Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kudikanwa Kwomunyengetero Nokuzvininipisa
PAMBERI pezvi, apo iye akanga ari muJudhea, Jesu akataura muenzanisiro pamusoro poukoshi hwokuva wenguva dzose mumunyengetero. Zvino, parwendo rwake rwokupedzisira kuJerusarema, iye anosimbisa zvakare kudikanwa kwokusarega mukunyengetera. Jesu zvimwe achiri muSamaria kana kuti Garirea apo anoudza vadzidzi vake uyu mumwe muenzanisiro:
“Mune rimwe guta makanga muno mumwe mutongi, wakanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu. Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichiuya kwaari, ichiti: ‘Ndiruramisire kumuvengi wangu.’ Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumwoyo make: ‘Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu; iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzouya pashure indirove kumeso.’”
Jesu ipapo anotaura kushanda kweiyi nhau, achiti: “Inzwai zvinorehwa nomutongi usakarurama. Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku, kunyange achinonoka pamusoro pavo here?”
Jesu haasati achireva kuti Jehovha Mwari akambofanana nomutongi iyeyo asina kururama. Panzvimbo pezvo, kana kunyange mutongi asina kururama achagamuchira teterero dzenguva dzose, hakufaniri kuva nepanikiro yokuti Mwari, uyo akarurama chose uye akanaka, achapindura kana vanhu vake vakasarega mukunyengetera. Naizvozvo Jesu anopfuurira, achiti: “Ndinoti kwamuri: [Mwari] uchakurumidza kuvaruramisira.”
Ruramisiro inowanzonyimwa vakaderera navarombo, nepo vane simba navapfumi vachiwanzonzwirwa nyasha. Mwari, zvisinei, haasati bedzi achizova nechokwadi chokuti vakaipa vanorangwa zvakarurama asiwo kuva nechokwadi chokuti vabatiri vake vanobatwa nenzira yakarurama kupfurikidza nokuvapa upenyu husingaperi. Asi vanhu vangani vanodavira zvakasimba kuti Mwari achaparira ruramisiro kuti iitwe nokukurumidza?
Achinongedzera zvikurukuru kukutenda kune ukama nesimba romunyengetero, Jesu anobvunza, achiti: “Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?” Kunyange zvazvo mubvunzo uchisiiwa usina kupindurwa, kushanda kungava kwokuti kutenda kwakadaro hakusati kwaizova kwavose apo Kristu anosvika musimba roUmambo. Bva, hatigoni kugumisa kuti hakusati kwaizovapo. Ko iwe uri kukushandisa here?
Pakati paavo vari kuteerera Jesu pana vamwe vanonzwa vane chokwadi chose mukutenda kwavo. Ivo vanovimba navo vamene kuti vakarurama, uye vanozvidza vamwe. Ivava vangatobatanidza vakati vavadzidzi vaJesu. Naizvozvo iye anonangidzira muenzanisiro unotevera kuvakadaro:
“Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera, mumwe ari muFarise, mumwe ari muteresi. MuFarise akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva akati: ‘Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo. Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’”
VaFarise vakakurumbira nokuda kwokuratidzira kwavo pachena kururama kuti vaorore vamwe. Mazuva enguva dzose okuzvinyima zvokudya kwavo Mivhuro neZvina, uye ivo vanobhadhara nokungwarira chegumi kunyange chemiti miduku yomusango. Mwedzi mishomanene pamberi pezvi, kuzvidza kwavo vanhuwo zvawo kwakanga kwaoneka mukati moMutambo waMatumba apo ivo vakati: “Vanhu ava vazhinji, vasingazivi murairo [ndiko kuti, dudziro yavaFarise inopiwa kwauri] vakatukwa.”
Achipfuuridzira muenzanisiro wake, Jesu anotaura nezvomunhu “akatukwa” akadaro, achiti: “Asi muteresi wakamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chipfuva, akati: ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!’” Nemhaka yokuti muteresi abvuma nokuzvininipisa zvikanganiso zvake, Jesu anoti: “Ndinoti kwamuri: Uyo akaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuura uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa, nomumwe nomumwe, unozvininipisa, uchakudzwa.”
Nokudaro Jesu anosimbisa zvakare kudikanwa kwokuzvininipisa. Zvavakarererwa muchaunga umo vaFarise vanozviruramisa vane pesvedzero kwazvo uye nzvimbo zvichisimbiswa nguva dzose, hakushamisi kuti kunyange vadzidzi vaJesu vanotapurwa. Bva, zvifundo zvakaisvonaka zvakadini mukuzvininipisa Jesu akadzidzisa! Ruka 18:1-14; Johane 7:49.
◆ Neiko mutongi asina kururama achibvuma chikonzero chechirikadzi, uye chidzidzoi chinodzidziswa nomuenzanisiro waJesu?
◆ Kutendai uko Jesu achatsvaka apo anosvika?
◆ Ndikuna vanaani uko Jesu anonangidzira muenzanisiro wake pamusoro pomuFarise nomuteresi?
◆ Chimiroi chavaFarise chinofanira kudziviswa?