Kureururwa Kwezvivi—Chimwe Chinhu Chakaipa Here?
“KUREURURA kuchenesa kwomudzimu, nzira yokutanga nayo zvakare, nzira yokuchenesa nayo chiredhi. Ndinoda kuenda kuKureurura, kuudza muprista zvivi zvangu, kumuita kuti andikanganwire nomufaro uyo unotevera.” Anodaro mumwe muKaturike anoshingaira.—Bless Me, Father, for I Have Sinned.
Mukuwirirana neNew Catholic Encyclopedia, “kumuprista oga Kristu akapa kana kuti akaronzesa simba rokusunga nokusunungura, rokukanganwira nokuchengeta” zvivi. Bhuku rimwe chetero renongedzero rinotaura kuti kureurura kwenguva dzose kunorehwa “kudzorera utsvene hwoupenyu hwakaraswa nechivi chinorwadza uye . . . kuchenesa hana yomumwe.” Bva, mugariro wetsika munyika dzakawanda unoratidza kuti kureurura kwenguva dzose hakupariri vazhinji vanokushandisa ku“bva pane chiri chakashata, uye kuita chiri chakanaka.” (Pisarema 34:14, NW) Naizvozvo chimwe chinhu chakaipa here?
Unongova Zvawo Muitiro Here?
Kureurura kungavamba somuitirowo zvawo. MuIreland, kureurura kwokutanga kunouya nokukurumidza pamberi peKominioni yokutanga. Uye kunomboshamisa here kuti musikana ane makore manomwe okukura angafunga zvikuru pamusoro perokwe romwenga rakaisvonaka, duku raachapfeka kupfuura pamusoro po‘kudzorera utsvene hwoupenyu hwakaraswa nechivi chinorwadza’?
“Chinhu chakandifadza zvikurusa rakanga riri rokwe, kunze kwokuwana mari kuhama dzangu dzokunyama,” anobvuma kudaro Ramona, uyo akaita kureurura kwake kwokutanga apo akanga ane makore manomwe. “Pakati pavasikana vose vandaiziva,” iye anopfuurira kudaro, “pakanga pasina kunzwa kwomudzimu. Hapana nomumwe wedu akambofunga pamusoro paMwari panguva yacho.”
Kutaura idi, kugombedzera vana vaduku kureurura zvivi nguva dzose kunogona kutungamirira kukudzokorora kwomuitiro. “Ndaingoshandisa ndashandisa zvakare mitsetse mimwe cheteyo,” anodaro Michael, uyo akavambawo muitiro wokureurura somwana ane makore manomwe okukura.
Tsinhiro dzavaKaturike dzinonokorwa mashoko mubhuku rinonzi Bless Me, Father, for I Have Sinned dzinoratidza kuti kureurura kwaiva noukoshi hushomanene hwomudzimu nokuda kwavo kunyange pashure pokunge vakura. “Kureurura kunokudzidzisa kureva nhema, nemhaka yokuti pane zvimwe zvinhu usingagoni chaizvo iwe umene kuudza muprista,” akabvuma kudaro mumwe munhu. Kushaikwa kwetsinhirano pakati pavaprista kungashandiswa zvisakafanira nokuda kwechirango chiduku. Vamwe vakatsvaka anoreururirwa “akanaka” kuti vawane zano ravaida kunzwa. “Pashure pokutsvaka kwemwedzi mitatu, ndakawana anoreururirwa wangu. Ndinomuona mwedzi uri wose, takatarisana mukamuri reyananiso, uye iye anoshamisa,” akadaro mumwe mukadzi muduku. “Kudai wakanga wakangwara, waiwana muprista aiva matsi uye aisataura chiNgezi kunze kwamashoko a‘vanaRumbidzai Maria vatatu,’” akadaro mumwe muKaturike.
Sezviri pachena, ipapoka, chimwe chinhu chakaipa nokureurura sokunoshandiswa navanhu vakati. Asi Bhaibheri rinoratidzira kuti kune kudikanwa kwokureurura zvivi, nokuti rinoti: “Hakuna munhu anovanza zvivi zvake achabudirira, upi noupi anoreurura uye anozviramba achawana nyasha.”—Zvirevo 28:13, The New Jerusalem Bible.
Ikoku kunoreva here kuti muKristu anofanira kureurura zvivi zvake zvose? Kana kwakadaro, kuna ani? Nyaya inotevera ichanzvera iyi mibvunzo.