Farikanya Betsero Dzokudzidzisa Kwoumwari
“Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira.”—ISAYA 48:17.
1. Tichararama sei kana tikashandisa kudzidzisa kwoumwari muupenyu hwedu?
JEHOVHA MWARI anoziva zvakanakisisa. Hapana munhu anomupfuura mumufungo, shoko, kana kuti chiito. SoMusiki wedu, anoziva zvinodikanwa zvedu uye anozvigovera zvakawanda. Zvamazvirokwazvo anoziva nzira yokutiraidza nayo. Uye kana tikashandisa kudzidzisa kwoumwari, tinozvibetsera timene ndokufarikanya mufarwa wechokwadi.
2, 3. (a) Vanhu vaMwari vakare vangadai vakazvibetsera vamene sei kudai vakanga vateerera mirairo yake? (b) Chii chichaitika kana tikashandisa kudzidzisa kwoumwari muupenyu hwedu nhasi?
2 Kudzidzisa kwoumwari kunozivisa chishuvo chaMwari chechokwadi chokuti vabatiri vake vadzivise ngwavaira ndokufarikanya upenyu kupfurikidza nokuwirirana nemitemo yake nenheyo. Kudai vanhu vakare vaJehovha vakanga vamuteerera, vangadai vakafarikanya zvikomborero zvikuru zvakapfuma, nokuti akanga avaudza, kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirairo yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!”—Isaya 48:17, 18.
3 Vanhu vakare vaMwari vangadai vakazvibetsera vamene kudai vakanga vateerera mirairo yake nemiraidzo. Panzvimbo pokutambura ngwavaira pamaoko avaBhabhironi, vangadai vakafarikanya rugare nokubudirira zvakazara, zvakadzama, uye nokusingagumi sorwizi. Uyezve, zviito zvavo zvakarurama zvingadai zvakava zvisingaverengeki samafungu egungwa. Nomutoo wakafanana, kana tikashandisa kudzidzisa kwoumwari muupenyu hwedu, tinogona kufarikanya betsero dzako dzakawanda. Chii chiri dzimwe dzaidzodzi?
Kunochinja Upenyu
4. Kudzidzisa kwoumwari kwave kuchitapura sei upenyu hwavanhu vakawanda?
4 Kudzidzisa kwoumwari kwave kuchibetsera vanhu vakawanda kupfurikidza nokuchinja upenyu hwavo nokuda kwezvakanaka. Avo vanoshandisa muraidzo waJehovha vanosiya “mabasa enyama,” akadai somufambiro wakashata, kunamata zvidhori, kushandisa midzimu, gakava, uye godo. Panzvimbo pezvo, vanoratidzira chibereko chomudzimu chorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (VaGaratia 5:19-23) Vanoteererawo zano raVaEfeso 4:17-24, apo Pauro anokurudzira vatendi biyake kusafamba sezvinoita marudzi, mukusabetsera kwendangariro dzawo nomurima rendangariro, vakaparadzaniswa noupenyu huri hwaMwari. Vasingatungamirirwi nomwoyo mikukutu, vanhu vamwe navamwe vakafanana naKristu ‘vanobvisa hunhu hwekare hunowirirana neyaichimbova nzira yavo yomufambiro uye vanoitwa vatsva musimba rinosunda ndangariro yavo.’ Ivo ‘vanopfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.’
5. Kudzidzisa kwoumwari kunotapura sei nzira iyo vanhu vanofamba nayo?
5 Betsero yakaisvonaka yokushandisa kudzidzisa kwoumwari ndeyokuti kunotiratidza nzira yokufamba nayo naMwari. Kana tikafamba naJehovha, sezvakaita Noa, tinotevera mararamire akaoneswa noMuraidzi wedu Mukuru. (Genesi 6:9; Isaya 30:20, 21) Vanhu vamarudzi vano“[famba mukusabetsera kwendangariro dzavo,” NW], sezvakataura muapostora Pauro. Uye manyoro endangariro idzodzo anogona kuva asingabetseri sei! Achicherechedza manyoro avamwe ari pamadziro muPompeii, mumwe mucherekedzi akanyora iye amene, kuti: “Kunoshamisa, Haiwa madziro, kuti iwe hausati waputsika nokuremerwa noupenzi hwakawanda kwazvo hwakanyorwa.” Asi hapana upenzi mu“kudzidzisa kwaJehovha” uye basa rokuparidzira Umambo rakunoita kuti kubvirire. (Mabasa 13:12, NW) Kupfurikidza nebasa iroro, vanhu vanoda zvokwadi vanobetserwa kuita nenzira ino mufungo. Vanodzidziswa nzira yokurega nayo kufamba munzira yavo yokutadza, mukusaziva madonzo aMwari. Havachisirizve murima mundangariro, uyewo havasundwi nemwoyo mikukutu vachitsvaka nharidzano dzisingabetseri.
6. Ukamai huripo pakati pokuteerera kwedu kudzidzisa kwaJehovha nomufarwa wedu?
6 Kudzidzisa kwoumwari kunotibetserawo mukuti kunotirovedzanisa naJehovha nemibato yake. Zivo yakadaro inotiswededza pedyo zvikuru naMwari, inowedzera rudo rwedu nokuda kwake, uye inowedzera chishuvo chedu chokumuteerera. Inoti 1 Johane 5:3: “Rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.” Tinowiriranawo nemirairo yaJesu nemhaka yokuti tinoziva kuti kudzidzisa kwake kunobva kuna Mwari. (Johane 7:16-18) Kuteerera kwakadaro kunotidzivirira pakuvadziko yomudzimu uye kunosimudzira mufarwa wedu.
Donzo Chairoiro Muupenyu
7, 8. (a) Tinofanira kunzwisisa sei Pisarema 90:12? (b) Tinogona sei kupinza mwoyo wouchenjeri?
7 Kudzidzisa kwaJehovha kunobetsera mukutiratidza nzira yokushandisa nayo upenyu hwedu nomutoo une donzo. Kutaura idi, kudzidzisa kwoumwari kunotiratidza nzira yokuverenga nayo mazuva edu nenzira chaiyo. Nduramo yamakore 70 ine chipikirwa chamazuva 25 550. Munhu ane makore 50 okukura atopedza 18 250 awo, uye mazuva ake anokarirwa asara 7 300 anoratidzika kuva mashomanene zvamazvirokwazvo. Zvikurukuru ipapo ngaanzwisise zvizere zvikuru chikonzero nei muporofita Mosesi akanyengetera kuna Mwari paPisarema 90:12, kuti: “Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.” Asi Mosesi akarevei naikoko?
8 Mosesi haana kureva kuti Mwari aizozivisa chiverengero chaichoicho chamazuva aizova munduramo yomuIsraeri mumwe nomumwe. Mukuwirirana nePisarema 90, ndima 9 ne 10, muporofita iyeyo wechiHebheru akaziva kuti nduramo ingava makore 70 kana kuti 80—mapfupi zvamazvirokwazvo. Naizvozvo mashoko ePisarema 90:12 sezviri pachena akaratidza chishuvo chokunyengetera chaMosesi chokuti Jehovha amuratidze, kana kuti amudzidzise, navanhu Vake kushandisa uchenjeri mukukoshesa ‘mazuva amakore avo’ uye kuashandisa nenzira inotenderwa naMwari. Eya, ipapoka, zvakadiniko nesu? Tinoonga zuva rimwe nerimwe rinokosha here? Tiri kupinza mwoyo wouchenjeri kupfurikidza nokutsvaka kupedzera zuva riri rose nenzira yakakodzera kumbiri yoMuraidzi wedu Mukuru, Jehovha Mwari here? Kudzidzisa kwoumwari kunotibetsera kuita izvozvo chaizvo.
9. Chii chinogona kukarirwa kana tikadzidza kuverenga mazuva edu kumbiri yaJehovha?
9 Kana tikadzidza kuverenga mazuva edu kumbiri yaJehovha, tingakwanisa kupfuurira kuverenga mazuva edu, nokuti kudzidzisa kwoumwari kunopa zivo youpenyu husingagumi. “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi,” akadaro Jesu, “kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari oga wechokwadi, uye youyo wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3, NW) Chokwadika, kana tikawana uchenjeri hwose hwenyika hunowanika, hahungatiunziri upenyu husingagumi. Asi upenyu husingaperi hunogona kuva hwedu kana tikawana ndokushandisa zivo yakarurama yavanhu vaviri vanokosha zvikurusa muchisiko chose ndokushandisa chaizvoizvo kutenda.
10. Imwe enisaikoropidhia inotii pamusoro pedzidzo, uye ikoku kunoenzana sei nebetsero dzokudzidzisa kwoumwari?
10 Hazvinei hazvo kuti tararama zvakareba sei, ngatiyeukei iyi betsero inoshamisa yokudzidzisa kwoumwari: Inopa avo vanoishandisa donzo chairoiro muupenyu. The World Book Encyclopedia inoti: “Dzidzo inofanira kubetsera vanhu kuva mitezo inobetsera yechaunga. Inofanira kuvabetserawo kukudziridza kunzwisisa nhaka yavo yetsika ndokurarama upenyu hunogutsa zvikuru.” Kudzidzisa kwoumwari kunobetsera mukutibetsera kurarama upenyu hunofadza. Kunotanga mukati medu kuonga kukuru nhaka yedu yomudzimu savanhu vaMwari. Uye zvirokwazvo kunotiita mitezo inobetsera yechaunga, nokuti kunotigonesa kuita basa rinokosha mukuita zvinodikanwa zvavanhu mupasi rose. Neiko ikoko kuchigona kutaurwa?
Gadziriro Yokudzidzisa Yenyika Yose
11. Thomas Jefferson akasimbisa sei dikanwo yedzidzo yakafanira?
11 Kusafanana neimwe gadziriro yokuraidza, kudzidzisa kwoumwari kunoita zvinodikanwa zvedzidzo zvavanhu. Dikanwo yokudzidzisa vanhu yakataurwa naThomas Jefferson, uyo akava purezidhendi wechitatu weUnited States. Mutsamba yaAugust 13, 1786, kuna George Wythe, shamwari uye musaini biyake weDeclaration of Independence, Jefferson akanyora, kuti: “Ndinofunga kuti mutemo unokosha zvikurusa kwazvo mubumbiro redu rose remitemo ndeuyo wokuparadzirwa kwezivo pakati pavanhu. Hapana humwe hwaro hwechokwadi hunogona kurongwa, nokuda kwokuchengetedzwa kwerusununguko nomufarwa. . . . Paridzira, ishe wangu anodiwa, nhimbe yokurwisana nokusaziva; tanga ndokuvandudza mutemo wokudzidzisa vanhuwo zvavo. Vanhu venyika yedu ngavazive . . . kuti mutero uchabhadharwa nokuda kwedonzo [redzidzo] hausati uri mukuru kupfuura rutivi rwechiuru rwechichabhadharwa kumadzimambo, vaprista, uye vakuru vachamuka pakati pedu kana tikasiya vanhu vasingazivi.”
12. Neiko kuchigona kutaurwa kuti kudzidzisa kwoumwari ndiyo gadziriro inobudirira zvikurusa neinobetsera nokuda kwedzidzo yapasi rose?
12 Kusingatongosiyi vanhu vakarurama vasingazivi, kudzidzisa kwaJehovha kunogovera gadziriro yakanakisisa yedzidzo yenyika yose nokuda kwebetsero yavo. Apo Hondo yeNyika II yakanga ichiri kudya marasha makore 50 apfuura, Committee on Educational Reconstruction yeUnited States yakaona chinodikanwa chokukurumidzira che“dzidzo yenyika yose.” Chinodikanwa ichocho chichiripo, asi kudzidzisa kwoumwari ndiyo gadziriro inobudirira bedzi nokuda kwedzidzo yenyika yose. Ndiyowo inobetsera zvikurusa nemhaka yokuti inobvisa vanhu mukuora mwoyo, inovasimudzira mutsika nomumudzimu, inovadzivisira kudada kwenyika nokufungira mano kwakaipa, uye inopa zivo youpenyu husingagumi. Kupfuura zvose, iyi gadziriro iri kubetsera vanhu kunzvimbo iri yose kupfurikidza nokuvadzidzisa kubatira Jehovha Mwari.
13. Isaya 2:2-4 iri kuzadzikwa sei nhasi?
13 Betsero dzokudzidzisa kwoumwari dziri kufarikanywa navazhinji zvino vari kuva vabatiri vaMwari. Vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu uye vanoziva zvizere kuti zuva raJehovha rava pedyo. (Mateo 5:3; 1 VaTesaronika 5:1-6) Iye zvino, “pamazuva okupedzisira,” ava vanhu vamarudzi ose vari kudirana kugomo raJehovha, kunamatwa kwake kwakachena. Kwakasimbiswa zvikuru uye kwakasimudzirwa pamusoro pokunamata kwose kunopesana nokuda kwaMwari. (Isaya 2:2-4) Kana uri Chapupu chakazvitsaurira chaJehovha, haufadzwi here kuva pakati pamapoka anowedzera nguva dzose anomunamata uye anobetserwa nokudzidzisa kwoumwari? Kwakaisvonaka sei kuva pakati paavo vanozivisa, kuti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu!”—Pisarema 150:6, NW.
Muuyo Unobetsera Pamudzimu Wedu
14. Kutevera zano raPauro riri pana 1 VaKorinte 14:20 ndokwebetseroi?
14 Pakati pebetsero dzakawanda dzokudzidzisa kwoumwari ndiwo muuyo wakaisvonaka wakunogona kuva nawo pakufunga kwedu nomudzimu. Kunotisunda kufunga nezvezvinhu zvakarurama, zvakachena, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa. (VaFiripi 4:8) Kudzidzisa kwaJehovha kunotibetsera kutevera zano raPauro: “Muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru.” (1 VaKorinte 14:20) Kana tikashandisa uku kuraira, hatisati tichizotsvaka zivo muuipi. Pauro akanyorawo, kuti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri.” (VaEfeso 4:31) Kuteerera zano rakadaro kuchatibetsera kudzivisa utere nezvimwe zvivi zvakakomba. Nepo ikoku kungave kuchibetsera mumuviri nomundangariro, zvikurukuru kuchatiunzira mufaro wokuziva kuti tiri kufadza Mwari.
15. Chii chinogona kutibetsera kuramba takanaka mumufungo?
15 Kana tichizoramba takanaka mumufungo, betsero imwe kudzivisa ‘songaniro dzakashata dzinoshatsa tsika dzinobetsera.’ (1 VaKorinte 15:33, NW) SamaKristu, hatingafambidzani nezvifeve, mhombwe, uye vamwe vaiti vezvakaipa. Nenzira ine mufungo, ipapoka, hatifaniri kusonganirana navanhu vamwe navamwe vakadaro kupfurikidza nokurava pamusoro pavo nokuda kwomufaro wokunyama kana kuti nokuvaona muterevhizheni kana kuti mumabhaisikopo. Mwoyo unonyengera, tinogona zviri nyore kuwana chishuvo chezvinhu zvakaipa, uye tinogona kuedzwa kuzviita. (Jeremia 17:9) Naizvozvo ngatidzivisei miedzo yakadaro kupfurikidza nokuomerera kukudzidzisa kwoumwari. Kunogona kutapura kufunga kwa“vadi vaJehovha” kutambanuko inobetsera zvakadaro zvokuti ivo vano“venga zvakaipa.”—Pisarema 97:10, NW.
16. Kudzidzisa kwaMwari kunogona sei kutapura mudzimu watinoratidzira?
16 Pauro akaudza mushandi biyake Timotio, kuti: “Ishe ave nomudzimu waunoratidza. Mutsa wake usakafanirwa uve nemi vanhu.” (2 Timotio 4:22, NW) Muapostora akashuva kuti Mwari, kupfurikidza naIshe Jesu Kristu, atendere simba rinosunda rinonyandura Timotio namamwe maKristu. Kudzidzisa kwaMwari kunotibetsera kuratidzira mudzimu worudo, womutsa, munyoro. (VaKorose 3:9-14) Uye wakasiana sei nouyo wavazhinji muano mazuva okupedzisira! Vanozvikudza, havaongi, havana chidakadaka chomuzvarirwo, havana kuzaruka kubvumirano ipi neipi, havadzoreki, vanoda mufarwa, uye havana kuzvipira kwoumwari. (2 Timotio 3:1-5) Sezvatinopfuurira kushandisa betsero dzokudzidzisa kwoumwari muupenyu hwedu, zvisinei, tinoratidzira mudzimu unoita kuti tidiwe naMwari navanhu biyedu.
Kunobetsera Muukama Hwavanhu
17. Neiko batira pamwe yokuzvininipisa ichikosha kwazvo?
17 Kudzidzisa kwaJehovha kunotibetsera kuona betsero dzebatira pamwe yokuzvininipisa navanamati biyedu. (Pisarema 138:6) Kusafanana navanhu vakawanda nhasi, hatiputsi nheyo dzakarurama asi takazaruka kubvumirano. Somuenzaniso, zvakanaka zvizhinji zvinovapo nemhaka yokuti vatariri vakagadzwa vakazaruka kubvumirano mukati memisangano yavakuru. Ava varume vanogona kutaura zvakaterama mufariro yezvokwadi, nepo vasingabvumiri mirangariro kufukidza zvino mufungo kana kuti kuparira kusanzwana. Mitezo yose yeungano ichabetserwa nomudzimu wechinzwano watinofarikanya kana isu tose tikaramba tichishandisa kudzidzisa kwoumwari.—Pisarema 133:1-3.
18. Kudzidzisa kwoumwari kunotibetsera kuva nomurangariroi wavadaviri biyedu?
18 Kudzidzisa kwoumwari kunobetserawo mukutibetsera kuva nomurangariro wakafanira wavadaviri biyedu. Jesu akati: “Hakuno munhu ungauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi.” (Johane 6:44) Zvikurukuru chifo cha 1919, Jehovha akaita kuti vabatiri vake vazivise marutongeso ake, uye tsika yenyika yaSatani yakazununguswa ndokuzunguzwa neiyi nyevero yenyika yose. Panguva imwe cheteyo, vanhu vanotya Mwari—“zvose zvinodikanwa”—vakakweviwa naMwari kuti vazviparadzanise vamene namarudzi ndokugoverana namaKristu akazodzwa mukuzadza imba yaJehovha yokunamatira nembiri. (Hagai 2:7) Zvirokwazvo, tinofanira kurangarira vanodikanwa vakadaro vanokweviwa naMwari sevasonganiri vanodiwa.
19. Kudzidzisa kwaMwari kunozivisei pamusoro pokupedza zvitambudzo zvomunhu oga namaKristu biyedu?
19 Nemhaka yokuti tose zvedu hatina kukwana, chokwadika, zvinhu hazvisati zvichizonaka nguva dzose. Apo Pauro akanga oda kuenda parwendo rwake rwoufundisi rwechipiri, Bharnabhasi akanga akatsunga kuenda naMarko. Pauro haana kubvuma nemhaka yokuti Marko “wakambovasiya paPamfiria akasaenda navo kubasa.” Pana ikoko, “[kutsamwirana kukuru,” NW] kukavapo. Bharnabhasi akaenda naMarko kuKupro, nepo Pauro akaita kuti Sirasi amukumbanire vachipfuura nomuSiria neKirikia. (Mabasa 15:36-41) Gare gare, sezviri pachena uku kusabvumirana kwakapedzwa, nokuti Marko akanga ana Pauro muRoma, uye muapostora wacho akataura zvakanaka nezvake. (VaKorose 4:10) Imwe betsero yokudzidzisa kwoumwari ndeyokuti kunotiratidza nzira yokupedza nayo zvitambudzo zvomunhu oga pakati pamaKristu kupfurikidza nokutevera zano rakadai seiro raJesu riri pana Mateo 5:23, 24 uye Mateo 18:15-17.
Kunobetsera Nguva Dzose uye Kunokurira
20, 21. Kurangarira kwedu kudzidzisa kwoumwari kunofanira kutisunda kuitei?
20 Kunyange mukurangarira kwedu kupfupi dzimwe betsero nokukurira kwokudzidzisa kwoumwari, pasina panikiro tose zvedu tinogona kuona dikanwo yokupfuurira mukukushandisa muupenyu hwedu. Nomudzimu wokunyengetera, ipapo, ngatipfuurirei kudzidza kune Muraidzi wedu Mukuru. Nokukurumidza, kudzidzisa kwoumwari kuchakurira sezvisakamboitika nakare kose. Kuchakurira apo vakangwara venyika ino vachave vafa. (Enzanisa na 1 VaKorinte 1:19.) Uyezve, sezvo mamirioni akawanda anodzidza ndokuita kuda kwaMwari, zivo yaJehovha ichazadza pasi sekufukidza kunoita mvura gungwa rimene. (Isaya 11:9) Ikoku kuchabetsera zvikuru sei rudzi rwomunhu runoteerera ndokureverera Jehovha saChangamire weChisiko chose!
21 Kudzidzisa kwaJehovha kuchava kunobetsera nokunokurira nguva dzose. Uchapfuurira kubetserwa nako somudzidzi anoshingaira weBhuku guru raMwari rinofundwa here? Uri kurarama mutsinhirano neBhaibheri uye kugoverana zvokwadi dzaro navamwe here? Kana zvakadaro, unogona kukarira kuona kukurira kwakakwana kwokudzidzisa kwoumwari, kumbiri yoMuraidzi wedu Mukuru, Changamire Ishe Jehovha.
Chii Chawadzidza?
◻ Kudzidzisa kwoumwari kunogona kuva netapuro yakadini paupenyu hwedu?
◻ Kudzidzisa kwaJehovha kuri kuita sei zvinodikanwa zvedzidzo?
◻ Kudzidzisa kwoumwari kunogona kuva nomuuyo wakadini unobetsera pakufunga kwedu nechimiro chendangariro?
◻ Kudzidzisa kwaMwari kunobvumikisa sei kuva kunobetsera nezveukama hwavanhu?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kudzidzisa kwoumwari kunotiratidza nzira yokufamba nayo naMwari, sezvakaita Noa
[Mufananidzo uri papeji 17]
Vanhu vamarudzi ose vari kudirana kugomo raJehovha