Vakuru, Tongai Nokururama
“Teererai mhosva dziri pakati pehama dzenyu, [munofanira kutonga nokururama, “NW”].”—DHEUTERONOMIO 1:16.
1. Munhau yorutongeso, kuronzeswai kwechiremera kwakaitika, uye ikoku kunorevei nokuda kwavatongi vohunhu?
MUTONGI Mukurusa, Jehovha akaronzesa chiremera chokutonga kuMwanakomana wake. (Johane 5:27) Uyewo, soMusoro weungano yechiKristu, Kristu anoshandisa boka romuranda akatendeka naakachenjera noMutumbi waro Unodzora kugadza vakuru, avo padzimwe nguva vanofanira kushanda savatongi. (Mateo 24:45-47; 1 VaKorinte 5:12, 13; Tito 1:5, 9) Savatongi vaduku, ivava vane musengwa wokusanotevera muenzaniso waVatongi vokudenga, Jehovha naKristu Jesu.
Kristu—Mutongi Womuenzaniso
2, 3. (a) Uporofitai hwaMesia hunozivisa mavara aKristu soMutongi? (b) Mapfundoi akafanirwa zvikuru nokucherekedzwa?
2 NezvaKristu soMutongi, kwakanyorwa nenzira youporofita, kuti: “[Mudzimu, NW] waJehovha uchagara pamusoro pake, [mudzimu, NW] wenjere nowokungwara, [mudzimu, NW] wamano nesimba, [mudzimu, NW] wokuziva nokutya Jehovha. Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi; asi uchatongera varombo nokururama, uchatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama.”—Isaya 11:2-4.
3 Cherekedza muuporofita ihwohwo mavara anogonesa Kristu ku“tonga pasi rinogarwa mukururama.” (Mabasa 17:31, NW) Iye anotonga mukuwirirana nomudzimu waJehovha, uchenjeri hwoumwari, kunzwisisa, zano, uye zivo. Cherekedzawo, kuti iye anotonga achitya Jehovha. Nokudaro, “chigaro chorutongeso chaKristu,” nenzira yokufananidzira, “chigaro chorutongeso chaMwari.” (2 VaKorinte 5:10; VaRoma 14:10, NW) Iye anongwarira kutonga nhau nenzira iyo Mwari anodzitonga nayo. (Johane 8:16) Iye haasati achitonga nezvitarisiko bedzi kana kuti neguhwawo zvaro. Iye anotonga nokururama nokuda kwavanyoro navakaderera. Mutongi anoshamisa zvakadini! Uye muenzaniso unoshamisa zvakadini nokuda kwavanhu vasina kukwana avo vanokumbirwa kushanda munzvimbo yokutonga nhasi!
Vatongi Vapasi
4. (a) Nderipi richava rimwe ramabasa evane 144 000 mukati moKutonga kweMireniyumu kwaKristu? (b) Uporofitai hunoratidza kuti mamwe maKristu akazodzwa aizogadzwa savatongi paanenge achiri pasi pano?
4 Magwaro anoratidzira kuti chiverengero chiduku zvikuru chamaKristu akazodzwa, kuvamba navaapostora 12, chichava vatongi vasonganiri naKristu Jesu mukati meMireniyumu. (Ruka 22:28-30; 1 VaKorinte 6:2; Zvakazarurwa 20:4) Vakasarira vemitezo yakazodzwa yaIsraeri womudzimu vari pasi pano vakatongwa ivo vamene ndokudzorerwa muna 1918-19. (Maraki 3:2-4) Pamusoro pouku kudzorerwa kwaIsraeri womudzimu, kwakaporofitwa, kuti: “Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakota ako sapakutanga.” (Isaya 1:26) Nokudaro, kungofanana nezvaakanga aita “pakutanga” paIsraeri wokunyama, Jehovha akapa vakasarira vakadzorerwa vatongi vakarurama navapi vezano.
5. (a) Ndivanaani vaka“iswa savatongi” pashure pokudzorerwa kwaIsraeri womudzimu, uye vanoratidzirwa sei mubhuku raZvakazarurwa? (b) Vatariri vakazodzwa vari kubatsirwa navanaani zvino mubasa rokutonga, uye ivava vari kurovedzwa sei kuva vatongi vari nani?
5 Kutanga, ‘varume vakachenjera’ avo vaka“iswa savatongi” vose vaiva varume vakuru vakazodzwa, kana kuti vakuru. (1 VaKorinte 6:4, 5, NW) Vatariri vakatendeka, vanoremekedzwa vakazodzwa vanoratidzirwa mubhuku raZvakazarurwa savakabatwa muruoko rworudyi rwaJesu, ndiko kuti, muudzori hwake nenhungamiro. (Zvakazarurwa 1:16, 20; 2:1) Chifo cha 1935 vakazodzwa vakagamuchira tsigiro yokuvimbika ye“boka guru” rinowedzera nguva dzose, rine tariro yokupukunyuka “dambudziko guru” ndokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14-17, NW) Sezvo “roorano yeGwaiana” inoswedera pedyo, vazhinji zvikuru vaivava vari kugadzwa noMutumbi Unodzora wakazodzwa kuti vabatire savakuru navatongi mudzinopfuura ungano 66 000 dzeZvapupu zvaJehovha mupasi rose.a (Zvakazarurwa 19:7-9) Kupfurikidza nezvikoro chaizvo, vari kurovedzwa kutarisira mutoro muchaunga che“pasi idzva.” (2 Petro 3:13) Chikoro choUshumiri hwoUmambo, chakaitiswa pakupera kwa 1991 munyika dzakawanda, chakasimbisa kutarisirwa kwakafanira kwenhau dzokutonga. Vakuru vanobatira savatongi vanosungirwa kutevedzera Jehovha naKristu Jesu, vane marutongeso ari echokwadi neakarurama.—Johane 5:30; 8:16; Zvakazarurwa 19:1, 2.
Vatongi Vano‘zvibata Vamene Norutyo’
6. Neiko vakuru vanobatira mumatare anotonga vachifanira ‘kuzvibata vamene norutyo’?
6 Kana Kristu amene achitonga achitya Jehovha uye nebetsero yomudzimu Wake, vakuru vasina kukwana vanofanira kuita saizvozvo zvikuru sei! Pakugoverwa kubatira mudare rinotonga, vanofanira ku‘zvibata vamene norutyo,’ vachi“kumbira Baba vanotonga nokusasarura” kuvabetsera kutonga mukururama. (1 Petro 1:17, NW) Vanofanira kuyeuka kuti vari kubata noupenyu hwavanhu, “mweya” yavo, saavo vacha“zvidavirira.” (VaHebheru 13:17, NW) Nemhaka yaikoku, zvirokwazvo vachazvidavirirawo pamberi paJehovha nokuda kwezvikanganiso zvokutonga zvinodzivisika zvipi nezvipi zvavangaita. Mutsinhiro yake pana VaHebheru 13:17, J. H. A. Ebrard akanyora, kuti: “Mutoro womufudzi kurinda mweya yakaiswa mutarisiro yake, uye . . . anofanira kuzvidavirira pamusoro pavo vose, pamusoro paavo vose vakarasika kupfurikidza nemhaka yake. Iri ishoko rakakomba. Mushumiri ari wose weshoko ngaarangarire, kuti akatora nokuzvidira iyi nzvimbo ine mutoro unotyisa [zvakaoma].”—Enzanisa naJohane 17:12; Jakobho 3:1.
7. (a) Vatongi vomuzuva razvino uno vanofanira kuyeukei, uye chii chinofanira kuva vavariro yavo? (b) Zvifundoi izvo vakuru vanofanira kuwana muna Mateo 18:18-20?
7 Vakuru vanoshanda munzvimbo yokutonga vanofanira kuyeuka kuti Vatongi chaivoivo venhau imwe neimwe ndiJehovha naKristu Jesu. Yeuka izvo vatongi muna Israeri vakaudzwa: “Nokuti hamutongeri vanhu imi asi Jehovha; iye unemi pakutonga kwenyu. Naizvozvo zvino kutya Jehovha ngakuve nemi. . . . itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.” (2 Makoronike 19:6-10) Norutyo rwokuremekedza, vakuru vanotonga nhau vanofanira kuita unani hwavo kuva nechokwadi chokuti Jehovha chaizvoizvo ‘anavo munhau yorutongeso.’ Chisarudzo chavo chinofanira kuratidzira zvakarurama nzira iyo Jehovha naKristu vanorangarira nayo nhau yacho. Chavano‘sunga’ nenzira yokufananidzira (kuwana kuva nemhaka) kana kuti ‘kusunungura’ (kuwana kusava nemhaka) pasi pano chinofanira kuva icho chakatosungwa kana kuti kusunungurwa mudenga—sezvinoziviswa nezvakanyorwa muShoko rakafuridzirwa raMwari. Kana vachinyengetera kuna Jehovha muzita raJesu, Jesu achava “pakati pavo” kuti avabetsere. (Mateo 18:18-20, NW, mashoko omuzasi; Nharireyomurindi, February 15, 1988, peji 9) Mugariro pakutonga unofanira kuratidza kuti Kristu zvirokwazvo ari pakati pavo.
Vafudzi Venguva Yakazara
8. Chii chiri basa guru ravakuru kuboka, sezvinoratidzirwa naJehovha naJesu Kristu? (Isaya 40:10, 11; Johane 10:11, 27-29)
8 Vakuru havatongi nguva yakazara. Ivo vafudzi venguva yakazara. Vaporesi, kwete varangi. (Jakobho 5:13-16) Mufungo mukuru uri seri kweshoko rechiGiriki nokuda kwomutariri (e·piʹsko·pos) ndouya weitiro hanya yokudzivirira. Theological Dictionary of the New Testament inoti: “Mufudzi anobetsera [pana 1 Petro 2:25], shoko rokuti [e·piʹsko·pos] rinokarakadza basa rokuruwa rokurinda kana kuti kutaviridza.” Hungu, mutoro wavo mukuru kurinda makwai nokuataviridzira, kuachengeta ari mukati meboka.
9, 10. (a) Pauro akasimbisa sei basa rokutanga ravakuru, naizvozvo mubvunzoi ungasanobvunzwa? (b) Mashoko aPauro ari pana Mabasa 20:29 anorevei, naizvozvo vakuru vangaedza sei kuderedza chiverengero chenhau dzokutonga?
9 Achitaura kuvakuru veungano yeEfeso, muapostora Pauro akaisa simbiso payo: “Zvingwarirei imi mumene neboka rose ramakagadzwa mariri kuti muve vatariri, kufudza ungano yaMwari, yaakadzikinura neropa roMwanakomana wake amene.” (Mabasa 20:28) Pauro anosimbisa kufudza, kwete kuranga. Vamwe vakuru vangaita zvakanaka kufungisisa pamusoro pomubvunzo unotevera: ‘Tingagona kuchengeta chitsama chakati chenguva chinodikanwa kunzvera ndokutarisira nhau dzokutonga kana tikapa nguva yakawanda nenhamburiko kukufudza here?’
10 Chokwadi, Pauro akanyevera pamusoro pa“mapere anoparadza.” Asi haana kuzvidza iwaya nokuda kwo‘kusabata boka nounyoro here’? (Mabasa 20:29) Uye nepo iye aireva kuti vatariri vakatendeka vanofanira kudzinga aya “mapere,” mashoko ake haaratidzi here kuti vakuru vanofanira kubata mimwe mitezo yeboka “nounyoro”? Apo gwai rinova rakaneta mumudzimu ndokuwira parutivi, iro rinodei—kurova kana kuti kuporesa, kuranga kana kuti kufudza here? (Jakobho 5:14, 15) Naizvozvo, vakuru vanofanira kuronga nguva yebasa rokufudza nguva dzose. Ikoku kungaunza muuyo unofadza wenguva shoma inopedzwa munhau dzokutonga dzinopedza nguva dzinobatanidza maKristu akakurirwa nechivi. Zvamazvirokwazvo, itiro hanya yokutanga yavakuru inofanira kuva kugovera manyuko esununguko nezorodzo, nokudaro vachisimudzira rugare, runyararo, uye chengeteko pakati pavanhu vaJehovha.—Isaya 32:1, 2.
Kubatira Savafudzi Navatongi Vane Mutsa
11. Neiko vakuru vanobatira mumatare anotonga vachida kusasarura no“uchenjeri hwokumusoro”?
11 Kufudza kwakakomba zvikuru muKristu asati aita nhano yakaipa kungasanoderedza chiverengero chenhau dzokutonga pakati pavanhu vaJehovha. (Enzanisa naVaGaratia 6:1.) Kunyanguvezvo, nemhaka yechivi chavanhu nokusakwana, vatariri vechiKristu panguva nenguva vangafanira kubata nenhau dzechakaipa. Inheyoi dzinofanira kuvatungamirira? Idzodzi hadzina kuchinja chifo chenguva yaMosesi kana kuti iya yamaKristu apakuvamba. Mashoko aMosesi akataurwa kuvatongi muna Israeri achiri akanaka, anoti: “Teererai mhosva dziri pakati pehama dzenyu, [munofanira kutonga nokururama, NW] . . . Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu.” (Dheuteronomio 1:16, 17) Kusasarura ivara ro“uchenjeri hwokumusoro,” uchenjeri hunokosha kwazvo nokuda kwavakuru vanobatira mumatare okutonga. (Jakobho 3:17, NW; Zvirevo 24:23) Uchenjeri hwakadaro huchavabetsera kuziva musiano uri pakati poutera nouipi.
12. Vatongi vanofanira kusava bedzi varume vakarurama asi varume vakanaka mupfungwai?
12 Vakuru vano“fanira kutonga nokururama,” mukuwirirana nemipimo yaJehovha yechakarurama nechisina kururama. (Pisarema 19:9) Bva, nepo vachivavarira kuva varume vakarurama, vanofanira kuedzawo kuva varume vakanaka, mupfungwa yomusiano uyo Pauro anoita pana VaRoma 5:7, 8. Richitsinhira pamusoro pendima idzodzi munyaya yaro pamusoro pe“Righteousness,” bhuku rinonzi Insight on the Scriptures rinoti: “Kushandiswa kweshoko rechiGiriki kunoratidza kuti munhu anocherekedzwa, kana kuti anosianiswa, norunako ndeuyo ane ngoni (anoda kuita zvakanaka kana kuti kuunza betsero kuvamwe) naane mutsa (anoratidzira runako irworwo nenzira yokushingaira). Haasati achingoitirawo zvake hanya kuita zvinoda ruramisiro asi anopfuura ikoku, achiva anonyandurwa nokurangarira vamwe kwakanaka nechishuvo chokuvayamura nokuvabetsera.” (Vhoriyamu 2, peji 809) Vakuru vasati vari bedzi vakarurama asiwo vakanaka vachabata vaiti vezvakaipa nerangariro yomutsa. (VaRoma 2:4) Vanofanira kuda kuratidza ngoni netsitsi. Ivo vanofanira kuita chavanogona kubetsera muiti wechakaipa kuona dikanwo yokupfidza, kunyange zvazvo pakutanga angasaratidzika kuva anogamuchira nhamburiko dzavo.
Chimiro Chendangariro Chakafanira Pakutonga
13. (a) Apo mukuru anoshanda somutongi, haaregi kuva chii? (b) Izanoi rakapiwa naPauro rinoshandawo pakutonga?
13 Apo mugariro unoda kutonga, vatariri havafaniri kukanganwa kuti vachiri vafudzi, vanobata namakwai aJehovha, pasi po“mufudzi akaisvonaka.” (Johane 10:11) Zano iro Pauro akapa nokuda kwebetsero yenguva dzose inopiwa kumakwai ari muchinetso rinoshanda nesimba rakaenzana pakutonga. Iye akanyora, kuti: “Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, imi [vane zvikwaniriso zvomudzimu, NW] mudzose wakadai nomwoyo wounyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo.”—VaGaratia 6:1, 2.b
14. Vatariri vanofanira kurangarira sei kutonga, uye chii chinofanira kuva chimiro chavo chendangariro kumuiti wechakaipa?
14 Panzvimbo pokuzvirangarira vamene kuva vatongi vakuru vari kuungana kuti vape chirango, vakuru vanobatira mudare rinotonga vanofanira kurangarira kutonga sorumwe rutivi rwebasa ravo rokufudza. Rimwe ramakwai aJehovha riri muchinetso. Chii chavanogona kuita kuti variponese? Kwava kunyanyononoka here kubetsera iri gwai rakarasika richibva muboka? Hatingakariri izvozvo. Vakuru vanofanira kuchengeta murangariro wakanaka kukuratidza ngoni uko ikoku kungava kwakafanira. Hakusati kuri kuti vanofanira kuderedza mipimo yaJehovha kana chivi chakakomba chakaitwa. Asi kuva kwavo vanoziva migariro ipi neipi yakaparira kuchavabetsera kutambanudza ngoni kwakunobvira. (Pisarema 103:8-10; 130:3) Kunosuruvarisa kutaura, vamwe vaiti vezvakaipa vane chisimbwa kwazvo muchimiro chavo chendangariro zvokuti vakuru vanosungirwa kuratidza kusimba, kunyange zvazvo pasitongorina hasha.—1 VaKorinte 5:13.
Donzo Rokutonga
15. Apo chinetso chakakomba chinomuka pakati pavanhu vamwe navamwe, chii chinofanira kutanga kuzivikanwa?
15 Apo chinetso chakakomba chinomuka pakati pavanhu vamwe navamwe, vakuru vakachenjera vachatanga kuziva kana avo vanobatanidzwa vakaedza kupedza nhau yacho vari voga, mumudzimu waMateo 5:23, 24 kana kuti Mateo 18:15. Kana ikoku kwakakundikana, zvichida zano rinopiwa nomukuru mumwe kana kuti vaviri richakwana. Chiito chokutonga chiri madikanwa bedzi kana chivi chakakomba chakaitwa icho chingagona kutungamirira kukudzinga. (Mateo 18:17; 1 VaKorinte 5:11) Panofanira kuva nehwaro hwakanaka hwapaMagwaro hwokuumba dare rinotonga. (Ona Nharireyomurindi, September 15, 1989, peji 18.) Apo rinoumbwa, vakuru vakakwaniriswa zvakanakisisa vanofanira kusarudzwa nokuda kwenhau yacho.
16. Vakuru vanoedza kuwanei kupfurikidza nokutonga?
16 Vakuru vanoedza kuwanei kupfurikidza nokutonga? Kutanga, hakubviri kutonga nokururama kutoti zvokwadi ikazivikanwa. Somuna Israeri, nhau dzakakomba dzinofanira ku‘nzverwa zvakakwana.’ (Dheuteronomio 13:14; 17:4) Naizvozvo imwe vavariro yokutonga ndeyokuwana maidi enhau yacho. Asi ikoku kunogona uye kunofanira kuitwa norudo. (1 VaKorinte 13:4, 6, 7) Kana maidi angozivikanwa bedzi, vakuru vachaita chipi kana chipi chiri madikanwa kudzivirira ungano ndokuchengeta mukati mayo mipimo yakakwirira yaJehovha nokuyerera kwakasununguka kwomudzimu wake. (1 VaKorinte 5:7, 8) Zvisinei, rimwe ramadonzo okutonga kuponesa, kana kuchitongobvira, mutadzi ari mungozi.—Enzanisa naRuka 15:8-10.
17. (a) Munhu anopomerwa anofanira kubatwa sei mukati mokutonga, uye nedonzoi? (b) Ikoku kuchadei kumitezo yedare rinotonga?
17 Munhu akapomerwa haatongofaniri kubatwa neimwe nzira isiri segwai raMwari. Iye anofanira kubatwa nounyoro. Kana chivi (kana kuti zvivi) chakaitwa, donzo ravatongi vakarurama richava rokubetsera mutadzi kugadziridza, kunzwisisa mhosho yenzira yake, kupfidza, uye nokudaro kubviswa mu“musungo waDhiabhorosi.” Kuchada ku“ziva kudzidzisa,” ku“dzidzisa nounyoro.” (2 Timotio 2:24-26; 4:2) Zvakadiniko kana mutadzi ipapo akaziva kuti akatadza, abaiwa mwoyo zvirokwazvo, uye anokumbira Jehovha nokuda kwekanganwiro? (Enzanisa naMabasa 2:37.) Kana dare rikapwiswa kuti anoda betsero zvapachokwadi, kazhinji kazhinji pangasava nedikanwo yokumudzinga.—Ona Nharireyomurindi, October 1, 1983, peji 29, ndima 1.
18. (a) Dare rinotonga rinofanira kuratidza kusimba rini mukudzinga muiti wechakaipa? (b) Vakuru vanofanira kuzvishandisa vamene nokuda kwamakwai anorasika nemhaka yomugariroi unorwadza?
18 Pane rumwe rutivi, apo mitezo yedare rinotonga inonangana nenhau yakajeka yokuwa pakutenda kwokukasharara, kupandukira mitemo yaJehovha nenzira yamaune, kana kuti uipi huri pachena, basa ravo nderokudzivirira mimwe mitezo yeungano kupfurikidza nokudzinga mutadzi asingapfidzi. Dare rinotonga harisungirwi kusangana rasanganazve nomutadzi wacho kana kuti kuisa mashoko mumuromo make, richiedza kumumanikidza kupfidza, kana kuri pachena kuti haana rusuruvaro rwoumwari.c Mumakore achangobva kupfuura aya kudzinga munyika yose kwave kuri inenge 1 muzana yavaparidzi. Ikoko kunoreva kuti kubva muanenge makwai ane zana anosara ari mudanga, rimwe rinorasika—toti hedu kwechinguvana. Tichirangarira nguva nenhamburiko zvakunoda kudzosera munhu mudanga, hakusati kuchirwadza here kuziva kuti makumi ezviuru ano‘dzorerwa kuna Satani’ gore riri rose?—1 VaKorinte 5:5.
19. Vakuru vanobatira mudare rinotonga havafaniri kutongokanganwei, naizvozvo chii chichava vavariro yavo?
19 Vakuru vanotanga munhau yedare vanofanira kuyeuka kuti nhau zhinjisa dzechivi muungano dzinobatanidza utera, kwete uipi. Havafaniri kutongokanganwa muenzanisiro waJesu wegwai rakarasika, uyo akagumisa namashoko, anoti: “Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe unotendeuka, kupfuura pavakarurama vane makumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.” (Ruka 15:7) Zvirokwazvo, “[Jehovha, NW] . . . haadi kuti vamwe varasike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Nebetsero yaJehovha, matare anotonga munyika yose ngaaite unani hwawo kusakisa mufaro mudenga kupfurikidza nokubetsera vaiti vechakaipa kuona dikanwo yokupfidza ndokutanga kufamba netsoka dzavo vachidzokera munzira nhete inotungamirira kuupenyu husingaperi.—Mateo 7:13, 14.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwenzvimbo yavakuru vanobva pakati pamamwe makwai pamusoro poruoko rworudyi rwaKristu, ona bhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., peji 136, mashoko omuzasi.
c Ona Nharireyomurindi, March 1, 1982, peji 29, ndima 24.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Vachitevera muenzaniso woMufudzi Mukuru noMufudzi Akaisvonaka, chii chinofanira kuva fariro huru yavakuru?
◻ Vakuru vanogona kuvavarira kuderedza chiverengero chenhau dzokutonga munzirai?
◻ Vatongi havafaniri kuva bedzi vakarurama asiwo vakanaka mupfungwai?
◻ Muiti wechakaipa anofanira kubatwa sei mukati mokutonga, uye nedonzoi?
◻ Neiko kudzinga kuri chiito chokupedzisira?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Uko kufudza kwapachine nguva mberi kunoitwa, nhau dzokutonga dzakawanda dzingadziviswa
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kunyange mukati mokutonga, vakuru vanofanira kuedza kugadziridza muiti wechakaipa mumudzimu wounyoro