvo.” Kwaari, vose vanopinda vakoma vake nehanzvadzi.
Muushumiri Hwedu Hwapachena
10. Muraidzoi wakabva kuna Jesu unogona kutibetsera ku“zvibata nomutoo wakafanira mashoko akanaka” tiri muushumiri hwedu?
10 Kuti “zvibatei nomutoo wakafanira mashoko akanaka” nenzira yomuzvarirwo kunobatanidza ushumiri hwedu hwapachena. Tinofanira kurangarira kuti chatinacho ishoko rine rugare, uye tsika dzedu dzinofanira kukuratidzira. (VaEfeso 6:15) Muraidzo unobva kuna Jesu ndouyu: “Kana muchipinda mumba muikwazise. Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo.” Kupfurikidza nokuva vane mbavarira, vane ushamwari, uye vanoremekedza, tinoita kuti saimba azive kuti tine fariro yake yechokwadi pamwoyo. Padzimwe nguva, kunyanguvezvo, munhu watinosangana naye pasuo angava asina ushamwari, kunyange anokakavara. Ko tichakangaidzwa here ndokuvamba kuzvibata nomutoo wakafanana? Cherechedza izvo Jesu akapfuurira kutaura: “Asi kana [imba] isina kufanira, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.” (Mateo 10:12, 13) Tsika dzedu pasuo nguva dzose dzinofanira kukodzera “ushumiri hweyananiso.”—2 VaKorinte 5:18, NW.
11. Mutoo wedu womupfekero nechitarisiko chomunhu oga zvinotapura sei basa redu savashumiri vaMwari?
11 Tsika dzedu dzinotaura pamusoro pedu mudzimwe nzirawo. Somuenzaniso, ko chitarisiko chedu chomunhu oga chakakodzera basa redu somushumiri weShoko raMwari here? Zvakadiniko nomudziyo watinoshandisa—bhegi ramabhuku, Bhaibheri, uye mabhuku eBhaibheri? Munyori wenhau dzomupepanhau anopa vanhu vebhizimisi iri zano: “Pfekerai bhizimisi, kwete pati, kuunganawo zvako kana kuti chinoitika chemitambo.” Neiko? Nemhaka yokuti mupfekero wako nechitarisiko chomunhu oga “ishoko renzanga iro rinopa vanhu vakapoteredza mashoko pamusoro pokuti uri ani uye uri chii uye paunokodzera munhevedzano yezvinhu.” Naizvozvo patinoita “bhizimisi” redu roushumiri, mupfekero wedu nechitarisiko zvinofanira kusava zvouyanga kana kuti zvisina kutsvinda, uyewo zvokusanyanyisa kana kuti zvisina mwero, asi nguva dzose “zvakafanira mashoko akanaka.”—Enzanisa na 1 Timotio 2:9, 10.
12. Tsika dzakanaka dzinogona sei kuratidzwa pamusoro pamaruramiro asaimba nezvinhu?
12 Kunyange zvazvo tichifanira kuva “nguva dzose vakagadzirira kuita dziviriro” yamashoko akanaka, tsika dzakanaka dzechiKristu dzinoda kuti tiite saizvozvo “nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15, NW) Ikoko kunobatanidza kuremekedza maruramiro asaimba nezvinhu. Ko tinoronga here mubato wedu kuitira kuti tigoshanyira paawa ine mufungo? Ko takasvinurira here kucherechedza kana tiri kudzongonyedza bhizimisi riri madikanwa kana kuti basa? Ko tine rupo here mukushandisa mashoko akadai sa“Ndinga?” “Ndapota,” uye “Mazviita”? Ko tinoedza here kupinza saimba mukurukurirano, kana kuti tinoidzora kutyira kuti tingasapedza zvatakagadzirira kutaura?
13. Enzanisira kuti tsika dzakaisvonaka muushumiri dzinowanzounza sei miuyo yakanaka.
13 Tsika dzakanaka, pamwe chete neitiro hanya yapachokwadi yomunhu oga, kazhinji kazhinji zvinozarurira nzira uchapupu hwakaisvonaka. Ichi ndicho chikonzero nei vana vane tsika dzakanaka kazhinji kazhinji vachiwana ngwariro nefariro dzavanasaimba uko vakuru vangakundikana kuita saizvozvo. Chapupu chine makore 13 okukura muMexico chakasangana nomumwe musikana muduku uyo aida kufunda. Zvisinei, musikana wacho akati aizofanira kuita saizvozvo baba vake vasingazivi pamusoro pako. Asi muparidzi muduku akarangarira kuti, muchinoitika chino, nokuda kwokuremekedza baba, iye amene anofanira kuwana mvumo yake. Naizvozvo iye akazvipira kutaura nababa ndokumuudza kuti izvo vakanga vachizofunda zvakanga zvichikosha zvikuru. Achiona kuti hanzvadzi duku yaikoshesa sei uye achinzwisisa kuti iye akanga auya zvakanaka kwaari, iye akati: “Kana zvamuri kuzofunda zvichikosha kwazvo, ipapo mhuri yangu yose inofanira kufunda.” Muuyo wakanga uri wokuti uyu ane makore 13 okukura akatanga fundo yeBhaibheri nemhuri yose, kubatanidza mwanakomana akaroora nomudzimai wake navamwe vana vakura.
Tsika Dzakanaka Dzinovamba Pamusha
14. Tsika dzakanaka dzinovambira kupi, uye chinhui chinoita basa rinokosha?
14 Tsika dzakanaka dzeZvapupu zviduku dzinowanzova umboo hwakaisvonaka kurovedzo iyo ivo sezviri pachena vanogamuchira pamusha. Zvamazvirokwazvo, tsika dzedu iratidzirwo yenzira yedu youpenyu. Nokuda kweichi chikonzero, mukupesana neizvo vamwe vangafunga, tsika dzakanaka dzinofanira kuva nenzvimbo inokosha pamusha. Muna ikoku, somumamwe mativi oupenyu hwemhuri, muenzaniso wavabereki ndowoukoshi hukurusa. (2 Timotio 1:5) Kuudza vana kuti, “Itai sezvandinotaura, kwete sezvandinoita” zvamazvirokwazvo hakusi nzira yokuvadzidzisa tsika. Udzame husingaverengeki hwetsika dzakanaka hunodzidzwa, kwete chete nomuraidzo womuromo, asi nokucherechedza nokutevedzera. “Vabereki havasati vari vadzidzisi vakurusa bedzi; ivo mienzanisowo, nokuti vana vedu vanodzidza kupfurikidza nokutevedzera nzira dzedu,” anodaro Beverley Feldman, munyori weKids Who Succeed. Rudzii rwetsika runoona vana vako mauri?
15. Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo kutanga miitiro youpenyu hwose yetsika dzakanaka?
15 “Madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu” ndiro zano reBhaibheri. (VaEfeso 6:4, NW) Kunotsamwisa uye kunokangaidza kuti vana vaudzwe kuti vanofanira kuva nomutsa navanorangarira, asi vachiona vabereki vavo vachiitirana nharo, vachiita makuhwa, vachiita nokuvirima, kana kuti kusatana kukangaidzwa. Ko ivo vanogona kushorwa here kana vakaita nomutoo mumwe chetewo? Pane rumwe rutivi, rugwaro runopfuurira, kuti: “Asi pfuurirai kuvarera mukuranga nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” Uye ikoko kunobatanidza zvinokosha zvetsika dzakanaka, zvakadai sokuti, “Kaziwai,” “Ndapota,” “Mazviita,” uye “Ndine urombo,” kuratidza ruremekedzo nokuda kwavakura, uye kugoverana zvinhu navamwe. (Revhitiko 19:32; VaRoma 16:3-7) Aya mavara akadzidzwa pamusha mukati mouhwana achava oukoshi kwoupenyu hwose.—Zvirevo 22:6.
16. Inhamburikoi dzinodikanwa, nemiuyoi?
16 Naizvozvo vabereki navana zvakafanana vanofanira kushandisa tsika dzakanaka sorutivi rwomuitiro wavo wezuva nezuva panzvimbo pokumira kutozosvikira panguva chaiyo yakati. Mukuita saizvozvo, vabereki vanofanira kuva vanoshivirira navanotsungirira zvikanganiso izvo vana vanosungirwa kuita. Itai kuti vazive kuti mufambiro wavo wakaisvonaka unoreva zvakawanda sei kwauri, uye kurumidza kurumbidza fambiro mberi yavanoita. Chokwadika, ikoku kunoda nhamburiko huru kwamuri. Asi Magwaro haana here kutaura kuti kuroverera nheyo dzoumwari muvana kunofanira kuitwa “ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka”? (Dheuteronomio 6:7) Kuita saizvozvo kunoparira mugariro woushamwari nowakanaka pamusha, uko kunoita zvakawanda mukutarisira vana venyu sezvavanokura kuva vakuru vanobetsera, vanoitira hanya, uye vane tsika. Ipapo ivo vachava manyuko erumbidzo norukudzo kwamuri nokuMusiki wavo, Jehovha Mwari.
Vanhu Vane Tsika Dzakanaka
17. Chii chinocherechedzwa paHoro dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha?
17 “Zvapupu zvinopfuura 1 000” zvakaungana kunze kweCity Hall muNew York City masikati iwayo aSeptember zvakangoratidzira zvazvo pamwero muduku nzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvinozvibata nayo pahwaro hwenguva dzose. Kune imwe nzvimbo, mumwe murume akauya kuHoro yoUmambo kwenguva yokutanga ndokuti pashure pacho: “Ndakasangana navanhu vane rudo zvapachokwadi zvikuru, vaenzi chaivo, muzuva rimwe kupfuura vandakanga ndisati ndambosangana navo muchechi mandakarererwa.” Muuyo wacho? “Kwakanga kuri pachena kuti ndakanga ndawana zvokwadi,” iye akadaro. Uyu murume akachinja mararamire ake, uye mwedzi minomwe gare gare akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye akabhapatidzwa.—Enzanisa na 1 VaKorinte 14:25.
18. Mupimo wetsika dzakanaka weZvapupu zvaJehovha wakatapura sei vokunze?
18 Mupimo weZvapupu wetsika nomupfekero pakokorodzano dzazvo dzorudzi nedzamarudzi ose wave uri nhau yetsinhiro yakanaka. Panhambo imwe yakadaro misi ichangobva kupfuura iyi muJapan, mutungamiriri womubhazi rokuchakaira akati: “Sezvo imi vanhu makabuda mubhazi, mumwe nomumwe wenyu, kubatanidza vaduku, pasina kundikano akati kwandiri, ‘Tinokutendai zvikuru.’ Ikoko kwakandifadza zvikuru!” Paimwe kokorodzano, murindiri wapachiteshi chechitima chapedyopo akaudza chimwe Chapupu, kuti: “Kwakanga kuri ngwavaira yakanyongana apo musangano wakapfuura wavanhu 12 000 wakaitirwa paOsaka Castle Hall.” Asi iye akapfuurira kuti: “Imi vanhu mune nhevedzano chaizvoizvo, uye tinosununguka. Tapota ipai kuonga kwedu kuno upi noupi anotarisira.”
19. Mumwe nomumwe wedu anofanira kusarudza kuitei pamusoro petsika?
19 Chii chinoratidza tsinhiro dzakadaro? Kuti Zvapupu zvaJehovha zvose hazvo zvino“zvibata nomutoo wakakodzera mashoko akanaka.” Zvakadiniko nesu somunhu mumwe nomumwe? Savana vanotarira kuna baba vane rudo, tose zvedu, vaduku navakuru, ngatitarirei kuna Baba vedu vokudenga, Jehovha, kuti tigodzidziswa kuva vanhu vane tsika dzakanaka, kunyange munyika isina tsika.—Dheuteronomio 8:5; Zvirevo 3:11, 12.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko tsika dzakanaka dzichidikanwa sorutivi rwomufambiro wakaisvonaka?
◻ Itsikai dzakaisvonaka dzakafanira panzvimbo yedu yokunamatira?
◻ Tsika dzakanaka dzinogona sei kuratidzirwa muushumiri hwomumunda?
◻ Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo kutanga tsika dzakanaka?
◻ Mupimoi wakakwirira wetsika watinofanira kuedza kutsigira?