Sakurira Mudzimu Wokuonga
MUMWE chiremba muNew York State anoponesa upenyu hwaMarie mumamiriro ezvinhu anoda betsero yokukurumidza. Asi Marie ane makore 50 okukura haaongi chiremba wacho uyewo haabhadhari mari yaanofanira. Kusaonga chaiko kwakadini!
Bhaibheri rinorondedzera kuti pane imwe nguva, paakapinda mune mumwe musha, Jesu akasangana navarume gumi vakanga vane hosha yakashata yemaperembudzi. Vakadanidzira kwaari namanzwi makuru vachiti: “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!” Jesu akarayira kuti: “Endai mundozviratidza kuvaprista.” Vane maperembudzi vacho vakagamuchira nhungamiro yake, uye pavakanga vari munzira, vakatanga kuona uye kunzwa kuti utano hwavo hwadzorerwa.
Vapfumbamwe vevane maperembudzi vakarapwa vakapfuurira kuenda. Asi mumwe waiva namaperembudzi, muSamaria, akadzokera kunotsvaka Jesu. Uyu aimbova namaperembudzi akarumbidza Mwari, uye paakawana Jesu, akawira patsoka dzake, achimuonga. Mukupindura Jesu akati: “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko? Hapana wakawanikwa wadzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?”—Ruka 17:11-19.
Chidzidzo chinokosha chinowanwa mumubvunzo wokuti: “Vapfumbamwe varipiko?” Kufanana naMarie, vaiva namaperembudzi vapfumbamwe vaiva nechikanganiso chakakomba—havana kuratidza kuonga. Kusaonga kwakadaro kwakapararira zvikuru nhasi. Ndechipi chiri chikonzero cheizvi?
Chikonzero Chikuru Chokusaonga
Kusaonga kunobva zvikurukuru muudyire. Rangarira vabereki vedu vokutanga vavanhu, Adhama naEvha. Jehovha akavasika vane mavara aMwari uye akavagovera zvinhu zvose kuti vafare, kubatanidza musha waiva bindu rakaisvonaka, mhoteredzo dzakakwana, uye basa rine revo nerinogutsa. (Genesi 1:26-29; 2:16, 17) Asi, mudzvinyiriro yaSatani yokufadza udyire hwavo, savaroorani vakava vasingateereri ndokuzvidza rupo rwaJehovha.—Genesi 3:1-5; Zvakazarurwa 12:9.
Rangarirawo vanhu vomuIsraeri yakare, vakanga vasarudzwa naMwari kuti vave vanhu vake chaivo. Vabereki vose vaiva vaIsraeri vanofanira kuva vakafara zvikuru pausiku hwaNisani 14, 1513 B.C.E.! Pausiku ihwohwo hunokosha, ngirozi yaMwari yakauraya “matangwe ose avanhu panyika yeEgipita” asi yakapfuura dzimba dzakanga dzakaiswa zviratidzo zvakarurama dzavaIsraeri. (Eksodho 12:12, 21-24, 30) Uye pavakanunurwa muuto raFarao paGungwa Dzvuku, nemwoyo yakazara nokuonga, ‘Mosesi navanakomana vaIsraeri vakatanga kuimbira Jehovha.’—Eksodho 14:19-28; 15:1-21.
Kunyange zvakadaro, mavhiki mashomanene chete pashure pokubuda muEgipita, “ungano yose yavana vaIsraeri [ya]kapopot[a].” Vakakurumidza kuva vasingaongi sei! Vakasuwa ku“[gara] pahari dzenyama, [va]chidya zvingwa [va]chiguta,” zvavakanga vafarikanya muEgipita, nyika youranda hwavo. (Eksodho 16:1-3) Nenzira yakajeka, udyire hunorwisana nokusakurira uye kuratidzira kuonga.
Zvavari vazukuru vaAdhama akatadza, vanhu vose vanoberekwa vane kaudyire uye murangariro wokusaonga. (VaRoma 5:12) Kusaonga rutiviwo rwomudzimu woudyire unodzora vanhu vomunyika ino. Kufanana nemhepo yatinofema, mudzimu iwoyo uri kwose kwose, uye unotitapura. (VaEfeso 2:1, 2) Ipapoka, tinofanira kusakurira murangariro wokuonga. Tingazviita sei?
Kufungisisa Kunodikanwa!
Webster’s Third New International Dictionary rinorondedzera kuonga se“chimiro chokuva anoonga: ane mutsa uye ane ushamwari kune munhu anobetserwa chinosunda munhu kuti adzorere nyasha.” Murangariro haugoni kuvhurwa nokuvharwa somuchina; unofanira kubuda mukati momunhu usingasundwi. Kuonga kunopfuura kungoratidzirawo zvako tsika dzakanaka kana kuti mufambiro wakanaka; kunobva pamwoyo.
Tinogona sei kudzidza kuonga zvinobva pamwoyo? Bhaibheri rinoti zvakawanda zvezvatinonzwa imhaka yezvatinosarudza kufunga. (VaEfeso 4:22-24) Kudzidza kuonga kunotanga nokufungisisa nenzira yokuonga pamusoro pomutsa watinogamuchira. Maererano neizvi, Dr. Wayne W. Dyer, uyo anoshandira zveutano hwendangariro, anoti: “Haugoni kunzwa (murangariro) pasina kutanga kuva nemufungo.”
Somuenzaniso, rangarira nhau yokuonga chisiko chakatipoteredza. Paunotarira denga rakazara nyeredzi pausiku husina makore, unonzwa sei pamusoro pezvauri kuona? Mambo Dhavhidhi akataura kushamisika kwaainzwa: “Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko, zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?” Uye kwakati zii usiku, nyeredzi dzakadanidzira kuna Dhavhidhi, dzichimusunda kuti anyore kuti: “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.” Nei matenga ane nyeredzi akatapura Dhavhidhi zvikuru kudaro? Iye pachake anopindura kuti: “Ndinofungisisa zvose zvamakaita; ndinofunga basa ramaoko enyu.”—Pisarema 8:3, 4; 19:1; 143:5.
Mwanakomana waDhavhidhi Soromoni akaongawo kukosha kwokufunga pamusoro pezvishamiso zvechisiko. Somuenzaniso, pamusoro porutivi rwunoitwa namakore emvura mukunyorovesa pasi redu, akanyora kuti: “Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.” (Muparidzi 1:7) Naizvozvo zvinodaro kuti pashure pokunge mvura nenzizi zvanyorovesa pasi, mvura dzazvo dzinodzorerwa kumakore dzichibva mumakungwa. Pasi rino ringadai rakaita sei pasina kucheneswa nokudzorerwa kwemvura? Soromoni anofanira kuva akaonga zvikuru paaifungisisa mifungo iyi!
Munhu anoonga anokoshesawo ukama hwake nemitezo yemhuri, shamwari, uye vaanozivana navo. Zviito zvavo zvomutsa zvinobata ngwariro yake. Sezvaanorangarira nokuonga nyasha dzavo, anonzwa achionga pamwoyo.
Kuratidza Kuonga
Shoko rokuti “mazvita” riri nyore zvakadini! Zviri nyore kwazvo kutaura shoko iroro. Uye mikana yokuita kudaro yakawanda. Kuti Mazvita henyu kwoushamwari uye kwechokwadi kunozorodza zvakadini munhu anotizarurira musuo kana kuti kutinhongera chimwe chinhu chatadonhedza! Kunzwa kutaura ikoko kunogona kuita kuti basa ramabharani womuchitoro kana kuti rahweta wechikadzi paresitorendi kana kuti munhu anounza tsamba rive nyore uye rinofadza zvikuru.
Kutumira makadhi okuonga inzira yakanaka yokuratidza nayo kuonga mabasa omutsa. Makadhi akawanda anowanika muzvitoro anotaura mirangariro yacho zvakaisvonaka zvikuru. Asi hakungavi kuratidza rudo kwomunhu oga kuwedzera mashoko okuonga norunyoro rwako pachako here? Vamwe vanotosarudza kurega kadhi rakadhindwa, panzvimbo pezvo vachitumira katsamba kaduku.—Enzanisa naZvirevo 25:11.
Sezvingabvira, avo vakafanirwa zvikurusa nokuonga kwedu ndivo vari pedyosa nesu pamusha. Bhaibheri rinoti nezvomudzimai anoita zvakanaka: “Murume wake unomurumbidza.” (Zvirevo 31:28) Kutaura kwomwoyo wose kwokuonga kunoitwa nomurume kumudzimai wake hakupariri rugare negutsikano pamusha here? Uye murume haafariwo kuuya kumba kuzokwaziswa nenzira youshamwari uye yokuonga nomudzimai wake here? Mazuva ano, zvinetso zveroorano zvakawanda, uye apo zvinetso zvinowanda, hasha dzinovapo nyore nyore. Munhu ane murangariro wokuonga akagadzirira kubvumira mhosho uye anokurumidza kufuratira ndokukanganwira.
Pwerewo dzinofanira kungwarira kugovera vabereki vadzo kutaura kwomwoyo wose kwokuonga. Chokwadika, vabereki havana kukwana, asi ichocho hachisi chikonzero chokusaonga zvavakakuitira. Rudo nengwariro zvavakapa kubvira pakuberekwa kwako hazvigoni kutengwa. Kana vakakudzidzisa kuziva Mwari, une chikonzero chakawedzera chokuonga.
“Vana inhaka inobva kuna Jehovha,” rinodaro Pisarema 127:3. Naizvozvo vabereki vanofanira kutsvaka mikana yokurumbidza vana vavo panzvimbo pokuvanetsa pamusoro pezvinhu zviduku. (VaEfeso 6:4) Uye iropafadzo yakadini yavanayo yokubetsera vaduku vavanotarisira kuti vasakurire mudzimu wokuonga!—Enzanisa naZvirevo 29:21.
Kuonga Mwari
Jehovha Mwari ndiye Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Chipo choupenyu ndicho chinokosha zvikuru, nokuti zvinhu zvose zvatinazvo kana kuti zvatingaronga zvichava zvisingakoshi kana tikarasikirwa noupenyu. Magwaro anotikurudzira kuyeuka kuti “[kuna Jehovha Mwari] ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:5, 7, 9; Mabasa 17:28) Kuti tisakurire mwoyo unoonga kuna Mwari, tinofanira kufungisisa gadziriro dzake dzorupo dzinotsigira upenyu hwedu hwenyama nehwomudzimu. (Pisarema 1:1-3; 77:11, 12) Mwoyo wakadaro uchatisunda kuratidza kuonga mumashoko nezviito.
Munyengetero ndeimwe nzira iri pachena yokuratidza nayo kuonga kwedu kuna Mwari. Wezvamapisarema Dhavhidhi akazivisa kuti: “Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, nemifungo yenyu kwatiri; hapana ungaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.” (Pisarema 40:5) Ngatisundwei nenzira yakafanana.
Dhavhidhi akanga atsungawo kuratidza Mwari kuonga kwake kupfurikidza nemashoko aaitaura nevamwe. Akati: “Ndichaonga Jehovha nomwoyo wangu wose; ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.” (Pisarema 9:1) Kutaura nevamwe pamusoro paMwari, kutaura isu pachedu kupfurikidza nokugoverana navo chokwadi chinobva muShoko rake, zvimwe ndiyo nzira yakanakisisa yokumuratidza nayo kuonga kwedu. Uye izvi zvichatibetsera kuonga zvikuru mune mamwe mativi oupenyu.
“Munhu, unobayira chibayiro chokuonga, unondikudza; uye unogadzira nzira yake zvakanaka ndichamuratidza kuponesa,” Jehovha anodaro. Iva nomufaro unobva mukuratidza kuonga kwako kwomwoyo wose kwaari.—Pisarema 50:23; 100:2.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Upenyu chipo chinobva kuna Mwari. Iva nechokwadi chokuwedzerera mashoko ako pachako