Nzira Iyo Jehovha Anobudiririsa Nayo Basa Rake
MUMAKUMI amakore achangobva kupfuura aya Zvapupu zvaJehovha zvakawana kukura kunoshamisa. Mumakore gumi apfuura chete, zvakakura kubva paungano 42 600 kusvikira kuhwerengedzo ye 60 192 munyika 212. Nemhaka yaikoku, vamwe vakabvunza, kuti: Basa reZvapupu rinowanirwa sei mari? Watch Tower Society inofara kupindura uyu nemimwe mibvunzo inowirirana muiyi nyaya.
Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa kupa chegumi here?
Aiwa. Muna Israeri wakare, kupa chegumi kwairairwa muMutemo waMosesi nokuda kwokutsigira vashandi vaMwari vapatembere, vaRevhi navaprista. (Numeri 18:21, 24-29) Ava vaisava neminda yedzinza kunze kwamaguta akati kuti, naizvozvo vaida iyi tsigiro chaiyo. Mukuwedzera, vaIsraeri vakatendeka vakanga vakasununguka kuti vape mipiro yokuzvidira nokuda kwamabasa chaiwo, akadai sokuvakwa kwetabhernakeri uye, gare gare, tembere.—Eksodho 25:1-8; 1 Makoronike 29:3-7.
Zvisinei, apo Jesu akafa, Bhaibheri rinotaura kuti “akaparadza . . . Murairo wezvakarairwa pazvirevo.” (VaEfeso 2:15; VaKorose 2:13, 14) Namamwe mashoko, mumeso aMwari Mutemo wakanga usati uchasunga pavaJudha kana kuti maKristu. Nokudaro, pamwe chete namamwe mativi oMutemo, akadai sezvibairo zvenguva dzose patembere, kupa chegumi kwakanga kusingachadikanwi kuvakatendeka.
Pakati pamaKristu, kupa kunosundwa norudo, kwete mutemo. Muapostora Pauro akatsanangura nheyo yacho paaironga kuunganidzwa kwezvinhu nokuda kwamaKristu anoshaiwa aiva muJudhea. Iye akati: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu anopa nomufaro.” (2 VaKorinte 9:7) Uyu muitiro wapaMagwaro wokupa nokuzvidira unoshandiswa neZvapupu zvaJehovha.
Munotendeukira kumadyo okuwana mari, emvuropo dzokuisa mari, kutsvaka mari, uye nzira dzakafanana dzokuwana mari here?
Aiwa, maKristu echokwadi haafaniri kumanikidzwa kana kuti kufumbwa muromo kupinda mukupa kupfurikidza nokuita kuti mibairo iturikwe pamberi pavo. Mapoka orudzidziso ayo anotendeukira kumutambo wokubhejera, misika, madhaiza, kufara, kuripisa zvigaro zvomuchechi, kana kuti kupfuudzwa kwendiro dzokuunganidzira mari kunoratidza kuti haana kupa vanhu vawo zvokudya zvomudzimu, nokudaro mudzimu waMwari hausundi vagari vavo vomuruwa kuti vape norusununguko. Zvimwe chetezvi zvinogona kutaurwa nezvaavo vanotendeukira kumuitiro wechinyakare wokupa chegumi.—Mateo 10:8.
Mabasa akadai sokuvakwa kweHoro dzoUmambo itsva nehofisi dzamapazu, pamwe chete nefutunuko yenyu padzimbahwe renyika muBrooklyn napaPatterson, New York, anowanirwa sei mari?
Jehovha anodurura mudzimu wake paZvapupu zvake, achizvigonesa “kuti vaite zvakanaka, vave vapfumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana; vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” (1 Timotio 6:18, 19) Uyu mudzimu unosunda Zvapupu zvaJehovha kutsigira basa roUmambo munzira iri yose.
Somuenzaniso, muna 1989, Zvapupu 3 787 188 munyika 212 zvakapedzera maawa 835 426 538 mukudzidzisa Shoko raMwari kuvamwe. Uye zvakaitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzenguva dzose 3 419 745 vanhu vanofarira. Ndyiko dzipi nedzipi dzakawanwa mubasa irori dzakabhadharwa navanhu vamwe navamwe vanoriita. Jehovha akatusa basa rorudo irori newedzero yeZvapupu zvichangobva kubhapatidzwa 263 855.
Mudzimu wakafanana wokupa unosunda Zvapupu navanhu vanofarira kutsigira basa racho nemari. Kunze kwokubetsera kuripira ndyiko dzenguva dzose dzeungano yavo yomunzvimbomo, vanotsigira basa ripi neripi rokuvaka ringava riri madikanwa, zvakadai sokugadziridza kana kuti kukudza Horo yavo yoUmambo kana kuti Horo yeGungano kana kuti kuvaka itsva. Gore rimwe nerimwe, nemhaka yokukura kunokurumidza, chiverengero chikuru cheHoro dzoUmambo chinofanira kuvakwa, dzimwe dzichitodya mazana ezviuru amadhora. Ndyiko yaidzodzi inobhadharwa neZvapupu zvomunzvimbomo kupfurikidza nemipiro yazvo yokuzvidira nebasa.
Uyezve, munyika zhinji zvivako zvamapazu zvokutsikirira nehofisi pamwe chete nezvivako zvokugara zvaifanira kuwedzerwa—kana kuti zvitsva zvakavakwa—kugovera pokugara vashandi vakawedzerwa uye zvivako zvinodikanwa nesangano riri kukura. Ikokuwo kunotsigirwa nemipiro yokuzvidira nokushanda, samabasa okuvaka nokugadziridza muBrooklyn uye muPatterson, New York. Uko zvinobvira, Zvapupu zvomunzvimbomo zvinowanira mari basa rokuvaka. Mune zvimwe zvinoitika, Watch Tower Society inoronga kuti mapazu agamuchire betsero—muzvose zviri zviviri mumari uye muchimiro chavashandi vano unyanzvi—kubva mudzimwe nyika. Nokudaro, munhungamiro yeSosaiti, “kuenzana” kunoitika.—2 VaKorinte 8:14.
Nei musina zvipatara kana kuti makiriniki ndokupinda mubasa rokubetsera namamwe mabasa omunzanga sezvinoita mapoka amarudzidziso akawanda?
Zvapupu zvaJehovha zvinoita chimwe chinhu nokukurumidza kungozi pashure pehondo kana kuti ngwavaira yomusikirwo apo zvinogona. Kutaura idi, kazhinji kazhinji zviri pakati pavokutanga pachinoitika chacho nezvokudya, zvipfeko, uye vazvipiri vokubetsera nokuvakazve. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha hazvina zvipatara kana kuti makiriniki, uyewo hazvina bato rokudzima mwoto kana kuti mapurisa, zviriwo nokuda kwokuchengetedza upenyu.
Izvo vashumiri vakazvitsaurira veevhangeri, uye mugove wazvo kuparidzira nokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose nokuda kwouchapupu mugumo usati wasvika. (Mateo 24:14) Sokutaura kwakaita Jesu, kucheka kukuru uye vashandi vashoma. Kwaizova kusingakanganwirwi kuregeredza iri basa rinokosha zvikuru nokuda kwokuita mimwe mibato, zvisinei nokuti inorumbidzwa sei.—Mateo 9:37, 38.
Sezvakunoitika, chiverengero chakati kuti cheZvapupu zvaJehovha ndivanachiremba, vakoti, uye vabetseri vomuzvipatara. Asi zvinorangarira iri basa serokuwedzera kubasa razvo rokutanga, ushumiri hwechiKristu.
Vapi navapi vavatarisiri veWatch Tower Society kana kuti mitezo vanoita mari mumubato wenyu mukuru wokutsikirira here?
Zvamazvirokwazvo, aiwa! Nomutemo, Sosaiti isangano risingawani mhindu. Hapana vane masitoko, hapana mari inogoveranwa, kwete kunyange mibhadharo. Mushumiri mumwe nomumwe ari padzimbahwe, kubatanidza purezidhendi weSosaiti uye vatungamiriri, akaita mhiko yapamutemo yourombo. Anogamuchira zvokudya, pokugara, uye tarisiro yokurapwa iri madikanwa, pamwe chete nemari shoma inoripwa nokuda kwendyiko duku. Kana Chapupu chikafamba pabasa reSosaiti, ndyiko dzacho dzokufamba dzinowanzofukidzwa.
Mukuwedzera, hapana kupi nokupi munyika uko vashumiri vedu vanochaja nokuda kwokuchatisa, kubhapatidza, kana kuti kuitisa mariro. Uye hapana mari yokupinda kana kuti mari inounganidzwa pahurukuro dzavose kana kuti kokorodzano.
Sezvo ndiro dzokuunganidzira mari dzisingatongopfuudzwi, ungano dzomunzvimbomo dzinogamuchira sei mipiro yokubhadhara ndyiko dzadzo?
Mabhokisi omupiro anochengetwa muHoro dzoUmambo kuti vanhu vagone kuita mipiro yokuzvidira kana vachida. (2 Madzimambo 12:9) Mipiro yose, pasinei zvapo nokuti mikuru kana kuti miduku, inoongwa. (Marko 12:42-44) Kamwe pamwedzi, mushumiri anotarisira maakaundi eungano anorava sitatimendi pfupi kuungano achivazivisa nezvehwerengedzo yemipiro yakagamuchirwa, ndyiko, uye mipiro yakaitwa neungano kuWatch Tower Society kuti itsigire basa rokuparidzira munyika yose uye dzimwe gadziriro.
Apo vanhu vamwe navamwe vanonzwisisa iyi gadziriro, vakasununguka kutora rutivi kana vachishuva kudaro, mumwe nomumwe “paakawana napo.” (1 VaKorinte 16:2) Uyu ndiwo muitiro uri muimwe neimwe yeungano dzinopfuura 60 000 munyika yose.
PaPentekosta maKristu apakuvamba aigovana zvinhu zvose. Zvapupu zvaJehovha zvinoita ikoku here?
Mugariro wechimbichimbi wakamuka pashure pePentekosta 33 N.V. apo vaJudha vakabva kunzvimbo dziri kure vakanga vachangobva kutendeutsirwa kuchiKristu vakagara muJerusarema kuti vawane imwezve nzwisiso yomudzimu. Vaida pokugara kwechinguvana nezvokudya; nokudaro, maKristu omunzvimbomo akatengesa zvinhu nokuzvidira nokugovana zvakawanwa kuti agovere nokuda kwenhambo yakareba youshamwari. (Mabasa 2:1, 38-47; 4:32-37) Hapana munhu akagombedzerwa kutengesa kana kuti kupa. (Mabasa 5:1-4) Uku kugoverana zvinhu navose kwaisava chikomonizimu, sezvinofungidzira vamwe. Yaingovawo zvayo gadziriro yechinguvana. Apo maKristu akadzokera kumisha yawo amene, yakaguma.
Munodzidzisa here kuti kupa zvinhu zvokunyama mutoo wokuyananisira zvivi?
Nyangwe! Bhaibheri rinoti: “Muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinoora, nesirvheri kana kuti ndarama, pamufambiro wenyu usina maturo wamakasiirwa namadzibaba enyu; asi neropa raKristu, seregwaiana risina charingapomerwa, risino ruvara.”—1 Petro 1:18, 19.
Zvapupu zvaJehovha zvinoisa kutenda muchibairo chorudzikinuro chaJesu nokuda kworuponeso. Hazvipi mipiro yokuzvidira zvichikarira kuti ikoku kuchazviunzira ruponeso. Kunyanguvezvo, zvinoziva kuti mari yakati inodikanwa kuparadzira mashoko akanaka enyika itsva yakarurama yaMwari. (2 Petro 3:13) Uye zvinonzwa kuti kupa mipiro kuiyi ziviso iropafadzo inopiwa naJehovha.
Pakupa mupiro mukuru kutembere yaJehovha iyo mwanakomana wake Soromoni aizovaka, Mambo Dhavhidhi akanyengeterera, kuti: “Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu. . . . Asi ini ndini aniko, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomwoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.”—1 Makoronike 29:11, 14.
Nhasi, Zvapupu zvaJehovha navamwe vanhu vano mwoyo wakarurama vanonzwa nenzira imwe cheteyo Dhavhidhi akanzwa nayo. Vanofara kuva neropafadzo yokupa mipiro yokutsigira basa rokurumbidza Jehovha, vachiziva kuti chinhu chiri chose chavanopa kubasa rake chinobva kwaari. Jehovha anokomborera uyu mudzimu, uye iyi ndiyo nzira yaanobudiririsa nayo basa rake.
[Bhokisi riri papeji 23]
NZIRA IYO VAMWE VANOPA NAYO MIPIRO KUBASA ROUMAMBO
◻ ZVIPO: Mipiro yokuzvidira yemari ingatumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society, 35 Fife Avenue, Harare. Zvinhu zvakadai sedzimba, nenzvimbo pamwe chete namabwe anokosha kana kuti zvimwe zvinokosha, zvinogonawo kupiwa. Tsamba pfupi inodudza kuti zvakadaro chipo chaicho inofanira kuperekedza iyi mipiro.
◻ GADZIRIRO YEMIPIRO INOTSAMIRA PAMUGARIRO: Mari ingapiwa kuWatch Tower Society kuti ichengetwe zvakachengeteka, negadziriro yokuti muchinoitika chokushaiwa kwomunhu wacho, inodzorerwa kumupi.
◻ INISHUWARENZI: Watch Tower Society ingadudzwa somugamuchiri wegadziriro yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mugadziriro inopiwa pakurega basa/mudyandigere. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro dzipi nedzipi dzakadaro.
◻ MATRUST: Mari inochengetwa mubhangi inogona kuiswa mutrust yeSosaiti. Kana ikoku kuchiitwa, tapota zivisai Sosaiti. Masitoko, mabhondi, uye zvinhu zvinogona kupiwawo pasi pegadziriro yokubetsera mupi munguva youpenyu hwake. Uyu muitiro unobvisa ndyiko uye kusava nechokwadi chokunzverwa kworugwaro runotaura zvichaitwa nepfuma yomunhu kana afa, nepo ichiita kuti kuve nechokwadi chokuti Sosaiti inogamuchira zvinhu zvacho kana rufu rwaitika.
◻ MAGWARO ANORATIDZA ZVICHAITWA NEZVINHU ZVOMUNHU PASHURE PORUFU: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society nomutoo worugwaro runoratidza zvichaitwa nezvinhu zvomunhu pashure porufu rwakaitwa nenzira yapamutemo. Kopi inofanira kutumirwa kuSosaiti.
Nokuda kwamashoko akawanda uye zano pamusoro penhau dzakadaro, nyorera Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 35 Fife Avenue, Harare.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Rutivi rwenzvimbo yedzidzo yeBhaibheri yeZvapupu zvaJehovha iri kuvakwa kuPatterson, New York
[Mifananidzo iri papeji 25]
Jehovha anobudiririsa basa rokuvaka kupfurikidza navanhu vake vanoita mipiro yokuzvidira