Tinogona Sei Kuripira Jehovha?
JEHOVHA MWARI anogovera muenzaniso wakanakisisa wokupa. Iye akapa rudzi rwose rwomunhu “upenyu, nokufema, nezvose.” (Mabasa 17:25) Mwari anobudisa zuva rake pavanhu vakaipa navakarurama zvakafanana. (Mateo 5:45) Zvamazvirokwazvo, ‘Jehovha anotipa mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yedu zvakazara nezvakanaka nomufaro.’ (Mabasa 14:15-17) Chokwadi, “chipo chakanaka chiri chose nechipiwa chakakwana chiri chose chinobva kumusoro, nokuti chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga”!—Jakobho 1:17, NW.
Kunze kwezvipo zvose zvokunyama zvaMwari, iye anobudisa chiedza chomudzimu nezvokwadi. (Pisarema 43:3) Vabatiri vakavimbika vaJehovha vanokomborerwa zvikuru nezvokudya zvomudzimu zvaanogovera panguva yakarurama kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Tinogona kubetserwa negadziriro dzomudzimu dzaMwari nemhaka yokuti iye akaita kuti kubvirire vanhu vanotadza navanofa kuyananiswa naye. Seiko? Kupfurikidza norufu rwoMwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo akapa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwavazhinji. (Mateo 20:28; VaRoma 5:8-12) Haiwa chipo chakadini chakabva kuna Mwari ane rudo, Jehovha!—Johane 3:16.
Muripo Upi Noupi Unobvira Here?
Mazana amakore rudzikinuro rusati rwagoverwa, wezvamapisarema akafuridzirwa akaonga zvikuru kwazvo ngoni dzakapiwa naMwari, nunuro, uye betsero zvokuti iye akati: “Ndichavigireiko Jehovha pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri? Ndichasimudza mukombe wokuponeswa, ndichidana zita raJehovha. Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, ndichazviita pamberi pavanhu vake vose.”—Pisarema 116:12-14.
Kana takazvitsaurira nomwoyo wose kuna Jehovha, tinodana pazita rake mukutenda uye tinobhadhara mhiko dzinoitwa kwaari. SeZvapupu zvaJehovha, tinogona kurumbidza Mwari kupfurikidza nokutaura zvakanaka nezvake panguva dzose nokuzivisa shoko roUmambo hwake. (Pisarema 145:1, 2, 10-13; Mateo 24:14) Asi hatigoni kupfumisa Jehovha, uyo ari mwene wezvinhu zvose, kana kuti kumuripira nokuda kwebetsero dzake dzose kwatiri.—1 Makoronike 29:14-17.
Kuita mipiro yefambiro mberi yefariro dzoUmambo haisati iri nzira yokuripira nayo kana kuti kupfumisa Jehovha. Zvisinei, kupa kwakadaro kunotipa mabanza okuratidzira rudo rwedu nokuda kwaMwari. Mipiro inopiwa, kwete nokuda kwesundo youdyire kana kuti nokuda kwezivikanwo nerumbidzo, asi nomudzimu worupo nokusimudzira kunamata kwechokwadi, inounzira mupi mufarwa nechikomborero chaJehovha. (Mateo 6:1-4; Mabasa 20:35) Munhu anogona kuvimbiswa goverano mukupa kwakadaro nomufarwa unovapo somuuyo kupfurikidza nokugarotsaura chimwe chinhu muzvinhu zvake zvokunyama kuti atsigire kunamata kwechokwadi ndokubetsera vakafanirwa. (1 VaKorinte 16:1, 2) Ikoku kunofanira kuitwa nokubvisa chegumi here?
Unofanira Kubvisa Chegumi Here?
Jehovha akati kupfurikidza nomuporofita wake Maraki: “Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi . . . muone kana ndisingakuzaruriyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.” (Maraki 3:10) Imwe shanduro inorava, kuti: “Pinzai chegumi chose mudura.”—An American Translation.
Chegumi rutivi rwechigumi rwechimwe chinhu. Icho i 10 muzana inopiwa kana kuti kubhadharwa somuripo. Kupa chegumi kunoitwa zvikurukuru nokuda kwamadonzo orudzidziso. Kunoreva kupa chegumi chemari yomunhu kusimudzira kunamata.
Tateguru Abrahama (Abrama) akapa mambo muprista Merkizedheki weSaremi chegumi chezvakapambwa zvorukundo pana Kedhori-raomeri nemibatanidzwa yake. (Genesi 14:18-20; VaHebheru 7:4-10) Gare gare, Jakobho akapika kupa chegumi chezvinhu zvake kuna Mwari. (Genesi 28:20-22) Muchinoitika chimwe nechimwe, kupiwa kwechegumi kwakanga kuri kwokuzvidira, nokuti vaHebheru ivavo vapakuvamba vakanga vasina mitemo inovapa musengwa wokupa zvegumi.
Kupa Chegumi muMutemo
Savanhu vaJehovha, vaIsraeri vakagamuchira mitemo yokupa chegumi. Iyoyi sezviri pachena yaibatanidza kushandiswa kwezvegumi zviviri zvemari inowanwa gore negore, kunyange zvazvo dzimwe nyanzvi dzichifunga kuti kwaingova bedzi nechegumi chimwe chegore negore. Hakuna chegumi chaibhadharwa mukati megore reSabata, sezvo kusina mari yaikarirwa panguva iyeyo. (Revhitiko 25:1-12) Zvegumi zvaipiwa mukuwedzera kuzvibereko zvokutanga zvaipiwa kuna Mwari.—Eksodho 23:19.
Chegumi chimwe chezvirimwa zvomunda nechemiti yemichero uye sezviri pachena chewedzero yezvipfuwo namapoka amakwai chaiendeswa kunzvimbo tsvene ndokupiwa kuvaRevhi, avo vaisagamuchira nhaka mumunda. Uyewo, ivo vaipa chegumi cheicho vakagamuchira kutsigira uprista hwaAroni. Sezviri pachena zviyo zvaipurwa uye muchero womuzambiringa nowomuorivhi waichinjwa kuva waini namafuta pamberi pechegumi. Kudai muIsraeri aida kupa mari panzvimbo pezvirimwa, aigona kuita saizvozvo, chero bedzi aiwedzera cheshanu choukoshi hwayo.—Revhitiko 27:30-33; Numeri 18:21-30.
Chimwe chegumi chinoratidzika kuva chaitsaurwawo. Kazhinji kazhinji, chaishandiswa nemhuri apo vanhu vaiungana nokuda kwemitambo. Asi zvakadiniko kudai daro rokuJerusarema rakanga riri guru zvikuru nokuda kwokuendeswa kwakafanira kweichi chegumi? Ipapo zviyo, waini itsva, mafuta, uye mhuka zvaitengeswa nokuda kwemari iyo yaigona kutakurwa nyore nyore. (Dheuteronomio 12:4-18; 14:22-27) Pamugumo pegore rechitatu nerechitanhatu riri rose redenderedzwa resabata ramakore manomwe, chegumi chaitsaurwa nokuda kwavaRevhi, vagari vokumwe, chirikadzi, uye nherera.—Dheuteronomio 14:28, 29; 26:12.
MuMutemo, kwakanga kusina chirango nokuda kwokukundikana kupa chegumi. Panzvimbo pezvo, Jehovha aiisa vanhu mumusengwa wakasimba wetsika wokugovera zvegumi. Padzimwe nguva ivo vaifanira kuzivisa pamberi pake kuti chegumi chakanga chapiwa zvakazara. (Dheuteronomio 26:13-15) Chinhu chipi nechipi chainyimwa nenzira yakaipa chairangarirwa sechimwe chinhu chakabiwa kuna Mwari.—Maraki 3:7-9.
Kupa chegumi yakanga isati iri gadziriro inorema. Kutaura idi, apo vaIsraeri vakachengeta iyi mitemo, vakava vanobudirira zvikuru. Chegumi chaisimudzira kunamata kwechokwadi pasina kuisa simbiso isakafanira pamusoro penzira yokuita nayo gadziriro dzokunyama nokuda kwayo. Nokudaro, gadziriro yokupa chegumi yakashanda kuzvakanaka zvavose vaiva muna Israeri. Asi kupa chegumi ndokwamaKristu here?
MaKristu Anofanira Kupa Chegumi Here?
Kwenguva yakati, kupa chegumi kwaizivikanwa navose munzvimbo yechiKristudhomu. The Encyclopedia Americana inoti: “Iko . . . pashoma napashoma kwakava kunozivikanwa navose pakasvika zana ramakore rechi 6. Dare reTours muna 567 neDare rechipiri reMacon muna 585 akasimbisa kupa chegumi. . . . Kushandisa zvisina kufanira kwakava kunozivikanwa navose, zvikurukuru apo maruramiro okuunganidza zvegumi aiwanzopiwa kana kuti kutengeswa kuvanhuwo zvavo. Kuvamba naPapa Gregory VII uyu muitiro wakaziviswa kuva usiri pamutemo. Vanhuwo zvavo vakawanda panguva iyeyo vakapa maruramiro avo okupa chegumi kunogara mamongi navafundisi vechechi. Reformation haina kuparadza kupa chegumi, uye muitiro wacho wakapfuuridzirwa muChechi yeRoma Katurike nomunyika dzePurotesitendi.” Kupa chegumi kwakaparadzwa kana kuti kwakatsiviwa pashoma napashoma munyika dzakasiana-siana, uye marudzidziso mashomanene zvino anokushandisa.
Naizvozvo, ipapoka, maKristu anodikanirwa kupa chegumi here? Mukonikodhenzi yake yeBhaibheri, Alexander Cruden akati: “Muponesi wedu, kana kuti vaapostora vake havana kuraira chinhu chipi nechipi muiyi nhau yezvegumi.” Zvamazvirokwazvo, maKristu haarairwi kupa chegumi. Mwari amene akagumisa Mutemo waMosesi, negadziriro dzawo dzokupa chegumi, achiuroverera padanda rokutambudzira raJesu. (VaRoma 6:14; VaKorose 2:13, 14) Panzvimbo pokudikanirwa kupa chitsama chinodudzwa kubhadhara ndyiko dzeungano, naizvozvo, maKristu anoita mipiro yokuzvidira.
Kudza Jehovha Nezvinhu Zvako Zvinokosha
Chokwadika, kana muKristu akasarudza nokuzvidira kupa chegumi chemari yake kuti afambisire mberi kunamata kwechokwadi, hakungavi nechirambidzo chapaMagwaro kukuita kwake mipiro yakadaro. Mutsamba inoperekedza mupiro wake, mukomana wamakore 15 okukura muPapua New Guinea akanyora, kuti: “Apo ndakanga ndiri muduku, baba vangu vaisindiudza kuti, ‘Apo unotanga kushanda, unofanira kupa zvibereko zvokutanga kuna Jehovha.’ Ndinoyeuka mashoko aZvirevo 3:1, 9, ayo anoti tinofanira kupa zvibereko zvokutanga kuna Jehovha kumukudza. Naizvozvo ndakavimbisa kuita ikoku, uye zvino ndinofanira kuzadzika chipikirwa changu. Ndinofara kwazvo kutumira iyi mari kubetsera basa roUmambo.” Bhaibheri harisati richiraira maKristu kuita chipikirwa chakadaro. Zvisinei, kupa kworupo inzira yakaisvonaka yokuratidzira nayo fariro huru mukusimudzira kunamata kwechokwadi.
MuKristu angasarudza kusaisa muganhu chaiwo pamipiro yaanoita kufambisira mberi kunamatwa kwaJehovha Mwari. Kuenzanisira: Dziri pagungano reZvapupu zvaJehovha, hanzvadzi mbiri dzakwegura dzakanga dzichikurukura mipiro ingaitwa kubasa roUmambo. Pamusoro pokuwana zvokudya panzvimbo yegungano, imwe yehanzvadzi, iyo yava namakore 87 okukura, yakabvunza kuti kungaita marii kuti igogona kupa chitsama ichocho. Imwe hanzvadzi, iyo yava namakore 90, yakati: ‘Ingopa yaunofunga kuti yakafanira—uye imwe shomanene.’ Chimiro chakaisvonaka zvakadini icho iyi hanzvadzi yakura yakaratidzira!
Sezvo vanhu vaJehovha vakatsaurira zvavo zvose kwaari, vanoita nomufaro mipiro yemari nemimwe mipiro kuti vatsigire kunamata kwechokwadi. (Enzanisa na 2 VaKorinte 8:12.) Kutaura idi, nzira yechiKristu yokupa inogovera mabanza okuratidzira kuonga kukuru nokuda kwokunamatwa kwaJehovha. Kupa kwakadaro hakuganhurirwi kuchegumi, kana kuti chechigumi, uye kungava nemigariro umo mumwe munhu anosundwa kupa zvakawanda kufambisira mberi fariro dzoUmambo.—Mateo 6:33.
Muapostora Pauro akati: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari anoda munhu unopa nomufaro.” (2 VaKorinte 9:7) Kana ukapa nomufaro uye norupo mukutsigirwa kwokunamata kwechokwadi, uchanzwa zvakanaka, nokuti chirevo chokuchenjera, chinoti: “Kudza Jehovha [nezvinhu zvako zvinokosha, NW], uye nezvitsva zvazvose zvawakawana; ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, makate ako achapfachuka newaini itsva.”—Zvirevo 3:9, 10.
Hatigoni kupfumisa Wokumusorosoro. Ndiye mwene wendarama yose nesirivha, zvikara zviri pazviuru zvamakomo, uye zvinhu zvinokosha zvisingaverengeki. (Pisarema 50:10-12) Hatitongogoni kuripira Mwari nokuda kwebetsero dzake dzose kwatiri. Asi tinogona kuratidza kuonga kwedu kukuru nokuda kwake uye nokuda kweropafadzo yokupa basa rinoyera kurumbidzwo yake. Uye tinogona kuva nechokwadi chokuti zvikomborero zvakapfuma zvinoyerera zvichienda kuavo vanopa norupo kuti vasimudzire kunamata kwakachena ndokukudza Mwari ane rudo naane rupo, Jehovha.—2 VaKorinte 9:11.
[Bhokisi riri papeji 29]
NZIRA IYO VAMWE VANOPA NAYO MIPIRO KUBASA ROUMAMBO
◻ MIPIRO KUBASA RENYIKA YOSE: Vazhinji vanotsaura kana kuti vanoronga chitsama icho vanoisa mumabhokisi emipiro akanyorwa kuti: “Mipiro yeBasa reNyika Yose reSosaiti—Mateo 24:14.” Mwedzi mumwe nomumwe ungano dzinotumira izvi zvitsama kudzimbahwe renyika yose muBrooklyn, New York, kana kuti zvimwe kuhofisi yebazu iri pedyosa.
◻ ZVIPO: Mipiro yokuzvidira yemari ingatumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society, 35 Fife Avenue, Harare. Zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Tsamba pfupi inotaura kuti chakadaro chipo chaicho inofanira kuperekedza iyi mipiro.
◻ GADZIRIRO YEMIPIRO INOTSAMIRA PAMUGARIRO: Mari ingapiwa kuWatch Tower Society kuti ichengetwe zvakachengeteka kusvikira parufu rwomupi, negadziriro yokuti muchinoitika chokushaiwa kwomunhu wacho, inodzorerwa kumupi.
◻ INISHUWARENZI: Watch Tower Society ingadudzwa somugamuchiri wegadziriro yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mugadziriro inopiwa pakurega basa/mudyandigere. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro dzipi nedzipi dzakadaro.
◻ MAAKAUNDI EBHANGI: Maakaundi ebhangi, magwaro anoratidza mhindu ichapiwa pashure penguva yakati, kana kuti mudyandigere angachengeteswa zvakakotsekana kana kuti kuitwa kuti abhadharwe parufu kuWatch Tower Society, mutsinhirano nezvinodikanwa zvomunzvimbomo zvebhangi. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvedzipi nedzipi dzegadziriro dzakadaro.
◻ MASTOCK NAMABOND: Mastock namabond zvingapiwa kuWatch Tower Society sechipo chaicho kana kuti mugadziriro kupfurikidza nayo mari inopfuurira kubhadharwa kumupi.
◻ REAL ESTATE: Real estate inotengeseka ingapiwa kuWatch Tower Society kupfurikidza nokuita chipo chaicho kana kuti zvimwe kuchengetera estate youpenyu kumupi, uyo anogona kupfuurira kugaramo mukati menduramo yake. Munhu anofanira kuonana neSosaiti asati apa huridzi hwereal estate ipi neipi kuSosaiti.
◻ ZVIDO ZVENHAKA NAMATRUST: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa senhaka kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania kupfurikidza nechido chenhaka chakaitwa pamutemo, kana kuti Sosaiti ingadudzwa somugamuchiri webvumirano yetrust. Trust inobetsera sangano rorudzidziso ingagovera betsero dzakati dzomutero. Kopi yechido chenhaka kana kuti bvumirano yetrust inofanira kutumirwa kuSosaiti.
Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pezvinhu zvakadaro, nyorera Treasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe.