Kuchava Norumuko Rwavakarurama
“Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.”—MABASA 24:15, NW.
1. Mumiriroi wezvinhu wakatarisana navanhu vose kubva pakutadza kwaAdhama naEvha?
“ZVOSE zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.” (Muparidzi 9:10) Naaya mashoko mashomanene, akasanosarudzwa, Mambo akachenjera Soromoni anorondedzera mumiriro wezvinhu wakatarisana nechizvarwa chiri chose chorudzi rwomunhu kubvira pakutadza kwavabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha. Pasina anosiyiwa, rufu pakupedzisira rwakamedza munhu ari wose—mupfumi nomurombo, mambo nomunhuwo zvake, akatendeka neasina kutendeka. Zvirokwazvo, rufu “rwakabata ushe.”—VaRoma 5:17.
2. Neiko vamwe vanhu vakatendeka vangava vakaodzwa mwoyo mukati menguva ino yomugumo?
2 Pasinei zvapo nefambiro mberi dzazvino uno dzesayenzi yokurapa, rufu ruchiri kutonga samambo kunyange nhasi. Nepo ikoku kusingashamisi, vamwe vangave vakati odzwei mwoyo apo pakupedzisira vakatarisana nouyu muvengi wenguva refu. Nemhaka yeiko? Eya, shure muma 1920, Watch Tower Society yakazivisa shoko rokuti “Mamiriyoni ari kurarama zvino haasati achizotongofa.” Mamiriyoni iwaya aizova vanaani? “Makwai” anotaurwa nezvawo mumashoko aJesu pamusoro pamakwai nembudzi. (Mateo 25:31-46) Ava vanhu vakafanana namakwai vakaporofitwa kuoneka mukati menguva yomugumo, uye tariro yavo yaizova upenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Sezvo nguva yakapfuura, vanhu vaMwari vakawana nzwisiso iri nani yenzvimbo yaaya “makwai” muzvinangwa zvaJehovha. Kwakazivikanwa kuti ava vanhu vanoteerera vaifanira kutsauraniswa ne“mbudzi” dzine chisimbwa, uye pashure pokuparadzwa kwavapashure, makwai aizogara nhaka nzvimbo yapasi yoUmambo yakanga yaagadzirirwa.
Kuunganidzwa Kwavanhu Vakafanana Namakwai
3. Kuvambira muna 1935 vanhu vaMwari vakaisa ngwariro pabasai?
3 Kuvamba muna 1935, ‘muranda wakatendeka’ akapa ngwariro pakuwana vanhu vakadaro vakafanana namakwai ndokuvapinza musangano raJehovha. (Mateo 24:45; Johane 10:16) Ava vaKristu vanodzidzisika vakasvika pakuziva kuti Jesu zvino ari kutonga muUmambo hwaJehovha hwokudenga uye kuti nguva iri kusvika nokukurumidza yokuguma kwetsika ino yakaipa yezvinhu uye kuunzwa kwenyika itsva umo muchagara kururama. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 12:10) Munyika itsva iyoyo, mashoko anofadza aIsaya achazadzikwa, anoti: “Wakaparadza rufu nokusingaperi.”—Isaya 25:8.
4. Kunyange zvazvo vaikarira zvapachokwadi kuona uchangamire hwaJehovha huchirevererwa paArmagedhoni, chii chakaitika kuvakawanda vamamwe makwai?
4 Sezvo mugumo wenyika yaSatani wave pedyo kwazvo, vaKristu vakafanana namakwai vangada zvikuru kurarama kusvikira uchangamire hwaJehovha hwarevererwa mukati medambudziko riri kuuya paBhabhironi Guru uye yasara yose yenyika yaSatani. (Zvakazarurwa 19:1-3, 19-21) Nokuda kwenhamba huru, hakuna kuitika nenzira iyoyo. Vakawanda vaikarira kuva pakati pa“mamiriyoni” asati aizotongofa vakafa zvirokwazvo. Vamwe vakaponderwa zvokwadi mutorongo nomumisasa yechibharo kana kuti kupfurikidza nezviito zvavanyanyisi vorudzidziso. Vamwe vakafira mutsaona kana kuti zvisakiso zvinonzi zvomusikirwo—chirwere noukweguru. (Pisarema 90:9, 10; Muparidzi 9:11) Nenzira yakajeka, vakawanda vachafa mugumo usati wasvika. Vakadaro vachaona sei kuzadzikwa kwechipikirwa chenyika itsva umo muchagara kururama?
Tariro Yorumuko
5, 6. Inguvai yemberi iripo nokuda kwaavo vane tariro yapasi vanofa Armagedhoni isati yasvika?
5 Muapostora Pauro akapa mhinduro apo akanga achitaura pamberi pagavhuna weRoma Feriksi. Sezvakanyorwa pana Mabasa 24:15 (NW), Pauro akazivisa noushingi, kuti: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.” Tariro yorumuko inotipa ushingi mukutarisana nenhamo dzakaipisisa. Nemhaka yetariro iyoyo, shamwari dzedu dzinodiwa idzo dzinorwara ndokufunga kuti dzichafa hadziori mwoyo. Chipi kana chipi chinoitika, dzinoziva kuti dzichawana tuso yokutendeka. Nemhaka yetariro yorumuko, hama dzedu idzo dzine ushingi nehanzvadzi dzinotarisana norufu kupfurikidza nezviito zvavatambudzi dzinoziva kuti hapana nzira ipi neipi iyo vatambudzi vavo vanogona kuwana nayo rukundo. (Mateo 10:28) Apo mumwe munhu ari muungano anofa, tinosuruvara kurasikirwa nomunhu iyeyo. Panguva imwe cheteyo, kana iye ari mumwe wamamwe makwai, tinofara kuti mutendi biyedu akabvumikisa kuva akatendeka kusvika kumugumo uye zvino ari kuzorora, ane chokwadi chenguva yemberi munyika itsva yaMwari.—1 VaTesaronika 4:13.
6 Hungu, tariro yorumuko rutivi runokosha rwokutenda kwedu. Neiko, kunyanguvezvo, chitendero chedu murumuko chakasimba kwazvo, uye ndivanaani vanogoverana tariro iyoyo?
7. Rumuko chii, uye ndeapi mamwe magwaro anoratidza uchokwadi hwarwo?
7 Shoko rechiGiriki re“rumuko” ndia·nasta·sis, iro rinoreva chaizvoizvo “kumira.” Rinonongedzera zvikurukuru kukumuka kuvakafa. Nenzira inofadza, shoko chairo rokuti “rumuko” harioneki muMagwaro echiHebheru, asi tariro yorumuko inotaurwa zvakajeka imomo. Tinoiona, somuenzaniso, mumashoko akataurwa naJobho ari mukutambudzika kwake: “Haiwa! Dai muchindivanza henyu paSheori, . . . munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo.” (Jobho 14:13) Nenzira yakafanana, pana Hosea 13:14, tinorava kuti: “Ndichavadzikinura pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Haiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Haiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi?” Pana 1 VaKorinte 15:55, muapostora Pauro akanokora aya mashoko ndokuratidza kuti rukundo rwakaporofitwa pamusoro porufu runoitwa kupfurikidza norumuko. (Chokwadika, murugwaro irworwo Pauro akanga achitaura nezverumuko rwokudenga.)
Vadaviri Va“noruramiswa”
8, 9. (a) Vanhu vasina kukwana vanogona sei kuva norutivi murumuko rwavakarurama? (b) Chii chiri hwaro hwetariro yedu muupenyu husati huchizogumiswa norufu?
8 Mukutaura kwake kuna Feriksi, kwakanokorwa mashoko mundima yechishanu, Pauro akataura kuti kwaizova norumuko rwavakarurama navasakarurama. Ndivanaani vari vakarurama vachamutswa? Eya, hapana munhu akarurama nomusikirwo. Tose zvedu tiri vatadzi kubva pakuberekwa, uye tinoita zvivi munduramo yedu yose—kunotiita kuti tikodzerwe norufu pazvikonzero zviviri. (VaRoma 5:12; 6:23) Zvisinei, muBhaibheri tinowana kutaura kwokuti ku“ruramiswa.” (VaRoma 3:28) Ikoku kunonongedzera kuvanhu avo, kunyange vasina kukwana, zvivi zvavo zvinokanganwirwa naJehovha.
9 Kutaura kwacho kunoshandiswa zvakatanhamara zvikurusa pamusoro pavaKristu vakazodzwa, avo vane tariro yokudenga. Pana VaRoma 5:1, muapostora Pauro anoti: “Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naShe wedu.” VaKristu vose vakazodzwa vanoruramiswa nemhaka yokutenda. Kutenda muchii? Sezvinotsanangura Pauro muudzame mubhuku raVaRoma, kutenda muna Jesu Kristu. (VaRoma 10:4, 9, 10) Jesu akafa ari munhu akakwana uye pashure paikoko akamutswa kuvakafa ndokukwira kudenga kuti ape ukoshi hwoupenyu hwake hwomunhu nokuda kwedu. (VaHebheru 7:26, 27; 9:11, 12) Apo Jehovha akagamuchira chibayiro ichocho, Jesu, chaizvoizvo, akatenga rudzi rwomunhu kuti rubve muuranda kuchivi norufu. Avo vanotenda mune iyi gadziriro vanobetserwa zvikuru nayo. (1 VaKorinte 15:45) Pahwaro hwayo varume navakadzi vakatendeka vane tariro yokugara nhaka upenyu husati huchizogumiswa nomuvengi anotyisa, rufu.—Johane 3:16.
10, 11. (a) Rumukoi rwakamirira vaKristu vakazodzwa vakatendeka? (b) Rumuko rworudzii rwaikarirwa navanamati vaapo nguva yechiKristu yakanga isati yasvika?
10 Nebetsero yechibayiro chorudzikinuro chaJesu, vanhu vakazodzwa vakatendeka, vanoruramiswa, vane tariro yechokwadi yokumutswa sezvisikwa zvomudzimu zvisingafi, saJesu. (Zvakazarurwa 2:10) Rumuko rwavo runodudzwa pana Zvakazarurwa 20:6, iyo inoti: “Munhu unomugove pa[rumuko rwo]kutanga wakaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri haruna simba pamusoro paivava; asi vachava vaprista vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwe chete naye makore ane gumi ramazana.” Urwu ndirwo rumuko rwokudenga. Cherekedza, kunyanguvezvo, kuti Bhaibheri rinorwudana kuti “rumuko rwokutanga,” uko kunoreva kuti kune vakawanda vachauya.
11 Muna VaHebheru ganhuro 11, Pauro akanongedzera kumutsara murefu wavabatiri vaMwari vaapo nguva yechiKristu yakanga isati yasvika vakanga varatidzira kutenda kwakasimba muna Jehovha Mwari. Ivavawo vaiva nokutenda murumuko. VaH 11 Mundima 35 yeganhuro iroro, Pauro anotaura nezverumuko runoshamisa rwakaitika mukati menhau yaIsraeri, achiti: “Vakadzi vakapiwazve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakaramba kusunungurwa, kuti vawane [rumuko rwa]kapfuura nokunaka.” Zvapupu izvozvo zvakatendeka zvekare zvaigona kukarira rumuko rwuri nani kupfuura rwakabatanidza, somuenzaniso, Eria naErisha. (1 Madzimambo 17:17-22; 2 Madzimambo 4:32-37; 13:20, 21) Tariro yavo yakanga iri rumuko rwokupinda munyika umo vabatiri vaMwari vasati vaizotambudzwa nokuda kwokutenda kwavo, nyika umo vakadzi vasati vaizorasikirwa navadiwa vavo murufu. Hungu, vakakarira kumuka kuvakafa ndokupinda munyika itsva imwe cheteyo yatinokarira. (Isaya 65:17-25) Jehovha akanga asina kuzivisa kwavari zvakawanda sezvaakaita kwatiri pamusoro peiyi nyika itsva. Kunyanguvezvo, vaiziva kuti yakanga ichiuya, uye vaida kuva mairi.
Rumuko Rwapasi
12. Vanhu vakatendeka vaapo nguva yechiKristu yakanga isati yasvika vakaruramiswa here? Tsanangura.
12 Tinofanira kufunga nezvokumutswa kwaava varume navakadzi vakatendeka vaapo nguva yechiKristu yakanga isati yasvika munyika iyoyo itsva sorutivi rworumuko rwavakarurama here? Sezviri pachena hungu, nemhaka yokuti Bhaibheri rinonongedzera kwavari savakarurama. Somuenzaniso, mudzidzi Jakobho anodudza mumwe murume nomumwe mukadzi vomunguva dzakare vakaruramiswa. Murume wacho akanga ari Abrahama, mukare worudzi rwavaHebheru. Nezvake tinorava, kuti: “Abrahama wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.” Mukadzi wacho akanga ari Rakabhi, akanga asiri muIsraeri akatenda muna Jehovha. Iye “akaruramiswa” ndokuva rutivi rwerudzi rwechiHebheru. (Jakobho 2:23-25) Nokudaro, varume navakadzi vakare vakava nokutenda kwakasimba muna Jehovha nezvipikirwa zvake uye vakaramba vakatendeka kusvikira kurufu vakaruramiswa naJehovha pahwaro hwokutenda kwavo, uye pasina kupokana vachagoverana mu‘rumuko rwavakarurama.’
13, 14. (a) Tinoziva sei kuti vaKristu vane tariro yapasi vanogona kururamiswa? (b) Ikoku kunorevei nokuda kwavo?
13 Zvisinei, zvakadiniko nezvavanhu vamwe navamwe vakafanana namakwai nhasi, avo vane tariro yapasi vanozvitsaurira vamene kuna Jehovha uye avo vanofa vakatendeka mukati menguva ino yomugumo? Vachagoverana murumuko rwavakarurama here? Sezviri pachena kwakadaro. Boka guru ravanhu vakatendeka vakadaro rakaonekwa muchiono nomuapostora Johane. Cherekedza kuti anovarondedzera sei: “Ndakaona, uye, tarira! boka guru, risina munhu akakwanisa kuverenga, rakabva mumarudzi ose namadzinza navanhu nendimi, rakamira pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwayana, rakapfeka nguo chena; uye mumaoko avo maiva namatavi emichindwe. Uye vanoramba vachidana nenzwi guru, vachiti: ‘Ruponeso runobva kuna Mwari wedu, uyo agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’”—Zvakazarurwa 7:9, 10, NW.
14 Cherekedza kuti ava vanhu vanyoro vanopwiswa zvakasimba nezveruponeso rwavo, uye vanoti irworwu runoparirwa naJehovha naJesu, “Gwayana.” Uyezve, vamire pamberi paJehovha neGwayana, vose vakapfeka zvichena. Neiko zvichena? Chisikwa chokudenga chinoudza Johane, kuti: “Vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.” (Zvakazarurwa 7:14) MuBhaibheri, zvichena chiratidzo chorucheno, kururama. (Pisarema 51:7; Dhanieri 12:10; Zvakazarurwa 19:8) Idi rokuti boka guru rinoonekwa rakapfeka nguo chena rinoreva kuti Jehovha anovarangarira savakarurama. Ikoko kunobvira sei? Nemhaka yokuti ivo vakasuka, sokunge zvakadaro, nguo dzavo muropa reGwayana. Vanotenda muropa rakateurwa raJesu Kristu uye naizvozvo vanoruramiswa seshamwari dzaMwari vane murangariro wokupukunyuka dambudziko guru. Nokudaro, muKristu upi noupi akatendeka akazvitsaurira zvino ari rutivi rwe“boka guru” anofa dambudziko guru risati rasvika anogona kuva nechokwadi chokuva norutivi murumuko rwapasi rwavakarurama.
15. Sezvo vose vari vaviri vakarurama navasakarurama vachamutswa, chii chiri betsero yorumuko rwavakarurama?
15 Rumuko irworwo runorondedzerwa pana Zvakazarurwa ganhuro 20, ndima 13, naaya mashoko: “Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.” Nokudaro, mukati meZuva guru roRutongeso raJehovha ramakore ane chiuru, vose avo vanoyeukwa naMwari vachamutswa—vose vari vaviri vakarurama navasakarurama. (Mabasa 17:31) Kuchava kuri nani zvikuru sei, kunyanguvezvo, nokuda kwavakarurama! Ivo vakatorarama upenyu hwokutenda. Ivo vanotova noukama hwapedyo naJehovha uye vane chivimbo mukushanda kwezvinangwa zvake. Zvapupu zvakarurama zvaapo Nguva yechiKristu yakanga isati yasvika zvichamuka murufu zvichidisa kuziva kuti zvipikirwa zvaJehovha pamusoro peMbeu zvakazadzikwa sei. (1 Petro 1:10-12) Avo vamamwe makwai avo Jehovha anorangarira savakarurama muzuva redu vachabuda muguva vachidisa kuona Paradhiso yapasi iyo vakataura pamusoro payo apo vakazivisa mashoko akanaka mutsika ino yezvinhu. Iyoyo ichava nguva inofadza zvakadini!
16. Chii chatinogona kutaura pamusoro porumuko rweZuva roRutongeso rwaavo vanofa munguva yedu?
16 Mukati meZuva reRutongeso iroro ramakore ane chiuru, ndirini zvomenemene apo avo vakafa vakatendeka muano makore okupedzisira etsika yezvinhu yaSatani vachamutswa? Bhaibheri haritauri. Zvisinei, hakungavi nomufungo here kufunga kuti avo vanorangarirwa kuti vakarurama avo vanofa munguva yedu vaizova norumuko rwokuvamba uye nokudaro vangagona kugoverana neboka guru ravapukunyuki veArmagedhoni mubasa rokugamuchira zvizvarwa zvapakuvamba zvikuru zvichibva muvakafa here? Hungu, zvirokwazvo!
Tariro Inopa Nyaradzo
17, 18. (a) Tariro yorumuko inogovera nyaradzoi? (b) Tinosundwa kuzivisei pamusoro paJehovha?
17 Tariro yorumuko inopa simba nenyaradzo kuvaKristu vose nhasi. Kana tikaramba takatendeka, hapana chinoitika chisingafanoonekwa uye hapana muvengi anogona kutibira mubayiro wedu! Somuenzaniso, mu 1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, papeji 177, munooneka mifanikiso yavaKristu vakashinga muEthiopia vakafa panzvimbo pokubvumiranisa pane zvisina kufanira kutenda kwavo. Mashoko anorondedzera anorava, kuti: “Zviso zvatinokarira kuona murumuko.” Ichava ropafadzo yakadini kusvika pakuziva vanhu ivava navamwe vasingaverengeki avo vakaratidza kutendeka kwakafanana mukutarisana norufu!
18 Zvakadiniko navadiwa vedu timene neshamwari avo nemhaka yezera kana kuti undonda vasati vachipukunyuka dambudziko guru? Mutsinhirano netariro yorumuko, vane nguva yemberi yakaisvonaka kana vakaramba vakatendeka. Uye kana isuwo nenzira youshingi tikatenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu, tine nguva yemberi yakaisvonaka. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti, saPauro, tinokarira “rumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.” Nomwoyo yedu yose, tinoonga Jehovha nokuda kweiyi tariro. Zvirokwazvo, inotisunda kudzokorora mashoko owezvamapisarema, okuti: “Dudzirai kubwinya kwa[Mwari] pakati pavahedheni, mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose. Nokuti Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo.”—Pisarema 96:3, 4.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Magwaroi anobetsera kusimbisa tariro yedu murumuko rwapasi?
◻ VaKristu zvino vanoruramiswa pahwaroi?
◻ Tariro yorumuko inotipa sei ushingi nokutsunga?
[Mufananidzo uri papeji 9]
SaPauro, vaKristu vakazodzwa vanokarira rumuko rwokudenga