Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!
“MUSATYA; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko [akanaka, NW] omufaro mukuru, uchava wavanhu vose.” (Ruka 2:10) Aya mashoko anofadza akanzwiwa navafudzi vakakatyamadzwa pedyo neBheterehema pausiku uhwo Jesu akaberekwa. Mutsinhirano neziviso iyoyo, Jesu akasimbisa zvikuru “mashoko [akanaka, NW]” mukati moushumiri hwake hwapasi. Nhasi, apo tinotsamira zvikuru kwazvo pamari kutarisira zvinodikanwa zvedu, mashoko akanaka pamusoro paJesu anogona kutibetsera sei?
Jesu Kristu akazivisa “mashoko akanaka kuvarombo.” (Ruka 4:18, NW) Maererano naMateo 9:35, “Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza [mashoko akanaka oumambo, NW].” Shoko rake rakanga richikurudzira zvikurukuru kuvarombo zvikuru. “Asi wakati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi. (Mateo 9:36) Chokwadi, Jesu akati, “Varombo munavo nguva dzose,” asi hatifaniri kugumisa kubva muna aya mashoko kuti hapana tariro nokuda kwavanoshayiwa. (Johane 12:8) Chero bedzi tsika ino yezvinhu ichiripo, pachava navanhu varombo, pasinei zvapo nechingaparira mamiriro avo ezvinhu akaipa. Shoko raMwari harifuratiri uchokwadi hwourombo, asi hariisi ngwariro pazvinhu zvakaipa. Panzvimbo pezvo, rinopa varombo betsero yokugonana nefunganyo dzoupenyu.
Betsero Nokuda Kwavarombo
Sezvinocherekedzwa, kwakataurwa kuti: “Hapana mutoro mukuru zvikuru unogona kutsungirirwa nomunhu kupfuura kuziva kuti hapana anoitira hanya kana kuti kunzwisisa.” Bva, pasinei zvapo nokushayikwa kwetsitsi kune voruzhinji, kuchine mashoko akanaka nokuda kwavarombo—kwose kuri kuviri nokuda kwazvino uye nokuda kweramangwana.
Nenzira isingafadzi, vakawanda vane fariro shoma mukubetsera varombo. Maererano neThe World Book Encyclopedia, vamwe vanodavira kuti “vanhu vari munzanga vanokwikwidzana nokuda kwokupukunyuka uye . . . vanhu vamwe navamwe vakakwirira vanova nesimba uye vakapfuma.” Avo vanodavira iyi rondedzero, inodanwa kuti social Darwinism, vangarangarira varombo savanhu vane usimbe chete kana kuti vapambadzi. Bva, vashandi vomumaruwa, vashandi vanobva kune dzimwe nyika, uye vamwe, pasinei zvapo nokubhadharwa zvakaderera, vanowanzoshanda zvakaoma zvikuru kuti variritire mhuri dzavo.
Munyika dzakawanda urombo hunozivikanwa zvikuru. Nokudaro, varombo—voruzhinji—havaitwi kuti vanzwe kuti vakundikani. Zvisinei, munyika dzakadaro mune vanhu vanorarama muumbozha hukuru pakati pourombo. Misha yakanaka, inodhura zvikuru iripo pamwe chete nezvitumba zvine tsvina, zvakatsvikinyidzana. Varume vanobhadharwa zvakaisvonaka vanotyaira motokari dzinodhura mumigwagwa yakazara vanoshayiwa uye vasingashandi. Munyika dzakadaro varombo vanoziva nenzira inorwadza mamiriro avo ezvinhu akaipa. Chaizvoizvo, “varombo havatamburi bedzi nokusawana zvokudya zvinovaka muviri, dzimba dzakaipa, uye kutarisirwa mune zvokurapa kusina kukwana, asiwo nefunganyo dzenguva dzose pamusoro pemamiriro avo ezvinhu,” inodaro The World Book Encyclopedia. “Vasingakwanisi kuwana nokuramba vane basa rakanaka, vanorasikirwa nomufungo wose wechiremera nokuzviremekedza.” Ipapoka, vamwe vanhu varombo zvikurusa vanogonana sei namamiriro avo ezvinhu? Mashoko akanaka pamusoro paJesu ane chokuitai nokugonana?
Chokutanga, yeuka kuti urombo hunogona kuipiswa zvikuru nemiitiro yokusachenjera. Rangarira mimwe mienzaniso. Valdecir anobvuma kuti nepo mudzimai wake notuvana vaiva nezvokudya zvishomanene, aipambadza mari achipfuuridzira muraramire wake wounzenza. Iye anoti: “Kunyange zvazvo ndaishanda, ndaisambova nemari ipi neipi asi ndaigarova nematikiti erotari muhomwe yangu.” Milton, nemhaka yokunyanyonwisa nokusvuta, akarasikirwa nebhizimisi rine vashandi 23. Iye anoti: “Ndaipedza usiku ndiri pamugwagwa, ndisingakwanisi kuenda kumusha, uye mhuri yangu yakatambura zvikuru nemhaka yangu.”
João akapambadzawo mubhadharo wake pazvakaipa. Ndaipedza usiku hwakati ndisiri pamusha. Mubayiro wangu wose wakanga usina kukwana nokuda kwezvakaipa zvangu uye unzenza. Mamiriro ezvinhu akava asingashiviriki, uye mudzimai wangu aida kuti tiparadzane.” Mukuwedzera kuzvinetso zvake zvemari nezveroorano, pakanga pachine zvimwe. Iye anoti: “Ndaiparira zvinetso nehama navavakidzani, uye ndaiva nezvinetso zvikurukuru kubasa. Somugumisiro, ndakanga ndisingasevenzi nguva dzose.” Júlio akanga akapindwa muropa nemirimo. Zvisinei, iye anotsanangura, kuti: “Sezvo mubhadharo wangu waisambokwana kutsigira tsika yangu yemirimo, ndakavamba kushanda somutengesi wezvinodhaka kuitira kuti ndirege kufanira kutenga mirimo.”
Nemhaka yokuti akarerwa mumhuri yavarombo ine vana vasere, José aida kuva nechimwe chinhu chake amene. Achirangarira kuti akanga asina chinhu chokurasikirwa nacho, pamwe chete nedzimwe pwere akavamba kubira vanhu. Mukupera mwoyo, imwe pwere yakava mutezo weboka rainzi Headbangers. Anotsanangura, kuti: “Sezvo vakawanda zvikurusa vedu taiva varombo zvikuru, takawana kugutswa kwakati mukuputsa zvinhu nokudenha vanhu.”
Bva, nhasi ava varume nemhuri dzavo havachatamburi kushayiwa kukuru kana kuti kunzwa kwokukasharara uye pfundepfunde. Havasati vachirizve vasina betsero kana kuti vasina tariro. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti vakafunda mashoko akanaka ayo Jesu akaparidza. Vakashandisa zano reBhaibheri ndokusonganirana navanhu vane ndangariro dzakafanana muungano dzeZvapupu zvaJehovha. Uye vakadzidza zvinhu zvinokosha zvikuru pamusoro pepfuma nourombo.
Betsero Yokugonana Nourombo
Chokutanga, vakadzidza kuti kana nheyo dzeBhaibheri dzikashandiswa, tapuro dzakaipa dzourombo dzinogona kuderedzwa. Bhaibheri rinoshurikidza unzenza, kubhejera, uye kushandiswa kwemirimo kusina kufanira. (1 VaKorinte 6:9, 10) Zvinhu zvakadaro zvinodhura zvikuru. Zvinogona kuita munhu akapfuma murombo, uye munhu ari murombo atove murombo zvikuru. Kusiya izvi zvinhu zvakaipa uye zvimwe zvakafanana nazvo zvinoita zvakawanda kuvandudza mamiriro ezvemari emhuri.
Chechipiri, vakawana kuti pane zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu kupfuura pfuma. Murangariro wakadzikama unotaurwa muaya mashoko akafuridzirwa: “Uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo; asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.” (Muparidzi 7:12) Hungu, mari iri madikanwa. Asi uchenjeri hwakavakirwa paBhaibheri uye zivo yezvinangwa zvaMwari zvinobetsera zvikurusa. Zvirokwazvo, kumunhu asina uchenjeri, kuva nemari yakawanda zvikuru kunogona kuva mutoro zvikuru sokuva neshomanene. Munyori weBhaibheri nenzira yokuchenjera akanyengetera, kuti: “Regai kundipa urombo kana fuma; mundigutse nezvokudya zvakandifanira; ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti: Jehovha ndianiko? Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, ndimhure zita raMwari wangu.”—Zvirevo 30:8, 9.
Chechitatu, vakaziva kuti kana munhu akararama maererano namashoko akanaka Jesu akaparidza, haatongofaniri kunzwa asiyiwa. Mashoko akanaka ane chokuita noUmambo hwaMwari. Shoko racho rinoidzwa “mashoko akanaka oumambo,” uye muzuva redu riri kuparidzwa munyika yose inogarwa. (Mateo 24:14, NW) Jesu akatiudza kuti taizotsigirwa kana tikaisa tariro yedu muUmambo ihwohwo. Akati: “Rambai, ipapo, muchitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari], uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33, NW) Mwari haapikiri motokari dzakaisvonaka kana kuti dzimba dzoumbozha. Jesu akanga achitaura nezvezvinodikanwa zvoupenyu, zvinhu zvakaita sezvokudya nezvokupfeka. (Mateo 6:31) Asi mamiriyoni nhasi anogona kupupurira kuti chipikirwa chaJesu chakavimbika. Munhu mumwe nomumwe, kunyange munhu murombo zvikuru, haasiyiwi chose chose kana akaisa Umambo pakutanga.
Chechina, vakawana kuti munhu unoisa Umambo hwaMwari pakutanga haashungurudzwi nokuoma kwezvemari. Hungu, murombo anofanira kushanda zvakaoma. Asi kana achibatira Mwari, ane ukama hwakaropafadzwa noMusiki wake, nezvake Bhaibheri rinoti: “Nokuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko rounotambudzwa; kana kumuvanzira chiso chake; asi panguva yaakachema kwaari wakamunzwa.” (Pisarema 22:24) Mukuwedzera, murombo ane betsero mukugonana nezvinetso zvoupenyu. Anofarikanya ushamwari hunofadza navaKristu biyake uye ane zivo nechivimbo mukuda kwaJehovha kwakaziviswa. Zvinhu zvakafanana naizvozvi “zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka.”—Pisarema 19:10.
Pakugumisira, Hapachinazve Urombo!
Pakupedzisira, vanhu vamwe navamwe vanoteerera mashoko akanaka okuti Jehovha Mwari akaita chinangwa kuti apedze chinetso chourombo zvachose kupfurikidza noUmambo hwake. Bhaibheri rinopikira: “Unoshayiwa haangakanganikwi nokusingaperi; nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.” (Pisarema 9:18) Umambo ihurumende chaiyo, yakagadzwa mudenga ina Jesu Kristu soMutongi. Nokukurumidza, Umambo ihwohwo huchatsiva hurumende dzavanhu mukutarisirwa kwezvinhu zvavanhu. (Dhanieri 2:44) Ipapo, saMambo akagadzwa pachigaro choushe, Jesu “uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:13, 14.
Ichitarira mberi kunguva iyoyo, Mika 4:3, 4, inoti: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.” Ndivanaani vanotaurwa nezvavo pano? Chokwadika, vose avo vanozviisa pasi poUmambo hwaMwari. Umambo ihwohwo huchapedza zvinetso zvose zvinotambudza rudzi rwomunhu—kunyange chinetso chokurwara norufu. “Wakaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.” (Isaya 25:8; 33:24) Iyoyo ichava nyika yakasiyana zvakadini! Uye yeuka, tinogona kudavira izvi zvipikirwa nemhaka yokuti zvakafuridzirwa naMwari amene. Iye anoti: “Vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.”—Isaya 32:18.
Kuva nechivimbo muUmambo hwaMwari kunokurira kushayikwa kwokuzviremekedza kunowanzoparirwa nourombo. MuKristu ari murombo anoziva kuti anokosha chete mumeso aMwari sezvakaita muKristu akapfuma. Mwari anoda vose vari vaviri zvakafanana, uye vose vari vaviri vane tariro yakafanana. Vose vari vaviri vanokarira nokudisa kunguva apo, muUmambo hwaMwari, urombo huchava chinhu chomunguva yakapfuura. Iyoyo ichava nguva ine mbiri zvakadini! Pakupedzisira, hapana achava murombo!
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kupedzerei pfuma pakubhejera, kusvuta, kunwa zvikuru, kushandisa mirimo zvisina kufanira, kana kuti mararamire ounzenza?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Jehovha Mwari uchapedza zvinetso zvourombo hwemunhu kupfurikidza noUmambo hwake