Iva Anonzwira Tsitsi Nenzira Younyoro
“Zvipfekedzei mumene zvidakadaka zvinyoro zvetsitsi, mutsa.”—VAKOROSE 3:12, NW.
1. Neiko pane kudikanwa kukuru kwetsitsi nhasi?
KUGARA nokugara munhau hakuna kutongova navanhu vazhinji kwazvo vakadai vanoda rubatsiro rwokunzwira tsitsi. Mukutarisana nechirwere, nzara, kushayikwa kwamabasa, utsotsi, hondo, nyongano, uye ngwavaira dzomusikirwo, mamiriyoni anoda betsero. Asi kune chinetso chakatokomba zvikuru, uye ichocho ndicho mamiriro ezvinhu omudzimu okupererwa nezano orudzi rwomunhu. Satani, uyo anoziva kuti nguva yake yava pfupi, “ari kunyengera pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9, 12, NW) Nokudaro, zvikurukuru avo vari kunze kweungano yechokwadi yechiKristu vari mungozi yokurasikirwa noupenyu hwavo, uye Bhaibheri rinobvisa tariro ipi neipi yorumuko nokuda kwaavo vanourawa mukati mezuva raMwari riri kuuya rorutongeso.—Mateo 25:31-33, 41, 46; 2 VaTesaronika 1:6-9.
2. Neiko Jehovha akarega kuparadza vakaipa?
2 Bva, kusvikira nguva ino yokugumisira, Jehovha Mwari anopfuurira kuratidza shiviro netsitsi kuna vasingaongi navakaipa. (Mateo 5:45; Ruka 6:35, 36) Iye akaita izvozvi nokuda kwechikonzero chimwe chetecho icho akanonoka nacho kuranga rudzi rwusina kutendeka rwaIsraeri. “Noupenyu hwangu—ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha—handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsraeri?”—Ezekieri 33:11.
3. Muenzanisoi watinawo wetsitsi dzaJehovha nokuda kwaavo vasiri vanhu vake, uye chii chatinodzidza muna ikoku?
3 Tsitsi dzaJehovha dzakatambanudzirwawo kuvaNinevhe vakaipa. Jehovha akatuma muporofita wake Jona kuti avanyevere nezveruparadziko rwaiswedera. Vakaita chiito chakanaka kukuparidza kwaJona uye vakapfidza. Ikoku kwakasunda Mwari anonzwira tsitsi, Jehovha, kurega kuparadza guta racho panguva iyoyo. (Jona 3:10; 4:11) Kana Mwari akanzwira urombo vaNinevhe, avo vangadai vakava nebviro yorumuko, anofanira kunzwira tsitsi zvikuru sei vanhu avo nhasi vatarisana noruparadziko rusingaperi!—Ruka 11:32.
Basa Risina Muenzaniso Retsitsi
4. Jehovha ari kunzwira sei tsitsi vanhu nhasi?
4 Mutsinhirano nounhu hwake hwokunzwira tsitsi, Jehovha akatuma Zvapupu zvake kuramba zvichishanyira vavakidzani vazvo ne“evhangeri . . . youshe.” (Mateo 24:14) Uye apo vanhu vanogamuchira nokuonga iri basa rinoponesa upenyu, Jehovha anozarura mwoyo yavo kuti vanzwisise shoko roUmambo. (Mateo 11:25; Mabasa 16:14) Mukutevedzera Mwari wavo, vaKristu vechokwadi vanoratidza tsitsi nyoro kupfurikidza nokudzokerera vanofarira, vachivabetsera, uko kunobvira, kupfurikidza nefundo yeBhaibheri. Nokudaro, muna 1993, Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni mana nehafu zvaJehovha, munyika 231, zvakapedza maawa anopfuura bhiriyoni rimwe zvichiparidza paimba neimba nokufunda Bhaibheri navavakidzani vazvo. Ava vanhu vachangobva kufarirawo naivowo vane mukana wokutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha nokukumbanira Zvapupu zvake zvakabhapatidzwa. Nokudaro, ivowo vanozvipa vamene kubasa iri risina muenzaniso retsitsi nokuda kwavadzidzi vanokarirwa vachakasungwa munyika yaSatani iri kufa.—Mateo 28:19, 20; Johane 14:12.
5. Apo tsitsi dzoumwari dzinenge dzasvika muganhu wadzo, chii chichaitika kurudzidziso runokwenengera Mwari?
5 Nokukurumidza Jehovha achaita so“munhu wokurwa.” (Eksodho 15:3) Nemhaka yetsitsi nokuda kwezita rake uye nokuda kwavanhu vake, achabvisa uipi ndokutanga nyika itsva yakarurama. (2 Petro 3:13) Dzokutanga kutambura zuva raMwari rokutsamwa dzichava chechi dzechiKristudhomu. Kunyange sezvo Mwari asina kurega tembere yake amene muJerusarema musimba ramambo weBhabhironi, naizvozvo haasati achizorega masangano orudzidziso ayo akamukwenengera. Mwari achakuisa mumwoyo yemitezo yeChibatanwa chaMarudzi kuparadza chiKristudhomu nezvimwe zvimiro zvose zvorudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 17:16, 17) “Kana ndirini,” Jehovha anozivisa kudaro, “ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi, asi ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo.”—Ezekieri 9:5, 10.
6. Zvapupu zvaJehovha zvinosundwa kuratidza tsitsi munzirai?
6 Nepo pachine nguva, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kuratidza tsitsi kuvavakidzani vazvo kupfurikidza nokuparidza nokushingaira shoko raMwari roruponeso. Uye nenzira yomuzvarirwo, pakunobvira, zvinobetserawo vanhu vanoshaiwa zvokunyama. Muna ikoku, kunyanguvezvo, basa razvo rokutanga kutarisira zvinodikanwa zvemitezo yemhuri yapedyo nezvaavo vane ukama nazvo mukutenda. (VaGaratia 6:10; 1 Timotio 5:4, 8) Mabasa mazhinji okuyamura akaitwa neZvapupu zvaJehovha nokuda kwavatendi biyazvo vakatambura ngwavaira dzakasiyana-siyana ave ari mienzaniso inoshamisa yetsitsi. Kunyanguvezvo, vaKristu havafaniri kumirira ngwavaira vasati varatidza tsitsi nyoro. Vanokurumidza kuratidzira iri vara mukubata nezvakanaka nezvakaipa zvokurarama kwezuva nezuva.
Rutivi Rwounhu Hutsva
7. (a) Pana VaKorose 3:8-13, tsitsi dzinobatanidzwa sei nounhu hutsva? (b) Chidakadaka chinyoro chinokuita kuve nyore zvikuru kuti vaKristu vaite chii?
7 Ndokwechokwadi kuti musikirwo wedu wokutadza nepesvedzero yakaipa yenyika yaSatani imhinganidzo kukuva kwedu vanonzwira tsitsi nenzira younyoro. Ndokusaka Bhaibheri richitikurudzira kubvisa “hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa.” Panzvimbo pezvo tinopiwa zano roku‘zvipfekedza timene unhu utsva’—unhu hunowirirana nomufananidzo waMwari. Kutanga kwazvose, tinorayirwa kuzvipfekedza timene “mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” Bhaibheri ipapo rinoratidza nzira inoshanda yokuratidzira nayo aya mavara. “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.” Kuri nyore zvikuru kuva vanokanganwira kana tikasakurira ‘chidakadaka chinyoro chetsitsi’ nokuda kwehama dzedu.—VaKorose 3:8-13.
8. Neiko kuchikosha kuva nomudzimu wokukanganwira?
8 Pano rumwe rutivi, kukundikana kuratidzira kukanganwira kwokunzwira tsitsi kukanganwira kunoisa mungozi ukama hwedu naJehovha. Ikoku kwakaratidzwa nenzira ine simba naJesu mumuenzaniso wake womuranda asingakanganwiri, akaiswa mutorongo natenzi wake “kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.” Muranda aifanirwa nouku kubatwa nemhaka yokuti iye nenzira inokatyamadza akakundikana kuratidzira tsitsi muranda biyake akamukumbira ngoni. Jesu akagumisa muenzaniso wacho nokuti: “Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiriyi mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wenyu wose.”—Mateo 18:34, 35.
9. Tsitsi nyoro dzakabatana sei norutivi runokosha zvikurusa rwounhu hutsva?
9 Kuva anonzwira tsitsi nenzira younyoro rutivi runokosha rwerudo. Uye rudo ndicho chiratidzo chinozivisa chouKristu hwechokwadi. (Johane 13:35) Nokudaro, rondedzero yeBhaibheri younhu utsva inogumisa, kuti: “Pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.”—VaKorose 3:14.
Shanje—Mhinganidzo Kutsitsi
10. (a) Chii chingaparira godo kusimba mumwoyo medu? (b) Migumisiroi yakaipa inogona kubva mugodo?
10 Nemhaka yomusikirwo wounhu hwedu hunotadza, mirangariro yeshanje inogona kusatana kusimba mumwoyo yedu. Imwe hama kana kuti imwe hanzvadzi ingava yakakomborerwa namano omuzvarirwo kana kuti zvakanaka zvokunyama zvatisina. Kana kuti zvichida mumwe munhu awana zvikomborero neropafadzo zvomudzimu. Kana tikava neshanje navakadaro, tichakwanisa kuvabata netsitsi nyoro here? Zvimwe kwete. Panzvimbo pezvo, mirangariro yegodo pakupedzisira ingazviratidzira imene mukutaura kwokutsoropodza kana kuti zviito zvisina mutsa, nokuti Jesu akati nezvavanhu: “Muromo unoreva zvizere pamwoyo.” (Ruka 6:45) Vamwe vangatsigira nokutsoropodza kwakadaro. Nokudaro rugare rwemhuri kana kuti ungano yavanhu vaMwari zvingagona kukanganiswa.
11. Vakoma vaJosefa vane gumi vakatsvikinyidzira sei tsitsi kunze kwemwoyo yavo, uye nomugumisiroi?
11 Rangarira chakaitika mune imwe mhuri huru. Vanakomana vakuru vane gumi vaJakobho vakava negodo nomunun’una wavo Josefa nemhaka yokuti ndiye akanga achidiwa zvikuru nababa vavo. Somugumisiro, “vakasagona kutaura naye nomufaro.” Gare gare, Josefa akakomborerwa nezviroto zvoumwari, kuchibvumikisa kuti akanga ane nyasha dzaJehovha. Ikoku kwakaparira vakoma vake ku“nyanya kumuvenga.” Nemhaka yokuti havana kudzura godo mumwoyo yavo, rakatsvikinyidzira kunze tsitsi ndokutungamirira kuchivi chakakomba.—Genesi 37:4, 5, 11.
12, 13. Tinofanira kuitei apo mirangariro yegodo inopinda mumwoyo medu?
12 Nenzira youtsinye, vakatengesa Josefa muuranda. Mukuedza kuviga chiito chavo chakaipa, vakanyengedza baba vavo kupinda mukufunga kuti Josefa akanga aurawa nechikara. Makore akati gare gare chivi chavo chakabuda pachena apo vakamanikidzirwa nenzara kuburukira kuEgipita kunotenga zvokudya. Mutarisiri wezvokudya, uyo vasina kuziva kuva Josefa, akavapomera kusora ndokuvaudza kusatsvaka betsero yake zvakare kutoti vakaunza munun’una wavo, Benjamini. Panguva ino Benjamini ndiye akanga ava kudiwa nababa vavo zvikuru, uye vakaziva kuti Jakobho aisazoda kumurega achienda.
13 Naizvozvo vamire pamberi paJosefa, hana dzavo dzakavasunda kubvuma, kuti: “Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomunun’una wedu [Josefa], nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuterera; naizvozvo tawirwa nokutambudzika uku.” (Genesi 42:21) Kupfurikidza nokubata kwake kwokunzwira tsitsi bva kwakatsiga, Josefa akabetsera vakoma vake kubvumikisa uchokwadi hworupfidzo rwavo. Ipapo akazivisa kuzivikanwa kwake kwavari uye akavakanganwira zvikuru. Chinzwano chemhuri chakadzorerwa. (Genesi 45:4-8) SavaKristu, tinofanira kudzidza chidzidzo muna ikoku. Tichiziva migumisiro yakaipa yeshanje, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero mukutsiva mirangariro yegodo nechi‘dakadaka chinyoro chetsitsi.’
Dzimwe Mhinganidzo Kutsitsi
14. Neiko tichifanira kudzivisa kuratidzirwa kusiri madikanwa kumasimba masimba?
14 Imwe mhinganidzo kukuva kwedu vanonzwira tsitsi inogona kubva mukuzviratidzira timene nenzira isiri madikanwa kumasimba masimba. Mitambo nevaraidzo zvinotanhamarisa masimba masimba zvinosimudzira kudisa masimba masimba. Munguva dzeBhaibheri, vahedheni nguva dzose vaiona makwikwi okurwa nezvimwe zvimiro zvokutambudzwa kwomunhu munhandare dzoUmambo hweRoma. Varaidzo yakadaro, maererano nomumwe wezvenhau, “yaiparadza mirangariro yokunzwira tsitsi nokuda kwokutambura kunoparadzanisa munhu nemhuka.” Zhinji yevaraidzo munyika yezuva razvino uno ine tapuro imwe cheteyo. VaKristu, avo vanovavarira kuva vanonzwira tsitsi nenzira younyoro, vanofanira kuva vanosarudza zvikuru muchisarudzo chavo chezvinhu zvokurava, mabhaisikopo, uye zvirongwa zveTV. Nenzira yokuchenjera vanoyeuka mashoko ePisarema 11:5, anoti: “[Jehovha] unovenga wakaipa nounomanikidza.”
15. (a) Munhu angaratidzira sei kushaiwa kwakakomba kwetsitsi? (b) VaKristu vechokwadi vanoita sei kuzvinodikanwa zvavadaviri biyavo navavakidzani?
15 Munhu ane udyire sezvingabvira achashaiwawo tsitsi. Ikoku kwakakomba, sezvinotsanangura muapostora Johane, kuti: “Kana munhu ane fuma yenyika, akaona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?” (1 Johane 3:17) Kushaikwa kwakafanana kwetsitsi kwakaratidzwa nomuprista anozviruramisa amene uye muRevhi mumuenzaniso waJesu womuSamaria ane mutsa. Pakuona mamiriro ezvinhu akaipa ehama yavo yechiJudha yakanga yodokufa, ivava vakayambukira kurumwe rutivi rwenzira ndokupfuurira panzira yavo. (Ruka 10:31, 32) Mukupesana, vaKristu vanonzwira tsitsi vanoita chimwe chinhu nokukurumidza kuzvinodikanwa zvokunyama nezvokumudzimu zvehama dzavo. Uye kufanana nomuSamaria womuenzaniso waJesu, vanoitirawo hanya zvinodikanwa zvavaeni. Nokudaro vanopa nomufaro nguva yavo, simba, uye pfuma kufambisira mberi basa rokuita vadzidzi. Nomutoo iwoyu vanobetsera kukuponeswa kwamamiriyoni.—1 Timotio 4:16.
Tsitsi Nokuda Kwavanorwara
16. Miganhui yatinosangana nayo mukubata nenhau dzechirwere?
16 Chirwere ndiwo mugariro worudzi rwomunhu rwusina kukwana, rwunofa. VaKristu havasiyiwi, uye vazhinji vavo havasi nyanzvi dzokurapa, uyewo havagoni kuita zvishamiso sezvakaita vamwe vaKristu vapakuvamba vakagamuchira masimba akadaro kuna Kristu navaapostora vake. Nokufa kwavaapostora vaKristu navasonganiri vavo vapedyo, masimba anoshamisa akadaro akapfuura. Nokudaro, mano edu okuyamura avo vanotambura nechirwere chomuviri, kubatanidza kusashanda zvakanaka kweuropi uye kuvhiringidzika kwepfungwa, akaganhurwa.—Mabasa 8:13, 18; 1 VaKorinte 13:8.
17. Chidzidzoi chatinodzidza munzira iyo munhu anorwara naakafirwa Jobho akabatwa nayo?
17 Kuora mwoyo kunowanzoperekedza chirwere. Somuenzaniso, Jobho anotya Mwari akanga akaora mwoyo zvikuru nemhaka yechirwere chakakomba uye ngwavaira idzo Satani akaunza paari. (Jobho 1:18, 19; 2:7; 3:3, 11-13) Aida shamwari dzaizomubata netsitsi nyoro uye dzaizo“simbis[a].” (1 VaTesaronika 5:14) Panzvimbo pezvo, vainzi vanyaradzi vatatu vakamushanyira uye vakaita mhedziso dzisina kururama. Vakawedzera mamiriro ezvinhu okuora mwoyo kwaJobho nokukarakadza kuti ngwavaira dzake dzaiva nemhaka yechikanganiso chakati chake amene. Vachinzwira tsitsi nenzira younyoro, vaKristu vachadzivisa kuwira mumusungo wakafanana apo vadaviri biyavo vanenge vachirwara kana kuti vakaora mwoyo. Pane dzimwe nguva, chinhu chikuru vakadaro vanoda ishanyo shomanene dzomutsa dzavakuru kana kuti vamwe vaKristu vakakura mumudzimu avo vachateerera nenzeve inonzwira tsitsi, kuratidza kunzwisisa, uye kugovera zano rorudo rapaMagwaro.—VaRoma 12:15; Jakobho 1:19.
Tsitsi Nokuda Kwavakaneta
18, 19. (a) Vakuru vanofanira kubata sei navanhu vakaneta kana kuti vanotadza? (b) Kunyange kana kuri madikanwa kuumba dare rinotonga, neiko kuchikosha kuti vakuru vabate vaiti vezvakaipa netsitsi nyoro?
18 Vakuru zvikurukuru vanofanira kuva vanonzwira tsitsi nenzira younyoro. (Mabasa 20:29, 35) “Isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba,” Bhaibheri rinorayira kudaro. (VaRoma 15:1) Zvatisina kukwana, tose zvedu tinokanganisa. (Jakobho 3:2) Unyoro hunodiwa mukubata nomumwe uyo ano“batwa pane kumwe kudarika.” (VaGaratia 6:1) Vakuru havafaniri kutongoda kuva vakafanana navaFarise vanozviruramisa avo vakanga vasina mufungo mukushandisa kwavo Mutemo waMwari.
19 Mukupesana, vakuru vanotevera mienzaniso yokunzwira tsitsi nenzira younyoro yaJehovha Mwari naJesu Kristu. Basa ravo guru nderekudyisa, kukurudzira, uye kuzorodza makwai aMwari. (Isaya 32:1, 2) Panzvimbo pokuedza kudzora zvinhu nemirau mizhinji, vanonongedzera kunheyo dzakaisvonaka dziri muShoko raMwari. Nokudaro, basa ravakuru rinofanira kuva rokuvaka, kuunza mufaro nokuonga runako rwaJehovha kumwoyo yehama dzavo. Kana mudaviri biyake akaita chikanganiso chiduku, mukuru achawanzodzivisa kumururamisa vamwe vachinzwa. Kana kutongori madikanwa kutaura, mirangariro minyoro yetsitsi ichasunda mukuru kutora iyeyo parutivi ndokukurukura chinetso pasinganzwiki navamwe. (Enzanisa naMateo 18:15.) Pasinei zvapo nokuti mumwe munhu angava akaoma sei kubata naye, kusvika kwomukuru kunofanira kuva kwokushivira nokwokubetsera. Haatongofaniri kutsvaka pembedzo kuti adzingire akadaro kunze kweungano. Kunyange apo kunenge kuri madikanwa kuumba dare rinotonga, vakuru vacharatidza tsitsi nyoro mukubata nomunhu wacho akabatanidzwa muchiito chakakomba. Unyoro hwavo hungabetsera kutungamirira iyeyo kurupfidzo.—2 Timotio 2:24-26.
20. Ndirini apo kuratidzirwa kwemirangariro yetsitsi kusina kukodzera, uye nei?
20 Pane nguva, zvisinei, apo mumwe mubatiri waJehovha asingagoni kuratidza tsitsi. (Enzanisa naDheuteronomio 13:6-9.) Kuti muKristu a“rege kufambidzana” neshamwari yapedyo kana kuti hama yokunyama iyo yakadzingwa kunogona kuva muedzo chaiwoiwo. Muchinoitika chakadaro, kunokosha kuti munhu asatera kumirangariro yetsitsi. (1 VaKorinte 5:11-13) Kutsiga kwakadaro kungatokurudzira anotadza wacho kupfidza. Uyezve, mukubata nevemitezo yevatano yakasiyana, vaKristu vanofanira kudzivisa kuratidzirwa kusina kukodzera kwetsitsi uko kungagona kutungamirira kuutere.
21. Ndimune dzimwe nzvimboi matinoda kuratidza tsitsi nyoro, uye ndedzipi dziri betsero?
21 Nzvimbo haitibvumiri kukurukura nharaunda dzose zhinji madziri tsitsi nyoro dzinodikanwa—mukubata navakwegura, vakafirwa, avo vari kutambura chitambudzo chinobva kuvakwanyina vasingadaviri. Vakuru vanoshanda zvakaoma vanofanira nenzira yakafanana kubatwa netsitsi nyoro. (1 Timotio 5:17) Varemekedzei ndokuvatsigira. (VaHebheru 13:7, 17) “Mose, munzwirane ngoni,” akanyora kudaro muapostora Petro. (1 Petro 3:8) Kupfurikidza nokuita nouyu mutoo mumamiriro ezvinhu ose anokuda, tinotsigira chinzwano nomufarwa muungano ndokukwevera vokunze kuzvokwadi. Kupfuura zvose, nenzira iyoyo tinokudza Baba wedu anonzwira tsitsi nenzira younyoro, Jehovha.
Mibvunzo Mukuhwirudzura
◻ Jehovha anoratidza sei tsitsi nokuda kworudzi rwomunhu runotadza?
◻ Neiko kuchikosha kuva anonzwira tsitsi nenzira younyoro?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe mhinganidzo kukuva kwedu vanonzwira tsitsi nenzira younyoro?
◻ Tinofanira kubata sei vanorwara navakaora mwoyo?
◻ Ndivanaani zvikurukuru vanofanira kuva vanonzwira tsitsi nenzira younyoro, uye nei?
[Bhokisi riri papeji 19]
VAFARISE VASINGANZWIRI TSITSI
ZUVA reSabata rezororo rakanzi rive chikomborero chomudzimu nechokunyama chavanhu vaMwari. Vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha, zvisinei, vakaita mirau mizhinji iyo yakazvidza mutemo weSabata raMwari ndokuriita riremere vanhu. Somuenzaniso, kana munhu upi noupi akava netsaona kana kuti kutambura nechirwere, aisagona kuwana betsero paSabata kutoti upenyu hwake hwakanga huri mungozi.
Rimwe boka ravaFarise rakanga rine rumano kwazvo mukutsanangura kwaro mutemo weSabata zvokuti rakati: “Munhu haanyaradzi vanochema, uyewo munhu haashanyiri vanhu vanorwara paSabata.” Vamwe vatungamiriri vorudzidziso vakabvumira shanyo dzakadaro paSabata asi vakajekesa, kuti: “Misodzi inorambidzwa.”
Nokudaro, Jesu nenzira yakarurama akashurikidza vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha nokuda kwokufuratira zvinodikanwa zvinokosha zvikuru zvoMutemo, zvakadai seruramisiro, rudo, uye ngoni. Hakushamisi kuti akati kuvaFarise: “Muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu”!—Marko 7:8, 13; Mateo 23:23; Ruka 11:42.
[Mifananidzo iri papeji 17]
Munyika 231 Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa risina muenzaniso retsitsi mudzimba dzavanhu, mumigwagwa, kunyange mumatorongo
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kuratidzirwa kumasimba masimba, akadai seayo omuTV, kunosekesa tsitsi nyoro