Famba Noushingi Munzira dzaJehovha
“Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.”—PISAREMA 128:1.
1, 2. Chinyorwa cheBhaibheri chamashoko nezviito chezvapupu zvapakuvamba zvaJehovha ndechebetseroi?
SHOKO Rinoyera raJehovha rakazadzwa nenhauro dzemiedzo nemifaro zvavabatiri vake vakavimbika. Zvinoitika zvaNoa, Abrahama, Sara, Joshua, Dhebhora, Bharaki, Dhavhidhi, uye vamwe zvakatanhamara mumapeji aro. Vose vakanga vari vanhu chaivoivo vaiva nechimwe chinhu chaicho chakafanana. Vakanga vane kutenda muna Mwari uye vakafamba noushingi munzira dzake.
2 Mashoko nezviito zvezvapupu zvapakuvamba zvaJehovha zvinogona kuva zvekurudziro kwatiri sezvatinoedza kufamba munzira dzaMwari. Uyezve, tichafara kana tikaratidzira rukudzo nokuda kwaMwari norutyo rwakanaka rwokusamufadza. Ikoku ndokwechokwadi kunyange zvazvo tichitarisana nemiedzo muupenyu, nokuti wezvamapisarema akafuridzirwa akaimba, kuti: “Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.”—Pisarema 128:1.
Chiri Ushingi
3. Ushingi chii?
3 Kuti tifambe munzira dzaJehovha, tinofanira kuva noushingi. Kutaura idi, Magwaro anoraira vanhu vaMwari kuratidzira iri vara. Somuenzaniso, wezvamapisarema Dhavhidhi akaimba, kuti: “Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge, imi mose munorindira Jehovha.” (Pisarema 31:24) Ushingi i“simba rendangariro kana kuti retsika rokutsunga, kusimbarara, uye kukunda ngozi, rutyo, kana kuti chitambudzo.” (Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary) Munhu ane ushingi akasimba, akashinga, imhare. Kuti Jehovha anopa vabatiri vake ushingi kwakajeka muaya mashoko omuapostora Pauro kumushandi biyake Timotio, anoti: “Nokuti Mwari haana kutipa [mudzimu, NW] wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora.”—2 Timotio 1:7.
4. Ndeipi iri imwe nzira yokuwana nayo ushingi?
4 Imwe nzira yokuwana nayo ushingi hunopiwa naMwari kupa rangariro yokunyengetera kuShoko raJehovha, Bhaibheri. Nhauro zhinji dzinooneka muMagwaro dzinogona kutibetsera kuva vane ushingi zvikuru. Naizvozvo, ngatitangei kuona chatinogona kudzidza muchinyorwa chiri muMagwaro echiHebheru chavamwe vakafamba noushingi munzira dzaJehovha.
Ushingi Hwokuzivisa Shoko raMwari
5. Ushingi hwaEnoki hunogona sei kubetsera vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino?
5 Ushingi hwaEnoki hunogona kubetsera vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino uno kutaura shoko raMwari noushingi. Enoki asati aberekwa, “vakatanga kudana zita raJehovha.” Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti vanhu “vakavamba nomutoo wokumhura” kudana zita raJehovha. (Genesi 4:25, 26; 5:3, 6) Zita roumwari ringave rakashandisirwa kuvanhu kana kuti kunyange kuzvidhori. Nokudaro, rudzidziso rwenhema rwakanga ruchibudirira apo Enoki akaberekwa muna 3404 P.N.V. Kutaura idi, anoratidzika kuva aiva oga muku‘famba naMwari,’ achironda nzira yakarurama inotsinhirana nezvokwadi yaJehovha yakaziviswa.—Genesi 5:18, 24.
6. (a) Ishokoi rakasimba iro Enoki akazivisa? (b) Chivimboi chatinogona kuva nacho?
6 Enoki noushingi akapa shoko raMwari, sezvingabvira kupfurikidza nokuparidzira. (VaHebheru 11:5; enzanisa na 2 Petro 2:5.) “Tarira,” chakazivisa kudaro ichi chapupu chimwe, “[Jehovha, NW] wakauya navatsvene vake vane zviuru zvamazana, kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari.” (Judhasi 14, 15) Enoki akanga ane ushingi hwokushandisa zita rokuti Jehovha pakupa shoko iroro achishurikidza vasina umwari. Uye sezvo Mwari akapa Enoki ushingi hwokuzivisa shoko iroro rakasimba, naizvozvo Jehovha akapa simba Zvapupu Zvake zvomuzuva razvino kuti zvitaure shoko Rake noushingi muushumiri, kuchikoro, uye kune dzimwe nzvimbo.—Enzanisa naMabasa 4:29-31.
Ushingi Mumuedzo
7. Noa anogovera muenzanisoi woushingi?
7 Muenzaniso waNoa unogona kutibetsera kuva vane ushingi mukuita mabasa akarurama apo tinenge tiri mumuedzo. Noushingi nokutenda, akaita chiito pamusoro penyevero youmwari yamafashamo enyika yose uye “akagadzira areka . . . kuti aponese mhuri yake.” Kupfurikidza namabasa okuteerera naakarurama, Noa akashurikidza nyika isingadaviri nokuda kwamabasa ayo akaipa ndokuibvumikisa kuva yakafanirwa noruparadziko. (VaHebheru 11:7; Genesi 6:13-22; 7:16) Kufungisisa nzira yaNoa kunobetsera vabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno kupinda noushingi mumabasa akarurama akadai soushumiri hwechiKristu.
8. (a) Chii icho Noa akatarisana nacho so“muparidzi wokururama” ane ushingi? (b) Jehovha achatiitirei kana tiri vaparidziri vane ushingi vokururama?
8 Kana tiri kuronda nzira yakarurama asi tisingazivi nzira yokubata nayo nomuedzo wakati, ngatinyengetererei uchenjeri hwokugonana nawo. (Jakobho 1:5-8) Ruvimbiko rwaNoa kuna Mwari mumuedzo rwunoratidza kuti kunobvira kusangana nemiedzo noushingi nokutendeka. Akakurira dzvinyiriro yakabva munyika yakaipa uye yakabva kungirozi dzakapfeka miviri yavanhu navana vadzo vomubatanidzwa. Hungu, Noa akanga ari “muparidzi wokururama” ane ushingi ku“nyika yekare” yakananga kuruparadziko. (2 Petro 2:4, 5; Genesi 6:1-9) Kunyange zvazvo akataura noushingi somuzivisi anozivisa nyevero yaMwari kuvapamberi pamafashamo, “havana kucherekedza kusvikira mafashamo asvika ndokuvaparadza vose.” (Mateo 24:36-39, NW) Asi ngatiyeukei kuti pasinei zvapo nechitambudzo uye kurambwa kweshoko redu rakavakirwa paBhaibheri navanhu vazhinjisa nhasi, Jehovha achatitsigira sezvo akatsigira Noa kana tikaratidzira kutenda noushingi zvakafanana savaparidziri vokururama.
Ushingi Hwokuteerera Mwari
9, 10. Mumativii umo Abrahama, Sara, uye Isaka vakaratidzira teerero youshingi?
9 “Shamwari yaJehovha” Abrahama muenzaniso wakaisvonaka wokuteerera Mwari kwoushingi. (Jakobho 2:23, NW) Abrahama aida kutenda noushingi kuti ateerere Jehovha ndokubva muUri yavaKardhea, guta rakanga rakazara nebetsero dzokunyama. Akadavira chipikirwa chaMwari chokuti “mhuri dzose dzapasi” dzaizozvikomborera dzimene kupfurikidza naye uye kuti mbeu yake yaizopiwa nyika. (Genesi 12:1-9; 15:18-21) Kupfurikidza nokutenda Abrahama “wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa” uye akakarira “guta rine nheyo”—Umambo hwaMwari hwokudenga, umo aizomutsirwa kuupenyu pasi pano.—VaHebheru 11:8-16.
10 Mudzimai waAbrahama, Sara, akanga ane kutenda noushingi zvaidikanwa kubva muUri, kukumbanira murume wake kunyika yechienzi, uye kutsungirira nhamo dzipi nedzipi dzakaoma dzavaizosangana nadzo ikoko. Uye akatuswa sei nokuda kwokuteerera kwake Mwari noushingi! Kunyange zvazvo akanga asingabereki kusvikira pamakore anenge 90 uye “mutoo wavakadzi wakanga watoguma,” Sara akapiwa simba ‘rokunamba mbeu, sezvo akarangarira Mwari kuva akatendeka uyo akanga apikira.’ Pashure penguva yakati, akabereka Isaka. (VaHebheru 11:11, 12; Genesi 17:15-17; 18:11; 21:1-7) Makore gare gare, Abrahama akateerera Mwari noushingi uye “akadokubaira Isaka” (NW). Amiswa nengirozi, tateguru akagamuchira mwanakomana wake ane ushingi naanoteerera achibva murufu “kana tichitaura nomufananidzo.” Iye naIsaka nokudaro nomutoo wouporofita vakaratidzira kuti Jehovha Mwari aizogovera Mwanakomana wake, Jesu Kristu, sorudzikinuro kuti avo vanoshandisa kutenda maari vagova noupenyu husingagumi. (VaHebheru 11:17-19; Genesi 22:1-19; Johane 3:16) Zvirokwazvo, kuteerera kwoushingi kwaAbrahama, Sara, uye Isaka kunofanira kutisunda kuteerera Jehovha ndokuita kuda kwake nguva dzose.
Ushingi Hwokumira Navanhu vaMwari
11, 12. (a) Mosesi akaratidzira sei ushingi pamusoro pavanhu vaJehovha? (b) Nemhaka youshingi hwaMosesi, mubvunzoi ungabvunzwa?
11 Mosesi akatsigira noushingi vanhu vaMwari vakadzvinyirirwa. Muzana ramakore rechi 16 P.N.V., vabereki vaMosesi vamene vakaratidza ushingi. Vasingatyi murairo wamambo wokuuraya tusvavarume twechiHebheru, vakaviga Mosesi uye ipapo vakamuisa mutswanda pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi rwaNire. Awanwa nomwanasikana waFarao, akarerwa somwanakomana wake amene, kunyange zvazvo akatanga kugamuchira rovedzo yomudzimu mumusha wavabereki vake. Sorutivi rwemhuri yaFarao, Mosesi “akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaEgipita” ndokuva “nesimba pamashoko napamabasa ake,” ane simba mundangariro namano omuviri.—Mabasa 7:20-22; Eksodho 2:1-10; 6:20.
12 Pasinei zvapo nebetsero dzokunyama dzeimba youmambo, Mosesi noushingi akasarudza kutsigira vanamati vaJehovha, panguva iyeyo vakanga vapinzwa muuranda navaEgipita. Mukudzivirira muIsraeri, akauraya muEgipita uye ipapo akatizira kuMidhiani. (Eksodho 2:11-15) Anenge makore 40 gare gare, Mwari akamushandisa kutungamirira vaIsraeri kubuda muusungwa. Mosesi ipapo “wakabva Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo,” uyo akamutyisidzira norufu nokuda kwokumirira Jehovha nokuda kwavaIsraeri. Mosesi akafamba sokunge aiona ‘Uyo asingaoneki,’ Jehovha Mwari. (VaHebheru 11:23-29; Eksodho 10:28) Une kutenda noushingi zvakadaro here zvokuti ucharamba una Jehovha navanhu vake pasinei zvapo nenhamo nechitambudzo?
Ushingi Hwoku‘tevera Jehovha Zvizere’
13. Joshua naKarebhi vakagovera sei mienzaniso youshingi?
13 Joshua naKarebhi vane ushingi vakagovera ufakazi hwokuti tinogona kufamba munzira dzaMwari. Ivo “vakatevera Jehovha zvizere.” (Numeri 32:12, NW) Joshua naKarebhi vakanga vari pakati pavarume 12 vakatumwa kundosora Nyika Yakapikirwa. Dzichitya vagari vayo, tsori gumi dzakaedza kudzivisa Israeri kupinda muKanani. Zvisinei, Joshua naKarebhi noushingi vakati: “Kana Jehovha achifara nesu, uchatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi. Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha unesu, regai kutya.” (Numeri 14:8, 9) Chichishaiwa kutenda noushingi, chizvarwa ichocho chavaIsraeri hachina kutongosvika nyika yechipikirwa. Asi Joshua naKarebhi, pamwe chete nechizvarwa chitsva, vakaipinda.
14, 15. (a) Sezvo Joshua akashandisa mashoko aJoshua 1:7, 8, iye navaIsraeri vakawana chii? (b) Chidzidzoi chinobatanidza ushingi chatinodzidza kuna Joshua naKarebhi?
14 Mwari akaudza Joshua, kuti: “Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murairo wose wandakaraira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda. Bhuku iyi yomurairo haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.”—Joshua 1:7, 8.
15 Sezvo Joshua akashandisa mashoko iwayo, Jeriko namamwe maguta zvakawira kuvaIsraeri. Mwari akatoita kuti zuva rimire zvokuti rakaramba richipenya kusvikira Israeri akunda paGibheoni. (Joshua 10:6-14) Apo vakaiswa mungozi namauto omuvengi akabatanidzwa “vazhinji, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa,” Joshua akaita noushingi, uye Mwari zvakare akaita kuti Israeri akunde. (Joshua 11:1-9) Kunyange zvazvo tiri vanhu vasina kukwana, kufanana naJoshua naKarebhi, tinogona kutevera Jehovha zvizere, uye Mwari anogona kutipa simba kuti tifambe munzira dzake noushingi.
Ushingi Hwokuvimba naMwari
16. Dhebhora, Bharaki, uye Jaeri vakaratidza ushingi munzirai?
16 Chivimbo choushingi naMwari chinotuswa, sezvinoratidzwa nezvinoitika mumazuva apo vatongi vaiita ruramisiro muna Israeri. (Rute 1:1) Somuenzaniso, Mutongi Bharaki nomuporofitakadzi Dhebhora noushingi vakavimba naMwari. Mambo wechiKanani Jabhini akanga adzvinyirira Israeri kwamakore 20 apo Jehovha akaita kuti Dhebhora akurumidzise Bharaki kuunganidza varume 10 000 paGomo reTabhori. Mukuru wehondo waJabhini, Sisera, akamhanyira kumupata worwizi rwaKishoni, aine chokwadi chokuti paiyi nzvimbo yakati sandara varume vaIsraeri vakanga vasati vachizoenzana nehondo yake nengoro dzayo dzehondo 900 dzaiva namapanga esimbi pamavhiri adzo. Apo vaIsraeri vakapinda mumupata, Mwari akaita chiito nokuda kwavo, uye mafashamo akamwe kamwe akashandura nhandare yehondo kuva matope akatadzisa ngoro dzaSisera kufamba. Varume vaBharaki vakakunda, zvokuti “hondo yaSisera ikaurawa neminondo inopinza.” Sisera akatizira kutende raJaeri, asi sezvaakanga akarara, akava noushingi hwokumuuraya kupfurikidza nokurovera mbambo yetende muchavovo chake. Mukuwirirana nokutaura kwaDhebhora kwouporofita kuna Bharaki, “chinhu chinonatsa” (NW) chourwu rukundo nokudaro chakaenda kumukadzi. Nemhaka yokuti Dhebhora, Bharaki, uye Jaeri noshingi vakavimba naMwari, Israeri a“kazorora makore ana makumi mana.”—Vatongi 4:1-22; 5:31.
17. Muenzanisoi wechivimbo choushingi muna Jehovha wakagoverwa noMutongi Gidheoni?
17 Mutongi Gidheoni noushingi akavimba naJehovha Mwari apo vaMidhiani navamwe vakavhozhokera Israeri. Kunyange zvazvo vakakundwa muchiverengero navavhozhokeri vanenge 135 000, varume vanorwa vaIsraeri 32 000 vangave vaiva vachiri kudisa kuti rukundo runopiwa naMwari rwaiparirwa noumhare hwavo vamene. Panhungamiro yaJehovha, Gidheoni naizvozvo akaderedza mauto ake kusvikira kumapoka matatu avarume 100. (Vatongi 7:1-7, 16; 8:10) Sezvo vane 300 vakakomberedza musasa wavaMidhiani usiku, mumwe nomumwe aiva nenyanga nechirongo nezhenje mukati. Pachiratidzo, vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakasimudza mazhenje anopfuta, uye vakadanidzira, kuti: “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” (Vatongi 7:20) VaMidhiani vakatyiswa vakatanga kutiza uye vakakurirwa. Zvinoitika zvakadaro zvinofanira kutipwisa kuti kuvimba kwoushingi muna Mwari kunotuswawo nhasi.
Ushingi Hwokukudza Jehovha Ndokusimudzira Kunamata Kwakachena
18. Apo akauraya Goriati, Dhavhidhi noushingi akaitei?
18 Mimwe mienzaniso yeBhaibheri inopa ushingi hwokukudza Jehovha ndokusimudzira kunamata kwakachena. Dhavhidhi muduku, uyo noushingi akaponesa makwai ababa vake, akabvumikisa kuva ane ushingi pamberi pehofori yechiFiristia Goriati. “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu;” akadaro Dhavhidhi, “asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsraeri, vaunoshora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, . . . kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsraeri. Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha.” (1 Samueri 17:32-37, 45-47) Nebetsero youmwari, Dhavhidhi noushingi akakudza Jehovha, akauraya Goriati, uye nokudaro akaita rutivi runokosha mukubvisa tyisidziro yechiFiristia kukunamata kwakachena.
19. Soromoni aida ushingi nokuda kwebasai, uye chimiro chake chendangariro chinogona kushandiswa sei muzuva redu?
19 Apo mwanakomana waMambo Dhavhidhi Soromoni akanga odokuvaka tembere yaMwari, baba vake vakwegura vakamukurudzira, kuti: “Simba, utsunge mwoyo, uzviite; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, unewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.” (1 Makoronike 28:20) Achiita chiito choushingi, Soromoni akapedza tembere nomutoo unobudirira. Apo purogiramu yokuvaka youbati ushe hwaMwari inopa denho nhasi, ngatiyeukei mashoko aDhavhidhi, okuti: “Simba, utsunge mwoyo, uzviite.” Inzira yakaisvonaka zvakadini yokukudza nayo Jehovha ndokusimudzira kunamata kwakachena!
20. Mambo Asa akava noushingi murutivii?
20 Nemhaka yechishuvo chaMambo Asa chokukudza Mwari ndokusimudzira kunamata kwakachena, akabvisa muna Judha zvidhori namahure echirume apatembere. Akabvisawo mbuya vake vakawa pakutenda panzvimbo yavo yakakwirira ndokupisa “chifananidzo chinonyangadza” chavo. (1 Madzimambo 15:11-13) Hungu, Asa aka“tsunga mwoyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBhenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfraimi; akavandudza artari yaJehovha, yakanga iri pamberi pebiravira raJehovha.” (2 Makoronike 15:8) Iwe unorambawo noushingi kuwa pakutenda ndokusimudzira kunamata kwakachena here? Uri kushandisa zvinhu zvako zvokunyama kufambisira mberi fariro dzoUmambo here? Uye uri kutsvaka kukudza Jehovha kupfurikidza nokuva negoverano yenguva dzose mukuzivisa mashoko akanaka somumwe weZvapupu zvake here?
21. (a) Nhauro dzavachengeti veperero vapamberi pechiKristu dzinogona sei kutibetsera? (b) Chii chicharangarirwa munyaya inotevera?
21 Tinoonga sei kuti Mwari akachengeta nhauro dzapaMagwaro pamusoro pavachengeti veperero vane ushingi vapamberi pechiKristu! Zvirokwazvo, mienzaniso yavo yakaisvonaka inogona kutibetsera kupa basa rinoyera kuna Jehovha noushingi, rutyo rwoumwari, uye ruremekedzo. (VaHebheru 12:28) Asi Magwaro echiKristu echiGiriki anewo mienzaniso youshingi hwoumwari hunoshanda. Dzimwe dzeidzi nhauro dzinogona sei kutibetsera kufamba noushingi munzira dzaJehovha?
Waizopindura Sei?
◻ Ushingi chii?
◻ Enoki naNoa vakaratidzira sei ushingi?
◻ Abrahama, Sara, uye Isaka vakaita noushingi mumativii?
◻ Mienzanisoi youshingi yakagadzwa naMosesi, Joshua, uye Karebhi?
◻ Vamwe vakaratidza sei kuti vakanga vane ushingi hwokuvimba naMwari?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Gidheoni neboka rake duku noushingi vakavimba naJehovha