Nhume Dzorugare rwaMwari Dzinonzi Dzinofara
“Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo.”—ISAYA 35:10.
1. Nyika inodei zvikuru?
Nhasi sezvisakamboitika nakare kose, rudzi rwomunhu rwunoda nhume yemashoko akanaka. Kune kudikanwa kwokukurumidzira kwokuti mumwe munhu ataure chokwadi pamusoro paMwari nemadonzo ake, chapupu chisingatyi icho chichanyevera vakaipa nezveruparadziko rwunouya ndokubetsera vane mwoyo yakarurama kuwana rugare rwaMwari.
2, 3. Kune zvakaitika kuva Israeri, Jehovha akazadzika sei chipikirwa chake chakanyorwa pana Amosi 3:7?
2 Mumazuva aIsraeri, Jehovha akapikira kugovera nhume dzerudzi irworwo. Pakupera kwezana ramakore rechipfumbamwe B.C.E., muporofita Amosi akati: “Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.” (Amosi 3:7) Mumazana amakore pashure pechiziviso ichochi, Jehovha akaita zviito zvizhinji zvikuru. Somuenzaniso, muna 607 B.C.E., akaranga zvakakomba vanhu vake vakasarudzwa nemhaka yekuti vakanga vachipandukira uye vaine mhaka yeropa. Akarangawo marudzi akapoteredza ayo akafadzwa nemhaka yokutambura kwaIsraeri. (Jeremia, ganhuro 46-49) Ipapo, muna 539 B.C.E., Jehovha akaparira kuwa kwesimba guru renyika reBhabhironi, uye somugumisiro, muna 537 B.C.E., vakasarira vaIsraeri vakadzokera kunyika yavo kundovakazve tembere.—2 Makoronike 36:22, 23.
3 Izvozvi zvaiva zviitiko zvinokosha, uye mutsinhirano nemashoko aAmosi, Jehovha akazvizivisa pachine nguva mberi kuvaporofita vakabatira senhume, vachinyevera Israeri nezvezvakanga zvichizouya. Mukati mezana ramakore rechisere B.C.E., akamutsa Isaya. Mukati mezana remakore rechinomwe B.C.E., akamutsa Jeremia. Ipapo, nechokumugumo kwezana iroro ramakore, akamutsa Ezekieri. Ivava nevamwe vaporofita vakatendeka vakapa uchapupu hwakakwana pamusoro pemadonzo aJehovha.
Kuzivisa Nhume dzaMwari Nhasi
4. Chii chinoratidzira kuda kworudzi rwomunhu nhume dzorugare?
4 Zvakadini nanhasi? Vazhinji vari munyika vanonzwa pfungwa yakasimba yekuti chimwe chinhu chakashata chichaitika apo vanocherekedza kuipa kwenzanga yomunhu. Avo vanoda kururama vanorwadziwa mwoyo apo vanoona unyengeri neuipi zvakakomba zveChikristudhomu. Seizvo Jehovha akafanotaura kupfurikidza naEzekieri, vari ku“gomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa mukati maro.” (Ezekieri 9:4) Zvisinei, vazhinji havazivi ari madonzo aJehovha. Vanofanira kuudzwa.
5. Jesu akaratidza sei kuti kwaizova nenhume muzuva redu?
5 Munhu upi neupi nhasi anotaura nechimiro chendangariro chokusatya chaIsaya, Jeremia, uye Ezekieri here? Jesu akaratidzira kuti mumwe munhu aizodaro. Pakufanotaura nezvezviitiko zvezuva redu, akati: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Ndiani nhasi ari kuzadzika uporofita ihwohwo, achibatira senhume, muparidzi wemashoko akanaka? Fanano pakati pezuva redu nenguva yaIsraeri wakare dzinotibetsera kupindura mubvunzo iwoyo.
6. (a) Rondedzera zvakaitika kune “vaIsraeri vaMwari” mukati mehondo yenyika yokutanga. (b) Ezekieri 11:17 yakazadzikwa sei pana Israeri wakare?
6 Mukati memazuva anotyisa eHondo Yenyika I, vanhu vaJehovha vomuzuva razvino uno, vakasarira ve“vaIsraeri vaMwari” vakazodzwa, vakapinda muutapwa hwakafanana nehuya hwaIsraeri muBhabhironi. (VaGaratia 6:16) Vakatambura utapwa hwomudzimu muBhabhironi Guru, sangano renyika ramarudzidziso enhema, iro Chikristudhomu chiri chakatanhamara zvikurusa uye chine mhaka. Kunyange zvakadaro, mashoko aJehovha kuna Ezekieri akaratidza kuti havana kusiyiwa. Akati: “Ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsraeri.” (Ezekieri 11:17) Kuitira kuti azadzike chipikirwa ichocho nokuda kwaIsraeri wakare, Jehovha akamutsa Koreshi wePersia, uyo akakunda Simba reNyika reBhabhironi ndokuzarura nzira yokuti vakasarira vaIsraeri vadzokere kunyika yavo. Asi zvakadini nanhasi?
7. Chiitikoi muna 1919 chakaratidza kuti Jesu akanga arwisana neBhabhironi Guru? Tsanangura.
7 Pakuvamba muzana rino ramakore, kwakanga kune ufakazi hwakasimba hwokuti Koreshi Mukuru akanga achishanda. Iyeye aiva ani? Hakuna mumwe kunze kwaJesu Kristu, akagadzwa pachigaro choumambo muna 1914 muUmambo hwokudenga. Uyu Mambo mukuru akaratidza nyasha kuhama dzake dzakazodzwa pasi pano apo, mugore ra1919, Vakristu vakazodzwa vakasunungurwa muusungwa hwomudzimu ndokudzokera ku“nyika” yavo, mugariro wavo womudzimu. (Isaya 66:8; Zvakazarurwa 18:4) Nokudaro Ezekieri 11:17 yakava nokuzadzikwa kwomuzuva razvino uno. Munguva dzakare kwakada kuwa kweBhabhironi kuzarura nzira yokuti vaIsraeri vadzokere kunyika yavo. Munguva dzazvino uno kudzorerwa kwaIsraeri waMwari kwaiva ufakazi hwekuti Bhabhironi Guru rakanga rawa nesimba raKoreshi Mukuru. Kuwa ikoku kwakaziviswa nengirozi yechipiri yaZvakazururwa ganhuro 14, apo yakadanidzira kuti: “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwoupombwe hwaro.” (Zvakazarurwa 14:8) Kuchinja kwakadini nokuda kweBhabhironi Guru, zvikurukuru nokuda kweChikristudhomu! Uye chikomborero chakadini nokuda kwaVakristu vechokwadi!
8. Bhuku raEzekieri rinorondedzera sei mufaro wevanhu vaMwari pashure pokusunungurwa kwavo muna 1919?
8 Pana Ezekieri 11:18-20, tinorava kurondedzera kwomuporofita mufaro wevanhu vaMwari pashure pokudzorerwa kwavo. Kuzadzikwa kwokutanga kwemashoko ake kwakareva kucheneswa kwaIsraeri mumazuva aEzra naNehemia. Kuzadzikwa kwomuzuva razvino uno kwakareva chimwe chinhu chakafanana. Ngationei kuti sei. Jehovha anoti: “Vachadzokerako [kunyika yavo] nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza.” Kungofanana nezvakaporofitwa, kutangira muna 1919, Jehovha akachenesa vanhu vake ndokuvasimbisazve kuti vamubatire. Vakavamba kubvisa munzvimbo yavo yomudzimu miitiro yose nedzidziso zveBhabhironi izvo zvaivasvibisa mumeso ake.
9. Zvikomboreroi zvinokosha izvo Jehovha akapa vanhu vake, kutangira muna 1919?
9 Ipapo, maererano nendima 19, Jehovha anopfuurira kuti: “Ndichavapa mwoyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa mwoyo webwe munyama yavo, ndokuvapa mwoyo wenyama.” Mutsinhirano nemashoko iwaya, muna 1919, Jehovha akabatanidza vabatiri vake vakazodzwa, akavapa “mwoyo mumwe,” sokunge zvakadaro, kuitira kuti vagomubatira “nomwoyo mumwe.” (Zefania 3:9) Uyezve, Jehovha akapa vanhu vake mudzimu mutsvene kuti avape simba mubasa rokupupura uye kubudisa mavari chibereko chakaisvonaka chinorondedzerwa pana VaGaratia 5:22, 23. Uye panzvimbo pemwoyo wakaoma, wakaita sedombo, Jehovha akavapa mwoyo wakapfava, wakasununguka, unoteerera, mwoyo waizogamuchira kuita kuda kwake.
10. Nei Jehovha akakomborera vanhu vake vakadzorerwa kubvira muna 1919 zvichienda mberi?
10 Nei akaita izvozvi? Jehovha amene anotsanangura. Tinorava pana Ezekieri 11:20 kuti: “Kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.” Israeri waMwari akadzidza kuteerera mutemo waJehovha panzvimbo pekutevera pfungwa dzavo vamene. Vakadzidza kuita kuda kwaMwari vasingatyi munhu. Nokudaro, vakatanhamara savakasiyana neVakristu vekuedzesera veChikristudhomu. Vaiva vanhu vaJehovha. Savakadaro, Jehovha akanga akagadzirira kuvashandisa senhume yake, “muranda [wake] wakatendeka, wakangwara.”—Mateo 24:45-47.
Mufaro Wenhume dzaMwari
11. Bhuku raIsaya rinorondedzera sei mufaro wevanhu vaJehovha?
11 Unogona here kuisa muchiono mufaro wavo apo vakaziva kuti vaifarikanya nzvimbo yakaropafadzwa zvakadini? Seboka, vaitaura mashoko aIsaya 61:10 anoti: “Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro muna Mwari wangu.” Chipikirwa chaIsaya 35:10 chakazadzikwa pavari: “Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.” Wakadaro ndiwo waiva mufaro wenhume dzaJehovha dzerugare rwaMwari shure muna 1919 sezvadzakavamba kuparidza mashoko akanaka kurudzi rwose rwomunhu. Kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi kusvikira kuzuva rino, havana kurega kuita iri basa, uye mufaro wavo wakawedzera. MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akati: “Vanofara sei vawadzanisi, sezvo vachanzi ‘vanakomana vaMwari.’” (Mateo 5:9, NW mashoko omuzasi) Uchokwadi hwekutaura ikoko hwakawanwa nevakasarira ve“vanakomana vaMwari” vakazodzwa kubvira muna 1919 kutozosvikira nhasi.
12, 13. (a) Ndivanaani vakakumbanira Israeri waMwari mukubatira Jehovha, uye vakazvishandisa kuchii? (b) Mufaroi mukuru wakawanwa nevabatiri vaJehovha vakazodzwa?
12 Sezvo makore akapfuura, nhamba yaIsraeri waMwari yakawedzera kutozosvikira muma1930 apo kuunganidzwa kwavakasara vevakazodzwa kwakaswedera pedyo nomugumo. Kuwedzera kwenhamba yavaparidzi vemashoko akanaka kwakamira panguva iyoyo here? Nyangwe napaduku pose. Boka guru reVakristu rine tariro yapasi rakanga ratotanga kuoneka, uye ivava vakanga vachikumbanira hama dzavo dzakazodzwa mubasa rokuparidza. Muapostora Johane akaona iri boka guru muchiono, uye nzira yaanorirondedzera nayo inoshamisa: “Vari pamberi pechigaro choushe chaMwari vanomushumira masikati nousiku.” (Zvakazarurwa 7:15) Hungu, boka guru rakabatikana richibatira Mwari. Somugumisiro, apo nhamba yavakazodzwa yakavamba kuderera, pashure pa1935, basa rokupupura rakapfuuridzirwa mberi nesimba rakawedzerwa neidzi shamwari dzakatendeka.
13 Neiyi nzira Isaya 60:3, 4 yakazadzikwa: “Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira. Ringira kwose-kwose nameso ako, uone: vose vanoungana pamwe chete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.” Mufaro uyo izvi zviitiko zvakaunzira Israeri waMwari unorondedzerwa zvakaisvonaka pana Isaya 60:5, apo tinorava kuti: “Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, mwoyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, fuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.”
Sangano raJehovha Riri Kufamba
14. (a) Chionoi chezvinhu zvokudenga icho Ezekieri anoona, uye murayiroi waakagamuchira? (b) Vanhu vaJehovha munguva dzazvino uno vakanzwisisei, uye musengwai wavakanzwa?
14 Muna 613 B.C.E., Ezekieri akaona muchiono sangano raJehovha rokudenga, rakaita sengoro richifamba. (Ezekieri 1:4-28) Pashure pezvo, Jehovha akati kwaari: “Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsraeri, utaure kwavari mashoko angu.” (Ezekieri 3:4) Mugore rino ra1997, tinonzwisisa kuti sangano raJehovha rokudenga richiri kufamba risingamiri kuti rizadzike madonzo aMwari. Nokudaro, tichiri kunzwa tichisundwa kuudza vamwe pamusoro pemadonzo iwayo. Muzuva rake, Ezekieri akataura mashoko akanga akafuridzirwa zvakananga naJehovha. Nhasi, tinotaura mashoko anobva muShoko raJehovha rakafuridzirwa, Bhaibheri. Uye bhuku iroro rine shoko rinoshamisa zvakadini nokuda kworudzi rwomunhu! Nepo vazhinji vachinetseka pamusoro penguva yemberi, Bhaibheri rinoratidza kuti zvinhu zvakatoipa zvikuru—uye panguva imwe cheteyo, zviri nani zvikuru—kupfuura zvavanofungidzira.
15. Nei mamiriro ezvinhu akaipa zvikuru kupfuura izvo vazhinji nhasi vanofunga?
15 Zvinhu zvakaipa zvikuru nemhaka yekuti, sezvatakadzidza munyaya dzakapfuura, Chikristudhomu nemamwe marudzidziso ose enhema zvichakurumidza kuparadzwa, zvakakwana sezvakaitwa Jerusarema muna 607 B.C.E. Kupfuurirazve, sangano rose remupasi rose rezvematongerwe enyika, rakafananidzwa mubhuku raZvakazarurwa nechikara chine misoro minomwe nenyanga gumi, rava kuda kuparadzwa, sezvakaitwa vavakidzani vazhinji vechihedheni veJerusarema. (Zvakazarurwa 13:1, 2; 19:19-21) Muzuva raEzekieri Jehovha nenzira yakajeka akarondedzera rutyo rwakanyandurwa neruparadziko rwaisvika rweJerusarema. Asi mashoko ake achava nerevo huru zvikuru apo vanhu vanocherekedza ruparadziko rwava pedyo rwenyika ino. Jehovha akati kuna Ezekieri: “Naizvozvo, gomera, iwe mwanakomana womunhu, gomera pamberi pavo, chiuno chako chivhunike nokuchema kukuru kuvepo. Zvino kana vachiti kwauri: Unogomera neiko? uti kwavari: Nemhaka yamashoko, nokuti anouya; mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarira, anouya, achaitika—ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” (Ezekieri 21:6, 7; Mateo 24:30) Zviitiko zvinotyisa zviri pamberi apa chaipo. Kuitira hanya kwedu kukuru vanhu biyedu kunotisunda kuzivisa nyevero, kutaura nezve“mashoko” ehasha dzaJehovha dzinouya.
16. Nokuda kwavanyoro, nei mamiriro ezvinhu ari nani kupfuura izvo vazhinji vanofunga?
16 Panguva imwe cheteyo, nokuda kwavanyoro zvinhu zviri nani zvikuru kupfuura izvo vanhu vazhinjisa vanofungidzira. Munzirai? Mukuti Jesu Kristu akafira zvivi zvedu uye zvino anotonga saMambo weUmambo hwaMwari. (1 Timotio 1:15; Zvakazarurwa 11:15) Zvinetso zverudzi rwemunhu zvinoratidzika kuva zvisingapedzwi zvichakurumidza kukurirwa kupfurikidza noUmambo ihwohwo hwokudenga. Rufu, chirwere, ushati, nzara, uye utsotsi zvichava zvinhu zvemunguva yakapfuura, uye Umambo hwaMwari huchatonga husingashorwi paparadhiso yapasi. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Rudzi rwomunhu rwuchafarikanya rugare rwaMwari—ukama hune rugare naJehovha Mwari uye nemumwe nemumwe.—Pisarema 72:7.
17. Iwedzeroi dzinounza mufaro kumwoyo yenhume dzorugare rwaMwari?
17 Mune mamwe mativi enyika, mapoka makuru zvikuru evanyoro ari kugamuchira iri shoko rorugare rwaMwari. Kungodudza mienzaniso mishomanene chete, gore rakapera Ukraine yakashuma wedzero ye17 muzana muvaparidzi. Mozambique yakashuma wedzero ye17 muzana, Lithuania wedzero ye29 muzana. Russia yaiva newedzero ye31 muzana, apo Albania yakava newedzero ye52 muzana muvaparidzi. Wedzero idzodzi dzinomirira makumi ezviuru evanhu vane mwoyo yakatendeseka avo vanoda kufarikanya rugare rwaMwari uye vakatsigira kururama. Kukura kwakadaro kunokurumidza kunounza mufaro kusangano rose reChikristu.
18. Kana vanhu vangateerera kana kuti kwete, chimiro chedu chendangariro chichava chipi?
18 Vanhu vanogamuchira nokudisa kwazvo kwaunogara here? Kana zvakadaro, tinofara newe. Mune dzimwe ndima, kunyange zvakadaro, kunoda maawa akawanda kwazvo ebasa rakaoma kunyange munhu mumwe chete anofarira asati awanwa. Vanobatira mundima dzakadaro vari kurembedza maoko avo kana kuti vari kuora mwoyo here? Aiwa. Zvapupu zvaJehovha zvinoyeuka mashoko aMwari kuna Ezekieri apo Iye akatanga kutuma muporofita wacho muduku kunoparidza kuvaJudha biyake: “Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi (nokuti ivo iimba inondimukira simba), vachaziva kuti muporofita wakanga aripo pakati pavo.” (Ezekieri 2:5) Kufanana naEzekieri, tinoramba tichiudza vanhu pamusoro perugare rwaMwari kana vakapindura kana kuti kwete. Kana vakateerera, tinofadzwa. Kana vakatifuratira, vakatinyomba, kunyange kutitambudza, tinopfuurira. Tinoda Jehovha, uye Bhaibheri rinoti: “Rudo . . . runotsungirira pazvose.” (1 VaKorinte 13:4, 7) Nemhaka yekuti tinoparidza netsungiriro, vanhu vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha ndivanaani. Vanoziva shoko redu. Apo mugumo unosvika, vachaziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakaedza kuvabetsera kuti vafarikanye rugare rwaMwari.
19. Savabatiri vaMwari wechokwadi, iropafadzoi huru yatinokoshesa?
19 Kune imwe ropafadzo huru zvikuru inopfuura kubatira Jehovha here? Aiwa! Mufaro wedu mukurusa unobva muukama hwedu naMwari nokuziva kuti tiri kuita kuda kwake. “Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro. Vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu.” (Pisarema 89:15) Nguva dzose ngatikoshese mufaro wokuva nhume dzaMwari dzerugare kurudzi rwomunhu. Ngatiitei rutivi rwedu nekushingaira mubasa irori kutozosvikira Jehovha ati zvaitwa.
Unoyeuka Here?
◻ Ndivanaani vari nhume dzaMwari dzorugare nhasi?
◻ Tinoziva sei kuti Bhabhironi Guru rakawa muna 1919?
◻ Itiro hanya huru ye“vazhinjizhinji” ndeipi?
◻ Nei nguva yemberi ichityisa zvikuru kupfuura izvo vanhu vazhinjisa nhasi vanofungidzira?
◻ Nokuda kwevane mwoyo yakarurama, nei nguva yemberi ichigona kuva iri nani kupfuura izvo vanofunga?
[Mifananidzo iri papeji 21]
Apo vanoona kuipa kuri kuita nzanga yevanhu, vazhinji vanonzwa pfungwa yokuti chimwe chinhu chakaipa chichaitika
[Mifananidzo iri papeji 23]
Nhume dzorugare rwaMwari ndidzo vanhu vanofara zvikurusa pasi pano nhasi