Chii Chinoreva Kuzviisa Pasi Muroorano?
APO mukadzi wechiKristu anoroorwa, anofanira kuita gadziridzo dzakawanda. Zvichida hurusa yaidzodzi inotapura rusununguko rwake. Saakura asina kuroorwa, angave aiva akasununguka kuita zvakawanda zvezvisarudzo zvake amene pasina kubvunza munhu upi noupi. Asi zvino sezvo ane murume, ane musengwa wokumubvunza ndokukumbira mvumo yake yokuita zvakawanda zvezvinhu izvo aisizvisarudzira amene. Neiko ikoku kwakadaro?
Nemhaka yokuti apo Musiki worudzi rwomunhu akapa mukadzi wokutanga muroorano kumurume wokutanga, Akagadza murume kuva musoro womudzimai wake navana vavo vomunguva yemberi. Ikoku kwaiva bedzi kune mufungo. Muboka ripi neripi rakarongwa ravanhu, mumwe munhu anofanira kutungamirira ndokuita zvisarudzo zvokupedzisira. Muchinoitika cheroorano, Musiki akaraira kuti “murume ndiye musoro womudzimai wake.”—VaEfeso 5:23, NW.
Mukutsigira ikoku, muraidzo woumwari unoti: “Vadzimai ngavazviise pasi pavarume vavo.” (VaEfeso 5:22, NW) Kuti mudzimai anotapurwa sei neiyi gadziriro kunotsamira pazvinhu zviviri: Chokutanga, anodisa sei kuzviisa pasi pegadziriro yacho? uye chechipiri, murume wake achashandisa sei chiremera chake? Zvamazvirokwazvo, apo vakwanyina veroorano vose vari vaviri vanorangarira gadziriro yacho nenzira yakafanira, vanowana kuti chikomborero nokuda kwomudzimai, murume, uye vana vavo.
Haasati Ari Mudzvinyiriri
Murume anofanira kushandisa sei chiremera chake? Kupfurikidza nokutevera muenzaniso wakaisvonaka woMwanakomana waMwari. Bhaibheri rinoti: “Murume musoro womudzimai wake saKristuwo ari musoro weungano, iye achiva muponesi wouyu muviri. Varume, pfuurirai kuda vadzimai venyu, kungofanana naKristu akadawo ungano ndokuzvipa amene nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:23, 25, NW) Kushandisa umusoro kwaJesu Kristu kwakanga kuri chikomborero kuungano. Iye akanga asati ari mudzvinyiriri. Iye haana kuita kuti vadzidzi vake vanzwe vachiganhurirwa kana kuti kudzvinyirirwa. Panzvimbo pezvo, iye akawana ruremekedzo rwavose kupfurikidza nokuvabata kwake kworudo netsitsi. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokuti varume vatevere mukubata kwavo vadzimai vavo!
Kune varume, kunyanguvezvo, vasingateveri uyu muenzaniso wakaisvonaka. Ivo vanoshandisa umusoro hwavo hwakapiwa naMwari nenzira youdyire, panzvimbo pokuda kwezvakanakira vadzimai vavo. Ivo vanodzora vadzimai vavo nomutoo wokudzvinyirira, vachiraira kuzviisa pasi kwakakwana uye kazhinji kazhinji vasingavabvumidzi kuita zvisarudzo zvipi nezvipi nokuda kwavo vamene. Nenzira inonzwisisika, vadzimai vavarume vakadaro kazhinji kazhinji vanorarama upenyu husingafadzi. Uye murume akadaro anotamburawo mukuti anokundikana kuwana ruremekedzo rworudo rwomudzimai wake.
Chokwadi, Mwari anoda kuti mudzimai aremekedze nzvimbo ine murume wake somusoro wemhuri. Asi kana murume achishuva kufarikanya ruremekedzo rwake rwapachokwadi nokuda kwake somunhu, anofanira kuruwana, uye nzira yakanakisisa yokuita ikoko iri kupfurikidza nokuita nenzira ine mufungo nokusakurira mavara akaisvonaka, oumwari somusoro wemhuri.
Kuzviisa Pasi Kune Mwero
Chiremera chomurume pamudzimai wake hachisi chachose chose. Munzira dzakati kuzviisa pasi kwohudzimai kunogona kuenzaniswa nokuzviisa pasi kwomuKristu pomutongi wenyika. Mwari anoraira kuti muKristu anofanira “kuva pasi pezviremera zvikuru.” (VaRoma 13:1, NW) Bva uku kuzviisa pasi nguva dzose kunofanira kudzikamiswa neizvo tine ngava nazvo kuna Mwari. Jesu akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Marko 12:17, NW) Kana Kesari (hurumende yenyika) akaraira kuti timupe chiri chaMwari, tinoyeuka izvo muapostora Petro akataura: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 5:29, NW.
Nenzira yakati fananei, kana mukadzi wechiKristu akaroorwa nomurume asinganzwisisi kana kuti anokundikana kuremekedza nheyo dzechiKristu, iye, kunyanguvezvo, anosungirwa kuzviisa pasi pake. Panzvimbo pokupandukira iyi gadziriro yakaiswa naMwari, aizoita zvakanaka kuita kwaari norudo nerangariro uye nokudaro achiedza kuwana chivimbo chake. Zvichida mufambiro wakaisvonaka wakadaro uchaita kuti murume wake achinje; ungatomuwana kuzvokwadi. (1 Petro 3:1, 2) Kana murume wake akamuraira kuita chimwe chinhu chinorambidzwa naMwari, anofanira kuyeuka kuti Mwari ndiye Mutongi wake mukuru. Somuenzaniso, kana iye akaraira kuti apinde mumiitiro youtere hwevatano, zvakadai sokuchinjana vadzimai, anosungirwa kusabvuma kuzviisa pasi. (1 VaKorinte 6:9, 10) Kuzviisa pasi pomurume wake kunodzorwa nehana yake nokuzviisa pasi kwake kukuru paMwari.
Munguva yaMambo Dhavhidhi, Abhigairi akanga akaroorwa naNabhari, murume aisaremekedza nheyo dzoumwari uye akaita nehasha uye nenzira isina rudo kuna Dhavhidhi navarume vaDhavhidhi. Ivava vakanga vadzivirira zviuru zvamakwai nembudzi zvaNabhari, asi apo Dhavhidhi akakumbira mupiro wezvokudya, Nabhari akaramba kupa chinhu chipi nechipi.
Pakuziva kuti chimiro chokunyima chomurume wake chakanga chichizounza ngwavaira pamhuri, Abhigairi akazvisarudzira amene kuendesa zvokudya kuna Dhavhidhi. “Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akaoma ane zana, namapundu amaonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro. Akati kumajaya ake: ‘Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai.’ Asi haana kuudza murume wake Nabhari.”—1 Samueri 25:18, 19.
Abhigairi akanga asina kururama here mukuita mukupesana nokuda kwomurume wake? Kwete muchinoitika chino. Kuzviisa pasi kwaAbhigairi hakuna kuda kuti ave asina rudo somurume wake, zvikurukuru sezvo nzira yokusachenjera yaNabhari yakapinza mhuri yake yose mungozi. Nokudaro, Dhavhidhi akati kwaari: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosongana neni; nokungwara kwako ngakukudzwe.” (1 Samueri 25:32, 33) Nenzira yakafanana, vadzimai vechiKristu nhasi havafaniri kunyanduka ndokupandukira umusoro hwavarume vavo, asi kana ivava vakatora nzira isiri yechikristu, vadzimai havafaniri kuvatevera muna iyoyi.
Chokwadi, Pauro mutsamba yake kuvaEfeso anoti: “Seungano iri pasi paKristu, naizvozvo vadzimai ngavavewo pasi pavarume vavo muchinhu chiri chose.” (VaEfeso 5:24, NW) Kushandisa kwomuapostora mashoko okuti “chinhu chiri chose” pano hakurevi kuti hakuna miganhu kukuzviisa pasi kwomudzimai. Kutaura kwaPauro kwokuti, “sezvo ungano iri pasi paKristu,” kunoratidzira icho airangarira. Chinhu chiri chose icho Kristu anoda kuungano yake chakarurama, chiri mutsinhirano nokuda kwaMwari. Naizvozvo, ungano inogona nenzira iri nyore uye nenzira inofadza kuzviisa pasi pake muchinhu chiri chose. Nenzira yakafanana, mudzimai womurume wechiKristu anoedza zvapachokwadi kutevera muenzaniso waJesu achava anofara kuva pasi pake muchinhu chiri chose. Iye anoziva kuti anoitira hanya zvikuru fariro dzake dzakanakisisa, uye haasati achizomukumbira achiziva kuita chimwe chinhu chisiri mutsinhirano nokuda kwaMwari.
Murume achachengeta rudo noruremekedzo zvomudzimai wake apo anoratidzira mavara oumwari omusoro wake, Jesu Kristu, uyo akaraira vateveri vake kudana. (Johane 13:34) Kunyange zvazvo murume achikanganisa uye asina kukwana, kana achishandisa chiremera chake mutsinhirano noumusoro hukuru hwaKristu, anoita kuti kuve nyore zvikuru kuti mudzimai wake ave anofara kuva naye somusoro wake. (1 VaKorinte 11:3) Kana mudzimai akasakurira mavara echiKristu okuzvininipisa nomutsa worudo, hakuna kumuomera kuzviisa amene pasi pomurume wake.
Vanozvininipisa Navane Mufungo
Varume navadzimai vari muungano ihama nehanzvadzi dzomudzimu dzine chimiro chakaenzana pamberi paJehovha. (Enzanisa naVaGaratia 3:28.) Varume, zvisinei, vakagoverwa naMwari kuti vashandise kutarisirwa kweungano. Ikoku kunobvumwa nomufaro navakadzi vane mwoyo wakarurama mukuzviisa pasi kwose. Uye mutoro unorema wakunoisa pavarume wokusadzvinyirira boka unozivikanwa nokuzvininipisa navarume vakakura mumudzimu vari muungano.—1 Petro 5:2, 3.
Kana hwakadaro huri ukama pakati pavarume navakadzi muungano, murume wechiKristu anogona sei kururamisa kuita kwake somudzvinyiriri pamudzimai wake, hanzvadzi yake yomudzimu? Uye mudzimai anogona sei kururamisa kukwikwidzana nomurume wake nokuda kwoumusoro? Panzvimbo pezvo, ivo vanofanira kubatana seizvo Petro anopa zano mitezo yose yeungano, kuti: “Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise.” (1 Petro 3:8) Paurowo akapa zano, kuti: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; [Jehovha, NW] sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.”—VaKorose 3:12, 13.
Zvimiro zvakadaro zvinofanira kusakurirwa muungano. Uye zvinofanira zvikuru kusakurirwa pakati pomurume nomudzimai mumusha wechiKristu. Murume anogona kuratidza chidakadaka chake chikuru nounyoro kupfurikidza nokuteerera zvikarakadzo zvinobva kumudzimai wake. Iye anofanira kurangarira murangariro womudzimai wake asati aita chisarudzo chinotapura mhuri. Vadzimai vechiKristu havasi vasingafungi. Ivo vanogona kazhinji kazhinji kupa varume vavo zvikarakadzo zvinokosha, sezvakaita Sara kumurume wake, Abrahama. (Genesi 21:12) Pane rumwe rutivi, mudzimai wechiKristu haasati achizoraira murume wake nenzira isina mufungo. Iye acharatidza mutsa wake nokuzvininipisa kwendangariro kupfurikidza nokutevera nhungamiro yake nokutsigira zvisarudzo zvake, kunyange zvazvo izvo pane dzimwe nguva zvingasiana nezvido zvake amene.
Murume ane mufungo, kufanana nomukuru ane mufungo, anosvikika uye ane mutsa. Mudzimai ane rudo anopindura nokuva netsitsi nomwoyo murefu, achiziva nhamburiko dzaanoita kuti aite mitoro yake pasinei zvapo nokusakwana nedzvinyiriro dzoupenyu. Apo zvimiro zvakadaro zvinosakurirwa navose vari vaviri murume nomudzimai, kuzviisa pasi muroorano hakusati kuchizova chinetso. Panzvimbo pezvo, manyuko omufaro, chengeteko, uye gutsikano isingaperi.