Kuripira Zvinhu Zvakesari Kuna Kesari
“Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa.”—VAROMA 13:7.
1, 2. (a) Maererano naJesu, vaKristu vanofanira kudzikamisa sei misengwa yavo kuna Mwari uye kuna Kesari? (b) Ndeipi iri itiro hanya yokutanga yeZvapupu zvaJehovha?
MAERERANO naJesu, pane zvinhu zvaMwari zvatinazvo uye zvinhu zvaKesari zvatinazvo, kana kuti zveHurumende. Jesu akati: “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Muaya mashoko mashomanene, iye akashamisa vavengi vake ndokupfupikisa nenzira yokungwarira chimiro chendangariro chakadzikama chatinofanira kuva nacho muukama hwedu naMwari uye mukubata kwedu neHurumende. Hakushamisi kuti vateereri vake “vakashamiswa zvikuru naye”!—Marko 12:17.
2 Chokwadika, itiro hanya yokutanga yavabatiri vaJehovha ndeyokuti varipire zvinhu zvaMwari kuna Mwari. (Pisarema 116:12-14) Mukuita kudaro, zvisinei, ivo havakanganwi kuti Jesu akataura kuti vanofanira kupa zvinhu zvakati kuti kuna Kesari. Hana dzavo dzakarovedzwa neBhaibheri dzinoda kuti varangarire nenzira yokunyengetera kuti kusvikira kutambanukoi kwavanogona kuripira izvo Kesari anorayira. (VaRoma 13:7) Munguva dzazvino uno, vazivi vemitemo vakawanda vakaziva kuti simba rehurumende rine ganhuriro uye kuti vanhu nehurumende kwose kwose vanosungwa nomutemo womuzvarirwo.
3, 4. Itsinhiroi dzinofadza dzakaitwa pamusoro pomutemo womuzvarirwo, mutemo wakaziviswa, uye mutemo wavanhu?
3 Muapostora Pauro akanongedzera kuuyu mutemo womuzvarirwo apo akanyora pamusoro pevanhu venyika: “Nokuti izvo zvingazivikanwa zvaMwari zvinoonekwa mukati mavo, nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa, kuti varege kuva nepembedzo.” Kana ivo vakaita chimwe chinhu kwauri, mutemo womuzvarirwo uchatosunda hana dzaava vasingatendi. Nokudaro, Pauro akatizve: “Nokuti kana vahedheni vasina murayiro vachiita pachavo zvinhu zvomurayiro, vava murayiro wavo vamene. Nokuti vanoratidza basa romurayiro wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.”—VaRoma 1:19, 20; 2:14, 15.
4 Muzana ramakore rechi18, muzivi wemitemo weEngland aiva nomukurumbira William Blackstone akanyora, kuti: “Uyu mutemo womuzvarirwo, uchiva wakafanana ne[zera rimwe chetero] noworudzi rwomunhu uye wakataurwa naMwari amene, chokwadika ndiwo mukuru mumusengwa kune umwe upi noupi. Iwo unopa musengwa mupasi rose, munyika dzose, uye panguva dzose: hapana mitemo yavanhu youkoshi hupi nohupi, kana ichipesana naiwoyu.” Blackstone akapfuurira kutaura nezvo“mutemo wakaziviswa,” unowanwa muBhaibheri, uye iye akatsinhira, kuti: “Pahwaro uhwu huviri, mutemo womuzvarirwo nomutemo wakaziviswa, ndipo panotsamira mitemo yose yavanhu; ndiko kuti, hapana mitemo yavanhu inofanira kutambura [kubvumirwa] kupokana neiyi.” Ikoku kuri mutsinhirano neizvo Jesu akataura pamusoro paMwari naKesari, sezvakanyorwa pana Marko 12:17. Nenzira yakajeka, pane nharaunda umo Mwari anoganhurira izvo Kesari anogona kuda kumuKristu. Sanihedrini yakapfuura nharaunda yakadaro chaiyo apo vakarayira vaapostora kurega kuparidza pamusoro paJesu. Nokudaro, vaapostora vakapindura nenzira yakarurama, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.”—Mabasa 5:28, 29.
“ZvaMwari”
5, 6. (a) Mukurangarira kuzvarwa kwoUmambo muna 1914, chii icho vaKristu vanofanira kurangarira zvikuru? (b) MuKristu anopa sei ufakazi hwokuti iye mushumiri?
5 Zvikurukuru kubvira muna 1914, apo Jehovha Mwari, Wamasimba Ose, akavamba kutonga samambo kupfurikidza noUmambo hwaMesiya hwaKristu, vaKristu vakafanira kuva nechokwadi chokusapa zvinhu zvaMwari kuna Kesari. (Zvakazarurwa 11:15, 17) Sezvisakamboitika nakare kose, mutemo waMwari zvino unorayira vaKristu vose kusava “venyika.” (Johane 17:16) Vachiva vakazvitsaurira kuna Mwari, Mupi wavo Woupenyu, ivo vanofanira kuratidzira nenzira yakajeka kuti ivo havasisiri vavo vamene. (Pisarema 100:2, 3) Sezvo Pauro akanyora, “tinoraramira Ishe.” (VaRoma 14:8) Uyezve, pakubhapatidzwa kwomuKristu, iye anogadzwa somushumiri waMwari, kuitira kuti agogona kutaura naPauro, kuti: “Mwari . . . wakatikwanisa kuti tive vashumiri.”—2 VaKorinte 3:5, 6.
6 Muapostora Pauro akanyorawo, kuti: “Ndinokudza basa rangu.” (VaRoma 11:13) Zvirokwazvo tinofanira kuita nenzira yakafanana. Tingava tichigoverana muushumiri nguva yakazara kana kuti nguva isina kuzara, tinorangarira kuti Jehovha amene akatigovera kuushumiri hwedu. (2 VaKorinte 2:17) Sezvo vamwe vangadenha nzvimbo yedu, muKristu ari wose akazvitsaurira, akabhapatidzwa anofanira kuva akagadzirira kugovera chibvumikiso chakajeka uye chechokwadi chokuti iye zvirokwazvo mushumiri wamashoko akanaka. (1 Petro 3:15) Ushumiri hwake hunofanirawo kuratidzirwa mukuzvibata kwake. Somushumiri waMwari, muKristu anofanira kureverera ndokuita tsika dzakachena, kutsigira chinzwano chemhuri, kuva akatendeseka, uye kuratidza kuremekedza mutemo nenhevedzano. (VaRoma 12:17, 18; 1 VaTesaronika 5:15) Ukama hwomuKristu naMwari uye ushumiri hwake hwakagoverwa nenzira youmwari ndizvo zvinhu zvinokosha zvikurusa muupenyu hwake. Iye haagoni kurega izvozvi pakurayira kwaKesari. Nenzira yakajeka, izvo zvinofanira kuverengerwa pakati pe“zvaMwari.”
“ZvaKesari”
7. Ndoupi uri mukurumbira weZvapupu zvaJehovha pamusoro pokuripira mitero?
7 Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti zvinofanira ku“zviis[a] pasi pamasimba makuru,” vatongi vehurumende. (VaRoma 13:1) Nokudaro, apo Kesari, Hurumende, inoita zvinodikanwa zvapamutemo, hana dzazvo dzakarovedzwa neBhaibheri dzinozvibvumira kuita izvi zvinodikanwa. Somuenzaniso, vaKristu vechokwadi vari pakati pavateri vemitero vomuenzaniso zvikurusa pasi pano. MuGermany pepanhau rinonzi Münchner Merkur rakati nezveZvapupu zvaJehovha: “Izvo ndivo vanoripira mitero zvikurusa uye vanoripira mitero panguva zvikurusa muFederal Republic.” MuItaly pepanhau rinonzi La Stampa rakati: “Izvo [Zvapupu zvaJehovha] ndizvo vagari vemo vakavimbika zvikurusa avo munhu upi noupi angagona kushuva: izvo hazvinzvengi mitero kana kuti kutsvaka kutiza mitemo isina kufanira betsero yazvo zvimene.” Vabatiri vaJehovha vanoita ikoku ‘nemhaka yehana dzavo.’—VaRoma 13:5, 6.
8. Zvatinofanira kupa kuna Kesari zvakaganhurirwa kumitero yemari here?
8 “ZvaKesari” zvakaganhurirwa kukuripira mitero here? Aiwa. Pauro akaronga zvimwe zvinhu, zvakadai sorutyo uye rukudzo. Mune rake rinonzi Critical and Exegetical Hand-Book to the Gospel of Matthew, nyanzvi yechiGerman Heinrich Meyer yakanyora, kuti: “Kupfurikidza ne[zvinhu zvaKesari] . . . hatifaniri kunzwisisa mutero wehurumendewo chete, asi chinhu chiri chose icho Kesari aiva nekodzero dzacho nemhaka yokutonga kwake kwapamutemo.” Wezvenhau E. W. Barnes, mubhuku rake rinonzi The Rise of Christianity, akataura kuti muKristu angaripira mitero kana iye ane chikwereti chayo uye “nenzira yakafanana kugamuchira mimwe misengwa yose yeHurumende, chero bedzi asina kukumbirwa kupa Kesari zvinhu zvaMwari.”
9, 10. Kuzengurirai uko muKristu angava nako pamusoro pokuripira Kesari zvakafanira zvake, asi maidii anofanira kurangarirwa?
9 Zvinhui izvo Hurumende ingada pasina kuvhozhokera pazvinhu izvo zviri zvaMwari nenzira yakarurama? Vamwe vakarangarira kuti vangagona nenzira yapamutemo kupa Kesari mari muchimiro chemitero asi kwete chimwe chinhu. Ivo zvirokwazvo vangasanzwa zvakanaka kupa Kesari chinhu chipi nechipi icho chingatora nguva iyo ingagona kushandiswa nokuda kwemibato yaMwari. Kunyange zvakadaro, nepo kuri chokwadi kuti tinofanira ‘kuda Jehovha Mwari wedu nemwoyo yedu yose, mweya, ndangariro, uye simba,’ Jehovha anotikarira kupedzera nguva muzvinhu zvisiri basa redu rinoyera. (Marko 12:30; VaFiripi 3:3) Somuenzaniso, muKristu akaroora kana kuti akaroorwa anopiwa zano kuti ape nguva kukufadza mukwanyina wake weroorano. Mibato yakadaro haina kuipa, asi muapostora Pauro anotaura kuti izvo zvinhu “zvenyika” kwete “zvaShe.”—1 VaKorinte 7:32-34; enzanisa na1 Timotio 5:8.
10 Uyezve, Kristu akabvumira vateveri vake kuti va“ripire” mitero, uye ikoku zvirokwazvo kunobatanidza kushandisa nguva yakatsaurirwa kuna Jehovha—sezvo upenyu hwedu hwose hwakatsaurirwa muiyi nzira. Kana avhareji yomutero munyika iri 33 muzana yemari inotambirwa (iyo yakakwira zvikuru mune dzimwe nyika), ikoku kunoreva kuti gore rimwe nerimwe mushandiwo zvake anoripira kuHomwe yeHurumende mari yaanotambira yemwedzi mina. Kuchitaurwa neimwe nzira, pakupera kwoupenyu hwake hwokushanda, mushandiwo zvake achava apedza makore anenge 15 achiwana mari yomutero iyo “Kesari” anoda. Rangarirawo nhau yokudzidza. Munyika dzakawanda zvikurusa mutemo unoda kuti vabereki vaite kuti vana vavo vapinde chikoro kwemakore akati. Nhamba yamakore okudzidza inosiyana munyika nenyika. Munzvimbo dzakawanda zvikurusa inguva refu zvikuru. Chokwadi, kudzidza kwakadaro kazhinji kazhinji kunobetsera, asi ndiKesari anosarudza kuti ndechipi chikamu choupenyu hwomwana chinofanira kupedzwa neiyi nzira, uye vabereki vechiKristu vanowirirana nechisarudzo chaKesari.
Basa Rehondo Rokumanikidzira
11, 12. (a) Ndizvinodikanwai izvo Kesari anoita munyika dzakawanda? (b) VaKristu vapakuvamba vairangarira sei basa rehondo?
11 Chimwe chinodikanwa chinoitwa naKesari mune dzimwe nyika ibasa rehondo rokumanikidzira. Muzana ramakore rechi20, iyi gadziriro yakaitwa nenyika dzakawanda zvikurusa munguva dzehondo uye nedzimwe munguva dzorugarewo. MuFrance uyu musengwa kwamakore akawanda wakanga uchinzi mutero weropa, kureva kuti munhu muduku ari wose aifanira kuva anodisa kupa upenyu hwake nokuda kweHurumende. Ichi chimwe chinhu icho avo vakazvitsaurira kuna Jehovha vanogona kuita nenzira yokutungamirirwa nehana here? VaKristu vomuzana ramakore rokutanga vakarangarira sei iyi nhau?
12 Nepo vaKristu vapakuvamba zvikurusa vakaedza kuva vagari vemo vakanaka, kutenda kwavo kwakavadzivisa kuuraya mumwe kana kuti kupa upenyu hwavo vamene nokuda kweHurumende. The Encyclopedia of Religion inoti: “Vanyori vechechi vapakuvamba, kubatanidza Tertullian naOrigen, vakasimbisa kuti vaKristu vakanga vachidzivisa kuuraya vanhu, nheyo yakavadzivisa kutora rutivi muuto reRoma. Mubhuku rake rinonzi The Early Church and the World, Purofesa C.J. Cadoux anonyora, kuti: “Kusvikira pakutonga kwaMarcus Aurelius munenge muna [161-180 C.E.], hapana muKristu aizova murwi pashure pokubhapatidzwa kwake.”
13. Nei vakawanda zvikurusa muchiKristudhomu vasingarangariri basa rehondo sezvakaita vaKristu vakapakuvamba?
13 Nei mitezo yemachechi echiKristudhomu isingarangariri zvinhu neiyi nzira nhasi? Imhaka yechinjo yakakura yakaitika muzana ramakore rechina. Bhuku reKaturike rinonzi A History of the Christian Councils rinotsanangura, kuti: “VaKristu vakawanda, . . . vaiva mumadzimambo echihedheni, vakanga vane matyira orudzidziso pamusoro pebasa rehondo, uye nenzira yakananga vakaramba kurwisa, kana kuti ivo vakarega. Musangano [weArles, wakaitwa muna 314 C.E.], mukurangarira chinjo dzakatangwa naConstantine, yakaonesa musengwa wokuti vaKristu vanofanira kubatira muhondo, . . . nemhaka yokuti Chechi ine rugare (in pace) pasi pomuchinda ane ushamwari kuvaKristu.” Somugumisiro wouku kuregwa kwedzidziso dzaJesu, kubva panguva iyoyo kusvikira zvino, vafundisi vechiKristudhomu vakakurudzira mapoka avo kubatira mumauto enyika, kunyange zvazvo vamwe vanhu vakaramba sevanoramba nemhaka yehana.
14, 15. (a) VaKristu mune dzimwe nzvimbo vanoda kuhesvurwa mubasa rehondo pazvikonzeroi? (b) Uko kuhesvurwa kusingawaniki, inheyoi dzapaMagwaro dzichabetsera muKristu kuita chisarudzo chakarurama munhau yebasa rehondo?
14 VaKristu nhasi vanosungirwa kutevedzera voruzhinji muiyi nhau here? Aiwa. Kana muKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa achigara munyika umo kuhesvurwa mubasa rehondo kunopiwa kuvafundisi, iye angazviyamura amene neiyi gadziriro, nokuti iye kutaura idi mushumiri. (2 Timotio 4:5) Hurumende dzakati, kubatanidza United States neAustralia, dzakabvuma kuhesvura kwakadaro kunyange munguva yehondo. Uye mukati menguva yorugare, munyika dzakawanda idzo dzinomanikidzira basa rehondo, Zvapupu zvaJehovha, savafundisi vorudzidziso, zvinohesvurwa. Nokudaro izvo zvinogona kupfuurira kubetsera vanhu kupfurikidza nebasa razvo ravose.
15 Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, kana muKristu achigara munyika umo kuhesvura kusingapiwi kuvafundisi vorudzidziso? Ipapo iye achafanira kuita chisarudzo chomunhu oga achitevera hana yake yakarovedzwa neBhaibheri. (VaGaratia 6:5) Nepo achirangarira chiremera chaKesari, iye achayera nenzira yokungwarira zvaanofanira kupa kuna Jehovha. (Pisarema 36:9; 116:12-14; Mabasa 17:28) MuKristu wacho achayeuka kuti chiratidzo chomuKristu wechokwadi ndirwo rudo nokuda kwevatendi biyake vose, kunyange avo vanogara mune dzimwe nyika kana kuti avo vamamwe madzinza. (Johane 13:34, 35; 1 Petro 2:17) Uyezve, iye haasati achizokanganwa nheyo dzapaMagwaro dzinowanwa mumagwaro akadai saIsaya 2:2-4; Mateo 26:52; VaRoma 12:18; 14:19; 2 VaKorinte 10:4; uye VaHebheru 12:14.
Basa Risiri Rehondo
16. Mune dzimwe nyika, ibasai risiri rehondo iro Kesari anorayira kuavo vasingagamuchiri basa rehondo?
16 Zvisinei, pane nyika umo Hurumende, nepo isingabvumiri kuhesvura vafundisi, kunyange zvakadaro ichibvuma kuti vamwe vanhu vangaramba basa rehondo. Dzakawanda dzeidzi nyika dzinoita gadziriro dzokuti vanhu vanotungamirirwa nehana vakadaro vasamanikidzirwa kupinda mubasa rehondo. Mune dzimwe nzvimbo basa risiri rehondo rinodikanwa, rakadai sebasa rinobetsera munzanga, rinorangarirwa sebasa renyika risiri rehondo. MuKristu akazvitsaurira angagona kuita basa rakadaro here? Pano zvakare, muKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa angafanira kuita chisarudzo chake amene pahwaro hwehana yake yakarovedzwa neBhaibheri.
17. Pane muenzaniso weBhaibheri webasa risiri rehondo here?
17 Kunoratidzika kuti basa rokumanikidzira rakaitwa munguva dzeBhaibheri. Rimwe bhuku renhau rinoti: “Mukuwedzera kumitero uye zvakafanira zvaidiwa kuvagari vemo veJudhea, pakanga panewo basa risingabhadharwi [basa risingabhadharwi rinorayirwa nezviremera zvavose]. Iyi yakanga iri gadziriro yakare muMabvazuva, iyo zviremera zvechiGiriki nezveRoma zvakapfuurira kuchengeta. . . . Testamente Itsvawo inodudza mienzaniso yebasa risingabhadharwi muJudhea, kuchiratidza kuti yakanga yakapararira sei. Maererano neiyi tsika, varwi vakamanikidza Simoni weKurini kutakura muchinjikwa [danda rokutambudzira] raJesu (Mateo 5:41; 27:32; Marko 15:21; Ruka 23:26).”
18. Zvapupu zvaJehovha zvinowanzobatira pamwe mumarudzii ebasa renzanga risiri rehondo, risiri rorudzidziso?
18 Nenzira yakafanana, vagari vomune dzimwe nyika nhasi vanorayirwa neHurumende kana kuti nezviremera zvomunzvimbomo kutora rutivi muzvimiro zvakasiyana-siyana zvebasa renzanga. Pane dzimwe nguva ikoku kuri nokuda kwebasa rakananga, zvakadai sokuchera matsime kana kuti kugadzira migwagwa; pane dzimwe nguva kuri pahwaro hwenguva dzose, zvakadai sokutora rutivi vhiki nevhiki mukuchenesa migwagwa, zvikoro, kana kuti zvipatara. Uko basa risiri rehondo rakadaro riri nokuda kwenakirwo yenzanga uye risina kubatanidzwa norudzidziso rwenhema kana kuti mune imwe nzira risina kuipa kuhana dzeZvapupu zvaJehovha, izvo kazhinji kazhinji zvakabvuma. (1 Petro 2:13-15) Ikoku kazhinji kazhinji kwakaguma nouchapupu hwakaisvonaka uye pane dzimwe nguva kwakanyaradza avo vanopomera zvenhema Zvapupu kuva zvinorwisana nehurumende.—Enzanisa naMateo 10:18.
19. MuKristu anofanira kusvika nhau yacho sei kana Kesari akamukumbira kuita basa risiri rehondo renyika kwenhambo yakati yenguva?
19 Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, kana Hurumende ichida kuti muKristu kwenhambo yakati yenguva aite basa risiri rehondo iro riri rutivi rwebasa renyika mukudzora kwehurumende? Pano zvakare, vaKristu vanofanira kuita chisarudzo chavo vamene chakavakirwa pahana yakarovedzwa. “Isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaMwari.” (VaRoma 14:10) VaKristu vakatarisana nechinodikanwa chaKesari vanofanira kufunda nhau yacho nenzira yokunyengetera ndokufungisisa pairi.a Kungavawo kuchenjera kukurukura nhau yacho navaKristu vakakura mumudzimu vari muungano. Pashure paikoku chisarudzo chomunhu oga chinofanira kuitwa.—Zvirevo 2:1-5; VaFiripi 4:5.
20. Mibvunzoi nenheyo dzapaMagwaro zvinobetsera muKristu kurangarira panhau yebasa risiri rehondo?
20 Apo vanenge vachiita kunzvera kwakadaro, vaKristu vangarangarira nheyo dzakati dzeBhaibheri. Pauro akataura kuti tinofanira kuva vano“zviis[a] pasi pavabati navanesimba, . . . vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka . . . vave vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.” (Tito 3:1, 2) Panguva imwe cheteyo, vaKristu vangaita zvakanaka kunzvera basa risiri rehondo rinokarakadzwa. Kana vakarigamuchira, ivo vachakwanisa kuchengeta kusatora rutivi kwechiKristu here? (Mika 4:3, 5; Johane 17:16) Ringavabatanidza norudzidziso rwenhema rwakati here? (Zvakazarurwa 18:4, 20, 21) Kuriita kungavadzivisa kana kuti nenzira isina mufungo kuvaganhurira kuita mabasa avo echiKristu here? (Mateo 24:14; VaHebheru 10:24, 25) Pane rumwe rutivi, ivo vangakwanisa kupfuurira kuita fambiro mberi yomudzimu, zvichida kunyange kugoverana muushumiri hwenguva yakazara apo vanenge vachiita basa rinodikanwa here?—VaHebheru 6:11, 12.
21. Chipi kana chipi chiri chisarudzo chayo, ungano inofanira kurangarira sei hama iyo iri kubata nenhau yebasa renyika risiri rehondo?
21 Zvakadiniko kana mhinduro dzokutendeseka dzomuKristu kumibvunzo yakadaro dzichimutungamirira kugumisa kuti basa risiri rehondo rorudzi “ibasa rakanaka” iro iye anogona kuita mukuteerera zviremera? Ichocho chisarudzo chake pamberi paJehovha. Vakuru vakagadzwa uye vamwewo vanofanira kuremekedza zvizere hana yehama yacho ndokupfuurira kuirangarira somuKristu ane chimiro chakanaka. Kana, zvisinei, mumwe muKristu achirangarira kuti iye haagoni kuita iri basa risiri rehondo, chimiro chake chinofanirawo kuremekedzwa. Iyewo anoramba ane chimiro chakanaka uye anofanira kugamuchira tsigiro ine rudo.—1 VaKorinte 10:29; 2 VaKorinte 1:24; 1 Petro 3:16.
22. Api kana api ari mamiriro ezvinhu anotarisana nesu, chii chatichapfuurira kuita?
22 SavaKristu hatizoregi kupa “kukudza kuna vanofanira kukudzwa.” (VaRoma 13:7) Ticharemekedza nhevedzano yakanaka ndokutsvaka kuva vagari vemo vane rugare, vanoteerera mutemo. (Pisarema 34:14) Tingatonyengeterera “madzimambo, navose vari vakuru” apo ava vanhu vanokumbirwa kuita zvisarudzo zvinotapura upenyu hwedu hwechiKristu nebasa. Somugumisiro wokuripira kwedu zvinhu zvaKesari kuna Kesari, tinovimba kuti “ti[cha]gar[a] norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugarire unokudzwa.” (1 Timotio 2:1, 2) Kupfuura zvose, tichapfuurira kuparidza mashoko akanaka oUmambo setariro bedzi yorudzi rwomunhu, nenzira yokutungamirirwa nehana tichiripira zvinhu zvaMwari kuna Mwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yaMay 15, 1964, peji 308, ndima 21.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Mukudzikamisa ukama hwake naKesari naJehovha, ndeipi iri itiro hanya yokutanga yomuKristu?
◻ Chii chatinacho chaJehovha chatisingatongogoni kupa kuna Kesari?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvatinoripira nenzira yakafanira kuna Kesari?
◻ Magwaroi anotibetsera kuita chisarudzo chakarurama munhau yebasa rehondo rokumanikidzira?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvokurangarira kana tikadanirwa basa renyika risiri rehondo?
◻ Pamusoro paJehovha naKesari, chii chatinoramba tichiita?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Vaapostora vakaudza Sanihedrini, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu”