Chii Chaizvoizvo Chiri Evhangeri?
MUKATI menguva yeKrisimisi, vanhu munyika dzakawanda vanonzwa, uye kunyange kutaura somunhu oga, pamusoro peEvhangeri. Shoko racho rinozivikanwa navose zvikuru, asi rine revo huru kupfuura vazhinjisa vanofungidzira here? Ko Evhangeri ingagona kureva chimwe chinhu chakakunakira zvikuru navadiwa vako here?
“Evhangeri” inoreva “mashoko akanaka,” uye zvirokwazvo, mashoko akanaka anofarirwa kwete chete panguva yeKrisimisi asi nguva ipi neipi. Zvisinei, Evhangeri haasati chete ari mashoko akanaka api naapi. Mashoko akanaka chaiwo anobva mumanyuko chaiwoiwo pamusoro penhau yakati. Iwo, kutaura idi, ishoko iro Mwari akasarudza kuti riziviswe kurudzi rwose rwomunhu.
Eugênio Salles, bhishopi mukuru weRio de Janeiro, Brazil, akataura pamusoro pamashoko akanaka iwayo apo akakurudzira, kuti: “Tinofanira kuita mutsinhirano neEvhangeri uye kwete nebetsero yepfungwa.” Bhishopi mukuru wacho akanga akarurama. Kuita mutsinhirano neEvhangeri, zvisinei, kunoda kuti tizive icho Evhangeri iri. Tinogona sei kuziva ikoko? Uye kuita mutsinhirano neEvhangeri kuchatibetsera sei?
Chii Chiri Evhangeri?
Rudzi rweEvhangeri rwunowanzosanzwisiswa. Muna 1918 Federal Council of the Churches of Christ muAmerica yakarumbidza Chinzwano chaMarudzi zvino chakaparara seratidzirwo yezvamatongerwe enyika yoUmambo hwaMwari pasi pano ndokuzivisa kuti chakanga “chakasimbiswa muEvhangeri.” Sangano iroro rakakundikana zvinosiririsa munharidzano yaro yokuchengeta rugare. Nenzira yakajeka, dare racho rakanga risina kururama. Chinzwano chaMarudzi chakanga chisina chinhu chokuita neEvhangeri.
Mumakore achangobva kupfuura vasimudziri vepfungwa yorusununguko vakamutsa norusununguko Evhangeri pakutaura pamusoro pepfungwa dzavo dzechinjo yezvamatongerwe enyika kana kuti yenzanga. Mukuita saizvozvo ivo vakazvidza Evhangeri chaiyoiyo. Magazini yeBrazil Veja yakatsinhira, kuti: “Chechi yeKaturike yakavamba kuda umambo hwenzanga, ichifuratira zvinodikanwa zvomudzimu zvavakatendeka vayo. Avo vakatsvaka shoko rokuti Mwari mumharidzo vaiwanzowana bedzi nharo dzokuorora dzokurwisana nokusaruramisira kwomunzanga.”
Vandudziko mumigariro yokurarama kana kuti chinjo mumasangano ezvamatongerwe enyika angava mashoko akanaka kuvamwe. Bva, akadaro haasati ari mashoko akanaka, Evhangeri. Achibvuma kukundikana kwechechi yake kuparidzira Evhangeri chaiyoiyo, mumwe bhishopi akati: “Isu takaregeredza kudzidziswa kwomudzimu kwavakatendeka vedu chifo chama 60 nemhaka yedzongonyedzo yokudisa zvenyika mudzidziso yedu.”
Mumwe mushumo mumagazini yenhau yeU.S. inonzi Time unokarakadza kuti vaPurotesitendiwo vakarasikirwa neEvhangeri. Magazini yacho inoti: “Masangano amagamuchidzanwa haasati ari kungokundikana bedzi kupa shoko rawo; iwo haana chokwadi nenzira inowedzera kuti chaizvo shoko iroro chii.” Chii chinofanira kuva shoko rawo? Chii chiri Evhangeri?
Kuziva Evhangeri
Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary inorondedzera “Evhangeri” se“shoko pamusoro paKristu, umambo hwaMwari, uye ruponeso.” Shoko rokuti “evhangeri” rinorondedzerwawo so“kududzirwa kweshoko rechiKristu (evhangeri yenzanga)”; “shoko kana kuti dzidziso zvomudzidzisi worudzidziso.” Ko rondedzero dzose idzodzi dzinoshanda here? Aiwa, kwete kana tiri kutaura nezveEvhangeri. Evhangeri chaiyoiyo yakavakirwa paBhaibheri; nokudaro, yokutanga bedzi yerondedzero nhatu idzodzo yakarurama. Mbiri dzokupedzisira dzinongoratidzira hadzo nzira iyo shoko rokuti “evhangeri” rasvika pakushandiswa nayo nhasi.
Mutsinhirano nouyu mufungo, Vine’s Expository Dictionary of New Testament Words inotaura kuti muMagwaro echiKristu echiGiriki (“Testamente Itsva”), Evhangeri “inoratidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari neoruponeso kupfurikidza naKristu, anofanira kugamuchirwa kupfurikidza nokutenda, pahwaro hworufu Rwake rwokuyananisa.” Kunokosha kunzwisisa ikoku nemhaka yokuti kunzwisiswa kwakarurama kwamashoko akanaka echokwadi kune zvakawanda zvokuita negarikano yedu yazvino nomufarwa womunguva yemberi.
Shoko Rakajeka
Seizvo bhuku renongedzero richangobva kududzwa rinoratidza, Evhangeri yakasanobatanidzwa naJesu Kristu—zvikuru kwazvo zvokuti nhauro ina dzeBhaibheri dzoupenyu hwake pasi pano dzinonzi Evhangeri ina. Kuvambira pamavambo chaipo poupenyu hwake hwomunhu, mashoko pamusoro paJesu akanga ari mashoko akanaka. Pakuzivisa kuberekwa kwake, ngirozi yakati: “Tarirai! Ndinokuzivisai mashoko akanaka [kana kuti, evhangeri] omufaro mukuru uyo vanhu vose vachava nawo, nemhaka yokuti maberekerwa nhasi Muponesi, uyo ari Kristu Ishe.”—Ruka 2:10, 11, NW.
Jesu achangobva kuberekwa aizokura kuva Kristu, Mesia akapikirwa. Iye aizozivisa donzo raMwari roruponeso, kupa upenyu hwake hwomunhu hwakakwana nokuda kworudzi rwomunhu, kumutswa, uye ipapo kuva Mambo akasarudzwa woUmambo hwaMwari. Mashoko akanaka zvamazvirokwazvo! Ndokusaka shoko pamusoro pake richinzi Evhangeri.
Mukati moushumiri hwake hupfupi hwapasi, Jesu akanga achishingaira zvikuru mukuparidzira mashoko akanaka. Tinorava muEvhangeri yaMateo, kuti: “Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza [mashoko akanaka oumambo, NW].” (Mateo 9:35) Kuparidzira kwake kwakanga kusati kuri chete kuita kuti vanhu vanzwe zviri nani. Marko anonyora Jesu saanoti: “Nguva yakagadzwa yazadzikwa, uye umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai, imi vanhu, uye tendai mashoko akanaka.” (Marko 1:15, NW) Hungu, avo vakagamuchira ndokuteerera mashoko akanaka vakawana kuti iwo akachinja upenyu hwavo.
Pashure porufu rwaJesu, vateveri vake vakapfuurira kuparidzira Evhangeri. Havana kungotaura bedzi pamusoro poUmambo asi vakawedzera mashoko anofadza okuti Jesu akanga amutswa ndokuenda kurudyi rwaMwari mumatenga uye akanga apa ukoshi hwoupenyu hwake hwakakwana hwomunhu nokuda kworudzi rwomunhu. Souyo akasarudzwa naMwari kutonga pamusoro papasi rose saMambo woUmambo hwaMwari, iye aizova Mumiriri waMwari mukuparadza vavengi vaMwari nomukudzorera pasi kuparadhiso.—Mabasa 2:32-36; 2 VaTesaronika 1:6-10; VaHebheru 9:24-28; Zvakazarurwa 22:1-5.
Nhasi, mashoko akanaka anobatanidza chimwe chinhu. Mukuwirirana noufakazi hwose hwezadziko youporofita, Jesu zvino akagadzwa pachigaro choUmambo, uye tiri kurarama mumazuva okupedzisira etsika ino yezvinhu. (2 Timotio 3:1-5; Zvakazarurwa 12:7-12) Nguva apo Umambo hucharwisana navavengi vaMwari iri kusvika nokukurumidza. Mashoko ari nani zvakadini angagona kuvapo?
Tichaona munyaya inotevera kuti Evhangeri yakasimba sei. Iyo yakabetsera mumwe mukadzi akanga akasungwa nehwanga kuwana rusununguko. Yakabetsera mumwe murume aiva mutorongo nokuda kwokuba kuwana mufarwa. Uye ichakubetserawo zvikuru kwazvo—kana ukanzwa ndokuteerera mashoko akanaka.