Rugare—Zvokwadi
VASHOMANENE vangatsoropodza pfungwa dziri seri kwenhamburiko dzeChibatanwa chaMarudzi dzokuwana rugare. “‘Ngatipfurei Minondo Kuva Miromo Yamapadza’ inodaro nharidzano yeChibatanwa chaMarudzi yorugare rwenyika,” inodaro “The World Book Encyclopedia,” ichiwedzera, “Chibatanwa chaMarudzi chine nharidzano mbiri huru: rugare nechiremera chomunhu.”
Runyoro rwuri pasi pomufananidzo unoratidzwa pano runotaura namamwe mashoko mashoko ouporofita hweBhaibheri huri pana Isaya ganhuro 2, ndima 4. Iwo anorava, mukuwirirana neshanduro yazvino uno:
“Uye ivo vachafanira kupfura minondo yavo kuva miromo yamapadza uye mapfumo avo kuva zvisanzauriso.”
Aya mashoko akaisvonaka anofanira zvirokwazvo kuva akakurudzira nyika dzemitezo yeCM kuwana rugare rusingagumi nokukanda zvombo pasi. Asi, nenzira inosuruvarisa, chibviro chokutangwa kwacho pamugumo wehondo yenyika yechipiri muna 1945, nhau yeCM yakazivisa zvakapesana. Neiko? Zvikurukuru nemhaka yokuti mashoko ari pamusoro apa anokorwa muna Isaya haagoni kuparadzaniswa, sezvaakaitwa nehurumende dzavanhu. Mashoko akapoteredza anokosha zvikuru. Rangarira chikonzero nei.
Shoko raIsaya
Isaya akanga ari muporofita. Iye anotaura nezvechiono chine mbiri chetsinhirano norugare nokuda kwavanhu vamadzinza ose. Kuti ichi chiono chive zvokwadi, vanhu vanofanira kuita chimwe chinhu. Chiiko? Kurangarira revo Isa 2 yendima 2 ne 3 sezvo dzine chokuita Isa 2 nendima 4.
“[2] Uye kunofanira kuitika murutivi rwokupedzisira rwamazuva kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa zvakasimba pamusoro pamakomo, uye richasimudzirwa zvamazvirokwazvo pamusoro pezvikomo; uye marudzi ose anofanira kudirana kwariri. [3] Uye marudzi mazhinji achaenda zvomenemene achiti: ‘Uyai, imi vanhu, ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; uye iye uchatiraidza pamusoro penzira dzake, ndizvo tichafamba mumakwara ake.’ Nokuti mutemo uchabuda muZioni, neshoko raJehovha richabuda muJerusarema. [4] Uye achaita zvamazvirokwazvo rutongeso pakati pamarudzi nokururamisa zvinhu pamusoro pamarudzi mazhinji. Uye vachafanira kupfura minondo yavo vachiiita miromo yamapadza namapfumo avo vachiaita zvifuro zvokusanzaurisa. Rudzi haruzati ruchizosimudzira rumwe rudzi munondo, uyewo havazati vachizodzidzazve hondo.”
Kutanga, tinofanira kubvuma kuti Musiki wedu, Jehovha, ane maruramiro okutiraidza “pamusoro penzira dzake,” idzo, seizvo Isaya akanyora gare gare, ‘dzakakwirira zvikuru kupfuura nzira dzedu.’ (Isaya 55:9) Vanhu vazhinji, zvikurukuru vatungamiriri venyika vanozvikoshesa, vanowana ikoku kuri chinhu chakaoma kubvuma. Nzira dzavo vamene bedzi dzakarurama mumeso avo vamene. Zvisinei, idi rokuti nzira dzavo hadzina kutungamirira kurugare rwenyika nokukanda zvombo pasi zvirokwazvo rinoratidza kusava namaturo kwokupfuurira kutevera nzira yakadaro.
Kechipiri, cherechedza chishuvo chinodikanwa chechokwadi chavanhu chokuwirirana nemitemo yaMwari: “Tichafamba mumakwara ake.” Minondo ichapfurwa kuva miromo yamapadza uye mapfumo kuva zvifuro zvokusanzaurisa pamwero wenyika yose bedzi pahwaro ihwohwo. Nharidzano inoshuviwa yakadaro inombogona sei kuwanwa?
Muraidzo Woumwari
Vanhu vazhinji vane kopi yeBhaibheri, bhuku iro rine miraidzo yaJehovha Mwari, asi zvakawanda zvinodikanwa kupfuura kungova naro chete. Isaya anotaura kuti mutemo waJehovha namashoko zvinobva mu“Jerusarema.” Ikoko kunorevei? Muzuva raIsaya, guta chairoiro rakanga riri manyuko esimba roumambo kwariri vaIsraeri vose vakatendeka vaitarira. (Isaya 60:14) Gare gare, panguva yavaapostora vaJesu Kristu, Jerusarema rakanga richiri nzvimbo yapakati yemiraidzo yaibva kumutumbi unodzora wechiKristu muguta iroro.—Mabasa 15:2; 16:4.
Zvakadiniko nezvanhasi? Cherechedza kuti Isaya anotangira shoko rake nokutaura kwokuti: “Kunofanira kuitika murutivi rwokupedzisira rwamazuva.” Dzimwe shanduro dzinoti: “Mumazuva okupedzisira.” (New International Version) Ufakazi hunopiwa nguva dzose mumapeji amagazini ino hwokutsigira kuti tave tichirarama mumazuva okupedzisira eiyi nhevedzo yenyika yazvino chifo cha 1914. Naizvozvo, chii chatinofanira kukarira kuona, mukuwirirana nendima 3 ne 4?
Boka guru ravanhu vasati vachadzidzazve hondo uye vakatopfura “minondo yavo kuva miromo yamapadza.” Uye tinovaona! Varume, vakadzi, uye vana vanosanopfuura mamirioni 3,5 vamarudzi ose munyika dzinopfuura 200 vakakumbanira mubvumirano yavose, vachirarama norugare nomumwe nomumwe uye vachiparidzira shoko reBhaibheri rorugare kuvavakidzani vavo. Ivo vanozivikanwa munyika yose seZvapupu zvaJehovha.
Ivo vane Mutumbi Unodzora wazvino uno wavarume vakura vechiKristu vanobva mumativi akasiana-siana apasi avo vanopa tarisiro inodikanwa kumibato yenyika yose yavanhu vaMwari. Ava varume, kufanana navaapostora navarume vakuru vaiva muJerusarema muzana rokutanga ramakore, mitezo yakazodzwa yeboka romuranda akatendeka naakangwara rakagadzwa naJesu kutarisira fariro dzose dzoUmambo hwake pano pasi pano. Nhau yakabvumikisa kuti ivo vanogona kuvimbwa kutevera nhungamiro yomudzimu mutsvene uye kuti havavimbi nouchenjeri hwavanhu mukudzidzisa boka raMwari nzira dzorugare rwechokwadi.—Mateo 24:45-47; 1 Petro 5:1-4.
Kunamata Kwechokwadi
Inopfuura zivo yomumusoro kana kuti kunyange chishuvo chokurarama mukuwirirana nemiraidzo youmwari chinobatanidzwa mukurarama norugare. Kuzvipira kwomwoyo nokunamatwa kwoMusiki wedu, Jehovha, zvinokosha, seizvo Isaya anojekesawo.
Muporofita wacho anotaura kuti “gomo reimba yaJehovha richasimbiswa zvakasimba pamusoro pamakomo” uye “kusimudzirwa pamusoro pezvikomo.” Munguva dzakare, makomo nezvikomo zvaibatira senzvimbo dzokunamata zvidhori uye nzvimbo tsvene dzavamwari venhema. Apo Mambo Dhavhidhi akaunza Areka inoyera kutende yaakanga amisa paGomo reZioni (Jerusarema), mamita 760 pamusoro pomwero wapasi, iye sezviri pachena akanga achiita nenhungamiro youmwari. Gare gare, apo tembere huru yaJehovha yakavakwa paGomo reMoria, shoko rokuti “Zioni” rakasvika pakubatanidza nzvimbo yetembere, naizvozvo tembere yakafarikanya ukwiriri hwakakwirira kupfuura uhwo hwenzvimbo dzechihedheni dzakapoteredza. Jerusarema rimene rakanziwo “gomo dzvene” rake; nokudaro, kunamatwa kwaJehovha kwakaramba kuri panzvimbo yakakwirira.—Isaya 8:18, 66:20.
Naizvozvo nhasi, kunamatwa kwaJehovha Mwari kwazova kwakasimudzirwa kufanana negomo rokufananidzira. Utanhamari hwako ndehwokuti vose vaone, sezvo kwakaita chimwe chinhu chisina rumwe rudzidziso rwakakwanisa kuita. Chii ichocho? Kwakabatanidza vanamati vose vaJehovha, avo vakapfura nomufaro minondo yavo kuva miromo yamapadza uye vasiri kudzidzazve hondo. Mipingo yorudzi neyedzinza haisati ichavakamuranisa. Ivo vanorarama savanhu vakabatana, sangano, kunyange zvazvo vakapararira mumarudzi ose enyika.—Pisarema 33:12.
Nguva Yechisarudzo
Kwose ikoku kunokutapura sei? Mashoko omumwe muporofita wechiHebheru akafanira zvikurusa, anoti: “Mapoka, mapoka ari mumupata wechisarudzo, nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wechisarudzo.” (Joere 3:14, NW) Inguva inokosha yechisarudzo nokuda kworudzi rwose rwomunhu, kudzidza nzira dzorugare rwechokwadi pasimba raMwari kana kuti zvimwe kupfuurira kupa tsigiro kuupenyu hwezvombo huchakurumidza kuguma.
Jesu akadeya kutaura kuti basa guru rokuparidzira raizoitwa muzuva redu. Kuparidzira ikoko kune chokuita na“mashoko akanaka” okuti Umambo hwaMwari huchaunza rugare kupasi rino rasakadzwa nehondo. (Mateo 24:14, NW) Gore rapera fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzenguva dzose dzinosanopfuura mamirioni matatu dzakaitiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yose. Dzimwe dzeidzi fundo dzevhiki nevhiki dzaiva navanhu vamwe navamwe, asi dzakawanda dzakaitwa namapoka emhuri. Mamirioni avana nomutoo iwoyo ari kupiwa tariro yechokwadi yenguva yavo yemberi, uye vabereki vavo vanowana vimbiso yokuti hondo, dzakafanana neidzo ivo vakapupurira uye zvimwe kunyange kugoverana madziri, hadzizati dzichizova rutivi rwenyika itsva inoitwa naJehovha Mwari.
Iyoyo ichava nyika yakadini yokuvimbana norugare! Hamusati muchizova nedikanwo yokuzvidya mwoyo pamusoro pokukanda zvombo pasi, sezvo zvombo zvehondo zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. Uye kuonga kwose kuna Jehovha, “Mwari anopa rugare,” uyo anotiraidza norudo zvino kuti tigogadzirira kurarama upenyu zvakazara muUmambo hwake hwokururama.—VaRoma 15:33, NW.