Kuvapo kwaMesia Nokutonga Kwake
“Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.”—MABASA 1:11.
1, 2. (a) Ngirozi mbiri dzakanyaradza sei vaapostora vaJesu apo iye akakwira kudenga? (b) Mibvunzoi inomutswa nekariro yokudzoka kwaKristu?
VARUME vane gumi nomumwe vakamira pamawere okumabvazuva eGomo reMiorivhi, vachitarira mudenga. Nguva shomanene yapfuura Jesu Kristu akanga asimuka achibva pakati pavo, chimiro chake chichinyangarika kutozosvikira chafukidzwa negore. Mumakore avo naye, ava varume vakanga vaona Jesu achipa chibvumikiso chikuru chokuti iye akanga ari Mesia; vakanga vatopfuura murusuruvaro rworufu rwake nomufaro worumuko rwake. Zvino akanga aenda.
2 Ngirozi mbiri dzakaoneka kamwe kamwe ndokutaura aya mashoko anonyaradza: “Varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.” (Mabasa 1:11) Kunovimbisa sei—kukwira kwaJesu kudenga hakuna kureva kuti iye akanga asingachaitiri hanya pasi norudzi rwomunhu! Mukupesana, Jesu aizodzoka. Pasina panikiro aya mashoko akazadza vaapostora netariro. Mamirioni avanhu nhasi anorangarirawo chipikirwa chokudzoka kwaKristu kuva choukoshi hukuru. Vamwe vanotaura nezvacho so“Kuuya Kwechipiri” kana kuti “Adhivhendi.” Vazhinjisa, kunyanguvezvo, vanoratidzika kuva vakavhiringidzika pamusoro pokuti kudzoka kwaKristu kunorevei chaizvoizvo. Kristu anodzoka munzirai? Rini? Uye ikoku kunotapura sei upenyu hwedu nhasi?
Mutoo Wokudzoka kwaKristu
3. Vanhu vakawanda vanodavirei pamusoro pokudzoka kwaKristu?
3 Mukuwirirana nebhuku rinonzi An Evangelical Christology, “kuuya kwechipiri kana kuti kudzoka kwaKristu (parousia) kunosimbisa umambo hwaMwari, pakupedzisira, pachena, uye nokuda kwokusingagumi kwose.” Chitendero chinodavirwa zvakafara kuti kudzoka kwaKristu kuchaoneka pachena, kunoonekwa chaizvoizvo nomunhu ari wose ari panyika. Kutsigira uyu mufungo, vakawanda vanonongedzera kuna Zvakazarurwa 1:7, iyo inorava, kuti: “Tarirai, unouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya.” Asi iyi ndima yakarehwa kuti inofanira kurangarirwa sezvairi chaizvoizvo here?
4, 5. (a) Tinoziva sei kuti Zvakazarurwa 1:7 hairehwi mupfungwa chaiyoiyo? (b) Mashoko aJesu amene anosimbisa sei iyi nzwisiso?
4 Yeuka, bhuku raZvakazarurwa rinopiwa “muzviratidzo.” (Zvakazarurwa 1:1, NW) Ichi chikamu chamashoko, ipapoka, chinofanira kuva chokufananidzira; pashure pokurangarira zvose, “ivo vakamubaya” vaigona sei kuona Kristu achidzoka? Vave vakafa anodokusvika mazana amakore ane 20! Kupfuurirazve, ngirozi dzakataura kuti Kristu aizodzoka “saizvozvo” sokuenda kwaakaita. Eya, akaenda sei? Namamirioni achiona here? Aiwa, vakatendeka vashomanene chete vakaona chinoitika chacho. Uye apo ngirozi dzakataura kwavari, vaapostora vakanga vachiona chaizvoizvo rwendo rwaKristu achienda kudenga here? Aiwa, kufukidza kwegore kwakanga kwafukidza Jesu muchiono. Nguva yakati pashure pacho, iye anofanira kuva akapinda mumatenga omudzimu somunhu womudzimu, asingaoneki nameso avanhu. (1 VaKorinte 15:50) Naizvozvo, zvikurukuru, vaapostora vakaona mavambo bedzi orwendo rwaJesu; vaisagona kuona kuguma kwarwo, kudzoka kwake kukuvapo kwokudenga kwaBaba vake, Jehovha. Vaigona bedzi kunzwisisa ikoku nameso avo okutenda.—Johane 20:17.
5 Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu anodzoka nenzira imwe cheteyo zvikuru. Jesu amene akati chinguvana pamberi porufu rwake: “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni.” (Johane 14:19) Iye akataurawo kuti “[umambo, NW] hwaMwari hahuuyi huchionekwa.” (Ruka 17:20) Ipapoka, ‘ziso riri rose richamuona’ mupfungwai? Kuti tipindure, tinotanga kuda nzwisiso yakajeka yeshoko iro Jesu navateveri vake vakashandisa pamusoro pokudzoka kwake.
6. (a) Neiko mashoko akadai sa“kudzoka,” “kusvika,” “adhivhendi,” uye “kuuya” asiri kushandurwa kwakakwana kweshoko rechiGiriki rokuti pa·rou·siʹa? (b) Chii chinoratidza kuti pa·rou·siʹa kana kuti “kuvapo,” kunogara kwenguva refu zvikuru kupfuura nhambo yechinoitikawo zvacho chipi nechipi chechinguvana?
6 Idi nderokuti, Kristu anoita zvakawanda zvikuru kupfuura “kudzoka” chete. Shoko iroro, kufanana na“kuuya,” “kusvika,” kana kuti “adhivhendi,” rinoreva chinoitika chimwe munhambo pfupi yenguva. Asi shoko rechiGiriki iro Jesu navateveri vake vakashandisa rinoreva zvakawanda zvikuru. Shoko racho ndipa·rou·siʹa, rinoreva chaizvoizvo “kuva parutivi” kana kuti “kuvapo.” Nyanzvi zhinjisa dzinobvuma kuti iri shoko rinobatanidza kwete bedzi kusvika asiwo kuvapo kunotevera—somushanyo yapaMutemo yomukuru mukuru woumambo. Uku kuvapo hachisati chiri chinoitika chenhambo pfupi; inhambo chaiyo, nhambo yakaratidzirwa yenguva. Pana Mateo 24:37-39 (NW), Jesu akataura kuti “kuvapo [pa·rou·siʹa] kwoMwanakomana womunhu” kwaizova kwakafanana na“mazuva aNoa” ayo akaguma naMafashamo. Noa akanga ari kuvaka areka nokunyevera vakaipa kwamakumi amakore Mafashamo asati asvika ndokuparadza tsika yakaipa iyoyo yenyika. Nenzira yakafanana, ipapoka, kuvapo kusingaoneki kwaKristu kunogara kwenhambo yamakumi amakore akati kusati kwagumawo noruparadziko rukuru.
7. (a) Chii chinobvumikisa kuti pa·rou·siʹa haioneki nameso avanhu? (b) Magwaro ayo anorondedzera kudzoka kwaKristu sokunooneka ne“ziso riri rose” achazadzikwa sei uye rini?
7 Nenzira isingapanikirwi, pa·rou·siʹa haisati ichioneka chaizvoizvo nameso avanhu. Kudai kwakadaro, neiko Jesu aizopedza nguva yakawanda kwazvo, sezvatichaona, achipa vateveri vake chiratidzo chokuvabetsera kunzwisisa uku kuvapo?a Zvisinei, apo Kristu anouya kuzoparadza tsika yenyika yaSatani idi rokuvapo kwake richaoneka zvikuru kuna vose. Ndipapo apo “ziso riri rose richamuona.” Kunyange vashori vaJesu vachakwanisa kunzwisisa, kukushamiswa kwavo, kuti kutonga kwaKristu ndichaikoiko.—Ona Mateo 24:30; 2 VaTesaronika 2:8; Zvakazarurwa 1:5, 6.
Kunovamba Rini?
8. Ndichinoitikai chinoratidzira mavambo okuvapo kwaKristu, uye ikoku kwakaitika kupi?
8 Kuvapo kwaMesia kunovamba nechinoitika icho chinozadzika musoro unodzokororwa wadzokororwazve wamauporofita aMesia. Iye akapfekedzwa korona saMambo mudenga. (2 Samueri 7:12-16; Isaya 9:6, 7; Ezekieri 21:26, 27) Jesu amene akaratidza kuti kuvapo kwake kwaizobatanidzwa nokuva mambo kwake. Mumienzanisiro inoverengeka, iye akazvifananidza amene natenzi anosiya imba yake navaranda, achifamba kwenguva refu kuenda “kunyika iri kure” uko anogamuchira “simba roumambo.” Iye akapa muenzanisiro mumwe wakadaro sorutivi rwemhinduro yake kumubvunzo wavaapostora vake pamusoro pokuti pa·rou·siʹa yake yaizovamba rini; mumwe akapa nemhaka yokuti “vakanga vachifungidzira kuti umambo hwaMwari hwakanga huchizozviratidzira humene pakarepo.” (Ruka 19:11, 12, 15; Mateo 24:3; 25:14, 19, NW) Naizvozvo mukati menguva yake ari pasi pano somunhu, kugadzwa kwake kwakanga kuchiri kure kure, kuti kuitike mu“nyika iri kure” yedenga. Kwaizoitika rini?
9, 10. Ufakazii huripo hwokuti Kristu pari zvino ari kutonga mudenga, uye akavamba rini kutonga kwake?
9 Apo vadzidzi vaJesu vakamubvunza, kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Jesu akapindura kupfurikidza nokuvapa rondedzero ine udzame yenguva yemberi iyoyo. (Mateo, ganhuro 24, NW; Marko, ganhuro 13; Ruka, ganhuro 21; onawo 2 Timotio 3:1-5; Zvakazarurwa, ganhuro 6.) Ichi chiratidzo chinova mufananidzo une udzame wenhambo yenhamo. Inguva inoratidzirwa nehondo dzamarudzi ose, utsotsi hunowedzera, upenyu hwemhuri hunoshata, mikondombera yehosha, nzara, uye kudengenyeka kwapasi—kwete sezvinetso zvomunzvimbomo asi senjodzi dzinobatanidza nyika. Ikoku kunonzwika kuva kwakarovedzeka here? Zuva riri rose rinopfuura rinosimbisa kuti zana ramakore rechi 20 rinokodzera zvakakwana rondedzero yaJesu.
10 Vezvenhau vanobvuma kuti 1914 yakanga iri nguva yechinjo munhau yavanhu, gore rinokosha iro zvakawanda zvezvinetso izvozvi zvakavamba kusadzoreka pashure paro, zvichiwedzera pamwero wenyika yose. Hungu, zvinoitika zvinooneka zvenyika mukuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri zvose zvinonongedzera kuna 1914 segore apo Jesu akavamba kutonga saMambo mudenga. Kupfuurirazve, uporofita huri muna Dhanieri ganhuro 4 hunogovera ufakazi hwokuverengwa kwenguva uhwo hunotitungamirira kugore rimwe chetero rimene—1914—senguva apo Mambo akagadzwa waJehovha aizovamba kutonga kwake.b
Neiko Iri Nguva Yenhamo?
11, 12. (a) Neiko kwakaomera vamwe kudavira kuti Kristu ari kutonga mudenga iye zvino? (b) Tingaenzanisira sei zvakaitika pashure pokunge Jesu apfekedzwa korona saMambo?
11 Vamwe vanoshamisika, kunyanguvezvo kuti, ‘Neiko nyika iri kutambudzwa kwazvo kana Mesia ari kutonga mudenga? Kutonga kwake hakubudiriri here?’ Muenzanisiro ungabetsera. Imwe nyika inotongwa napurezidhendi akaipa. Iye akatanga tsika yakaipa ine pesvedzero inotambanukira murutivi rwuri rwose rwenyika. Asi sarudzo inoitwa; munhu akanaka anokunda. Zvino chii chichaitika? Sezvakuri mudzimwe nyika dzehurumende inosarudzwa navanhu, nhambo yechinjo yemwedzi yakati inotevera purezidhendi mutsva asati agadzwa. Ava vanhu vaviri vaizoita sei mukati menhambo yakadaro? Munhu akanaka achadenha pakarepo ndokuparadza zvakaipa zvose izvo akamutangira akaparira munyika yose here? Iye, panzvimbo pezvo, aisazonangidzira ngwariro padzimbahwe kutanga, kugadza dare idzva ramakurukota nokugura batano neshamwari navatsigiri vasina kutendeseka veaichimbova purezidhendi here? Nenzira iyoyo, apo anopinda musimba rakazara, anogona kushanda ari pachigaro chakachena, chinobudirira chesimba. Kana ari purezidhendi akaipa, aisazoshandisa nguva pfupi yaasara nayo kutora munyika yacho mhindu dzose dzinowanwa zvakaipa dzaanogona asati arasikirwa nesimba rose here?
12 Chaizvoizvo, kwakafanana nepa·rou·siʹa yaKristu. Zvakazarurwa 12:7-12 (NW), inoratidza kuti apo Kristu akaitwa Mambo mudenga, akatanga kukandira Satani namadhemoni ake kunze kwedenga, nokudaro achichenesa nzvimbo yehurumende yake. Atambura uku kukundwa kwakamirirwa kwenguva refu, Satani anozvibata sei mukati me“nhambo pfupi yenguva” Kristu asati ashandisa simba rake rakazara pano pasi pano? Kufanana napurezidhendi uya akaipa, iye anoedza kuwana chinhu chiri chose chaanogona mutsika ino yekare. Haadi mari; anoda upenyu hwavanhu. Iye anoda kubvisa vanhu vakawanda kuna Jehovha naMambo wake anotonga savaanogona sezvinobvira.
13. Magwaro anoratidza sei kuti mavambo okutonga kwaKristu aizova nguva yenhamo pano pasi pano?
13 Hakushamisi, ipapoka, kuti mavambo okutonga kwaMesia anoreva nguva ye“nhamo nokuda kwapasi.” (Zvakazarurwa 12:12) Nenzira yakafanana, Pisarema 110:1, 2, 6 rinoratidza kuti Mesia anovamba kutonga kwake ‘pakati pavavengi vake.’ Anopwanya “marudzi” zvakakwana gare gare bedzi, pamwe chete norutivi rwuri rwose rwetsika yakaipa yaSatani, zvokutsakatika!
Apo Mesia Anotonga Pasi
14. Mesia achakwanisa kuitei pashure pokunge aparadza tsika yakaipa yezvinhu yaSatani?
14 Pashure pokunge aparadza tsika yaSatani navose vanoitsigira, Mambo wouMesia, Jesu Kristu, pakupedzisira achakwanisa kuzadzika mauporofita anoshamisa eBhaibheri ayo anorondedzera Kutonga kwake kweMireniyumu. Isaya 11:1-10 (NW), inotibetsera kuona kuti rudzii chaizvo rwomutongi urwo Mesia achava. Isa 11 Ndima 2 inotiudza kuti iye achava no“mudzimu waJehovha . . . , mudzimu wouchenjeri nowenzwisiso, mudzimu wezano nowesimba.”
15. ‘Mudzimu wesimba’ ucharevei mukutonga kwaMesia?
15 Rangarira izvo ‘mudzimu wesimba’ uchareva mukutonga kwaJesu. Apo iye akanga ari pasi pano, akanga ane mwero wakati wesimba rinobva kuna Jehovha, richimugonesa kuita manenji. Uye akaratidza chishuvo chomwoyo wose chokubetsera vanhu, achiti, “Ndinoda.” (Mateo 8:3) Asi manenji ake amazuva iwayo akanga ari rumbonera chete rwezvaaizoita pakutonga ari mudenga. Jesu achaita manenji pamwero wenyika yose! Vanhu vanorwara, mapofu, matsi, vakaremara, uye vanokamhina vachaporeswa kwenguva yose. (Isaya 35:5, 6) Mafashafasha ezvokudya, zvinoparadzirwa zvakanaka, achagumisa nzara nokusingaperi. (Pisarema 72:16) Zvakadiniko nezvamamirioni aya asingaverengeki ari mumakuva ayo Mwari anofadzwa kuyeuka? “Simba” raJesu richabatanidza simba rokuvamutsa, achipa mumwe nomumwe banza rokurarama nokusingaperi muParadhiso! (Johane 5:28, 29) Bva, kunyange nesimba rose irori, Mambo wouMesia achava anozvininipisa zvikuru nguva dzose. Iye anowana “mufaro . . . mukutya Jehovha.”—Isaya 11:3, NW.
16. Mambo wouMesia achava rudzii rwomutongi, uye ikoko kuchasiana sei nechinyorwa chavatongi vohunhu?
16 Uyu Mambo achavawo Mutongi akakwana. Iye “haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi.” Mutongi upi wohunhu, womunguva yakapfuura kana kuti wazvino, angagona kurondedzerwa nenzira iyoyo? Kunyange munhu akachenjera zvikuru anogona kutonga kupfurikidza bedzi nezvaanoona nokunzwa, achishandisa uchenjeri hupi kana hupi kana kuti nzwisiso zvaangava nazvo. Nokudaro, vatongi namatare enyika ino yekare vangatsauswa kana kuti kuvhiringidzwa nounyengeri hwokungwara, ujarijari hwechienzi mukamuri redare, kana kuti ufakazi hunobonderana. Kazhinji kazhinji vapfumi navane simba ndivo bedzi avo vanogona kupa dziviriro inobudirira, chaizvoizvo vachitenga ruramisiro. Hazvina kudaro noMutongi wouMesia! Iye anoziva zviri mumwoyo. Hapana chinhu chichanzvenga cherekedzo yake. Ruramisiro, inodzikamiswa norudo nengoni, haisati ichizotengeswa. Ichatekeshera nguva dzose.—Isaya 11:3-5.
Kukutapura Kunoita Kutonga Kwake
17, 18. (a) Chionoi chakajeka chenguva yemberi yorudzi rwomunhu chinoratidzirwa pana Isaya 11:6-9? (b) Uhu uporofita hunoshanda kuna ani zvikurukuru, uye neiko zvakadaro? (c) Uhu uporofita huchava sei nezadziko chaiyoiyo?
17 Nenzira inonzwisisika, kutonga kwaMesia kune pesvedzero huru pavadzorwi vako. Kunochinja vanhu. Isaya 11:6-9 inoratidza kuti chinjo dzakadaro dzakakura sei chaizvo. Uhu uporofita hunopa chiono chinoorora chemhuka dzine ngozi, dzinodya dzimwe mhuka—mapere, ingwe, shumba, nyamafungu—zviri pamwe chete nemhuka dzinopfuyiwa dzisingakuvadzi uye kunyange vana. Asi mhuka dzinodya dzimwe mhuka hadzipi ngozi! Neiko? Isa 11 Ndima 9 inopindura, kuti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”
18 Chokwadika, “kuziva Jehovha” hakungagoni kuva netapuro pamhuka chaidzoidzo; nokudaro ndima idzodzi dzinofanira kushanda zvikurukuru kuvanhu. Kutonga kwaMesia kunotsigira gadziriro yedzidzo yenyika yose, inodzidzisa vanhu pamusoro paJehovha nenzira dzake, inodzidzisa vose kubata vanhu biyavo norudo, ruremekedzo, uye chiremera. MuParadhiso inouya, Mesia achasimudzira rudzi rwomunhu nenzira yenenji kukukwana kwomuviri nokwetsika. Mavara okudya dzimwe mhuka, oumhuka ayo anoshatisa mugariro usina kukwana wavanhu achabviswa. Mupfungwa chaiyoiyowo, rudzi rwomunhu ruchava norugare nemhuka—pakupedzisira!—Enzanisa naGenesi 1:28.
19. Kutonga kwaMesia kunotapura sei upenyu hwavanhu mumazuva ano okupedzisira?
19 Yeuka, kunyanguvezvo, kuti Mesia ari kutonga zvino. Kunyange zvino, vadzorwi voUmambo hwake vari kudzidza kugara pamwe chete norugare, vachizadzika Isaya 11:6-9 mupfungwa imwe. Uyezve, kwaanodokusvika makore 80, Jesu ave achizadzika Isaya 11:10: “Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.” Vanhu vorudzi rwuri rwose vari kutendeukira kuna Mesia. Neiko? Nemhaka yokuti chifo chaapo akavamba kutonga, ave “akamira sechiratidzo.” Ave achiita kuti kuvapo kwake kuzivikanwe munyika yose kupfurikidza negadziriro huru yedzidzo yarondedzerwa pamusoro apa. Kutaura idi, Jesu akadeya kutaura kuti basa rokuparidzira munyika yose raizova chiratidzo chakatanhamara chokuvapo kwake pamberi pomugumo wetsika ino yekare.—Mateo 24:14.
20. Vadzorwi vose vokutonga kwaMesia vanofanira kudzivisa chimiroi chendangariro, uye neiko?
20 Naizvozvo kuvapo kwaKristu musimba roumambo haisati iri nhau duku, yokurondedzera, nhauwo zvayo yekurukurirano youngwaru pakati pavafundisi. Kutonga kwake kunotapura uye kunochinja upenyu pano pasi pano, kungofanana nokudeya kutaura kwakaita Isaya kuti kwaizoita. Jesu akabudisa mamirioni avadzorwi voUmambo hwake mutsika ino yenyika yakaipa. Uri mudzorwi akadaro here? Ipapo batira nembavarira yose nomufaro izvo Mutongi wedu akafanirwa nazvo! Sezvinobvumwa, kuri nyore zvikuru kuneta, kukumbanira mukudanidzira kwokunyomba kwenyika, kuti: “Kuvapo kwake ikoku kwakapikirwa kuri kupiko?” (2 Petro 3:4, NW) Asi Jesu amene akati, “unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.”—Mateo 24:13.
21. Tose zvedu tingakudziridza sei kuonga kwedu tariro youMesia?
21 Zuva riri rose rinopfuura rinotiswededza pedyo zvikuru nezuva guru apo Jehovha acharaira Mwanakomana Wake kuita kuti kuvapo kwake kuoneke kunyika yose. Usatongorega tariro yako muzuva iroro ichisviba. Fungisisa uMesia hwaJesu namavara ake saMambo anotonga. Fungawo zvakadzama, pamusoro paJehovha Mwari, muvambi nomurongi wetariro huru youMesia yakarongwa muBhaibheri. Sezvaunodaro, pasina panikiro ucharamba uchinzwa sezvakaita muapostora Pauro apo akanyora, kuti: “Haiwa kupfuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei!”—VaRoma 11:33.
[Mashoko Omuzasi]
a Shure muna 1864 mufundisi R. Govett akakutaura neiyi nzira: “Ikoku kunoratidzika kwandiri kuva kwakakomba zvikuru. Kupa chiratidzo choKuvapo kunoratidza kuti kwakavanzika. Hatidi chiratidzo kutizivisa kuvapo kwezvatinoona.”
b Nokuda kwoudzame, ona bhuku rinonzi “Let Your Kingdom Come,” mapeji 133-9.
Waizopindura Sei?
◻ Kristu anodzoka nomutooi?
◻ Tinoziva sei kuti pa·rou·siʹa yaKristu haioneki uye inovapo kwenhambo yakati yenguva?
◻ Kuvapo kwaKristu kunovamba rini, uye tinoziva sei ikoku?
◻ Mesia rudzii rwoMutongi wokudenga?
◻ Kutonga kwaKristu kunotapura upenyu hwavadzorwi vako munzirai?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Tariro yokuti Jesu aizodzoka yakareva zvakawanda kuvaapostora vake vakatendeka
[Mufananidzo uri papeji 17]
Achitonga ari kudenga, Jesu achaita manenji pamwero wenyika yose
[Kwazvakatorwa]
Pasi: Yakavakirwa paNASA photo