Mienzaniso Yokuzvininipisa Yokutevedzera
“Unyoro hwenyu hwakandiita mukuru.”—PISAREMA 18:35.
1. Hufakazii hwokuzvininipisa hungagona kuonekwa muna aichimbova purezidhendi weWatch Tower Society?
JOSEPH F. RUTHERFORD akanga ane chimiro chinoorora, achiva akareba masendimita anopfuura 180 uye achirema makirogiramu anosanopfuura 90. Akanga ainewo inzwi rakasimba, iro akashandisa kwete bedzi kuzivisa zita raJehovha sezvarakanga risina kutongoziviswa kare asiwo kuratidzira unyengeri hwavatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu, achidana rudzidziso rwavo kuti “musungo nenyengedzo.” Asi kunyange zvazvo hurukuro dzake dzakanga dzakasimba, apo ainyengetera nemhuri yeBheteri yapadzimbahwe, ainzwika sekakomana chaiko kari kutaura kuna baba vako, nokudaro achipa ufakazi hwezvose zviri zviviri ukama hwake hwapedyo noMuiti wake nokuzvininipisa kwake. Hungu, akanga achizvininipisa sekamwana.—Mateo 18:3, 4.
2. Murutivii chairwo umo vabatiri vaJehovha vanosiana zvikuru navanhu vamwe navamwe vari munyika?
2 Pasina panikiro, vabatiri vose vechokwadi vaJehovha Mwari vanozvininipisa. Muna ikoku vanosiana nenzira inoshamisa navanhu venyika. Nhasi, kupfuura nakare kose, iyo yakazadzwa navanhu vamwe navamwe vanodada. Vakakwirira navane simba, vapfumi navakadzidza, uye kunyange vazhinji vavarombo naavo vanoshaiwa betsero mune dzimwe nzira vanodada.
3. Chii chinogona kutaurwa nezvezvibereko zvorudado?
3 Rudado runoparira gakava guru zvikuru nenhamo. Zvamazvirokwazvo, nhamo yose iri muchisiko chose yakatanga nemhaka yokuti ngirozi yakati yakava inodada, ichida kunamatwa nenzira yakanga iri yoMusiki bedzi bedzi, Jehovha Mwari. (Mateo 4:9, 10) Uyezve, iyeyo, akazviita amene Dhiabhorosi naSatani, akabudirira mukunyengera mukadzi wokutanga, Evha, kupfurikidza nokufadza rudado rwake. Akamuvimbisa kuti akadya muchero wakarambidzwa, aigona kuva akafanana naMwari amene, achiziva zvose zviri zviviri zvakanaka nezvakaipa. Kudai akanga achizvininipisa, angadai akati, ‘Neiko ndichifanira kuda kuva akafanana naMwari?’ (Genesi 3:4, 5) Apo tinorangarira mugariro unosuruvarisa uyo rudzi rwomunhu rwuri mauri, mumuviri, mundangariro, uye mutsika, rudado haruna pembedzo sei kuna vanhu! Hakushamisi kuti tinorava kuti Jehovha anovenga “kuzvikudza namanyawi”! (Zvirevo 8:13) Mumusiano unoshamisa navanhu vose vanodada mienzaniso yokuzvininipisa inowanwa muShoko raMwari, Bhaibheri.
Jehovha Mwari Anozvininipisa
4. Magwaroi anoratidza kuti Jehovha anozvininipisa?
4 Jehovha Mwari—Wokumusoro-soro, Changamire weChisiko Chose, Mambo wokusingagumi—anozvininipisa. (Genesi 14:22) Ikoko kungagona sezvinobvira kuva kwakadaro here? Hungu, zvamazvirokwazvo! Mambo Dhavhidhi akati, sezvakanyorwa paPisarema 18:35: “Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, uye [kuzvininipisa kwenyu mumene kuchandiita, NW] mukuru.” Nomutoo wakajeka, Mambo Dhavhidhi akapa mbiri kuzvininipisa kwaJehovha nokumuita, Dhavhidhi, mukuru. Ipapo zvakare, tinorava paPisarema 113:6 kuti Jehovha “unozvidukupisa kuti aone zviri kudenga napasi.” Dzimwe shanduro dzinorava kuti, “anokotama kuti atarire,” (New International Version) “anozvideredza kuti atarire pasi pakaderera kwazvo.”—The New English Bible.
5. Ndizvinoitikai zvinopupurira kuzvininipisa kwaJehovha?
5 Jehovha Mwari zvamazvirokwazvo akazvideredza munzira yaakabata nayo naAbrahama, achibvumira Abrahama kupanikira ururami Hwake mukuronga kuparadza maguta akaipa eSodhoma neGomora.a (Genesi 18:23-32) Uye apo Jehovha akataura chishuvo chake chokuparadza rudzi rwaIsraeri—pane imwe nguva nokuda kwokunamata zvidhori, imwe nguva nokuda kwokumukira—Mosesi panhambo imwe neimwe akarangarira naJehovha sokunge aitaura kuno mumwe munhu. Nguva imwe neimwe Jehovha akapindura zvakanaka. Kwakaratidza kuzvininipisa kuti Iye abvume mikumbiro yaMosesi pamusoro pavanhu Vake Israeri. (Eksodho 32:9-14; Numeri 14:11-20) Mimwe mienzaniso yokubata kwaJehovha nokuzvininipisa navanhu pahwaro hwomunhu nomunhu, sokunge zvakadaro, inoonwa muukama hwake naGidheoni naJona, sezvakanyorwa pana Vatongi 6:36-40 naJona 4:9-11.
6. Ivarai raJehovha rinozivisazve kuzvininipisa kwake?
6 Kutaura idi, kanenge kapfumbamwe, Jehovha anotaurwa kuva “anononoka kutsamwa.”b Kuva kwaJehovha ane mwoyo murefu, anononoka kutsamwa, mukubata nezvisikwa zvohunhu zvisina kukwana muzviuru zvose zvamakore ndichimwe chibvumikiso chokuva kwake anozvininipisa. Vanhu vanodada vane chinya, vanokurumidza kuratidzira hasha, zvakasiana zvikuru nomwoyo murefu. Kuzvininipisa kwaJehovha kunoita kuti rudado rwavanhu vasina kukwana rwuve upenzi sei! Sezvo tichiudzwa kuti ‘tive vatevedzeri vaMwari savana vanodiwa,’ tinofanira kuva vanozvininipisa kunyange sezvo iye achizvininipisa.—VaEfeso 5:1
Muenzaniso waKristu Wokuzvininipisa
7, 8. Magwaro anotii nezvokuzvininipisa kwaJesu Kristu?
7 Muenzaniso wechipiri unoshamisa zvikurusa wokuzvininipisa wokuti titevedzere unodudzwa pana 1 Petro 2:21, kuti: “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” Kare kare asati auya kupasi somunhu, kwakaporofitwa pamusoro pake pana Zekaria 9:9, kuti: “Pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unouya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unozvininipisa, akatasva mbongoro.” Kudai Jesu Kristu akanga achidada, angadai akasanogamuchira kupa kwaDhiabhorosi umambo hwose huri munyika mukutsinhana nechiito chimwe chokunamata. (Mateo 4:9, 10) Akaratidzawo kuzvininipisa kwake kupfurikidza nokupa kuna Jehovha mbiri yose nokuda kwokudzidzisa kwake, achiti: “Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye kuti ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.”—Johane 8:28.
8 Aigona kusanotaura kuvateereri vake, kuti: “Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.” (Mateo 11:29) Uye muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokuzvininipisa waakagadza kupfurikidza nokugeza tsoka dzavaapostora vake pamadekwana okupedzisira aaiva navo somunhu! (Johane 13:3-15) Nomutoo wakakodzera zvikurusa, pana VaFiripi 2:3-8, muapostora Pauro anopa zano maKristu kuva “nomwoyo unozvininipisa,” achidudza Jesu Kristu somuenzaniso: “Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuwo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndichinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu [padanda rokutambudzira, NW].” Apo akatarisana nenjodzi hurusa youpenyu hwake, akanyengetera kuna Baba vake nokuzvininipisa, kuti: “Kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” (Mateo 26:39) Pasina panikiro yose, kuti isu tive vatevedzeri vaJesu Kristu, tichisanotevera mumakwara ake, tinofanira kuva vanozvininipisa.
Muapostora Pauro, Muenzaniso Wakaisvonaka Wokuzvininipisa
9-12. Muapostora Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka wokuzvininipisa munzirai?
9 Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Ivai [vatevedzeri, NW] vangu, seni ndiri muteveri waKristu.” (1 VaKorinte 11:1) Muapostora Pauro akatevedzera Jesu Kristu kupfurikidza nokuva anozvininipisa mundangariro, nomutoo iwoyo achitipa mumwe muenzaniso wokuzvininipisa wokutevedzera here? Zvamazvirokwazvo akadaro. Kutanga, nenzira yokuzvininipisa akabvuma kuti iye akanga ari muranda waJesu Kristu. (VaFiripi 1:1) Akaudza vakuru veEfeso pamusoro po‘kubatira [kwake] Ishe nokuzvininipisa kukurusa kwendangariro nemisodzi nemiedzo izvo zvakamuwira kupfurikidza nokuronga kwavaJudha.’ (Mabasa 20:17-19) Kudai akanga asingazvininipisi, angadai asina kutongonyora mashoko anowanwa pana VaRoma 7:18, 19, anoti: “Ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka . . . Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.”
10 Zvinoratidzirawo kuzvininipisa kwaPauro ndizvo izvo iye akanyorera maKristu apaKorinte, sezvakanyorwa pana 1 VaKorinte 2:3, kuti: “Ndakanga ndiri pakati penyu noutera, nokutya, nokudedera kukuru.” Achinongedzera nokuzvininipisa kumufambiro wake womunguva yakapfuura asati ava muKristu, akanyora, kuti: “Ini ndaiva mumhuri waMwari kare, nomutambudzi ndichiitira vanhu zvakaipa . . . Kristu Jesu wakauya panyika kuzoponesa vatadzi; avo, ini ndiri mukuru wavo.”—1 Timotio 1:13, 15.
11 Kunoratidzazve kuzvininipisa kupa kwake mbiri kuna Jehovha Mwari yokubudirira kwose munhamburiko dzake. Akanyora pamusoro poushumiri hwake, kuti: “Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa. Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza; asi Mwari unomeresa.” (1 VaKorinte 3:6, 7) Akakumbirawo hama dzake kuti dzimunyengeterere kuti agopa uchapupu hwakanaka, sezvatinorava pana VaEfeso 6:18-20, kuti: “Munyengetere nguva dzose . . . neniwo, kuti ndipiwe shoko . . . kuti ndizvitaure [chakavanzika chinoyera chamashoko akanaka] ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.”
12 Pauro akaratidzawo kuzvininipisa kwake munzira yaakabatira pamwe nayo navamwe vaapostora: “Jakobho, naKefasi, naJohane . . . vakatibata isu tose naBharnabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa.” (VaGaratia 2:9) Akaratidzazve kudisa kwake kubatira pamwe navakuru veungano yeJerusarema kupfurikidza nokuperekedza varume vaduku vana kutembere nokubhadhara ndyiko dzavo sezvo vakazadzika mhiko.—Mabasa 21:23-26.
13. Chii chakaita kuti kuzvininipisa kwaPauro kushamise kwazvo?
13 Kuzvininipisa kwaPauro kunoshamisa zvikuru kwazvo apo tinocherekedza kuti akashandiswa zvikuru sei naJehovha Mwari. Somuenzaniso, tinorava, kuti “Mwari wakaita masimba anoshamisa namaoko aPauro.” (Mabasa 19:11, 12) Kupfuura izvozvo, akapiwa zviono nezvizaruro zvinopfuura zvomuzvarirwo. (2 VaKorinte 12:1-7) Hatifaniriwo kufuratira kuva kwake akafemerwa kunyora 14 emabhuku 27 (zvomenemene tsamba) dzaMagwaro echiKristu echiGiriki. Zvose izvozvo hazvina kumuita kuti azvikudze. Akaramba achizvininipisa.
Mienzaniso Yomuzuva Razvino Uno
14-16. (a) Purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society akanga ari muenzaniso wakaisvonaka sei wokuzvininipisa? (b) Muenzaniso wake unosiana zvikuru nouyo waani?
14 Pana VaHebheru 13:7, tinorava zano romuapostora Pauro, rokuti: “Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.” Mukuwirirana neiyi nheyo, tinogona kutora somuenzaniso womuzuva razvino uno purezidhendi wokutanga weWatch Tower Bible and Tract Society, Charles Taze Russell, ane kutenda tingatevedzera. Akanga ari murume anozvininipisa here? Zvamazvirokwazvo akanga ari! Sezvakasanocherechedzwa, mumashoko edzake Studies in the Scriptures, mavhoriyamu matanhatu amapeji 3 000, haana kuita nongedzero kwaari amene kana kamwe chete. Zvinyorwa zveWatch Tower Bible and Tract Society nhasi zvinotevera iyi nheyo mukusakwevera ngwariro kuvanhu kupfurikidza nokuzivisa vanyori venyaya.
15 MuWatch Tower, Russell akambonyora kuti akanga asingazivi nezvechinhu chakadai se“chiRussell” uye “muRussell,” mashoko ayo vadzivisi vake vakashandisa asi ayo akaramba chose chose. Akanyora, kuti: “Basa redu . . . rave riri rokuunganidza zvidimbu zvakaparadzirwa kare kare zvezvokwadi ndokuzvipa kuvanhu vaShe—kwete sezvitsva, kwete sezvedu timene, asi sezvaShe . . . Basa umo Ishe akafadzwa namo kushandisa mano edu akaderera rave risiri basa rokuvamba kupfuura rokuumbazve, gadziridzo, tsinhiraniso.” Zvirokwazvo, akataura mirangariro yomuapostora Pauro, seinowanwa pana 1 VaKorinte 3:5-7.
16 Chimiro chake chendangariro chakanga chakapesana chose neicho chaCharles Darwin. Muchinyorwa chake chokutanga cheThe Origin of Species muna 1859, Darwin akanongedzera anongedzerazve kurondedzero “yangu,” achifuratira izvo vamwe vapamberi pake vakanga vataura pamusoro pemhindumupindu. Munyori akakurumbira wezana ramakore iroro, Samuel Butler, akatsiura Darwin zvakakomba, achionesa kuti vamwe vazhinji vakanga vafambisira mberi rondedzero yemhindumupindu; yakanga isina kutongovamba naDarwin.
17. Ndeipi iri mimwezve mienzaniso yokuzvininipisa kwaHama Rutherford?
17 Mumwe mubatiri akatendeka munguva dzazvino uno uyo Jehovha Mwari akashandisa zvikuru akanga ari Joseph F. Rutherford, adudzwa pakuvamba. Akanga ari murevereri ane ushingi wezvokwadi yeBhaibheri uye zvikurukuru wezita raJehovha. Kunyange zvazvo aizivikanwa zvakafara saJudge Rutherford, pamwoyo akanga ari murume anozvininipisa. Somuenzaniso, akambotaura zvakasimba pamusoro peizvo maKristu aigona kukarira muna 1925. Apo zvinoitika zvakakundikana kutsigira kariro dzake, nokuzvininipisa akaudza mhuri yeBheteri yeBrooklyn kuti akanga azviita amene benzi. Mumwe muKristu akazodzwa aisanosonganirana naye zvikuru akapupurira kuti iye panguva nenguva akanzwa Hama Rutherford vachikumbira ruregerero mumudzimu waMateo 5:23, 24, pose pari paviri pachena napachivande, nokuda kwokuve akanga akuvadza muKristu biyake kupfurikidza nokutaura kwokusachenjera. Kunoda kuzvininipisa kuti munhu ane nzvimbo ine chiremera akumbire ruregerero kuna avo vari pasi pake. Hama Rutherford vakagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavatariri vose, mungave muungano, mubasa rokufambira, kana kuti murimwe ramapazu eSosaiti.
18. Kutaurai kunozivisa chimiro chokuzvininipisa chendangariro uko purezidhendi wechitatu weSosaiti akaita?
18 Purezidhendi wechitatu weWatch Tower Bible and Tract Society, Nathan H. Knorr, akaratidzawo kuti, kunyange zvazvo akanga akatanhamara pakati pavanhu vaJehovha, haana kunzwa akwidziridzwa nemhaka yenzvimbo yake. Kunyange zvazvo aiita zvakanaka zvikuru mumano okuronga nomukutaura pachena, airemekedza zvikuru izvo vamwe vaiita. Nokudaro, akamboshanyira mumwe mutezo weBato Rokunyora muhofisi yawo ndokuti: “Muno ndimo umo basa rinokosha zvikurusa pamwe chete nerakaoma zvikurusa rinoitika. Ndicho chikonzero nei ndichiita shomanene kwazvo raro.” Hungu, akanga achishandisa nokuzvininipisa zano riri pana VaFiripi 2:3, rokuti ‘nokuzvininipisa kwendangariro munhu anofanira kurangarira kuti vamwe vakuru kwaari.’ Ainzwisisa kuti kunyange zvazvo kubatira sapurezidhendi weSosaiti kwaikosha, mamwe mabasa aikoshawo. Kwakada kuzvininipisa kwaari kurangarira nenzira iyoyo uye kukutaura zvakajeka kudaro. Akanga ari mumwe muenzaniso wakaisvonaka wokuti vose vatevedzere, zvikurukuru avo vangave nenzvimbo yakatanhamara youtarisiri.
19, 20. (a) Muenzanisoi wokuzvininipisa uyo purezidhendi wechina weSosaiti akagadza? (b) Ibetseroi iyo nyaya inotevera ichapa pamusoro pokushandisa kuzvininipisa kwedu?
19 Purezidhendi wechina weSosaiti, Fred W. Franz, akanga ariwo muenzaniso wakaisvonaka wokuzvininipisa. Somutevedzeri wapurezidhendi weSosaiti kwamakore 32, akanyora zvakawanda zvamagazini uye zvepurogiramu dzekokorodzano; bva muna ikoku akaramba asingazivikanwi, asingatongotsvaki kuwana ngwariro. Muenzaniso wakare wakaenzana ungadudzwa. Apo Joabhi akakurira vaAmoni paRabha, akava nechokwadi chokuti Mambo Dhavhidhi akagamuchira mbiri yorukundo.—2 Samueri 12:26-28.
20 Zvirokwazvo, pane mienzaniso yakaisvonaka yakawanda zvikuru, yomunguva yakapfuura uye yazvino, ichatipa zvikonzero zvakasimba zvokuva vanozvininipisa. Zvisinei, pane zvimwe zvikonzero zvakawanda zvokuti isu tive vanozvininipisa, uye izvozvi pamwe chete neyamuro dzokuva kwedu vanozvininipisa zvicharangarirwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a “Kuzvideredza” rinowanzoshandiswa nerevo yokuti “wana murangariro woukuru.” Asi revo yaro huru—uye revo yaro muNew World Translation—ndi“wanyura,” “kurega ropafadzo dzenzvimbo.”—Ona Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary.
b Eksodho 34:6; Numeri 14:18; Nehemia 9:17; Pisarema 86:15; 103:8; 145:8; Joere 2:13; Jona 4:2; Nahumi 1:3.
Unoyeuka Here?
◻ Chii chave chiri zvibereko zvorudado?
◻ Ndiani akagadza muenzaniso wakaisvonaka zvikurusa mukuzvininipisa?
◻ Chii chinoratidza kuti ndiani akanga ari muenzaniso wechipiri mukurusa wokuzvininipisa?
◻ Muenzanisoi wakaisvonaka wokuzvininipisa muapostora Pauro akagadza?
◻ Mienzanisoi yakatanhamara yomuzuva razvino uno yokuzvininipisa yatinayo?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Jesu akapa kuratidzirwa kwakaisvonaka kwokuzvininipisa
[Mufananidzo uri papeji 16]
Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka wokuzvininipisa
[Mufananidzo uri papeji 17]
Hama Russell havana kuzvipa mbiri nokuda kwezvinhu zvavakanyora