Rudo Nokuda kwaJehovha Runonyandura Kunamata Kwechokwadi
“Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake.”—1 JOHANE 5:3.
1, 2. Tinofanira kubatira Jehovha nevavariroi?
RIMWE boka ravashanyi 80 vaibva kuJapan rakanga richishanyira Horo yeGungano yeZvapupu zvaJehovha muCalifornia, U.S.A. Mhoteredzo dzinofadza, kubatanidza bindu rakazara namablue jay, njiva, uye shiri dzinorira, zvakavaita kuti vanzwe vachitova pedyo zvikuru noMusiki wavo Mukuru, Jehovha Mwari. Aivatungamirira wavo akakurumidza kuziva kuti anenge munhu ari wose muboka racho akanga achibatira nguva yakazara sapiona. Naizvozvo, gare gare, boka racho rakabvunzwa mubvunzo uyo wakabvunzwa kazhinji kazhinji: “Neiko muna mapiona akawanda kwazvo muJapan?” Kwechinguvana pakanga pane kunyarara. Ipapo mumwe mukadzi muduku akazvipira kupa mhinduro: “Nemhaka yokuti tinoda Jehovha.”
2 Rudo nokuda kwaJehovha—irworwu runotisunda sei kuva vanoshingaira mubasa rake! Chokwadi, haasati ari munhu ari wose anogona kupayona. Zvamazvirokwazvo, voruzhinji vavaparidzi vedu voUmambo vanopfuura mamirioni mana havana kukwanisa kuronga zvinhu zvavo kuti vakwanise kufarikanya iyi ropafadzo. Asi vazhinji vane migariro inobvumidza vanoisvasvavirira. Vasara vedu tinogona “kuvimba naJehovha ndokuita zvakanaka,” tichiratidza rudo rwedu kupfurikidza nokuva norutivi rwakati mubasa rokuita vadzidzi. (Pisarema 37:3, 4, NW) Uye vanamati vose vakazvitsaurira vaJehovha vanogona kugoverana mukukudziridza mudzimu woupiona, vachipa tsigiro yorudo kuna avo vari kupayona.—Mateo 24:14; 28:19.
3. Musianoi unofanira kucherekedzwa pakati pavazhinjisa vanotaura kuva maKristu neZvapupu zvaJehovha?
3 Mukusiana navazhinjisa vanotaura kuva maKristu, avo nenzira iri nyore vanorangarira rudzidziso sorutiviwo zvarwo kuupenyu hwavo, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidzira rudo rukuru nokuda kwaMwari urwo runozvisunda kuramba “zvichitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” Ikoku kwakada kurega zvimwe zvinhu, asi kurega zvimwe zvinhu ikoko kwave kwakakodzera sei! (Mateo 6:33; 16:24, NW) Kwave kuri mukuwirirana nomurairo mukuru wokutanga, wakataurwa pakutanga naMosesi uye wakadzokororwa naJesu Kristu, wokuti: “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe, uye unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose uye nesimba rako rose.”—Marko 12:29, 30, NW; Dheuteronomio 6:4, 5.
4, 5. Ndivanaani vanofanira kurangarirwa savakatendeka, uye kutendeka kungaratidzwa sei?
4 Mumwe wavashandi vapadzimbahwe reZvapupu zvaJehovha akataura misi ichangobva kupfuura iyi kuna F. W. Franz, purezidhendi ava namakore 98 okukura weWatch Tower Society uyo apedza anopfuura makore 70 mubasa renguva yakazara, kuti: “Mave muri muenzaniso wakaisvonaka wokutendeka, Hama Franz.” Uye Hama Franz vakapindura, kuti: “Hungu! Unofanira kuva akatendeka.” Ikoko kunopeta nhau yacho. Murutivi rwupi norwupi rwomubato woUmambo matinobatira, tinogona kuva vakatendeka.—1 VaKorinte 4:2; VaGaratia 3:9.
5 Chokwadi, vazhinji vangada kuita zvakawanda zvikuru mubasa raJehovha, asi mitoro yapaMagwaro kana kuti zvinetso zvoutano zvingavaganhurira munzira yakati. Avo vasingakwanisi kupayona, zvisinei, havafaniri kurangarirwa savakatendeka zvishomanene. Vamwe vakaramba vakavimbika mumigariro inotambudza zvikurusa uye kazhinji kazhinji kwamakore akawanda zvikuru. Hungu, vave vakatendeka! Vakaratidza rudo nokuda kwaJehovha uye vakabatira nokushingaira mukutsigira kwomwoyo wose gadziriro dzake dzoumwari. Vakava nefariro huru mumubato wamapiona uye vakapa kurudziro kumapiona anobvira, kazhinji kazhinji vana vavo vamene, yokushanda vakananga kupayona sebasa muupenyu iro rinopfuura mamwe ose.—Enzanisa naDheuteronomio 30:19, 20.
6, 7. Muenzaniso unooneswa pana 1 Samueri 30:16-25 unoshanda sei nhasi?
6 Chinzwano chorudo chechiito chavose vavanhu vaMwari nhasi chingaenzanisirwa nenhauro iri pana 1 Samueri 30:16-25. Mukurwisana navaAmereki, “Dhavhidhi akarwa navo kubva parubvunza vaeni kusvikira madeko” uye akatora zvakapambwa zvakawanda. Pakudzokera kumusasa, vamwe vavarume vanorwa vaDhavhidhi vakakumbira kuti pasave nezvakapambwa zvinopiwa kuna avo vakanga vasina kupinda navo mukurwa kukuru. Asi Dhavhidhi akapindura, kuti: “Ndianiko ungakuteererai pashoko rakadai? Nokuti mugove wowakaenda kundorwa, uchafanana nomugove wowakasara panhumbi; migove yavo inofanira kufanana.”
7 Nheyo imwe cheteyo inoshanda nhasi. Mapiona ari kutungamirira hondo yedu yomudzimu. Asi vamwe vose vari muungano vanopa tsigiro yomwoyo wose, yokuvimbika. Uye muuyo mukuru womubato wavo wakabatanidzwa mukati ma 1991 unoratidzirwa muchati iyo zvino inotevera.
Mushumo Wakatanhamara
8. (a) Mushumo wenyika yose unozivisei pamusoro pehwerengedzo yavaparidzi namaawa avakapedzera mubasa raJehovha? (b) Mapfundoi efariro aunocherekedza nokuda kwenyika dzichangobva kuoneka mumushumo?
8 Hungu, mapeji mana apfuura amagazini ino anoratidza kuti nhamburiko dzakabatanidzwa dzavanamati vose vanoshingaira vaJehovha dzakagovera sei kufutunuko yenyika yose inofadza mukati ma 1991. Chiverengero chitsva chapamusoro chakaisvonaka chavaparidzi voUmambo 4 278 820 chinonyorwa—wedzero ye 6,5 muzana. Ivava vakapa maawa 951 870 021 (inodokuva bhirioni imwe!) kubasa. Uye cherekedza nhamburiko huru yakaitwa nehama dzedu munyika dzichangobva kuoneka mumushumo wenyika yose—Bulgaria, Cameroon, Czechoslovakia, Ethiopia, Mozambique, Nicaragua, Rwanda, uye U.S.S.R.
9, 10. (a) Mapiona akagamuchira sei denho yenguva dzakaoma? (b) Ikurudziroi inogoverwa nokuda kwokupinda mubasa roupiona?
9 Mumakore achangobva kupfuura aya mudzimu woupiona wakapararira munyika yose. Kunyange munyika umo rusununguko rwokunamata rwakapiwa misi ichangobva kupfuura iyi bedzi, mapoka amapiona ari kukura. Migariro yakashata yezvemari haisi kudzivisa izvi Zvapupu zvakasimba kupa zvazvo zvose kukunamatwa kwaJehovha. (Enzanisa na 2 VaKorinte 11:23, 27.) Paavhareji yomwedzi nomwedzi, 14 muzana yavaparidzi vose voUmambo yave ichipayona. Chiverengero chikuru chapamusoro chamapiona i 780 202, icho chiri 18 muzana yakaisvonaka yavaparidzi vose.
10 Pakucherekedza mifaro inowanwa namapiona, vamwewo vanokurudzirwa kuita iri basa. Kana usati wava kupayona, rudo rwako nokuda kwaJehovha rwungagona kukusunda here kutaura, sezvatinorava pana Isaya 6:8, kuti “Ndiri pano ini, nditumei”? Kana kuti kupfurikidza nefundo yako yeBhaibheri yokushingaira, Shoko raMwari ringanyandura chishuvo chikuru mumwoyo mako, zvokuti unofanira kuita imwe nhano yokupinda mubasa roupiona here? Kunyange munguva yomuedzo, shoko raJehovha rakanyandura Jeremia, zvokuti aisagona kurega.—Jeremia 20:9.
Basa Rorudo Kurudzi Rwomunhu
11. Mubato wefundo yeBhaibheri yapamusha wakabudirira sei?
11 Rumwe rwamativi akatanhamara omushumo wegore kukura muchiverengero chefundo dzeBhaibheri dzapamusha dzapachena, 3 947 261, dzichiitiswa nguva dzose mwedzi mumwe nomumwe munyika yose. Iyi igadziriro yorudo kupfurikidza nayo Zvapupu zvaJehovha zvinodzokerera pafariro yazvinowana mubasa razvo rapaimba neimba. Tinofara kuitisa fundo dzeBhaibheri vanhu vamarudzi ose nemigariro yorudzi, tichishanda nokudisa kumwe cheteko uko muapostora Pauro akaratidza. ‘Kupupurira [kwake] zvakazara kuvose vari vaviri kuvaJudha nokuvaGiriki’ pasina panikiro kwakada maawa akawanda okudzidzisa zvokwadi. (Mabasa 20:20, 21) Ndizvimwe chetezvo nhasi. Zvapupu zvaJehovha zviri kubetsera “marudzi ose avanhu [ku]va anoponeswa ndokusvika kuzivo yakarurama yezvokwadi.”—1 Timotio 2:4, NW.
12-14. Mishumoi inofadza inobuda ichibva muEurope?
12 Mishumo yomubato wakawedzerwa wefundo dzeBhaibheri muEastern Europe inofadza sei! Kwamakumi amakore hama dzedu ikoko dzaifanira kusangana mumapoka maduku, zvichida nekopi imwe chete yakasakara zvikuru, yakadhindwa yeNharireyomurindi yekare nokuda kwavose muboka. Asi zvino maBhaibheri mazhinji namabhuku eBhaibheri zviri kudirana munyika idzodzo. Kunoyeuchidza mumwe nezveRwiyo rwaSoromoni 2:4, King James Version: “Iye [Kristu Jesu] akandiunza muimba yomutambo [womudzimu], uye mureza wake pandiri wakanga uri rudo.” Vaine makopi avo omunhu oga amagazini, vazhinji vari kuva vakasanoshongedzerwa kubata “shoko rezvokwadi zvakarurama.”—2 Timotio 2:15, NW.
13 Ungano yavaparidzi 103 muSt. Petersburg, Russia, misi ichangobva kupfuura iyi yakashuma fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinopfuura 300. Sechibereko cheiyi nhamburiko yefundo yeBhaibheri, Zvapupu zvitsva 53 zvakabhapatidzwa mumwedzi misere chete. Inopfuura hafu yeungano vave vari muzvokwadi mwedzi misere kana kuti mishomanene! Uye havana vakuru—mubatiri anoshumira mumwe chete wokutarisira fambiro mberi yavo yomudzimu.
14 Mumwe muparidzi woUmambo muEstonia akakumbirwa nomudzidzi weBhaibheri kana iye angakokera dzimwe dzeshamwari dzake kufundo yacho. Apo Chapupu chacho chakasvika pamusha wacho vhiki rakatevera, icho chakawana vanhu vanopfuura 50 vakaungana! Chokwadika, gadziriro chaidzo dzaidikanwa nokuda kwetarisirwo inopfuurira yefariro yose iyoyo.
15. Chii chinofanira kutaurwa pamusoro pechiverengero chakapinda Chirangaridzo norubhapatidzo?
15 Vazhinji vari kufunda vanowana kuravira kwavo kwokutanga ushamwaridzani hwechiKristu kupfurikidza nokupinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Iri gore rapfuura, chiverengero chavakapinda chakapfuura 10 000 000 kwenguva yokutanga, 10 650 158 vachiungana munyika yose muungano 66 207 nokuda kweiyi nhambo inofadza. Munyika zhinji dzeLatin America, Africa, uye Eastern Europe, makanga mune zviverengero zvavapindi zvakapetwa nekane katatu kana kuti kana kupfuura chiverengero chavaparidzi voUmambo. Zvino tinofanira kutanga kugadzirira nokuda kweChirangaridzo chichaitwa gore rino paChishanu, April 17. Kunokarirwa kuti chiverengero chikuru chavadzidzi veBhaibheri vatsva vanopinda Chirangaridzo chichapfuurira kuita fambiro mberi chakananga rubhapatidzo. Kana ruri rubhapatidzo, muna 1991 takaonazve vanopfuura 300 000 vanoratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha Mwari kupfurikidza noruombeko rwomumvura.
Vadi Vorusununguko Rwoumwari
16. Mishumoi inofadza iri kubva ku“Vadi Vorusununguko” Kokorodzano Dzoruwa?
16 Rutivi runokosha rwegore rebasa ra 1991 rwave rwuri nhevedzano dze“Vadi Vorusununguko” Kokorodzano Dzoruwa, zvino dzakapedzwa muNyika dzoKuchamhembe asi dzinopfuurira kupinda muna 1992 muNyika dzoKumaodzanyemba. Kwenguva yokutanga, purogiramu yakazara yekokorodzano yakaitwa muchiverengero chakati chenyika dzokuEastern Europe, umo hama dzedu dziri kufara kushandisa rusununguko rwadzo rwuchangobva kuwanwa kurumbidzwo yaJehovha. Muna October 1991 hwerengedzo yavapindi yakashumwa pakokorodzano 705 dzokutanga munyika 54 yaiva 4 774 937.
17, 18. (a) Rusunungukoi urwo vanamati vaJehovha vanofarikanya uye vanokarira? (b) Rusununguko rwoumwari rwunosiana sei norusununguko rwenyika?
17 Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Zvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32) Nhasi, zvokwadi yeBhaibheri yakasunungura mamirioni mudzidziso dzechiKristudhomu. Aya mamirioni akadzidza kuti gadziriro yaJehovha yechibairo chorudzikinuro chaJesu ichakuita kuti kubvirire rudzi rwomunhu ku“sunungurwa muuranda kuushati ndokuva norusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.” (VaRoma 8:19-22, NW) Irworwo rwuchava rusununguko rukuru zvakadini—kurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi mukati memiganhu yakafanira iyo Jehovha anosarudza nenzira yorudo!—Isaya 25:6-8; enzanisa naMabasa 17:24-26.
18 Rusununguko urwo Zvapupu zvaJehovha zvinofarikanya zvino, uye zvinokarira kufarikanya zvikuru kwazvo mutsika itsva yaMwari yezvinhu, runobva kuna Mwari wedu, Jehovha. (2 VaKorinte 3:17) Hazvitsamiri pasangano ripi neripi rezvamatongerwe enyika kana kuti rokupandukira. (Jakobho 1:17) Kudzivisa kusanzwisisa kupi nokupi papfundo rino, mabheji ekokorodzano a 1991 akapfekwa neZvapupu zvaJehovha mune dzimwe nyika dzokuEastern Europe aiva namashoko okuti “Vadi Vorusununguko Rwoumwari” panzvimbo pa“Vadi Vorusununguko” chete.
Rudo Rukuru Nokuda kwaJehovha
19. Kuva pedyo kwokunyengetera naJehovha kunogona sei kutitsigira?
19 Rudo rwedu nokuda kwaJehovha nechivimbo chedu maari zvichatiparira kuramba tiri pedyo naye mumunyengetero. Ndiko kuva pedyo ikoku naJehovha kwakabetsera hama dzedu kutsungirira nhamo zhinji nezvitambudzo. (Pisarema 25:14, 15) Munguva yake yomuedzo mukurusa, Jesu akachengeta kuva pedyo naBaba vake kupfurikidza nomunyengetero. (Ruka 22:39-46) Kuva pedyo kwakadaro kwokunyengetera naJehovha kwakatsigira Stefano mumarwdzo okufira kutendeka kwake. Achitarira mudenga sezvo akanga odokutakwa namabwe kusvikira kurufu, iye akati: “Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu [Jesu] amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”—Mabasa 7:56.
20-22. Chimwe chinoitika chinoenzanisira sei kuti Mwari anonzwa minyengetero?
20 Sokuwana kwakaita vanamati vaJehovha kazhinji kazhinji kwazvo, Jehovha anopindura minyengetero iri mutsinhirano nokuda kwake. Somuenzaniso, mune imwe nyika yeAfrica umo basa reZvapupu rakarambidzwa, mumwe piona chaiye aienda kuchamhembe nebhazi akanga ane saga guru ramabhuku oUmambo nemaemvuropo zvokuendesa. Mukwidzi wezvinhu akanga achiisa zvinhu pabhazi akabvunza hama yacho, kuti: “Saga rineiko?” Hama yacho yakataura chinhu chokutanga chakauya kundangariro: “Tsamba.”
21 Vari munzira, bhazi rakamhanya richipfuura napanzvimbo yokunzvera kwenguva dzose mumugwagwa, uye mapurisa ezvinofamba mumugwagwa akatandanisa ndokurimisa, achifungira kuti rakatakura zvinhu zvakapinzwa nenzira isiri yapamutemo. Vakaraira kuti vakwiri vose vaburuke mubhazi uye kuti mukwende wose unzverwe. Ikoku kwakanga kuri njodzi! Hama yacho yakafamba daro duku kubva muboka rainyunyuta uye, ichipfugama, yakanyengetera kuna Jehovha. Apo yakakumbanirazve boka racho, mukwende womufambi mumwe nomumwe wakanga uchivhurwa nokunzverwa nokungwarira kukuru. Apo saga rehama yacho rakanga rodokuvhurwa, iyo yakadana chinyararire pana Jehovha nokuda kwebetsero.
22 “Isaga raani iri, uye rinei?” mupurisa akadanidzira kudaro. Hama yacho isati yagona kuvhura muromo wayo, mukwidzi wezvinhu mubhazi akapindura ndokuti: “Itsamba dzinobva kupositi hofisi yoku—— dziri kuenda kupositi hofisi yoku——.” “Zvakanaka zvikuru,” mupurisa akadaro. Iye akasimudza saga racho ndokuripa kumukwidzi wezvinhu. “Iva nechokwadi chokuti unorichengetera munzvimbo yakakotsekana zvikuru nokuda kworwendo,” iye akamuraira kudaro. Piona chaiye akapfugama zvakare kuti aonge Munzwi womunyengetero.—Pisarema 65:2; Zvirevo 15:29.
23. Chii icho Jehovha akaenzanisira, asi neiko iye padzimwe nguva achirega chitambudzo chichipfuurira munzira yacho?
23 Ikoku hakusati kuchireva, zvisinei, kuti vanamati vaJehovha vakasununguka chose chose muzvinoitika zvengwavaira. Mumigariro yakati, mose muri muviri munguva dzeBhaibheri uye nhasi, Jehovha akaratidzira kuti iye anogona kununura vanhu vake. Asi mukuwirirana nokugadzikisa nhau yeperero, iye padzimwe nguva anoratidzika kuva anoregera chitambudzo chichipfuurira munzira yacho yakazara. (Enzanisa naMateo 26:39.) Uyezve, Jehovha haasati achingoerekana adzivirira vanhu vake mutsaona, gakava ravagari vomunyika, kana kuti utsotsi, kunyange zvazvo kushandiswa kwouchenjeri hunoshanda hwakavakirwa paBhaibheri kuchigona kuva kwoukoshi. (Zvirevo 22:3; Muparidzi 9:11) Tinogona kuva nechivimbo, kunyanguvezvo, chokuti kana tikanunurwa mumigariro inotambudza kana kuti kwete, kutendeka kwedu kuchatuswa, kunyange norumuko kana kuri madikanwa.—Mateo 10:21, 22; 24:13.
24. Zvipoi zvorudo izvo Jehovha akagovera, uye tingagamuchira sei rudo rwake?
24 Zvipo zvorudo zvaJehovha zvinoshamisa sei! Chipo chake kurudzi rwomunhu rwapasi rino nechinhu chiri chose chiri pariri iratidzirwo yakatanhamara yorudo rwake. (Pisarema 104:1, 13-16; 115:16) Uye chipo chaMwari chokunzwira tsitsi choMwanakomana wake, Jesu Kristu, chokudzikinura rudzi rwomunhu muchivi norufu chipo chorudo zvikurusa chati chaitwa. “Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive noupenyu naye. Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.” (1 Johane 4:9, 10) Mukugamuchira rudo irworwo, ngatipwiswei “kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana [ngirozi, NW], kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”—VaRoma 8:38, 39.
Kuhwirudzura Iyi Nyaya
◻ Kuva akatendeka kunoreveiko?
◻ Munzvimboi dzomubato matingaratidzira rudo nokuda kwaJehovha?
◻ Mativii omushumo wegore rebasa akufadza zvikurusa?
◻ Tingaratidza sei kuonga nokuda kwezvipo zvorudo zvaJehovha?
[Bhokisi riri papeji 15]
NEIKO KUNE MAPIONA AKAWANDA KWAZVO?
Sezvinoshumwa, kwamakore 2 600 vaJapan vakanga vari vanamati vanoshingaira vamadzimambo avo. Muhondo dzezana rino ramakore rechi 20 moga, varume vanorwa vechiJapan vanopfuura mamirioni matatu vakabaira upenyu hwavo, nokuti vakafunga kuti kwakanga kusina rukudzo rukuru zvikuru runopfuura kufira mambo-mwari wavo. Asi gadziriro yehondo yechiBuddha nechiShinto yakakundikana muHondo yeNyika II, uye pashure payo mambo akaramba humwari hwake. Chii chaigona kuzadza iyi nzvimbo isina chinhu yorudzidziso? Nomufaro, fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzakaitiswa navafundisi veZvapupu zvaJehovha uye gare gare neZvapupu zvemo dzakabetsera vazhinji kuwana Mwari wechokwadi, Jehovha, uye kutsaurira upenyu hwavo kwaari. Iyi tsauriro inoreva zvakawanda kuZvapupu izvozvo zveJapan. Kana munguva dzekare ivo vangadai vakabaira upenyu hwavo nokuda kwamambo-mwari, zvino vanopa masimba avo neshingairo huru zvikuru samapiona mukunamata Mwari mupenyu noMusiki wechisiko chapose pose—Changamire Ishe Jehovha!
[Chati iri papeji 10-13]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA 1991 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(Ona bhaundi vhoriyamu)
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vadi vorusununguko rwoumwari—vanamati vaJehovha mukokorodzano muPrague, August 9-11, 1991