Tevera Chiedza Chenyika
“Unonditevera . . . uchava nechiedza choupenyu.”—JOHANE 8:12.
1. Chiedza chinokosha sei?
CHII chataizoita pasina chiedza? Fungidzira kumuka zuva riri rose regore kumaawa 24 erima. Fungidzira nyika isina ruvara, nokuti pasina chiedza hapana ruvara. Zvamazvirokwazvo, kudai chiedza chakanga chisipo, isu taisazovapowo! Nemhaka yei? Nemhaka yokuti, mumuitiro wephotosynthesis, miti yakasvibira inoshandisa chiedza kugadzira zvokudya zvatinodya—zviyo, mirivo, uye michero. Chokwadi, pane dzimwe nguva tinodya nyama yemhuka. Asi mhuka idzodzo dzakadya miti kana kuti dzimwe mhuka dzakararama nemiti. Nokudaro, upenyu hwedu hwomuviri hunotsamira chose chose pachiedza.
2. Manyukoi ane simba echiedza aripo, uye ikoko kunotiudzei pamusoro paJehovha?
2 Chiedza chedu chinobva muzuva, iro riri nyeredzi. Nepo zuva redu richipa chitsama chikuru zvikuru chechiedza, ichindori nyeredzi youkuru hwapakati napakati. Zhinji ihuru zvikuru. Uye boka renyeredzi umo tinogara, Gwara reNzou, rine nyeredzi dzinopfuura mabhirioni zana. Mukuwedzera, pane mabhirioni asingaverengeki amakwara enzou muchisiko chose. Iboka hombe zvakadini renyeredzi! Huwandu hukuru zvakadini hwechiedza chinobva kwadziri! Jehovha manyuko ane simba zvakadini echiedza, uyo akasika zvose izvozvo! Isaya 40:26 inozivisa, kuti: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.”
Rumwe Rudzi Rwechiedza
3. Chiedza chomudzimu chinobva kuna Jehovha chinokosha sei?
3 Jehovha Manyukowo orumwe rudzi rwechiedza, urwo runotigonesa kuva nechiono chomudzimu, vhenekero yomudzimu. Rimwe duramashoko rinorondedzera “vhenekera” neiyi nzira: “Kugovera zivo ku: kurairidza; kupa nzwisiso yomudzimu ku.” Rinorondedzera “kuvhenekerwa” so: “kusunungurwa mukusaziva namashoko asina kururama.” Vhenekero yomudzimu inobva kuna Jehovha inogoverwa kupfurikidza nezivo yakarurama yeShoko rake, Bhaibheri. Ndiro rinotigonesa kuziva ari Mwari naari madonzo ake. “Nokuti Mwari, wakareva kuti chiedza chibude parima, ndiye wakavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu.” (2 VaKorinte 4:6) Nokudaro, zvokwadi dziri muShoko raMwari dzinotisunungura mukusaziva nomumashoko asina kururama. Jesu akati: “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:32.
4, 5. Zivo inobva kuna Jehovha inobatira sei sechiedza muupenyu hwedu?
4 Jehovha, Manyuko evhenekero yechokwadi yomudzimu, “wakakwana pazivo.” (Jobho 37:16) Uyewo, Pisarema 119:105 rinozivisa nezvaMwari, kuti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” Naizvozvo anogona kuvhenekera nenzira yomudzimu kwete bedzi nhano inotevera youpenyu hwedu asiwo mugwagwa uri mberi. Pasina izvozvo, upenyu hwaizova hwakafanana nokuchaira motokari mumugwagwa womugomo unomonereka pausiku hwakasviba pasina magetsi pamotokari kana kuti kupi nokupiwo zvako. Chiedza chomudzimu chinobva kuna Mwari chingaenzaniswa nechiedza chinogoverwa namagetsi emberi emotokari. Chiedza chinovhenekera mugwagwa zvokuti tinogona kuona zvomenemene kwatiri kuenda.
5 Uporofita huri pana Isaya 2:2-5 hunoratidza kuti munguva yedu Mwari ari kuunganidza kubva mumarudzi ose vanhu vanoda vhenekero yomudzimu kuti vagone kudzidza ndokushandisa kunamata kwechokwadi. Ndima 3 inoti: “Iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” Ndima 5 inokoka vatsvaki vezvokwadi: “Uyai tifambe muchiedza chaJehovha.”
6. Chiedza chinobva kuna Jehovha chichatitungamirira kupi pakupedzisira?
6 Nokudaro, Jehovha manyuko amarudzi maviri echiedza chinokosha nokuda kwoupenyu: chokunyama nechomudzimu. Chiedza chokunyama chinobetsera miviri yedu yokunyama kuramba iri mipenyu zvino, zvichida kwamakore 70 kana kuti 80 kana kuti kupfuura. Asi chiedza chomudzimu chinotungamirira kuupenyu husingagumi muparadhiso yapasi. Kuri sokutaura kwakaita Jesu mumunyengetero kuna Mwari, kuti: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.”—Johane 17:3.
Nyika iri Murima Romudzimu
7. Neiko tichida vhenekero yomudzimu zvino kupfuura nakare kose?
7 Nhasi tinoda chiedza chomudzimu kupfuura nakare kose. Uporofita hwakadaisaMateo ganhuro 24 na 2 Timotio ganhuro 3 hunoratidza kuti tava pedyo nomugumo wetsika ino yezvinhu. Uhwu nohumwe uporofita hwakadeya kutaura zvinhu zvinotyisa zvakaitika munguva yedu, zvichitizivisa kuti tiri mu“mazuva okupedzisira.” Mukuwirirana nouporofita hwakadaro, zana rino ramakore rakava nengwavaira pamusoro pengwavaira. Utsotsi namasimba masimba zvakura kusvikira kumwero inotyisa. Hondo dzakauraya upenyu hunopfuura mamirioni zana. Hosha, dzakadai seAIDS inotyiwa, dzinoba mamirioni, vane 160 000 vachiva vakatofa neAIDS muUnited States moga. Upenyu hwemhuri hwaputsika uye tsika dzevatano dzinorangarirwa sedzechinyakare.
8. Mugariroi zvino wakatarisana norudzi rwomunhu, uye nei?
8 Aichimbova munyori mukuru weChibatanwa chaMarudzi Javier Pérez de Cuéllar akati: “Mugariro wenyika unogovera ufakazi hukuru hwokuti urombo [huri kuparadza] batano yenzanga.” Akataura kuti “vanhu vanopfuura bhirioni imwe zvino vanorarama muurombo chaihwo” uye kuti “ikoku kwakakudziridza zvisakiso zvegakava ramasimba masimba.” Idzi “nhamo dzakakomba,” akadaro, “dzinoramba kurapa uko hurumende dzinogona kuita.” Uye mukuru wesangano rinopesvedzera akabvuma, kuti: “Chinetso chikuru chakatarisana nechaunga ndechokuti chazova chisingadzoreki.” Ndeechokwadi sei mashoko ePisarema 146:3, anoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.”
9. Ndivanaani vane mutoro zvikurusa nokuda kwerima rakafukidza rudzi rwomunhu, uye ndiani anogona kutibvisira iyi pesvedzero?
9 Mugariro nhasi uri sezvakadeya kutaura Isaya 60:2, kuti: “Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu.” Iri rima rinofukidza voruzhinji zvikuru vavagari vapasi riri nemhaka yokusapinza kwavo chiedza chomudzimu chinobva kuna Jehovha. Uye chisakiso chikuru cherima romudzimu ndiSatani Dhiabhorosi namadhemoni ake, vavengi vakuru vaMwari wechiedza. Ndivo “madzishe enyika erima rino.” (VaEfeso 6:12) Seizvo 2 VaKorinte 4:4 (NW), inotaura, Dhiabhorosi ndiye “mwari wetsika ino yezvinhu,” uyo “akapofumadza ndangariro dzavasingadaviri, kuti kuvhenekera kwamashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu, uyo ari mufananidzo waMwari, kurege kupenya.” Hapana utongi hwomunhu hunogona kubvisa munyika pesvedzero yaSatani. Mwari oga anogona.
“Chiedza Chikuru”
10. Isaya akadeya kutaura sei kuti muzuva redu chiedza chaizopenyerwa parudzi rwomunhu?
10 Bva, nepo rima guru richifukidza vazhinjisa vorudzi rwomunhu, Shoko raMwari rakaporofitawo pana Isaya 60:2, 3, kuti: “Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako. Marudzi achauya kuchiedza chako.” Ikoku kuri mutsinhirano naIsaya ganhuro 2, iyo yakapikira kuti namato yechokwadi yaJehovha yakavhenekerwa, yaizosimbiswa mumazuva ano okupedzisira uye, seizvo ndima 2 ne 3 dzinotaura, “marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: ‘Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha,’” ndiko kuti, kunamatwo yake yechokwadi yakakwidziridzwa. Naizvozvo kunyange zvazvo nyika ichidzorwa naSatani, chiedza chinobva kuna Mwari chiri kupenyeswa uye chiri kusunungura vazhinji-zhinji murima.
11. Ndiani aizova akatanhamara zvikurusa mukuratidzira chiedza chaJehovha, uye Simeoni akamuzivisa sei?
11 Uporofita huri pana Isaya 9:2 hwakadeya kutaura kuti Mwari aizotuma mumwe munhu munyika kuti aratidzire chiedza chake. Hunoti: “Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.” Ichi “chiedza chikuru” Mutauriri waJehovha, Jesu Kristu. Jesu akati: “Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza choupenyu.” (Johane 8:12) Ikoku kwaizivikanwa navamwe kunyange apo Jesu aiva mwana muduku. Ruka 2:25 inotaura kuti murume ainzi Simeoni wakanga “wakarurama waida Mwari” uye kuti “[mudzimu mutsvene wakanga unaye, NW].” Apo Simeoni akaona mwana muduku Jesu, akati mumunyengetero kuna Mwari: “Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzira pamberi pavanhu vose; chiedza chokuvhenekera vahedheni.”—Ruka 2:30-32.
12. Jesu akavamba kubvisa chifukidziro cherima chinofukidza vanhu rini uye sei?
12 Jesu akavamba kubvisa chifukidziro cherima parudzi rwomunhu chinguvana pashure porubhapatidzo rwake. Mateo 4:12-16 inotiudza kuti ikoku kwakazadzika Isaya 9:1, 2, iyo yakataura pamusoro pe“chiedza chikuru” chaizovamba kupenyera pavanhu vanofamba murima romudzimu. Mateo 4:17 inoti: “Kubva panguva iyeyo Jesu wakatanga kuparidza, achiti: ‘Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.’” Kupfurikidza nokuparidzira pamusoro pamashoko akanaka oUmambo hwaMwari, Jesu akavhenekera vanhu pamusoro pamadonzo aMwari. “Akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeevhangeri.”—2 Timotio 1:10.
13. Jesu akazvirondedzera amene sei, uye nei aigona kuita kudaro nohuchokwadi hwakadaro?
13 Jesu akaratidzira chiedza chaMwari nokutendeka. Akati: “Ini ndakauya munyika, ndiri chiedza, kuti ani nani unotenda kwandiri arege kugara murima. . . . Nokuti handina kureva pachangu, asi Baba, vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura. Ndinoziva kuti murairo wavo ndihwo upenyu husingaperi.”—Johane 12:44-50.
“Upenyu Hwaiva Maari”
14. Jesu anoziviswa sei pana Johane 1:1, 2?
14 Hungu, Jehovha akatuma Mwanakomana wake kupasi kuzova chiedza chokuratidza vanhu nzira yokuupenyu husingaperi. Cherechedza kuti ikoku kunosimbiswa sei pana Johane 1:1-16. Ndima 1 ne 2 dzinorava, kuti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kuna Mwari, Shoko rakanga riri Mwari. Ireri pakutanga rakanga riri kuna Mwari.” Pano Johane anodana Jesu asati ava munhu kupfurikidza nezita rokuremekedza rokuti “Shoko.” Ikoku kunozivisa basa raakaita soMutauriri waJehovha Mwari. Uye apo Johane anotaura kuti “pakutanga Shoko rakanga riripo,” kunoreva kuti Shoko rakanga riri mavambo amabasa okusika aJehovha, “kutanga kwezvisikwa zvaMwari.” (Zvakazarurwa 3:14) Nzvimbo yake yakatanhamara pakati pezvisikwa zvaMwari inopa hwaro chaihwoihwo hwokudanwa kwake kuti “mwari,” ane simba. Isaya 9:6 inomudana kuti “Mwari une simba,” kunyange zvazvo asiri Mwari Wamasimba ose.
15. Mashokoi okuwedzera ayo Johane 1:3-5 inotipa pamusoro paJesu?
15 Johane 1:3 inoti: “Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa.” VaKorose 1:16 inotaura kuti “nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika.” Johane 1:4 inotaura kuti “upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu.” Naizvozvo kupfurikidza neShoko, zvimwe zvimiro zvose zvoupenyu zvakasikwa; uyewo kupfurikidza noMwanakomana wake, Mwari anokuita kuti kubvirire rudzi rwomunhu runotadza, runofa kuwana upenyu husingaperi. Zvamazvirokwazvo Jesu ndiye une simba uyo Isaya 9:2 inodana “chiedza chikuru.” Uye Johane 1:5 inoti: “Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchikunda.” Chiedza chinomirira zvokwadi nokururama, mukupesana nerima, iro rinomirira chikanganiso nokusarurama. Nokudaro Johane anoratidza kuti rima harizokundi chiedza.
16. Johane Mubhapatidzi akanongedzera sei kuukuru hwebasa raJesu?
16 Johane zvino anoti pandima 6 kusvikira ku 9: “Kwakanga kuno munhu wakatumwa naMwari, zita rake rainzi Johane [Mubhapatidzi]. Iye wakauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. Uyo [Johane] wakanga asati ari icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupurire chiedza [Jesu]. Ichi chaiva chiedza chazvokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwacho panyika.” Johane akanongedzera kuna Mesia anouya ndokutendeudzira vateveri vake kwaAri. Pashure penguva yakati, marudzi ose avanhu akapiwa banza rokugamuchira chiedza. Naizvozvo Jesu haana kungouya chete nokuda kwebetserwo yavaJudha asi nokuda kwebetserwo yorudzi rwose rwomunhu—vapfumi kana kuti varombo, pasinei zvapo nedzinza.
17. Johane 1:10, 11 inotiudzei pamusoro pomugariro womudzimu wavaJudha muzuva raJesu?
17 Ndima 10 ne 11 dzinopfuurira, kuti: “Wakanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. Wakauya kune zvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira.” Jesu, mukuvapo kwake asati ava munhu, akanga ave ari uyo kupfurikidza naye nyika yorudzi rwomunhu yakasikwa. Apo aiva pasi pano, kunyanguvezvo, akarambwa navazhinjisa vavanhu vake amene, vaJudha. Vakanga vasingadi kuti uipi hwavo nounyengeri zvifumurwe. Vakada rima panzvimbo pechiedza.
18. Johane 1:12, 13 inoratidza sei kuti vamwe vaigona kuva vana vaMwari vane nhaka chaiyo?
18 Johane anoti mundima 12 ne 13: “Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake; avo vasina kuberekwa neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokuda kwomurume, asi naMwari.” Ndima idzi dzinoratidza kuti kuvamba, vateveri vaJesu vakanga vasiri vanakomana vaMwari. Pamberi pokuuya kwaKristu kupasi, humwanakomana hwakadaro kana kuti zvimwe tariro yokudenga zvakanga zvisina kuzaruka kuvanhu. Asi kupfurikidza norunako rwechibairo chaKristu chavakatenda machiri, vamwe vanhu vakagamuchirwa kuhumwanakomana uye vakakwanisa kuva netariro youpenyu samadzimambo naKristu muUmambo hwaMwari hwokudenga.
19. Neiko Jesu achikwanisa zvakanakisisa kuratidzira chiedza chaMwari, sezvinoratidzwa pana Johane 1:14?
19 Ndima 14 inorangarira, kuti: “Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, (tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwe chete waBaba).” Ari pasi pano, Jesu akaratidzira mbiri yaMwari seizvo Mwanakomana waMwari bedzi wedangwe aigona. Nokudaro, munzira yechienzi, akanga akasanokwaniriswa kuzivisa Mwari namadonzo Ake kuvanhu.
20. Sezvakanyorwa pana Johane 1:15, Johane Mubhapatidzi anotiudzei pamusoro paJesu?
20 Tevere, muapostora Johane anonyora mundima 15, kuti: “Johane [Mubhapatidzi] akamupupurira, akadanidzira, achiti: ‘Ndiye wandaireva,’ ndichiti: ‘Uyo, unouya shure kwangu, wakavapo mberi kwangu; nokuti wakanditangira.’” Johane Mubhapatidzi mwedzi mitanhatu pamberi pokuberekwa kwaJesu somunhu. Asi Jesu akaita mabasa mazhinji zvikuru kupfuura Johane, zvokuti akaenda mberi kwaJohane munzira iri yose. Uye Johane akabvuma kuti Jesu akavapo pamberi pake, sezvo Jesu aiva nokuvapo asati ava munhu.
Zvipo Zvinobva Kuna Jehovha
21. Neiko Johane 1:16 ichitaura kuti takagamuchira “nyasha pamusoro penyasha”?
21 Johane 1:16 inorangarira, kuti: “Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha.” Kunyange zvazvo vanhu vachiberekerwa muchivi nemhaka yokuchigara nhaka kuna Adhama, Jehovha anoronga kuparadzwa kwetsika ino yakaipa, kupukunyuka kwamamirioni achipinda munyika itsva, rumuko rwavakafa, uye kubviswa kwechivi norufu, kuchiguma noupenyu husingagumi muparadhiso yapasi. Izvi zvikomborero zvose hazvina kufanirwa, hazvina kukodzerwa navanhu vanotadza. Zvipo zvinobva kuna Jehovha kupfurikidza naKristu.
22. (a) Chipo chikurusa chaMwari chinoita kuti chii chibvire? (b) Ikokeroi inotambanudzirwa kwatiri mubhuku rokupedzisira reBhaibheri?
22 Chii chiri chipo chikurusa chinoita kuti zvose izvozvi zvibvire? “Mwari wakada nyika [yorudzi rwomunhu] nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe oga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Nokudaro, zivo yakarurama yaMwari noMwanakomana wake, “Muvambi woupenyu,” inokosha nokuda kwaavo vanoda chiedza chomudzimu noupenyu husingaperi. (Mabasa 3:15) Ndicho chikonzero nei bhuku rokupedzisira reBhaibheri richitambanudzira kokero inotevera kuvose vanoda zvokwadi navanoda upenyu, kuti: “‘Uya!’ Naiye unonzwa ngaati: ‘Uya!’ Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.”—Zvakazarurwa 22:17.
23. Vanhu vakafanana namakwai vachaitei apo vanouya kuchiedza?
23 Vanhu vanozvininipisa, vakafanana namakwai havasati vachizongouya bedzi kuchiedza chenyika asi vachatevera chiedza ichocho: “Makwai anomutevera, nokuti anoziva [kunzwika kwezvokwadi mu]inzwi rake.” (Johane 10:4) Zvamazvirokwazvo, vanofara “kusanotevera makwara ake” nemhaka yokuti vanoziva kuti kuita saizvozvo kuchareva upenyu husingagumi nokuda kwavo.—1 Petro 2:21, NW.
Waizopindura Sei?
◻ Marudzii maviri echiedza anobva kuna Jehovha?
◻ Neiko vhenekero yomudzimu ichikosha kwazvo nhasi?
◻ Munzirai umo Jesu akanga ari “chiedza chikuru”?
◻ Johane ganhuro 1 inotiudzei pamusoro paJesu?
◻ Zvipoi zvinouya kuna avo vanotevera chiedza chenyika?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Simeoni akadana Jesu “chiedza chokuvhenekera vahedheni”