Ngatibatisisei Kutenda Kwedu Kunokosha!
“Kune vakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha.”—2 PETRO 1:1.
1. Jesu akatii paainyevera vaapostora vake, bva Petro akazvikudza achitii?
MANHERU Jesu asati afa, akataura kuti vaapostora vake vose vaizomuramba. Mumwe wavo, Petro, akaganza achiti: “Kana vose vakagumburwa kwamuri, ini handingatongogumburwi.” (Mateo 26:33) Asi Jesu aiziva zvaizoitika chaizvo. Ndokusaka akaudza Petro panguva iyoyo kuti: “Ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeuka, usimbise hama dzako.”—Ruka 22:32.
2. Pasinei zvapo nokunyanyozvivimba kwaPetro, zviitoi zvakaratidzira kuti kutenda kwake kwakanga kusina kusimba?
2 Petro, uyo akanga anyanyovimba kutenda kwake, akaramba Jesu usiku ihwohwo chaihwo. Katatu akaramba kuti aitomboziva Kristu! (Mateo 26:69-75) Paaka“tendeuka,” mashoko aTenzi wake, “usimbise hama dzako,” anofanira kuve akaayeuka aayeukazve. Upenyu hwose hwaPetro hwakanga hwasara hwakachinjwa zvikuru nezano iroro, sezvinoratidzwa netsamba mbiri dzaakanyora, idzo dzakachengetwa muBhaibheri.
Chakakonzera Kuti Petro Anyore Tsamba Dzake
3. Nei Petro akanyora tsamba yake yokutanga?
3 Anenge makore 30 pashure porufu rwaJesu, Petro akanyora tsamba yake yokutanga, achiinyorera hama dzake dzaiva muPonto, Garatia, Kapadokia, Asia, uye Bhitinia, nharaunda dzinoumba kuchamhembe nokumadokero kweTurkey panguva ino. (1 Petro 1:1) VaJudha, vamwe vavo vangave vakava vaKristu paPentekosta ya33 C.E., pasina mubvunzo vaive pakati pevakanyorerwa naPetro. (Mabasa 2:1, 7-9) Vazhinji vaiva Vemamwe Marudzi vakanga vachitambudzwa zvinotyisa nevashori vavo. (1 Petro 1:6, 7; 2:12, 19, 20; 3:13-17; 4:12-14) Naizvozvo Petro akanyorera hama idzi kuti adzikurudzire. Vavariro yake yaiva yokuvabatsira kugamuchira “chinovavarirwa nokutenda [kwavo], ndirwo ruponeso rwemweya [yavo].” Nokudaro, muzano rake rokupedzisira, akakurudzira kuti: “Mumudzivisei [Dhiyabhorosi], makamira nesimba pakutenda.”—1 Petro 1:9; 5:8-10.
4. Nei Petro akanyora tsamba yake yechipiri?
4 Gare gare, Petro akanyora tsamba yechipiri kuvaKristu ivava. (2 Petro 3:1) Nei? Nemhaka yokuti paiva netyisidziro yakatokura zvikuru. Vanhu vane unzenza vaiedza kutsigira mufambiro wavo wakaipa pakati pavatendi ndokutsausa vamwe! (2 Petro 2:1-3) Uyezve, Petro akanyevera nezvevaseki. Akanga anyora mutsamba yake yokutanga kuti “kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo,” uye zvino vamwe vangangodaro vakanga vachiseka pfungwa yacho. (1 Petro 4:7; 2 Petro 3:3, 4) Ngatinzverei tsamba yaPetro yechipiri kuti tione kuti yakasimbisa sei hama kuramba dzakatsiga mukutenda. Munyaya ino yokutanga, ticharangarira 2 Petro ganhuro 1.
Donzo Reganhuro 1
5. Petro anogadzirira sei varavi vake kurukurirano yezvinetso?
5 Petro haangotanga nokutaura zvinetso zvakakomba. Panzvimbo pezvo, anogadzirira kukurukura zvinetso izvi kupfurikidza nokuwedzera kuonga kwevaravi vake zvavakagamuchira pavakava vaKristu. Anovayeuchidza nezvezvipikirwa zvinoshamisa zvaMwari uye zvekuvimbika kwouporofita hweBhaibheri. Anoita izvozvi kupfurikidza nokuvaudza nezvekushandurwa kwechitarisiko, chiono chaakazvionera chaKristu ari musimba rouUmambo.—Mateo 17:1-8; 2 Petro 1:3, 4, 11, 16-21.
6, 7. (a) Tinogona kudzidzei musumo yetsamba yaPetro? (b) Kana tikapa zano, pane dzimwe nguva zvingabetsera kana tikabvumei?
6 Tinogona kudzidza chidzidzo musumo yaPetro here? Zano haringagamuchirwi zvikuru kana tikatanga tahwirudzura navateereri mativi etariro yakaisvonaka yoUmambo atinokoshesa pamwe chete navo here? Uye zvakadini nokushandisa chakaitika chomunhu oga? Sezvingabvira, pashure porufu rwaJesu, Petro aiwanzotaura nezvekuona chiono chaKristu musimba roUmambo.—Mateo 17:9.
7 Yeukawo, kuti zvingangodaro kuti, panguva iyo Petro akanyora tsamba yake yechipiri, Evhangeri yaMateo netsamba yomuapostora Pauro kuvaGaratia zvakanga zvaparadzirwa zvikuru. Naizvozvo kukundikana kwaPetro nechinyorwa chake chokutenda zvingave zvakanga zvava kuzivikanwa zvikuru nevanhu vaairarama navo panguva iyoyo. (Mateo 16:21-23; VaGaratia 2:11-14) Zvisinei, izvozvi hazvina kubvisa kusununguka kwake kwokutaura. Zvirokwazvo, zvingave zvakaita kuti tsamba yake ifadze zvikuru kune avo vakanga vachiziva zvikuru utera hwavo. Naizvozvo, pakubatsira avo vane zvinetso, hazvingavi zvinoshanda here kubvuma kuti isuwo tinokanganisa?—VaRoma 3:23; VaGaratia 6:1.
Kwaziso Inosimbisa
8. Petro angangodai akashandisa shoko rokuti “kutenda” mupfungwai?
8 Parizvino rangarira kwaziso yaPetro. Anodudza nokukurumidza nhau yokutenda, achitaura nezvevaravi vake se“vakagoverwa kutenda kumwe nokwedu.” (2 Petro 1:1) Pano kutaura kwokuti “kutenda” sezvingabvira kunoreva “chitendero chakasimba” uye zvitendero zvose kana kuti dzidziso dzechiKristu, izvo zvinombodzi muMagwaro “zvokwadi.” (VaGaratia 5:7; 2 Petro 2:2; 2 Johane 1) Shoko rokuti “kutenda” rinowanzoshandiswa mupfungwa iyi panzvimbo pepfungwawo zvayo yekuvimba zvakakwana nemunhu kana kuti chinhu.—Mabasa 6:7; 2 VaKorinte 13:5; VaGaratia 6:10; VaEfeso 4:5; Judhasi 3.
9. Nei kukwazisa kwaPetro kwakafadza Vemamwe Marudzi?
9 Kwaziso yaPetro inofanira kuve yaifadza varavi Vemamwe Marudzi. vaJudha vakanga vasina ukama neVemamwe Marudzi, uye kuvenga Vemamwe Marudzi kwaivapo pakati pavaJudha avo vakanga vava vaKristu. (Ruka 10:29-37; Johane 4:9; Mabasa 10:28) Bva, Petro, akaberekwa ari muJudha uye aiva muapostora waJesu Kristu, akataura kuti varavi vake—vaJudha neVemamwe Marudzi—vaiva nokutenda kumwe uye vaifarikanya ropafadzo yakaenzana neyake.
10. Tinogona kudzidza zvidzidzoi mukukwazisa kwaPetro?
10 Funga nezvezvidzidzo zvinokosha zvatinodzidziswa nekwaziso yaPetro nhasi. Mwari haasaruri; haadi rumwe rudzi kupfuura rumwe. (Mabasa 10:34, 35; 11:1, 17; 15:3-9) Sezvakadzidziswa naJesu pachake, vaKristu vose ihama, uye hapana mumwe wedu anofanira kunzwa akakwirira. Uyezve, kukwazisa kwaPetro kunosimbisa kuti zvirokwazvo tiri hama dzomunyika yose, dzine kutenda “kumwe” nekwaiva naPetro nevamwe vaapostora.—Mateo 23:8; 1 Petro 5:9.
Zivo Nezvipikirwa zvaMwari
11. Pashure pekukwazisa kwake, Petro akasimbisa zvinhui zvinokosha?
11 Pashure pokukwazisa kwake, Petro anonyora kuti: “Nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe.” Nyasha norugare zvinogona sei kuwedzerwa kwatiri? “Pakuziva Mwari naJesu, Ishe wedu,” anopindura kudaro Petro. Ipapo anoti: “Nesimba roumwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa paupenyu napakunamata Mwari.” Asi tinogamuchira sei izvi zvinhu zvinokosha? “Nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka.” Nokudaro Petro kaviri anosimbisa kuti kuziva Mwari zvakarurama noMwanakomana wake zvinokosha.—2 Petro 1:2, 3; Johane 17:3.
12. (a) Nei Petro achisimbisa kukosha kwezivo yakarurama? (b) Kuti tifarikanye zvipikirwa zvaMwari, tinofanira kutanga kuitei?
12 “Vadzidzisi venhema” avo Petro anonyevera nezvavo muganhuro 2 vanoshandisa “mashoko amanomano” kuti vatsause vaKristu. Nenzira iyi vanoedza kuvanyengera kuti vadzokere kuunzenza kwavakanunurwa. Zvinoitika kune avo vakaponeswa kupfurikidza no“kuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu” uye vanozotsauswa nokunyengera kwakadaro zvakaoma. (2 Petro 2:1-3, 20) Sezviri pachena achikarira kukurukura chinetso ichi gare gare, Petro anosimbisa pakuvamba chaipo petsamba yake zvinoitwa nezivo yakarurama kuti munhu arambe ane ukama hwakachena naMwari. Petro anotaura kuti Mwari “akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa umwari.” Bva, kuti tifarikanye izvi zvipikirwa, zvinova rutivi rwunokosha rwokutenda kwedu, anodaro Petro, tinofanira kutanga ta“tiza kuora kuri panyika nokuchiva.”—2 Petro 1:4.
13. VaKristu vakazodzwa ne“mamwe makwai” vose vari vaviri vakatsunga kubatisisei?
13 Unorangarira sei zvipikirwa zvaMwari? Sezvinoita vaKristu vakazodzwa here? Muna 1991, Frederick Franz, aiva purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society panguva iyoyo, uyo akanga aita ushumiri hwenguva yakazara kwemakore anopfuura 75, akataura manzwire anoita avo vane tariro yokunotonga naKristu achiti: “Takashinga kusvikira kunguva ino chaiyo, uye ticharamba tichipfuurira kushinga kusvikira Mwari anyatsoratidza kuti anochengeta ‘zvipikirwa zvake zvinokosha uye zvakaisvonaka.’” Hama Franz vakaramba vachivimba nechipikirwa chaMwari chokumutsirwa kudenga, uye vakabatisisa kutenda kwavo kutozosvikira rufu rwavo pazera ramakore 99. (1 VaKorinte 15:42-44; VaFiripi 3:13, 14; 2 Timotio 2:10-12) Nenzira yakafanana, mamiriyoni ari kubatisisa kutenda, achiramba akanangidzira ngwariro yawo pachipikirwa chaMwari cheparadhiso yapasi umo vanhu vachararama nokusingaperi mumufarwa. Uri mumwe waivava here?—Ruka 23:43; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kuteerera Zvipikirwa zvaMwari
14. Nei Petro akaronga kunaka sevara rokutanga rinofanira kuwedzerwa pakutenda?
14 Tinoonga Mwari nokuda kwezvaakapikira here? Kana zvakadaro, Petro anokurudzira kuti, tinofanira kuzviratidza. “Zvino nemhaka iyi” (nemhaka yokuti Mwari akatipa zvipikirwa zvinokosha zvikuru), tinofanira kuita nhamburiko chaiyo yokuita chiito. Hatigoni kugutsikana nokungova chete nokutenda kana kuti nokungoziva chete chokwadi cheBhaibheri. Izvozvo hazvina kukwana! Zvichida muzuva raPetro vamwe vaiva muungano vakataura zvakawanda pamusoro pokutenda asi vakabatanidzwa mumufambiro wounzenza. Mufambiro wavo waifanira kuva wakanaka, naizvozvo Petro anokurudzira kuti: “Wedzerai kunaka pakutenda kwenyu.”—2 Petro 1:5; Jakobho 2:14-17.
15. (a) Nei zivo ichirongwa pashure pokunaka sevara rinofanira kuwedzerwa pakutenda? (b) Mamwei mavara achatishongedzera kubatisisa kutenda?
15 Pashure pokududza kunaka, Petro anoronga mamwe mavara matanhatu ayo anofanira kugoverwa, kana kuti kuwedzerwa, pakutenda kwedu. Rimwe nerimwe raiwawa rinodiwa kana tichizo“[mira] nesimba pakutenda.” (1 VaKorinte 16:13) Nemhaka yokuti vakaramba kutenda vakanga vachi‘monyanisa Magwaro’ vachi“nyengera,” Petro anotevera kuronga zivo seinokosha, achiti: “Pakunaka wedzerai kuziva.” Ipapo anopfuurira achiti: “Pakuziva [wedzerai], kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari; napakunamata Mwari, kuda vatendi.”—2 Petro 1:5-7; 2:12, 13; 3:16.
16. Chii chichaitika kana mavara anorongwa naPetro akawedzerwa pakutenda, asi chii chichaitika kana akasanzarwo?
16 Chii chichaitika kana izvi zvinhu zvinomwe zvikawedzerwa pakutenda kwedu? “Nokuti kana [imi] mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa,” Petro anopindura kudaro, “zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko pakuziva [zvakarurama, NW] Ishe wedu, Jesu Kristu.” (2 Petro 1:8) Kune rimwe divi, Petro anoti: “Nokuti munhu, asina izvozvi ibofu, unoona zviri pedyo bedzi, wakanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.” (2 Petro 1:9) Cherekedza kuti Petro anochinja kushandiswa kwa“imi” na“wedu” achiti “munhu,” uye “zvake.” Kunyange zvazvo, nenzira inosuruvarisa, vamwe vari mapofu, vakanganwa, uye vasina kuchena, Petro nenzira yomutsa haarevi kuti muravi mumwe waivava.—2 Petro 2:2.
Kusimbisa Hama Dzake
17. Chii chingave chakakonzera kukurudzira kwaPetro kuita “izvozvi”?
17 Zvichida achiziva kuti vatsva zvikurukuru vanogona kunyengerwa zviri nyore, Petro anovakurudzira netsitsi kuti: “Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi.” (2 Petro 1:10; 2:18) VaKristu vakazodzwa vanowedzera pakutenda kwavo izvi zvinhu zvinomwe vachafarikanya mubayiro mukuru, seizvo Petro anotaura: “Muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muushe husingaperi hwaShe wedu, noMuponesi Jesu Kristu.” (2 Petro 1:11) “Mamwe makwai” achagamuchira nhaka isingaperi munzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari.—Johane 10:16; Mateo 25:33, 34.
18. Nei Petro achida “kuyeudza” hama dzake [nguva dzose]?
18 Petro nomwoyo wose anoda kuti mubayiro wakadaro wakaisvonaka uve wehama dzake. “Saka,” anonyora kudaro, “handingaregi kukuyeudzai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva henyu, uye makasimba pazvokwadi yamunayo.” (2 Petro 1:12) Petro anoshandisa shoko rechiGiriki rokuti ste·riʹzo, rinoshandurwa pano kuti “makasimba” asi rinoshandurwa kuti “usimbise” muzano raJesu raakambopa Petro achiti: “Usimbise hama dzako.” (Ruka 22:32) Kushandiswa kweshoko iroro kungareva kuti Petro anoyeuka zano rine simba raakagamuchira kunaShe wake. Petro zvino anoti: “Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhenakeri ino ndikumutsei nokukuyeudzai; ndichiziva kuti kubviswa kwetabhenakeri yangu kwava pedyo, sezvandakaratidzwa naShe wedu Jesu Kristu.”—2 Petro 1:13, 14.
19. Tinoda betseroi nhasi?
19 Kunyange zvazvo Petro achitaura nomutsa kuti varavi vake “[v]akasimba pazvokwadi,” anoziva kuti kutenda kwavo kunogona kuparara. (1 Timotio 1:19) Sezvo achiziva kuti achakurumidza kufa, anosimbisa hama dzake kupfurikidza nokududza zvinhu zvavanogona kuyeuka gare gare kuti vazvichengete vakasimba mumudzimu. (2 Petro 1:15; 3:12, 13) Nenzira yakafanana, isu nhasi tinoda zviyeuchidzo zvenguva dzose zvokuramba takasimba mukutenda. Pasinei zvapo nokuti tiri ani kana kuti tave tiri muchokwadi kwenguva yakareba sei, hatigoni kurega kurava Bhaibheri nguva dzose, kufunda somunhu oga, uye kupinda misangano yeungano. Vamwe vanopa zvikonzero zvokusapinda, vachitaura kuti vakaneta zvikuru kana kuti misangano inongodzokorora zvinhu zvimwe chete kana kuti haisi kuitwa zvakanka, asi Petro aiziva kuti tose tinogona kurasikirwa nokutenda kwedu kana tikanyanyozvivimba.—Marko 14:66-72; 1 VaKorinte 10:12; VaHebheru 10:25.
Hwaro Hwakasimba Hwokutenda Kwedu
20, 21. Kushandurwa chitarisiko kwakasimbisa sei kutenda kwaPetro nevaravi vetsamba dzake, kubatanidza isu nhasi?
20 Takangovakira kutenda kwedu pangano dzakafungwa nouchenjeri here? “Hatina,” Petro anopindura zvakasimba, “kutevera ngano dzakufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona umambo hwake.” Petro, Jakobho, uye Johane vaive naJesu pavakaona chiono chake ari musimba roUmambo. Petro anotsanangura kuti: “Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya inzwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira. Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.”—2 Petro 1:16-18.
21 Apo Petro, Jakobho, naJohane vakaona chiono ichocho, zvirokwazvo Umambo hwakava chaihwoihwo kwavari! “Uye,” Petro anodaro, “tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera.” Hongu, varavi vetsamba yaPetro, kubatanidza nesu nhasi, tine chikonzero chakasimba chokuteerera uporofita hwoUmambo hwaMwari. Tinofanira kuteerera munzirai? Petro anopindura kuti: “Somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu.”—2 Petro 1:19; Dhanieri 7:13, 14; Isaya 9:6, 7.
22. (a) Mwoyo yedu inoda kuramba yakangwadzwa kuchii? (b) Tinopa ngwariro sei kushoko rouporofita?
22 Mwoyo yedu ingava rima kana tisina kupenya kweshoko rouporofita. Asi kupfurikidza nokuriteerera, mwoyo yevaKristu yakaramba yakamuka kusvikira mambakwedza ezuva apo “nyamasase,” Jesu Kristu, anosimuka mumbiri yoUmambo. (Zvakazarurwa 22:16) Isu nhasi tinoteerera sei shoko rouporofita? Kupfurikidza nokufunda Bhaibheri, kupfurikidza nokugadzirira ndokutora rutivi mumisangano, uye kupfurikidza noku‘fungisisa zvinhu izvi, uye kuzvishandisa.’ (1 Timotio 4:15) Kana shoko rouporofita richizova somwenje unopfuta “mune rima” (mwoyo yedu), tinofanira kuribvumira kutichinja zvakakwana—zvishuvo zvedu, mafungire, zvinotisunda, uye vavariro. Tinoda kuva vadzidzi veBhaibheri, nokuti Petro anogumisa ganhuro 1 achiti: “Hakuna uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu; Hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.”—2 Petro 1:20, 21.
23. Ganhuro rokutanga ra2 Petro rakagadzirira varavi vake kuitei?
23 Muganhuro rokutanga retsamba yake yechipiri, Petro akagovera kurudziro yakasimba nokuda kwedu kuti tibatisise kutenda kwedu kunokosha. Zvino takagadzirira kurangarira nhau dzinokosha dzinotevera. Nyaya inotevera ichakurukura ganhuro 2 rebhuku ra2 Petro, umo muapostora Petro anobata nechinetso chevanhu vaikurudzira unzenza vakanga vapinda muungano.
Unoyeuka Here?
◻ Nei Petro achisimbisa kukosha kwezivo yakarurama?
◻ Chii chingava chikonzero chokuti kunaka kunorongwa sevara rokutanga rinofanira kuwedzerwa pakutenda?
◻ Nei Petro achifarira kuyeuchidza hama dzake nguva dzose?
◻ Petro anogovera hwaroi hwakasimba hwokutenda kwedu?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Kutadza kwaPetro hakuna kumuita kuti asiye kutenda kwake