Iva Nomudzimu Wokuzvibaira!
ROLFa akanga ari mushandi anokosheswa. Apo akasarudza kuwana basa renguva isina kuzara kuti agogona kufutunura goverano yake muushumiri hwechiKristu, mushandirwi wake akabatira pamwe nokudisa. Kwamakore Rolf naizvozvo akakwanisa kufarikanya basa roupiona. Rimwe zuva, kunyanguvezvo, mugariro webasa wakachinja. Rolf akanga azvibvumikisa amene kuva anokwanisa kwazvo pabasa rake zvokuti akapiwa nzvimbo yamanija wokutengesa nefemu yacho. Basa racho rakabatanidza mubhadharo unokwezva nekariro dzakanaka nokuda kweimwe fambiro mberi. Zvisinei, basa renguva isina kuzara raisazovazve rinobvira.
Rolf akanga ane mudzimai navana vaviri vokutsigira, uye mari yomuraudzo ingadai yakava inobetsera. Kunyanguvezvo, akaramba chikarakadzo chacho ndokukumbira rimwe basa, rimwe raizomubvumira kuita misengwa yake yose iri miviri yomudzimu neyake yezvemari. Mushandirwi waRolf akashamiswa neichi chisarudzo. Achiziva kuti kunyange chikarakadzo chomubhadharo wakakwirira chaizova chisina maturo, bhasi wake akagumisa, kuti: “Ndinoona kuti handigoni kukwikwidzana nokutenda kwako.”
Hungu, Rolf aiva nokutenda. Asi aivawo nerimwe vara—mudzimu wokuzvibaira. Mudzimu wakadaro hauwanzowanikwa munyika yedu youdyire. Asi unogona kutungamirira kunzira youpenyu inobetsera neinogutsa. Chii chiri mudzimu wokuzvibaira? Chii chaunobatanidza? Uye chii chatinofanira kuita kuti tiuchengete?
Chinodikanwa cheBhaibheri
Kubaira kunoreva kurega kana kuti kupa chimwe chinhu chinokosha. Chibairo chave chiri rutivi rwokunamata kwakachena chibviro chaapo chapupu chokutanga chakatendeka, Abheri, chakapa “makwaiana ake emhongora” muchibairo kuna Mwari. (Genesi 4:4) Varume vokutenda, vakadai saNoa naJakobho, vakaita zvakafanana. (Genesi 8:20; 31:54) Zvibairo zvemhuka zvakanga zviriwo rutivi runokosha rwoMutemo waMosesi. (Revhitiko 1:2-4) MuMutemo iwoyo, kunyanguvezvo, vanamati vaikurudzirwa kupa zvakanakisisa zvavo zvikuru. Vakanga vasingabvumirwi kupa mhuka ipi neipi yakaremara sechibairo. (Revhitiko 22:19, 20; Dheuteronomio 15:21) Apo vaIsraeri vakawa pakutenda vakaputsa uyu mutemo, Mwari akavatsiura, achiti: “Kana muchindivigira chinokamhina [chive chibairo] ‘hazvina kuipa here!’ Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana angakugamuchirai here? . . . zvino ndingazvigamuchira mumaoko enyu here?”—Maraki 1:8, 13.
Nheyo yechibairo yakapinzwa mukunamata kwechiKristu. Zvisinei, sezvo Kristu akabhadhara muripo wakakwana worudzikinuro, zvibairo zvemhuka hazvichagamuchiriki kuna Mwari. Naizvozvo, chii icho maKristu anogona kubaira nenzira inogamuchirika? Pauro anonyora pana VaRoma 12:1, kuti: “Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo.” Ichinjo inokatyamadza zvakadini! Panzvimbo pokubaira mitumbi yakafa, maKristu aifanira kuita chibairo chipenyu chawo amene—masimba awo, zvinhu, uye mano. Uye somuna Israeri, Jehovha haasati achizogamuchira zvibairo “zvakaremara,” kana kuti zvisiri zvomwoyo wose. Anoda kuti vanamati vake vamupe zvakanakisisa zvavo zvikuru, kuti vamubatire nomwoyo wavo wose, ndangariro, kufunga, uye simba.—Marko 12:30.
Mudzimu wokuzvibaira naizvozvo unobatanidza zvinopfuura zvikuru kuzvipa umene kurudungwe rwemisangano nomubato muushumiri hwechiKristu. Unoreva kutsunga kuita kuda kwaMwari pasinei zvapo nomuuyo. Unoreva kuva akagadzirira kutambura nhamo nokusakodzera. “Kana munhu upi noupi achida kunditevera,” akadaro Jesu, “ngaazvirambe amene ndokutakura danda rake rokutambudzira ndokunditevera nguva dzose.” (Mateo 16:24, NW) MuKristu haasati achiita gwinyiro romunhu oga kana kuti nharidzano dzokudisa zvenyika itiro hanya yake huru. Upenyu hwake hunovakirwa pakutanga kutsvaka Umambo hwaMwari uye kururama Kwake. (Mateo 6:33) Kana kuri madikanwa, akagadzirira ku“takura danda rake rokutambudzira,” kutambura chitambudzo, manyadzi, kana kuti kunyange rufu!
Zvikomborero Zvinobva Mukuzvibaira
Anangana nebviro dzakadaro dzakakomba, mumwe nenzira yomuzvarirwo angashamisika kana kuzvibaira kwakafanira. Nokuda kwaavo vanoda Jehovha Mwari uye vanoshuva kuona zita rake richikudzwa, kwakadaro chaizvoizvo. (Mateo 22:37) Rangarira muenzaniso wakakwana wakagadzwa naJesu Kristu. Pamberi pokuuya kupasi, akafarikanya nzvimbo yakakwirira mudenga sechisikwa chomudzimu. Zvisinei, sezvaakaudza vadzidzi vake, akatsvaka ‘kwete kuda kwake amene, asi kuda kwaMwari, akamutuma.’ (Johane 5:30) Naizvozvo nokudisa “akazvidurura amene ndokutora chimiro chomuranda uye akava murufanano navanhu. Kupfuurezvo, apo akazviwana amene akafanana nomunhu, akazvininipisa uye akava akatendeka kusvikira kurufu, hungu, rufu padanda rokutambudzira.”—VaFiripi 2:7, 8, NW.
Zvibairo zvakadaro hazvina kubvumikisa kuva zvisina maturo. Nemhaka yokuti Jesu akanga achidisa “kupa mweya wake nokuda kwehama dzake,” aigona kubhadhara mubairo worudzikinuro, kuchigonesa vanhu vasina kukwana kuwana kusafa mumatenga, kana kuti zvimwe upenyu husingaperi pasi pano. (Johane 3:16; 15:13, NW; 1 Johane 2:2) Nokuchengeta perero yake zvakakwana, akaita kuti zita raJehovha rirumbidzwe zvikuru. (Zvirevo 27:11) Hakushamisi kuti Jehovha akamukomborera nokuda kwenzira yake yokuzvibaira! “Saka Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose.”—VaFiripi 2:9.
Chokwadika, Jesu akanga ari Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari. Mwari anotusawo vamwe vanoita zvibairo nokuda kwake here? Hungu, uye ikoku kunoratidzwa nemienzaniso yakawanda yedzose dziri mbiri nguva dzakare nenguva dzazvino uno. Rangarira nhauro yeBhaibheri yaRute muMoabhikadzi. Sezviri pachena akadzidza nezvaJehovha kupfurikidza nomurume wake wechiIsraeri. Pashure pokunge afa, aifanira kuita chisarudzo. Aizorambira munyika yechihedeni yaakazvarirwa, kana aizoenda kuNyika Yakapikirwa navamwene vake vakwegura, Naomi here? Rute akasarudza chapashure, kunyange zvazvo kwakareva kubaira songanirano navabereki vake uye zvichida kunyange kariro yokuroorwazve. Kunyanguvezvo, Rute akanga asvika pakuziva Jehovha, uye chishuvo chokumunamata pakati pavanhu vake vakasarudzwa chakamusunda kunamatira kuna Naomi.
Rute akatuswa nokuda kwokuzvibaira kwakadaro here? Zvamazvirokwazvo akadaro! Pashure penguva yakati, muridzi womunda ainzi Bhoazi akamutora somudzimai, uye Rute akava mai womwanakomana ainzi Obhedhi, uko kwakamuita mukarekadzi waJesu Kristu.—Mateo 1:5, 16.
Zvikomborero zvakafarikanywawo nenzira yakafanana navabatiri vanozvibaira vaMwari munguva dzazvino uno. Somuenzaniso, muna 1923, William R. Brown, anozivikanwa zviri nani sa“Bible” Brown, akasiya musha wake muWest Indies kuzotungamirira basa rokuparidzira muWest Africa. Vakamukumbanira vaiva mudzimai wake nomwanasikana. Pakupedzisira akatamira kuNigeria, uko basa rokuparidzira rakanga richangotanga kubereka chibereko. Pamwe chete nomutema weAmerica ainzi Vincent Samuels uye chimwe chapupu chokuWest Indies chainzi Claude Brown, “Bible” Brown akaita rutivi runokosha munhano dzokutanga dzebasa muWest Africa.
Nhasi vanopfuura vaparidzi 187 000 vanobatira muSierra Leone, Liberia, Ghana, uye Nigeria, ndima dzakavhurwa na“Bible” Brown navasonganiri vake. Pamberi porufu rwake muna 1967, “Bible” Brown akati: “Mufaro wakadini kuona varume navakadzi vachiva vanoteerera mashoko akanaka oUmambo hwaMwari!” Hungu, akakomborerwa zvikuru nokuda kwenzira yake yokuzvibaira.
Nzira Dzokuzvibaira Nadzo
Ndedzipi dziri dzimwe nzira idzo tinogona kuratidza nadzo mudzimu mumwe chetewo nhasi? Imwe ndeyokuva negoverano yenguva dzose yevhiki nevhiki muushumiri hwapaimba neimba. (Mabasa 20:20) Kuita saizvozvo, zvikurukuru pashure pevhiki rinonetesa pabasa rokunyika, kungasava kuri nyore. Kungada chirango nokuronga kwakanaka. Asi mifaro inokurira kusakodzera kupi nokupi kunotamburwa. Chokwadi, ungagona kuva neropafadzo yokubetsera mumwe kuva “tsamba yaKristu . . . yakanyorwa kwete neingi asi nomudzimu waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa emabwe, asi pamahwendefa enyama, pamwoyo.”—2 VaKorinte 3:3, NW.
Kupfurikidza no“kutenga nguva yakafanira” nokungwarira, zvichida kubva mubasa rokunyika kana kuti varaidzo, vamwe vakawedzera goverano yavo mubasa rokuparidzira. (VaEfeso 5:16, NW) Vazhinji vanoronga marudungwe avo kuti vafarikanye basa roupiona hwebetsero kanenge kamwe pagore. Vamwe vanokwanisa kuita upiona hwebetsero nguva dzose kana kuti kubatira samapiona enguva dzose. Chimwe chibairo chokurangarira ndicho chiya chokuenda kunzvimbo dzinoda vamwe vaparidzi voUmambo. Ikoku kazhinji kazhinji kunobatanidza chinjo huru munzira youpenyu, kushivirira kusakodzera, kuchinjira kutsika itsva nemiitiro. Asi zvikomborero zvokuva negoverano yakazara mukubetsera vamwe kuwana upenyu zvinoita kuti zvibairo zvakadaro zvive zvakafanira.
John Cutforth akaberekwa kuCanada akawana ikoku somunhu oga. Pashure pokupedza kufunda kwake paWatchtower Bible School of Gilead, akagoverwa somufundisi kuAustralia. “Irwo rwakanga rwuri rwendo rwakareba zvakadini kubva kumusha!” akayeuka Hama Cutforth. “Ndichazombodzokera kuCanada kundoona vabereki vangu neshamwari zvakare pamberi peArmagedhoni here? Nzira bedzi yokuwana nayo kwakanga kuri kuenda.” Hama Cutforth akaenda, uye haana kudemba zvibairo zvaakaita. Mumakore apashure, akatungamirira basa rouchapupu muPapua New Guinea, uko achiri kushanda nokushingaira, apedza makore 50 mubasa renguva yakazara. Iye akamboti: “Nguva dzose kutsvaka kutevera nhungamiro yaJehovha, kugamuchira mugove upi kana upi waanoona wakakodzera kupa, kunounza mufaro, mufarwa, gutsikano uye shamwari dzisingaverengeki.”
Chokwadika, migariro yakadai soutano, mari, uye misengwa yemhuri ingaganhurira zvaunogona kuita; havasi vose vanogona kubatira samapiona navafundisi. Kunyanguvezvo, iva akatsunga kuva negoverano yakazara mumisangano nomubasa mumunda sezvinobvira, usingabvumiri kusakodzera kuduku, kwakadai somugariro wokunze usina kunaka, kukudzivisa. (VaHebheru 10:24, 25) Ungakwanisawo kubaira nguva yakawanda nokuda kwefundo yomunhu oga yeShoko raMwari. Dzimwe mhuri dzinodaro kupfurikidza nokuganhurira nguva inopedzerwa mukuona mapurogiramu eTV, zvichida kunyange kuva nousiku hwo“kusava neTV” vhiki rimwe nerimwe kana kusatongova neTV. Kupfurikidza nokuwana nguva yefundo yomunhu oga, “chibairo cherumbidzo” chaunoita nacho “ziviso yapachena kuzita rake” pamisangano uye mubasa romumunda sezvinobvira chichava chibairo chakanaka zvikuru.—VaHebheru 13:15, NW.
Yeuka, basa rokuparidzira rava zvino mumwero yaro yokupedzisira. Nokukurumidza Mwari achaunza rutongeso rwake panyika ino ina makaro neine udyire. (Zefania 2:3) Kuti tichengete nyasha dzaMwari, hatigoni kuzvinzwira tsitsi. Tinofanira ‘kupa miviri yedu sechibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.’ (VaRoma 12:1) Mudzimu wakadaro uchaunza mufaro mukuru negutsikano. Uchatibetsera kuwana mufarwa mukuru muushumiri hwedu. Uye uchaita kuti mwoyo waJehovha Mwari ufare!—Zvirevo 27:11.
Naizvozvo chengeta mudzimu wokuzvibaira! Usazengurira kuzvipa umene nokuda kwavamwe uye mukutsigira fariro dzoUmambo. Pauro anokurudzira, kuti: “Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari anofara nezvibairo zvakadai.”—VaHebheru 13:16.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rakachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kuwana nguva yefundo yomunhu oga nebasa romumunda kungabatanidza chibairo, asi kunotusa
[Mufananidzo uri papeji 28]
W. R. Brown naJohn Cutforth vakakomborerwa zvikuru nokuda kwenzira yavo yokuzvibaira