Mhuri yechiKristu Inoisa Zvinhu Zvomudzimu Pakutanga
“Muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise.”—1 PETRO 3:8.
1. Chisarudzoi icho tose zvedu tinacho, uye chisarudzo chedu chinogona sei kutapura nguva yedu yemberi?
RUGWARO rwuri pamusoro apa rwunoshanda zvakanaka sei mugadziriro yekaresa yorudzi rwomunhu—mhuri! Uye kunokosha sei kuti vabereki varatidzire utungamiriri muna ikoku! Mavara avo akanaka neavo akashata kazhinji kazhinji achaoneka muvana. Bva, chisarudzo chinoramba chine mutezo mumwe nomumwe wemhuri. SamaKristu, tinogona kusarudza kuva vanhu vomudzimu kana kuti vanhu venyama. Tinogona kusarudza kufadza Mwari kana kuti kusamufadza. Chisarudzo ichocho chinogona kuguma nechikomborero, upenyu husingaperi norugare—kana kuti zvimwe kutukwa, rufu rusingagumi.—Genesi 4:1, 2; VaRoma 8:5-8; VaGaratia 5:19-23.
2. (a) Petro akaratidza sei kuitira hanya kwake mhuri? (b) Chii chiri umudzimu? (Ona mashoko omuzasi.)
2 Mashoko omuapostora ari pana 1 Petro ganhuro 3, ndima 8, akatevera nokukurumidza pashure pezano rakaisvonaka iro akanga apa kuvadzimai navarume. Petro aifarira zvirokwazvo garikano yemhuri dzechiKristu. Aiziva kuti umudzimu hwakasimba ndicho chinokosha kumhuri yakabatana, inoitira hanya. Nokudaro, iye akareva mundima 7 kuti kana zano rake kuvarume rikafuratirwa, muuyo wacho waizova mupingo womudzimu pakati pomurume naJehovha.a Minyengetero yomurume yaigona kudziviswa kana akaregeredza zvinodikanwa zvomudzimai wake kana kuti kumudzvinyirira nokusava nomutsa.
Kristu—Muenzaniso Wakakwana Woumudzimu
3. Pauro akasimbisa sei muenzaniso waKristu nokuda kwavarume?
3 Umudzimu hwemhuri hunotsamira pamuenzaniso wakanaka. Apo murume anenge ari muKristu anoshingaira, anotungamirira mukuratidza mavara omudzimu. Kana pasina murume anotenda, amai kazhinji kazhinji vanoedza kutakura mutoro iwoyo. Muchinoitika chimwe nechimwe, Jesu Kristu anogovera muenzaniso wakakwana wokutevera. Mufambiro wake, mashoko ake, uye kufunga kwake nguva dzose zvaivaka uye zvaizorodza. Nguva nenguva, muapostora Pauro anotungamirira muravi kumuenzaniso worudo waKristu. Somuenzaniso, anoti: “Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri. Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nokuda kwayo.”—VaEfeso 5:23, 25, 29; Mateo 11:28-30; VaKorose 3:19.
4. Jesu akagadza muenzanisoi woumudzimu?
4 Jesu akanga ari muenzaniso wakatanhamara woumudzimu noumusoro zvinoratidzirwa norudo, mutsa, uye tsitsi. Iye akanga achizvibaira, kwete kuzvigutsa. Nguva dzose airumbidza Baba vake ndokuremekedza umusoro hwavo. Aitevera nhungamiro yaBaba, zvokuti aigona kuti: “Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” “Ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.”—Johane 5:30; 8:28; 1 VaKorinte 11:3.
5. Mukugovera vateveri vake, muenzanisoi uyo Jesu akagadzira varume?
5 Ikoku kunorevei nokuda kwavarume? Kunoreva kuti muenzaniso wavanofanira kutevera muzvinhu zvose ndiKristu, uyo nguva dzose aizviisa amene pasi paBaba vake. Somuenzaniso, sezvo Jehovha akagovera zvokudya zvezvimiro zvose zvoupenyu pasi pano, naizvozvo Jesu akagovera vateveri vake zvokudya. Haana kuregeredza zvinodikanwa zvavo zvikuru zvokunyama. Manenji ake okudyisa varume 5 000 ne 4 000 zvibvumikiso zvokuitira hanya kwake nepfungwa yake yomutoro. (Marko 6:35-44; 8:1-9) Nenzira yakafanana nhasi, misoro yemhuri ine mufungo inotarisira zvinodikanwa zvomuviri zvemhuri dzayo. Asi mutoro wayo unogumira ipapo here?—1 Timotio 5:8.
6. (a) Ndizvinodikanwai zvinokosha zvemhuri zvinofanira kutarisirwa? (b) Varume namadzibaba vanogona sei kuratidza kunzwisisa?
6 Mhuri dzinewo zvimwe zvinodikanwa, zvinokosha zvikuru, sokuonesa kwakaita Jesu. Dzine zvinodikanwa zvomudzimu nezvomurangariro. (Dheuteronomio 8:3; Mateo 4:4) Tinopesvedzerana navamwe, mose muri muviri mumhuri nomuungano. Tinoda nhungamiro yakanaka yokutisunda kuva vanovaka. Muna ikoku varume namadzibaba vane basa guru rokuita—zvinotova zvikuru kwazvo kana vari vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira. Vabereki vamwe vanoda mavara akafanana pakubetsera vana vavo. Vabereki vanofanira kunzwisisa kwete bedzi zviri kutaurwa nemitezo yemhuri asiwo zviri kusiiwa zvisina kutaurwa. Ikoko kunoda nzwisiso, nguva, uye shiviriro. Ndichimwe chikonzero nei Petro aigona kutaura kuti varume vanofanira kuva vanorangarira ndokugara navadzimai vavo mukuwirirana nezivo.—1 Timotio 3:4, 5, 12; 1 Petro 3:7.
Ngozi Dzokudzivisa
7, 8. (a) Chii chinodikanwa kana mhuri ichizodzivisa ruparadziko rwomudzimu? (b) Chii chinodikanwa kunze kwokutanga kwakanaka muchiKristu? (Mateo 24:13)
7 Neiko ngwariro kuumudzimu hwemhuri ichikosha kwazvo? Kuenzanisira, tingabvunza kuti, Neiko kuchikosha kuti muchairi wengarava asanope ngwariro kumepu dzake pakutungamirira ngarava mumvura dzine ngozi dzine musina kudzama? Muna August 1992 ngarava inofamba zvishoma nezvishoma inonzi Queen Elizabeth 2 (QE2) yakaendeswa nomunharaunda yemirwi yejecha rakaungana pasi pemvura namabwe zvine ngozi uko zvikanganiso zvokufambisa ngarava zvinotaurwa kuva zvinozivikanwa navose. Mumwe mugari womunzvimbomo akatsinhira, kuti: “Vafambisi vengarava vakawanda vakarasikirwa namabasa avo nemhaka yenharaunda iyoyo.” QE2 yakarova ibwe repasi pemvura. Chakava chikanganiso chinodhura. Chikamu chimwe chezvitatu chomutumbi chakakuvadzwa, uye ngarava yaifanira kurega kushandiswa kwamavhiki anoverengeka kuti igadzirwe.
8 Nenzira yakafanana, kana “muchairi” wemhuri asingasanonzveri mepu, Shoko raMwari, mhuri yake inogona kusatana kutambura kuvadziko yomudzimu. Nokuda kwomukuru kana kuti mubatiri anoshumira, muuyo wacho ungava kurasikirwa neropafadzo mukati meungano uye zvichida kuvadziko yakakomba kumimwe mitezo yemhuri. Naizvozvo, muKristu mumwe nomumwe anofanira kungwarira kusakundwa nokugutswa mumudzimu, achivimba bedzi neyaichimbova miitiro yakanaka yefundo neshingairo. MuuKristu hwedu, hakuna kukwana kungovawo zvako wakatanga zvakanaka; rwendo rwacho rwunofanira kupedzwa nenzira inobudirira.—1 VaKorinte 9:24-27; 1 Timotio 1:19.
9. (a) Fundo yomunhu oga inokosha sei? (b) Mibvunzoi yakakodzera yatingazvibvunza timene?
9 Kuti tidzivise musina kudzama, mabwe, uye mirwi yejecha rakaungana pasi pemvura zvomudzimu, tinofanira kuwirirana nomusi ne“mepu” dzedu kupfurikidza nefundo yenguva dzose yeShoko raMwari. Hatigoni kuvimba nefundo yokutanga chete iyo yakatipinza muzvokwadi. Simba redu romudzimu rinotsamira pagadziriro yenguva dzose neyakadzikama yefundo nebasa. Somuenzaniso, sezvatinopinda Fundo yeungano yeNharireyomurindi neichi chinyorwa chimene chiri muruoko, tinogona kuzvibvunza timene kuti, ‘Ini, kana kuti isu semhuri, takafunda chaizvoizvo iyi nyaya here, tichitarira magwaro nokufungisisa pamusoro pokushandiswa kwawo? Kana kuti takangotara chete mhinduro here? Isu, zvichida, takaregeredza kunyange kurava nyaya yacho tisati tapinda musangano wacho here?’ Mhinduro dzokutendeseka kuiyi mibvunzo dzingatinyandura kuti tifunge zvakakomba ndokunyandura chishuvo chokuvandudza—kana ikoko kuri madikanwa.—VaHebheru 5:12-14.
10. Neiko kuzvinzvera kuchikosha?
10 Neiko kuzvinzvera kwakadaro kuchikosha? Nemhaka yokuti tiri kurarama munyika inodzorwa nomudzimu waSatani, nyika iyo, munzira dzakawanda dzamanomano, inoedza kuparadza kutenda kwedu muna Mwari nezvipikirwa zvake. Inyika inoda kutichengeta takabatikana kwazvo zvokuti hatina nguva yokutarisira zvinodikanwa zvomudzimu. Naizvozvo tingazvibvunza timene kuti, ‘Mhuri yangu yakasimba mumudzimu here? Ini somubereki ndakasimba sezvandinofanira kuva here? Semhuri tiri kusakurira simba riya romudzimu rinonyandura ndangariro iro rinotibetsera kuita zvisarudzo zvakavakirwa pakururama noruvimbiko here?’—VaEfeso 4:23, 24.
11. Neiko misangano yechiKristu ichibetsera mumudzimu? Ipa muenzaniso.
11 Umudzimu hwedu hunofanira kusimbiswa nomusangano uri wose watinopinda. Maawa iwayo anokosha paHoro yoUmambo kana kuti paFundo yeBhuku yeUngano anobetsera kutizorodza pashure pamaawa marefu atinofanira kupedza tichiedza kupukunyuka munyika yaSatani ine utsinye. Kwave kuchizorodza sei, somuenzaniso, kufunda bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama! Irori rakatibetsera kuwana kunzwisiswa kuri nani kwaJesu, upenyu hwake, uye ushumiri hwake. Takasanorava magwaro akanongedzerwa kwaari, takaita nzvero yomunhu oga, uye nokudaro takafunda zvakawanda mumuenzaniso uyo Jesu akagadza.—VaHebheru 12:1-3; 1 Petro 2:21.
12. Ushumiri hwomumunda hunoedza sei umudzimu hwedu?
12 Muedzo wakaisvonaka woumudzimu hwedu hushumiri hwechiKristu. Kuti tipfuurire mukupupurira kwedu kwakarongwa nokwamasanga, kazhinji kazhinji mukutarisana navanhu vasingakendengi kana kuti vanoshora, tinoda sundo yakarurama, kuda Mwari nokuda muvakidzani. Chokwadika, hakuna munhu anofarikanya kurambwa, uye ikoko kunogona kuitika muushumiri hwedu hwomumunda. Asi tinofanira kuyeuka kuti mashoko akanaka ndiwo ari kurambwa, kwete isu savanhu vamwe navamwe. Jesu akati: “Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi. Kana maiva venyika, nyika yaida vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai. . . . Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi wakandituma.”—Johane 15:18-21.
Zviito Zvinotaura Zvinonzwika Zvikuru Kupfuura Mashoko
13. Munhu mumwe anogona sei kuparadza umudzimu hwemhuri?
13 Chii chinoitika mumhuri kana vose kunze kwomumwe vachiremekedza kuchena norutsvindo zveimba? Pazuva rinonaya, vose kunze kweanokanganwa vanongwarira kuti vasapinze madhaka mumba. Tsoka dzine madhaka munzvimbo iri yose dzinopa ufakazi hwouyanga hwomunhu iyeyo, kuchiita basa romuraudzo nokuda kwavamwe. Zvimwe chetezvo zvinoshanda kuumudzimu. Munhu mumwe chete ane udyire kana kuti anoregeredza anogona kushatisa mukurumbira wemhuri. Vose vari mumhuri, kwete vabereki chete, vanofanira kuvavarira kuratidzira chimiro chendangariro chaKristu. Kunozorodza sei apo vose vanoshandira pamwe chete vachirangarira upenyu husingaperi! Murangariro wemhuri iyoyo ndowomudzimu (asi hausi wokuzviruramisa). Hakuwanzova nezviratidzo zvokuregeredza kwomudzimu mumhuri yakadaro.—Muparidzi 7:16; 1 Petro 4:1, 2.
14. Miedzoi yokunyama iyo Satani anoisa munzira yedu?
14 Tose zvedu tine zvinodikanwa zvikuru zvokunyama zvinofanira kugutswa kuti titsigire upenyu hwedu pahwaro hwezuva nezuva. (Mateo 6:11, 30-32) Asi kazhinji kazhinji zvinodikanwa zvedu zvinofukidzwa nezvatinoda. Somuenzaniso, tsika yaSatani inotipa rudzi rwuri rwose rwomudziyo nechishandiso. Kana tichiraira nguva dzose kuva nechazvino uno muchinhu chiri chose, hatisati tichizotongogutswa, sezvo zvazvino uno zvichikurumidza kuva zvechinyakare, uye chinhu chomugadzirirwo mutsva chinooneka. Nyika yezvokutengeserana yakatanga kutenderera kusingatongogumi. Inotinyengera kuti tipinde mukutsvaka mari yakawanda nguva dzose kuti tigutse zvatinoda zvakawanda nguva dzose. Ikoku kunogona kutungamirira ku“zvishuvo zvisina mufungo nezvinokuvadza,” kana kuti “magwinyiro oupenzi neane ngozi.” Kunogona kuguma noupenyu husina kudzikama hune nguva shomanene zvikuru yemibato yomudzimu.—1 Timotio 6:9, 10; The Jerusalem Bible.
15. Muenzaniso womusoro wemhuri unokosha munzirai?
15 Pano zvakare, muenzaniso unogadzwa nomusoro wemhuri yechiKristu unokosha zvikuru. Chimiro chake chendangariro chakadzikama kumitoro yenyika neyomudzimu chinofanira kunyandura mimwe mitezo yemhuri. Kwaizova kunokuvadza zvirokwazvo kana baba akataura murairidzo wakaisvonaka asi ipapo okundikana kurarama mukuwirirana namashoko ake amene. Vana vanogona kukurumidza kucherekedza mutoo woupenyu wokuudza mumwe kuita chinhu chakafanira asi usingachiiti iwe umene. Nenzira yakafanana, mukuru kana kuti mubatiri anoshumira uyo anokurudzira vamwe muushumiri hwapaimba neimba bva asingawanzokumbaniri mhuri yake mumubato iwoyo anokurumidza kurasikirwa nokuvimbwa, mose muri muviri mumhuri nomuungano.—1 VaKorinte 15:58; enzanisa naMateo 23:3.
16. Mibvunzoi yatingazvibvunza timene?
16 Nokudaro, tinogona kunzvera upenyu hwedu nenzira inobetsera. Takabatikana nokuwana budiriro yenyika ndokuregeredza kuita fambiro mberi yomudzimu here? Tiri kufambira mberi munyika asi tichiderera muungano here? Yeuka zano raPauro: “Ishoko razvokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, unoda basa rakanaka.” (1 Timotio 3:1) Pfungwa yomutoro muungano inotaura zvakawanda pamusoro poumudzimu hwedu kupfuura kusimudzirwa kubasa. Kudzikama kwokungwarira kunofanira kuchengetwa kuti vashandirwi vedu vasabvumirwe kutidzora sokunge takatsaurirwa kwavari uye kwete kuna Jehovha.—Mateo 6:24.
Kurukurirano Ine Revo Inosimudzira Umudzimu
17. Chii chinobetsera kukusakurirwa kworudo rwapachokwadi mumhuri?
17 Mamirioni emisha nhasi azova dzinodokuva dzimba dzokurara. Seiko? Mitezo yemhuri inongouya bedzi kuzorara nokudya, uye ipapo inokurumidza kubuda. Haiwanzogara yakakomba tafura kuti ifarikanye zvokudya pamwe chete. Hapana kunzwa kwoushamwari mumhuri. Muuyo wacho? Mune kushaikwa kwekurukurirano, hamuna kurukurirano inokosha. Uye ikoko kunogona kuguma nokushaikwa kwokufarira mimwe mitezo, zvichida kushaikwa kweitiro hanya chaiyoiyo. Apo tinenge tichidanana, tinova nenguva yokukurukura nokuteerera. Tinokurudzira, uye tinobetsera. Urwu rutivi rwoumudzimu runobatanidza kurukurirano ine revo pakati pavakwanyina uye pakati pavabereki navana.b Runoda nguva nokungwarira pakutaura sezvatinoita kuti mumwe nomumwe ataure kuti tigoverane mifaro yedu, zvinoitika, uye zvinetso.—1 VaKorinte 13:4-8; Jakobho 1:19.
18. (a) Kazhinji kazhinji chii chiri mhinganidzo huru kukurukurirano? (b) Ukama hune revo hwakavakirwa pachii?
18 Kurukurirano yakanaka inoda nguva nenhamburiko. Inoreva kutsaura nguva yokutaura kune mumwe nomumwe nokuteererana. Imwe yemhinganidzo hurusa kuna ikoku chishandiso chiya chinopedza nguva chine nzvimbo yorukudzo mumisha mizhinji—TV. Ikoku kunopa denho—TV inokudzora, kana kuti unoidzora here? Kudzora TV kunoda chisarudzo chakasimba—kubatanidza simba rokuidzima. Asi kuita saizvozvo kuchazarura nzira yokuti tivhurane semitezo yemhuri uye sehama nehanzvadzi dzomudzimu. Ukama hune revo hunoda kurukurirano yakanaka, kusvika pakunzwisisana, zvinodikanwa zvedu nemifaro, kuudzana kuti tinoonga zvikuru sei zvinhu zvose zvomutsa zvatakaitirwa. Namamwe mashoko, kurukurirano ine revo inoratidza kuti hatisi kurerutsa vamwe.—Zvirevo 31:28, 29.
19, 20. Kana tichiitira hanya vose vari mumhuri, chii chatichaita?
19 Naizvozvo, kana tichiitirana hanya mumugariro wemhuri—uye ikoko kunobatanidza kutarisira mitezo yemhuri isingatendi—tichave tichiita zvakawanda kukuvaka nokuchengeta umudzimu hwedu. Mumugariro wemhuri, tichave tichitevera zano raPetro: “Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise; musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.”—1 Petro 3:8, 9.
20 Tinogona kuva nechikomborero chaJehovha zvino kana tichivavarira kuchengeta umudzimu hwedu, uye ikoku kunogona kubetsera kukugara kwedu nhaka chikomborero chake munguva yemberi apo tinogamuchira chipo choupenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Kune zvimwe zvinhu tinogona kuita semhuri kuti tibetserane mumudzimu. Nyaya inotevera ichakurukura betsero dzokuitira zvinhu pamwe chete semhuri.—Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:1-4.
[Mashoko Omuzasi]
a Umudzimu hunorondedzerwa so“kutapurwa kana kuti batano nezvinokosha zvorudzidziso: vara kana kuti mugariro wokuva womudzimu.” (Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary) Munhu womudzimu imhesano nomunhu wenyama, woumhuka.—1 VaKorinte 2:13-16; VaGaratia 5:16, 25; Jakobho 3:14, 15; Judhasi 19.
b Nokuda kwezvimwe zvikarakadzo pamusoro pekurukurirano yemhuri, ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1991, mapeji 20-2.
Unoyeuka Here?
◻ Umudzimu chii?
◻ Musoro wemhuri unogona sei kutevedzera muenzaniso waKristu?
◻ Tinogona sei kudzivisa tyisidziro kuumudzimu hwedu?
◻ Chii chinogona kuparadza umudzimu hwemhuri?
◻ Neiko kurukurirano ine revo ichikosha?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Kupinda Fundo yeBhuku yeUngano kunosimbisa mhuri mumudzimu