Mira Wakasimba Nokuda Kworusununguko Runopiwa naMwari!
“Kristu wakatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwazve nejoko rouranda.”—VAGARATIA 5:1.
1, 2. Rusununguko runopiwa naMwari rwakarasika sei?
VANHU vaJehovha vakasununguka. Asi havatsvaki kuzvimirira vachibva kuna Mwari, nokuti ikoko kwaizoreva usungwa kuna Satani. Vanokoshesa ukama hwavo hwapedyo naJehovha uye vanofarira rusununguko rwaanovapa.
2 Vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakarasa rusununguko runopiwa naMwari kupfurikidza nokutadza uye kuva varanda vechivi, rufu, uye Dhiabhorosi. (Genesi 3:1-19; VaRoma 5:12) Chokwadi, Satani akaisa nyika yose munzira yokutadza inoenda kuruparadziko! Asi avo vanomira vakasimba nokuda kworusununguko runopiwa naMwari vanofamba munzira inoenda kuupenyu husingagumi.—Mateo 7:13, 14; 1 Johane 5:19.
Rusununguko Muusungwa
3. Itariroi iyo Mwari akapa muEdheni?
3 Jehovha akaita donzo kuti vanhu vanokudza zita rake vaizova vakasununguka muusungwa kuna Satani, chivi, uye rufu. Tariro iyoyo yakagoverwa apo Mwari akaudza nyoka yakashandiswa naSatani muEdheni, kuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Genesi 3:14, 15) Jesu Kristu, Mbeu yakabva musangano rokudenga raJehovha, akatambura kupwanywa kwechitsitsinho apo iye akafa padanda, asi Mwari nokudaro akagovera chibairo chorudzikinuro kusunungura rudzi rwomunhu runotenda kubva muchivi norufu. (Mateo 20:28; Johane 3:16) Pashure penguva yakati, Jesu uchapwanya musoro waSatani, Nyoka yapakuvamba.—Zvakazarurwa 12:9.
4. Rusunungukoi rwakafarikanywa naAbrahama, uye Jehovha akamupikira chii?
4 Makore 2 000 pashure pechipikirwa chakapiwa muEdheni, “shamwari yaJehovha” Abrahama yakateerera Mwari ndokusiya guta reUri nokuda kweimwe nzvimbo. (Jakobho 2:23; VaHebheru 11:8) Iye nokudaro akagamuchira rusununguko runopiwa naMwari uye ndokusachararamazve somuranda wenyika yaSatani yorudzidziso rwenhema, yezvamatongerwe enyika zvakashata, uye zvokutengeserana zvine makaro. Kuuporofita hwomuEdheni, Mwari akawedzera zvipikirwa zvokuti mhuri dzose namarudzi zvaizozvikomborera zvimene kupfurikidza naAbrahama neMbeu yake. (Genesi 12:3; 22:17, 18) Abrahama akanga akasununguka pashurikidzo nemhaka yokuti ‘akaisa kutenda muna Jehovha, uyo akakurangarira kwaari sokururama.’ (Genesi 15:6) Nhasi, ukama hwapedyo naJehovha nenzira yakafanana hunounza rusununguko runopiwa naMwari mushurikidzo uye muuranda kunyika iri musimba raSatani.
Chinoitika Chokufananidzira Chinobata Ngwariro
5. Kuberekwa kwaIsaka kwakabatanidzwa nemigariroi?
5 Kuti Abrahama agova nembeu, mudzimai wake asingabereki, Sara, akamupa murandasikana wake, Hagari, somubereki wavana. Kupfurikidza naye, Abrahama akabereka Ishmaeri, asi Mwari haana kumusarudza seMbeu yakapikirwa. Panzvimbo pezvo, apo Abrahama akanga ava namakore 100 okukura uye Sara ava ne 90, Jehovha akavagonesa kuva nomwanakomana anonzi Isaka. Apo Ishmaeri akaseka Isaka, Hagari nomwanakomana wake vakadzingwa, kuchisiya mwanakomana waAbrahama kupfurikidza nomukadzi akasununguka Sara sembeu isingapanikirwi yaAbrahama. Kufanana naAbrahama, Isaka akashandisawo kutenda uye akafarikanya rusununguko runopiwa naMwari.—Genesi 16:1-16; 21:1-21; 25:5-11.
6, 7. Vadzidzisi venhema vakanga vapwisa maKristu eGaratia nechii, asi Pauro akatsanangurei?
6 Izvi zvinoitika zvakadeya kufananidzira zvinhu zvinokosha zvikuru kuvadi vorusununguko runopiwa naMwari. Ikoku kwakanyorwa mutsamba iyo muapostora Pauro akanyorera ungano dzeGaratia munenge muna 50 kusvikira kuna 52 N.V. Panguva iyeyo mutumbi unodzora wakanga wasarudza kuti kudzingiswa kwakanga kusingadikanwi kumaKristu. Asi vadzidzisi venhema vakanga vanyengetedza vamwe vavaGaratia kuti kwakanga kuri chinhu chinokosha kuchiKristu.
7 Pauro akaudza vaGaratia, kuti: Munhu anoruramiswa kupfurikidza nokutenda muna Kristu, kwete kupfurikidza namabasa oMutemo waMosesi. (VaG 1:1–3:14) Mutemo hauna kuparadza chipikirwa chakabatanidzwa nesungano yaAbrahama asi wakaita kuti kudarika kuoneke uye wakabatira somuperekedzi anotungamirira kuna Kristu. (VaG 3:15-25) Kupfurikidza norufu rwake, Jesu akasunungura avo vaiva pasi poMutemo, achivagonesa kuva vanakomana vaMwari. Nokudaro, kudzokera kugadziriro yokuchengeta mazuva, mwedzi, mwaka, uye makore kwaizoreva kudzokera muuranda. (VaG 4:1-20) Pauro ipapo akanyora, kuti:
8, 9. (a) Mumashoko ako umene, tsanangura nokupfupikisa izvo Pauro akataura pana VaGaratia 4:21-26. (b) Mune ichi chinoitika chokufananidzira, ndiani kana kuti chii chakafananidzirwa naAbrahama uye naSara, uye ndiani ari Mbeu yakapikirwa?
8 “Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurairo, hamuteereri murairo here? Nokuti kwakanyorwa kuti Abrahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe [Ishmaeri] womurandakadzi [Hagari], mumwe [Isaka] womukadzi akasununguka [Sara]. Zvino womurandakadzi akaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasununguka wakaberekwa sezvaakapikirwa. Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri [sungano yoMutemo]; imwe inobva pagomo reSinai, [apo Mwari akaita sungano iyoyo navaIsraeri] inobereka vana vouranda—ndiye Hagari; [Imwe sungano ndiyo yakaitwa naAbrahama pamusoro peMbeu yake.] Zvino Hagari ndiro gomo reSinai muArabhia, rakaenzana neJerusarema razvino; nokuti uri pauranda iye navana vake [vazukuru vaAbrahama, Isaka, naJakobho]. Zvino Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, ndivo mai vedu.”—VaGaratia 4:21-26.
9 Mune ichi chinoitika chokufananidzira, Abrahama akamirira Jehovha. “Mukadzi wakasununguka,” Sara, akafananidzira “mukadzi” waMwari, kana kuti sangano dzvene rapose pose. Rakabereka Kristu, Mbeu yomukadzi iyeyo wokufananidzira uye yaAbrahama Mukuru. (VaGaratia 3:16) Kuratidza vanhu nzira yokusunungurwa mukunamata kusina kuchena, chivi, uye Satani, Jesu akadzidzisa zvokwadi uye akafumura rudzidziso rwenhema, asi Jerusarema navana varo vakarambira muusungwa hworudzidziso nemhaka yokuti vakamuramba. (Mateo 23:37, 38) Vateveri vechiJudha vaJesu vakasunungurwa muMutemo, uyo wakaratidza usungwa hwavo kukusakwana, chivi, uye rufu. Vakasununguka zvamazvirokwazvo vanhu vose vanogamuchira Jesu soUyo akaberekwa no“mukadzi” waMwari kuva Mambo wouMesia noMusununguri ‘anozivisa rusununguko kunhapwa’!—Isaya 61:1, 2; Ruka 4:18, 19.
Dzivisa Joko Rouranda
10, 11. Mujokoi rouranda umo Kristu akasunungura vateveri vake, uye iwiriranoi dzinogona kuitwa nhasi?
10 Kuna avo vanoumba mbeu yaAbrahama pamwe chete naKristu, Isaka Mukuru, Pauro anoti: “Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, ndivo mai vedu; . . . Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka. Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama [Ishmaeri] wakatambudza wakaberekwa nenzira yo[mudzimu, NW] [Isaka], zvakadarowo nazvino. . . . Hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka. Kristu wakatisunungura [muMutemo] kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwazve nejoko rouranda.”—VaGaratia 4:26–5:1.
11 Vapi navapi vavateveri vaJesu vangadai vakaganhurirwa mujoko rouranda kudai vakanga vazviisa pasi poMutemo. Rudzidziso rwenhema ijoko rouranda razvino, uye chiKristudhomu chinowirirana neJerusarema rakare navana varo. Asi vakazodzwa vana veJerusarema riri kumusoro, sangano rakasununguka rokudenga raMwari. Ivo navatendi biyavo vane tariro dzapasi havasati vari rutivi rwenyika ino uye havasi muusungwa kuna Satani. (Johane 14:30; 15:19; 17:14, 16) Tasunungurwa nezvokwadi uye nechibairo chaJesu, ngatimirei takasimba nokuda kworusununguko rwedu runopiwa naMwari.
Kutsigira Rusununguko Runopiwa naMwari
12. Inzirai inotorwa navatendi, uye chii chichakurukurwa zvino?
12 Mamirioni zvino anofarikanya rusununguko rwechokwadi seZvapupu zvaJehovha. Fundo dzeBhaibheri dziri kuitiswa namamwe mamirioni, vazhinji vavo “vakanga vatarirwa upenyu husingaperi.” Pakuva vatendi, vachatsigira rusununguko runopiwa naMwari kupfurikidza nokubhapatidzwa. (Mabasa 13:48; 18:8) Asi inhanoi dzinotangira rubhapatidzo rwechiKristu?
13. Ukamai huri pakati pezivo norubhapatidzo?
13 Asati abhapatidzwa, munhu anofanira kuwana uye kuita chimwe chinhu pazivo yakarurama yaMagwaro. (VaEfeso 4:13) Nokudaro, Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Endai . . . muite vadzidzi vanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.”—Mateo 28:19, 20, NW.
14. Kubhapatidzwa muzita raBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene kunoraira zivoi?
14 Kubhapatidzwa muzita raBaba kunoreva kuziva nzvimbo yaJehovha nechiremera saMwari, Musiki, uye Changamire weChisiko Chapose pose. (Genesi 17:1; 2 Madzimambo 19:15; Zvakazarurwa 4:11) Rubhapatidzo muzita roMwanakomana runoraira kuzivikanwa kwenzvimbo yaKristu nechiremera sechisikwa chomudzimu chinokudzwa, Mambo wouMesia, uye uyo kupfurikidza naye Mwari akagovera “rudzikinuro runowirirana.” (1 Timotio 2:5, 6, NW; Dhanieri 7:13, 14; VaFiripi 2:9-11) Munhu anobhapatidzwa muzita romudzimu mutsvene anoziva kuti iwo isimba rinobata basa raMwari rakashandiswa naJehovha mukusika uye mukufuridzira vanyori veBhaibheri, nomudzimwe nzira. (Genesi 1:2; 2 Petro 1:21) Chokwadika, kune zvakawanda zvikuru zvokudzidza pamusoro paMwari, Kristu, uye mudzimu mutsvene.
15. Neiko munhu achifanira kushandisa kutenda asati abhapatidzwa?
15 Pamberi porubhapatidzo, munhu anofanira kushandisa kutenda kwakavakirwa pazivo yakarurama. “Pasina kutenda hazvibviri kufadza [Jehovha].” (VaHebheru 11:6) Munhu mumwe nomumwe anoshandisa kutenda muna Mwari, Kristu, uye donzo roumwari achada kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, anorarama mukuwirirana neShoko raMwari uye ane goverano ine revo mukuparidzira mashoko akanaka. Achataura pamusoro pembiri youmambo hwaJehovha.—Pisarema 145:10-13; Mateo 24:14.
16. Rupfidzo chii, uye runobatana sei norubhapatidzo rwechiKristu?
16 Rupfidzo ndichimwe chinodikanwa nokuda kworubhapatidzo. Kupfidza kunoreva “kuchinja ndangariro yomumwe pamusoro pechiito chakapfuura (kana kuti chakaitwa donzo), kana kuti mufambiro, nemhaka yokuzvidemba kana kuti kusagutsikana,” kana kuti “kunzwa kuzvidemba, urombo, kana kuti kurwadziwa nokuda kwezvakaitwa nomumwe kana kuti kurega kuita.” VaJudha vomuzana ramakore rokutanga vaidikanirwa kupfidza zvivi zvavo zvaiitirwa Jesu Kristu. (Mabasa 3:11-26) Vamwe vatendi vomuKorinte vakapfidza ufeve, kunamata zvidhori, upombwe, vatano yavanhu vane mitezo yakafanana, kuba, makaro, udhakwa, kutuka, uye ugororo. Somuuyo, vaka“shambidzwa” muropa raJesu, vaka“itwa vatsvene” seavo vakatsaurwa nokuda kwebasa raJehovha, uye vaka“ruramiswa” muzita raJesu Kristu nomudzimu mutsvene waMwari. (1 VaKorinte 6:9-11) Naizvozvo rupfidzo inhano yokunanga kuhana yakanaka norusununguko runopiwa naMwari kubva kumhaka inotambudza pamusoro pechivi.—1 Petro 3:21.
17. Kutendeuka kunoreva chii, uye kunodei kune uyo ari kugadzirira kubhapatidzwa?
17 Kutendeuka kunofanira kuitikawo munhu asati agona kubhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Kutendeuka kwomunhu anopfidza kunoitika pashure pokunge aramba nzira yake isina kururama ndokutsunga kuita chiri chakarurama. Mashoko echiito echiHebheru nechiGiriki ane chokuita nokutendeuka anoreva “kutendeuka, kutenderuka, kana kuti kudzoka.” Apo anoshandiswa mupfungwa yakanaka yomudzimu, ikoku kunonongedzera kukutendeukira kuna Mwari kubva munzira isina kururama. (1 Madzimambo 8:33, 34) Kutendeuka kunoda “mabasa akafanira rupfidzo,” zvokuti tinoita izvo Mwari anoraira, kusiya rudzidziso rwenhema, uye kunangidzira mwoyo wedu nenzira yokusazengurira kuna Jehovha kuti timubatire iye oga. (Mabasa 26:20; Dheuteronomio 30:2, 8, 10; 1 Samueri 7:3) Ikoku kunoraira “mwoyo mutsva nomudzimu mutsva,” nokuda kwokufunga kwakachinjwa, murangariro, uye vavariro muupenyu. (Ezekieri 18:31) Hunhu hutsva hunovapo somuuyo hunotsiva mavara asiri oumwari namavara oumwari. (VaKorose 3:5-14) Hungu, rupfidzo rwechokwadi runosakisa chaizvoizvo munhu ku“tendeuka.”—Mabasa 3:19.
18. Kuitirei tsauriro kuna Mwari mumunyengetero, uye chii chiri revo yeiyi nhano?
18 Tsauriro kuna Mwari mumunyengetero inofanira kutangira rubhapatidzo. (Enzanisa naRuka 3:21, 22.) Tsauriro inoreva kuisa parutivi nokuda kwedonzo rinoyera. Iyi nhano inokosha kwazvo zvokuti tinofanira kutaura kuna Mwari mumunyengetero chisarudzo chedu chokumupa kuzvipira kwapoga uye kumubatira nokusingaperi. (Dheuteronomio 5:8, 9; 1 Makoronike 29:10-13) Chokwadika, tsauriro yedu haisati iri kubasa asi kuna Mwari amene. Pfundo iroro rakajekeswa pamariro apurezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, Charles Taze Russell. Panhambo iyoyo muna 1916, munyori nomubati wehomwe weSosaiti, W. E. Van Amburgh, akati: “Iri basa guru renyika yose harisati riri basa romunhu mumwe. Rakakura zvikuru nokuda kwaikoko. Ibasa raMwari uye harichinji. Mwari akashandisa vabatiri vakawanda munguva yakapfuura uye Iye achashandisa pasina panikiro vakawanda munguva yemberi. Tsauriro yedu haisati iri kumunhu, kana kuti kubasa romunhu, asi kuita kuda kwaMwari, sezvo Iye achakuzivisa kwatiri kupfurikidza neShoko Rake uye nenhungamiro dzoumwari. Mwari achiri mudzori.” Asi chiizve chinofanira kuitwa pamusoro petsauriro kuna Mwari?
19. (a) Vanhu vamwe navamwe vanopa sei ufakazi hwapachena hwetsauriro kuna Jehovha? (b) Rubhapatidzo rwomumvura chiratidzo chei?
19 Ufakazi hwapachena hwetsauriro kuna Jehovha hunogoverwa apo munhu anobhapatidzwa. Rubhapatidzo chiratidzo chinoratidzira kuti munhu ari kuombekwa mumvura akaita tsauriro yachose chose kuna Jehovha Mwari kupfurikidza naJesu Kristu. (Enzanisa naMateo 16:24.) Apo mubhapatidzwi anonyudzwa pasi pemvura uye ipapo anobudiswa mairi, iye anofa nenzira yokufananidzira kunzira yake yekare youpenyu uye anomutsirwa kunzira itsva youpenyu, zvino kuita kuda kwaMwari chose chose. (Enzanisa naVaRoma 6:4-6.) Apo Jesu akabhapatidzwa, akazvipa amene kuna Baba vake vokudenga nenzira yachose chose. (Mateo 3:13-17) Uye Magwaro anoratidza aratidzazve kuti vatendi vakakwaniriswa vanobhapatidzwa. (Mabasa 8:13; 16:27-34; 18:8) Kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha nhasi, naizvozvo, munhu anofanira kuva mutendi uyo anoshandisa kutenda zvirokwazvo ndokubhapatidzwa.—Enzanisa naMabasa 8:26-39.
Mira Wakasimba!
20. Ndeipi iri mimwe mienzaniso yeBhaibheri inobvumikisa kuti tichakomborerwa nokutsigira rusununguko runopiwa naMwari seZvapupu zvakabhapatidzwa zvaJehovha?
20 Kana wakatsigira zvakasimba rusununguko runopiwa naMwari kupfurikidza nokuva Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha, achakukomborera sezvaakakomborera vabatiri vake vomunguva yakapfuura. Somuenzaniso, Jehovha akakomborera Abrahama naSara vakwegura nomwanakomana anotya Mwari, Isaka. Kupfurikidza nokutenda muporofita Mosesi akasarudza kubatwa zvisina kufanira navanhu vaMwari “pakufarira zvivi nguva duku; akati kuzvidzwa kwaKristu [kwokuva mufananidzo wakare] [kana kuti Muzodziwa waMwari] ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita.” (VaHebheru 11:24-26) Mosesi akava neropafadzo yokushandiswa naJehovha kutungamirira vaIsraeri kubuda muusungwa hweEgitipa. Uyezve, nemhaka yokuti akabatira Mwari nokutendeka, iye achamutswa uye achabatira somumwe wa“machinda mupasi rose” pasi paMosesi Mukuru, Jesu Kristu.—Pisarema 45:16; Dheuteronomio 18:17-19.
21. Mienzanisoi inokurudzira inopiwa pamusoro pavakadzi voumwari vomunguva dzakare?
21 MaKristu akazvitsaurira nhasi anogonawo kukurudzirwa kupfurikidza nokurangarira vakadzi avo vakasununguka zvirokwazvo uye vanofara. Pakati pavo paiva nomuMoabhikadzi Rute, uyo akawana zvose zviri zviviri nhamo yohuchirikadzi uye mufaro unopiwa naMwari kubva murudzidziso rwenhema. Achiramba vanhu vokwake navamwari vake, akaomerera navamwene vake chirikadzi, Naomi. “Pamunoenda, neni ndichaendapo,” akadaro Rute, “pamunovata, neni ndinovatapowo; vanhu venyu vachava vanhu vangu naMwari wenyu uchava Mwari wangu.” (Rute 1:16) Somudzimai waBhoazi, Rute akava amai vasekuru waDhavhidhi Obhedhi. (Rute 4:13-17) Chokwadi, Jehovha akapa uyu mukadzi anozvininipisa asiri wechiIsraeri “mubairo wakakwana” kupfurikidza nokumubvumira kuva mukarekadzi waJesu Mesia! (Rute 2:12) Rute achafara sei apo anomutswa ndokuziva kuti iye aiva neropafadzo yakadaro! Mufaro wakafanana pasina panikiro uchazadza mwoyo woaichimbova chifeve Rakabhi chinomutswa, uyo akasunungurwa muutere nokunamata kwenhema, pamwe chete Bhati-shebha anotadza asi anopfidza, nokuti ivowo vachaziva kuti Jehovha akavabvumira kuva vakarekadzi vaJesu Kristu.—Mateo 1:1-6, 16.
22. Chii chicharangarirwa munyaya inotevera?
22 Kurangarirwa kwavagamuchiri vorusununguko runopiwa naMwari kungagona kupfuurira. Somuenzaniso, chiverengero chavo chinobatanidza varume navakadzi vokutenda vanodudzwa muna VaHebheru ganhuro 11. Vakatambura chitambudzo nokubatwa zvisina kufanira, “nyika yakanga isina kuvafanira.” Wedzera kuchiverengero chavo vateveri vakavimbika vomuzana ramakore rokutanga vaKristu uye vamwe vakatendeka chibviro chenguva iyeyo, kubatanidza mamirioni ari kubatira zvino Jehovha seZvapupu zvake. Sezvatichatevera kuona, kana wakatsigira pamwe navo rusununguko runopiwa naMwari, une zvikonzero zvakawanda zvomufaro.
Waizopindura Sei?
◻ Itariroi iyo Mwari akapa apo rusununguko runopiwa naMwari rwakarasika?
◻ Mu“jokoi rouranda” umo Kristu akasunungura vateveri vake?
◻ Inhanoi dzinotangira rubhapatidzo somumwe weZvapupu zvaJehovha?
◻ Mienzanisoi yapaMagwaro inobvumikisa kuti tichakomborerwa nokuda kwokutsigira rusununguko runopiwa naMwari?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Unoziva here nhano dzinotangira rubhapatidzo somumwe weZvapupu zvaJehovha?