Unonzwisisa Sangano Rapasi raJehovha Here?
TARIRA dhaimani rakasanochekwa, rakaisvonaka, uye chii chaunoona? Ibwe rinokosha iro zvirokwazvo riri chinhu chakaisvonaka. Zvino ongorora dhaimani iroro nemaikorosikopo, uye chii chaunoona? Sezvingabvira pane kumara, mitswe, zvinobatira, kana kuti zvimwe zvakaipa.
Ungaparadza kana kuti kurasa dhaimani racho nemhaka bedzi yenzira yarinotarisika nayo here mumaikorosikopo? Nyangwe! Ingobva pamaikorosikopo, uye unogona kungoonga runako norubwinyo rwechienzi zvinoita kuti ritanhamare pakati pamamwe mabwe anokosha.
Kufanana nedhaimani, sangano rapasi raJehovha rakatanhamara munzira dzakawanda. Hakuna rimwe sangano pasi pano rinofarikanya ukama hwapedyo noMusiki. Mutsamba kumaKristu akazodzwa omuzana rokutanga ramakore, ayo aiva netariro yokudenga, muapostora Petro akanongedzera kuukama ihwohwu chaihwo. Iye akati: “Imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu venhaka chaiyo.’” (1 Petro 2:9, NW) Nhasi boka guru ra“mamwe makwai,” rine tariro youpenyu husingaperi pasi pano, vakakumbanira vasara vo“rudzi rutsvene” irworwo mukunamata Mwari. (Johane 10:16) Pamwe chete aya mapoka maviri anoumba sangano rinotanhamara sebwe rinokosha rakaisvonaka nezvinopenya nenzira yechienzi.
Dzivisa Kuona Vamwe Neziso Rokutsoropodza
Asi tinofanira kuziva kuti iri sangano renyika yose rakaumbwa navanhu vasina kukwana. Naizvozvo, chii chingaitika kana tikariona nemaikorosikopo yokufananidzira? Hungu, tingawana kombamiro dzokutadza nezvikanganiso zvohunhu muvanhu vari rutivi rwaro.—VaRoma 3:23.
Muapostora Pauro akabvuma kuti iye aiva nezvikanganiso zvakadaro. Iye akati: “Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.” (VaRoma 7:21) MuKristu ari wose anotambura rwisano imwe cheteyo. Vose vanoita zvikanganiso. Uyezve, pane imwe nguva vazhinji vanotambura nemhaka yezvikanganiso zvomumwe munhuwo zvake. Tinofanira kuodzwa mwoyo here kana kuti kupera mwoyo apo zvakaipa nokusakwana zvamaKristu biyedu zvinoziviswa? Ikoko kunofanira kuderedza kunzwisisa kwedu sangano raJehovha here? Nyangwe! Panzvimbo pezvo, tinofanira kubva pamaikorosikopo, sokunge zvakadaro, uye kurega kunangidzira ngwariro pakusakwana kwavanhu vamwe navamwe.
Magwaro anoronga chiverengero chakati chamavara angazivisa avo mudzimu mutsvene unoshanda pavari. Mamwe awo “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaGaratia 5:22, 23, NW) Mukupesana, masangano orudzidziso, ezvamatongerwe enyika, uye ebhizimisi enyika ino anowanzoratidzira ayo Bhaibheri rinonongedzera kwaari samabasa enyama: “kuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugodorana, nokubatwa, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai.” (VaGaratia 5:20, 21) Nokudaro, kufanana nedhaimani rinopenya pakati pamabwewo zvawo, vanhu vaJehovha vanotanhamara pakati penyika yakaipa mumudzimu.—Mateo 5:14-16.
“Kubatanidzwa Zvakafanira Mundangariro Imwe Cheteyo”
Rutivi rumwe rwakatanhamara rwedhaimani mugadzirirwo waro weatomic wakabata, wakabatanidzwa zvakasimba. Nenzira yakafanana, sangano rapasi raJehovha rinoratidzira chinzwano chisina muenzaniso mudzidziso nomuuhama. Avo vari rutivi rwesangano iroro vanoshandisa zano rinowanwa muBhaibheri pana 1 VaKorinte 1:10 (NW), iro rinoti: “Zvino ndinokupai zano, hama, kupfurikidza nezita raShe wedu Jesu Kristu kuti mose munofanira kutaura nebvumirano, uye kuti hapafaniri kuva namapoka pakati penyu, asi kuti mugobatanidzwa zvakafanira mundangariro imwe cheteyo uye mumufungo mumwe chetewo.”
Zvapupu zvaJehovha zvakakurirawo kufungira mano akaipa kwedzinza norudado rworudzi. Zvazvine “kuchenjera kunobva kumusoro,” izvo ‘hazviiti misiano.’ (Jakobho 3:17) Tinopa mbiri kuna Jehovha nokuda kwezvaakaita muna ikoku musangano rakaumbwa navanhu vasina kukwana.
Mukupesana, magazini inonzi The Christian Century, ichitaura nezvegore ra 1990, yakataura kuti “nyika yakaratidzika kuva yakakamuraniswa kupfuura nakare kose namapoka orudzidziso uye nemirangariro yedzinza neyourudzi yakasanobatanidzwa nezvitendero zvorudzidziso. Kuvambira kuIndia kusvikira kuEurope uye kuvambira kuMiddle East kusvikira kuPacific, rudzidziso rwakavhengana noruvimbiko rwedzinza norworudzi—kazhinji kazhinji nemiitiro isina kusimba mune zvamatongerwe enyika.” Nenzira yakajeka, avo vanoshuva kubatira Mwari vanongogona bedzi kutendeukira kusangano rimwe iro rinofarikanya mudzimu waJehovha nechikomborero.
‘Ndakaita Huma Yako, Ifanane Nedhaimani’
Dhaimani chinhu chinoitika nenzira yomusikirwo chakasimba zvikurusa chinozivikanwa kumunhu. Bhaibheri rinonongedzera kukushandiswa kwamadhaimani mukumara kana kuti kutemera zvinhu zvakaoma. (Jeremia 17:1) Cherekedzawo, mashoko aJehovha kuna Ezekieri: “Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo. Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara.” (Ezekieri 3:8, 9) Jehovha akapa Ezekieri kutsunga kwakaoma sedhaimani uko kwakamugonesa kuporofita kuvanhu vakaoma mutsipa.—Ezekieri 2:6.
Nenzira yakafanana nhasi, Jehovha akapa vanhu vake kuoma kwakafanana nokwedhaimani mukutarisana nechishoro chikuru. Zvapupu zvaJehovha zvakatsungirira kurambidzwa kwapamutemo, zviito zvenyongori, kupondwa, kurohwa, kuiswa mutorongo kusina kururama, kutambudzwa, kunyange kuurawa. Bva, zvakaratidza kutenda kwazvo kuva kusingapunziki.
“Varanda Vangu Ndimene Vachafara”
Bhaibheri rakadeya kutaura nguva apo vanhu vaizova ne“chimiro chokuzvipira kwoumwari” asi vachibvumikisa “venhema kusimba rako.” (2 Timotio 3:1, 5, NW) Rimwe pepanhau rinoshuma kuti “vaPurotesitendi, vaRoma Katurike uye vaJudha vose vanoitira hanya kuderera” mumachechi avo namasinagoge. Zvapupu zvaJehovha, pane rumwe rutivi, vadzidzi vanongwarira veBhaibheri. Muzviverengero zvinokura, vaduku navakuru, varume navakadzi, vose vanopinda misangano inoverengeka yevhiki nevhiki. Tsamba kupepanhau yakataura pamusoro pazvo kuti “rudzidziso rwazvo ndicho chinhu chinokosha zvikurusa chazvinacho, uye itiro hanya yazvo bedzi kurugoverana navamwe.”
Chimiro chakadaro chinoita kuti sangano raJehovha ritanhamare sedhaimani rinokosha. Uye rukudzo runoenda kune Uyo anosimbisa uye anotungamirira vanhu vasina kukwana kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake.
Muporofita Isaya akadeya kutaura, kuti: “Izvi ndizvo izvo Changamire Ishe Jehovha ataura: ‘Tarirai! Vabatiri vangu ndimene vachadya . . . Tarirai! Vabatiri vangu ndimene vachanwa . . . Tarirai! Vabatiri vangu ndimene vachafara . . . Tarirai! Vabatiri vangu ndimene vachadanidzira nomufaro nemhaka yomugariro wakanaka womwoyo.’”—Isaya 65:13, 14, NW.
Nhasi tinoona zadziko youporofita ihwohwu. Mwari anotarisira vanhu vake nenzira yechienzi! Nokudaro, kana iwe uchisonganirana navo, usabvumira kufunga kwakaipa kupi nokupi kukutorera mufaro wako. Tarira mufananidzo wose ndokuyeuka, kuti: Hakuna rimwe sangano pasi pano rinofarikanya tarisiro chaiyo yaMwari nedziviriro. Usatongorega kukoshesa ropafadzo yako yokuva rutivi rwaro.