Mireniyumu Huru Yosvika
“Uye ini ndakaona zvigaro zvoumambo, uye pakanga pana vakagara pazviri, uye simba rokutonga rakavapiwa. Hungu, ini ndakaona mweya yaavo vakaurawa nedemo nokuda kwouchapupu hwavakapa kuna Jesu uye nokuda kwokutaura pamusoro paMwari, uye avo vakanga vasina kunamata chikara kana kuti mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira chiratidzo pahuma yavo naparuoko rwavo. Uye ivo vakava vapenyu ndokutonga samadzimambo naKristu kwamakore ane chiuru.” “Uye [Mwari] achapukuta musodzi uri wose pamaziso [orudzi rwomunhu], uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 20:4; 21:4, “NW.”
NOKUDARO Bhaibheri rinodeya kutaura mireniyumu huru yosvika—Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu neboka ravasonganiri ramadzimambo okudenga. Zvichida iwe unodisa kudzinga uporofita ihwohwu senyengedzowo zvayo, chisingawanwi. Kunyanguvezvo, pane chikonzero chikuru chokuti urangarire iyi Mireniyumu sechinhu chaichoicho chinouya!
Kutanga, kufundwa kweBhaibheri kuchazivisa kwauri kuti rakabata namamireniyumu matanhatu apfuura enhau yavanhu nenzira yakavimbika zvinoshamisa. Kupfuurirazve, Bhaibheri ibhuku rouporofita, uye chiverengero chikuru chokudeya kutaura kwaro, kana kuti mauporofita, chakatozadzikwa muudzame huri hwose.a Ikoko zvakwakadaro, neiko Bhaibheri risingavimbiki mukudeya kutaura Mireniyumu yosvika yokutonga kwaKristu? Iwe ungashamisika, kunyanguvezvo, neicho Bhaibheri rinotiudza pamusoro penhambo iyoyo yenguva. Iyo ichabatira donzoiko? Uye kwefariro chaiyo kwauri, ichatapura seiko upenyu hwako?
Nhaka Yakaraswa
Bhaibheri rinoratidza kuti Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu inzira yake yokupfuudza nayo nhaka inokosha zvikurusa ku“vana” vake. Asi nhakaiko? Uye “vanai”? Nhaka ingarondedzerwa sechimwe chinhu chinopfuudzirwa kuvana vomunhu parufu rwake. Apo mukare wedu Adhama akabvumikisa kuva asingateereri Mwari, akazvirasira amene navana vake vose—dzinza rose ravanhu—maruramiro okuupenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Adhama nokudaro akapfuudza nhaka yechivi, rufu, uye nhamo kuvazukuru vake.—Genesi 3:1-19; VaRoma 5:12.
Jesu akauya kupasi munyama kuzowanisa rudzi rwomunhu nhaka Adhama akarasa. Iye akaita ikoku kupfurikidza nokubvumikisa kuva akatendeka kuna Jehovha Mwari, kupa nokudisa upenyu hwake nokuda kworudzi rwomunhu. (Johane 3:16) Kupfurikidza nokurarama upenyu hwakakwana, husina chivi, Jesu akawana maruramiro okuupenyu husingaperi hwakakwana muParadhiso pasi pano—chinhu chimene Adhama akarasa. Zvisinei, Jesu haana kutongoshandisa maruramiro iwayo; uyewo haana kuarasa apo akafa uye akamutsirwa kuupenyu mudenga. Iye naizvozvo aigona kuashandisa senhaka inokosha yokupfuudzira ku“vana” vake.—VaRoma 5:18, 19.
Vagari Venhaka—“Vana” vaKristu
Pana Isaya 9:6 (NW), Jesu anonzi nenzira youporofita “Baba Asingagumi.” Iye anova Baba Asingagumi wenyika yakadzikinurwa yorudzi rwomunhu, achikwanisa kupfuudzira nhaka kuava vakadzikinurwa, kana kuti vana vakagamuchirwa. (Mateo 20:28; onawo Pisarema 37:18, 29.) Ikoku kunoratidzwa zvakajeka muchipikirwa chake: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka umambo hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.” Iye akatizve: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka pasi.”—Mateo 5:5; 25:34, NW.
Kuti pasi rive nhaka yakafanira, zvisinei, migariro inofanira kuchinjwa zvikuru—kusvitswa kukukwana! Inofanira kuva nyika umo rugare rwakakwana netsinhirano zvinodzora pakati pezvisikwa zvose zvaMwari. (Isaya 11:6-9) Chisaririra chiri chose chokusakwana kwavanhu chinofanira kubviswa, kubatanidza rufu. (1 VaKorinte 15:25, 26) Ikoku kunoreva kuti vakafa, avo vari rutivi rworudzi rwomunhu rwakadzikinurwa, vanofanira kumutswa. Neiyi nzira bedzi ivo vanogona kuva nebanza rokuva vagari venhaka vaKristu!—Johane 5:28, 29.
Nokudaro, Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu kuchava nhambo inofadza umo rudzi rwomunhu pashoma napashoma “runosunungurwa mukuiswa muuranda kukuora” uye runosvika kukwana. (VaRoma 8:21, NW) Nenzira inofadza, kunyange manyuko enyika anoziva ikoku sedonzo remireniyumu. Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary (chinyorwa cha 1985) chinorondedzera “mireniyumu” se“nhambo yomufarwa mukuru kana kuti kukwana kwavanhu.”
Kupfuura Kutonga kwaSoromoni
Iyi Mireniyumu ine mbiri inogona kufananidzwa nokutonga kwaMambo Soromoni kuno rugare nokunobudirira kwamakore 40 pana Israeri wakare. (1 Madzimambo 4:24, 25, 29) Apo mambokadzi weShebha akashanyira Mambo Soromoni, akati: “Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri rezvokwadi. Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuunzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa. Varume venyu vane mufarwa, navaranda venyu ava vane mufarwa, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu!”—1 Madzimambo 10:6-8.
Kana rugare, budiriro, uye uchenjeri zvokutonga kwaMambo wapasi Soromoni kwamakore 40 zvakapfuura, hungu, zvakapfuura nakakapetwa ruviri, kariro dzamambokadzi weShebha, ipapo Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaSoromoni mukuru, Mambo wokudenga, Jesu Kristu, kuchapfuura zvirokwazvo fungidziro yavanhu! Mumashoko aJesu amene, iye “chimwe chinhu chinopfuura Soromoni.” (Mateo 12:42, NW) Edza kuisa muchiono migariro yakanaka zvikurusa, inobudirira, ino rugare, yakarurama, uye inofadza pasi pano yaunogona kufungidzira, uye hausati uchizokwanisa kunzwisisa kunyange chikamu chiduku cheicho Mireniyumu yaKristu inacho.
Kuitikira Panguva Imwe Cheteyo neMireniyumu Yechitatu Here?
Zvinoitika zvenyika chibviro cha 1914 zvinoratidza kuti tiri kurarama mu“mhedziso yetsika yezvinhu.” Jesu akataurazve kuti chizvarwa chakabatanidzwa neizvi zvinoitika zvakadeya kutaurwa “hachisati [chaizo]pfuura kutozosvikira zvinhu izvozvi zvose zvaitika.” Ikoku kunoreva here, ipapo, kuti Kutonga kweMireniyumu kwaKristu kuchaitikira panguva imwe cheteyo nemireniyumu yechitatu?—Mateo 24:3-21, 34, NW.
Jesu akanyevera vadzidzi vake kusafungidzira. Iye akati: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.” (Mabasa 1:7) Uye pamusoro pe“zuva nenguva” chaizvoizvo apo izvi zvinoitika zvaizoitika, Jesu akataura kuti Baba vake bedzi, Jehovha Mwari, vaiziva. (Mateo 24:36) Nokudaro, Bhaibheri harizi mutsigiri wavapi navapi vechiverengero chinokura zvino chavaporofita vezuva rorutongeso namasangano zvinonongedzera pakati pousiku chaipoipo pamberi peGore Idzva, 1999, somugumo wenyika.
Zvisinei, zvinoitika zvenyika zvazvino zvinoratidza zvakajeka kuti nguva yomugumo wetsika ino yakasviba, yakaipa yezvinhu “yaenda chaizvoizvo” uye kuti Mireniyumu yaKristu “yaswedera pedyo.” (VaRoma 13:12) Panzvimbo pokufungidzira zuva chairoiro nenguva zvokusvika kwaikoku, zvino yava nguva yokupinza zivo yezvinodikanwa zvaMwari zvokupukunyuka. (Johane 17:3) Neiyi nzira iwe unogona kudzidza nzira yokuva nayo pakati paavo Jesu achati kwavari: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka umambo hwakagadzirirwemi kubva pakuvambwa kwenyika.” (Mateo 25:34, NW) Zvapupu zvaJehovha zvinodisa uye zvinokwanisa kukubetsera kuva pakati paavo vachafarikanya zvikomborero zveMireniyumu huru iri kuuya.b
[Mashoko Omuzasi]
a Ona chinyorwa chinonzi The Bible—God’s Word or Man’s?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena inogona kurongwa nokunyorera vabudisi vamagazini ino.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
“Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka umambo hwakagadzirirwemi kuvambira pakuvambwa kwenyika”