Kuonga Kuungana kwechiKristu
“Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu.”—VAHEBHERU 10:24, 25.
1, 2. (a) Nei iri ropafadzo kupinda kuungana kwevaKristu vechokwadi? (b) Jesu ari pakuungana kwavateveri vake mupfungwai?
IROPAFADZO yakadini kupinda kuungana kwechiKristu, kungava kwakaumbwa navasingasviki gumi kana kuti zviuru zvinoverengeka zvevanamati vaJehovha, nokuti Jesu akati: “Pakaungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo”! (Mateo 18:20) Chokwadi, paaiita chipikirwa ichocho, Jesu akanga ari kutaura nhau dzokutonga dzaifanira kubatwa zvakarurama naavo vaitungamirira muungano. (Mateo 18:15-19) Asi mashoko aJesu anogonawo kushandiswa senheyo pakuungana kwose kwechiKristu kunovhurwa nokuvharwa nomunyengetero muzita rake here? Hungu. Yeuka, apo Jesu akatuma vateveri vake kuti vaite basa rokuita vadzidzi, akapikira kuti: “Tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.”—Mateo 28:20.
2 Hapagoni kuva nokupokana kuti Musoro weungano yechiKristu, Ishe Jesu Kristu, anofarira zvikuru kuungana kwose kwavateveri vake vakatendeka. Uyezve, tinogona kuva nechokwadi chokuti anavo kupfurikidza nomudzimu mutsvene waMwari. (Mabasa 2:33; Zvakazarurwa 5:6) Jehovha Mwariwo anofarira kuungana kwedu pamwe chete. Chinangwa chikuru chemisangano yakadaro ndechokuti rumbidzo iendeswe kuna Mwari “paungano.” (Pisarema 26:12) Kupinda kwedu misangano yeungano ufakazi hwokumuda kwedu.
3. Tinoonga kuungana kwechiKristu nokuda kwezvikonzeroi zvinokosha?
3 Pane zvimwe zvikonzero zvakanaka nei tichionga kuungana kwechiKristu. Asati abva pasi pano, Jesu Kristu akagadza vadzidzi vake vakazodzwa kuti vaite se“muranda wakatendeka, wakangwara” mukugovera zvokudya zvomudzimu zvakakodzera nguva kuimba yokutenda. (Mateo 24:45) Imwe nzira inokosha iyo kudya kwomudzimu kwakadaro kunoitika nayo ndeyokupfurikidza nemisangano yeungano pamwe chete nekuungana kukuru—magungano nekokorodzano. Ishe Jesu Kristu anotungamirira uyu muranda akatendeka kuti agovere mashoko anokosha pakuungana kwakadaro nokuda kwavose vanoda kupukunyuka mugumo wetsika ino yakaipa ndokuwana upenyu munyika itsva yakarurama yaMwari.
4. “Itsika” (NW) ipi ine ngozi inodudzwa muBhaibheri, uye chii chichatibetsera kuidzivisa?
4 Nokudaro, hapana muKristu anogona kutsunga kutanga tsika ine ngozi yakataurwa nomuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.” (VaHebheru 10:24, 25) Kufungisisa pamusoro peropafadzo nebetsero zvokupinda kuungana kwechiKristu zvichatibetsera kutsigira kuungana kwakadaro nokuvimbika uye nomwoyo wose.
Misangano Inovaka
5. (a) Kutaura kwedu kunofanira kuva netapuro ipi pamisangano? (b) Nei tisingafaniri kunonoka kukoka vanofarira kuti vapinde misangano?
5 Sezvo vaKristu vachinyengeterera mudzimu mutsvene waJehovha kuti vashingaire pamisangano yechiKristu, munhu mumwe nomumwe anopinda anofanira kuita zvaanogona kuti ashande mutsinhirano nomudzimu uye asa“chemedza Mweya Mutsvene waMwari.” (VaEfeso 4:30) Apo muapostora Pauro akanyora mashoko iwayo akafuridzirwa, akanga ari kukurukura kushandiswa kwakarurama kwokutaura. Zvatinotaura nguva dzose zvinofanira kushandiswa ku“simbisa pakafanira, [zvi]vigire nyasha avo vanonzwa.” (VaEfeso 4:29) Izvi zvinokosha zvikurukuru pakuungana kwechiKristu. Mutsamba yake kuVaKorinte, Pauro akasimbisa kudikanwa kwokuti misangano ivake, irayiridze, uye ikurudzire. (1 VaKorinte 14:5, 12, 19, 26, 31) Vose vanenge varipo vanobetserwa nemisangano yakadaro, kubatanidza vapindi vatsva, avo vangasanogumisa kuti: “Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo.” (1 VaKorinte 14:25) Nokuda kwechikonzero ichi, hatifaniri kunonoka kukoka vachangobva kufarira kuti vaungane nesu, nokuti kuita kudaro kuchakurumidzisa kufambira mberi kwavo kwomudzimu.
6. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinobetsera kuita kuti musangano uvake?
6 Vose vanogoverwa hurukuro, bvunzurudzo, kana kuti mienzaniso pamusangano wechiKristu vanoda kuva nechokwadi chokuti kutaura kwavo kuri zvose zviri zviviri kunovaka uye kunotsinhirana neShoko raMwari rakanyorwa, Bhaibheri. Mukuwedzera pakutaura zvakarurama, tinofanira kutaura mirangariro inotsinhirana nounhu hune rudo hwaMwari naKristu. Kana vose vanopa mativi papurogiramu yomusangano vakangwarira kuratidzira ‘zvibereko zvomudzimu waMwari,’ zvakadai somufaro, mwoyo murefu, uye kutenda, ipapo vose vanenge varipo vachanzwa vavakwa zvirokwazvo.—VaGaratia 5:22, 23.
7. Vanhu vose vanopinda vanogona sei kubetsera kuungana kunovaka?
7 Kunyange zvazvo vashomanene bedzi vangava namativi papurogiramu pamisangano yeungano, vose vanogona kubetsera kuungana kunofadza. Kazhinji kazhinji pane mikana yokuti vateereri vapindure mibvunzo. Idzi inhambo dzokuzivisa kutenda kwedu pachena. (VaRoma 10:9) Hadzimbofaniri kushandiswa somukana wokutsigira pfungwa dzedu dzomunhu oga, kudada pamusoro pezvatakaita somunhu oga, kana kuti kutsoropodza watinotenda naye. Izvozvo hazvingachemedzi mudzimu waMwari here? Kusawirirana navatinotenda navo kunobatwa zvakanakisisa muri moga nomudzimu worudo. Bhaibheri rinoti: “Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.” (VaEfeso 4:32) Mukana wakaisvonaka zvakadini watinopiwa nokuungana kwechiKristu kuti tishandise iri zano rakaisvonaka! Nechinangwa ichocho, vakawanda vanokurumidza kusvika pamisangano uye vanononoka kuenda pashure pokunge yapera. Izvi zvinobetserawo vachangobva kufarira, avo vanoda chaizvoizvo kunzwa vachifarirwa. Nokudaro vaKristu vose vakazvitsaurira vane basa rokuita mukuita kuti misangano ive inovaka kupfurikidza noku‘rangarirana uye kunyandurirana kurudo namabasa akaisvonaka.’
Gadzirira Zvakanaka
8. (a) Vamwe vanorega zvimwe zvinhu zvipi zvinorumbidzwa kuti vapinde misangano? (b) Jehovha anogadza muenzaniso upi somufudzi?
8 Nepo zvingava nyore zvikuru kuti vamwe vapinde kuungana kwechiKristu, nokuda kwavamwe zvinoda kuramba uchirega zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, vamwe mai vechiKristu avo vanofanira kushanda kunyika kuti vabetsere kugovera zvinodikanwa zvemhuri yavo kazhinji kazhinji vanouya kumba vachibva kubasa vaneta. Ipapo vangafanira kugadzira zvokudya ndokubetsera vana vavo kugadzirira misangano. Vamwe vaKristu vangafanira kufamba madaro marefu kuti vasvike kumisangano, kana kuti vangaganhurirwa noundonda kana kuti kukwegura. Zvirokwazvo, Jehovha Mwari anonzwisisa mamiriro ezvinhu omupindi wemisangano mumwe nomumwe akatendeka, sezvo mufudzi ane rudo achinzwisisa zvinodikanwa chaizvo zvegwai rimwe nerimwe riri mudanga rake. “[Jehovha] uchaunganidza boka rake somufudzi,” Bhaibheri rinodaro “uchaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, uchanatsa kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.”—Isaya 40:11.
9, 10. Tingabetserwa zvikuru sei nemisangano?
9 Avo vanofanira kurega zvimwe zvinhu zvikuru kuitira kuti vagova pamisangano nguva dzose vangaganhurirwa munguva yavanogona kupedza vachigadzirira mashoko acharangarirwa. Kufambirana norudungwe rwevhiki nevhiki rwokurava Bhaibheri kunoita kuti kupinda Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari kuunze mibayiro zvikuru. Nenzira yakafanana, kugadzirira pachine nguva mberi mimwe misangano, yakadai seFundo yeNharireyomurindi neFundo Yebhuku yeUngano, zvinoita kuti iyoyi ibetsere zvikuru. Kupfurikidza nokurava mashoko achafundwa pachine nguva mberi uye kupfurikidza nokurangarira mamwe emagwaro eBhaibheri akanyorwa, avo vane mamiriro ezvinhu emhuri anorayira nguva vachava vakagadzirira kuva negoverano ine revo mukurukurirano idzi dzinokosha zvikurusa dzeBhaibheri.
10 Vamwe, vane mamiriro ezvinhu anoganhurira zvishoma, vanogona kupedzera nguva yakawanda mukugadzirira misangano. Somuenzaniso, vanogona kunzvera magwaro akanyorwa asi asina kunokorwa mashoko. Nokudaro vose vanogona kugadzirira kubetserwa zvikuru nemisangano uye kuva negoverano yakaisvonaka mukuvaka ungano kupfurikidza nehurukuro dzavo netsinhiro. Kupfurikidza nokugadzirira zvakanaka, vakuru navabatiri vanoshumira vachagadza muenzaniso wakaisvonaka mukupa mhinduro pfupi, dzakananga. Nemhaka yokuremekedza gadziriro dzaJehovha, avo varipo vachadzivisa miitiro ipi neipi inodzongonyedza apo misangano inenge ichifambira mberi.—1 Petro 5:3.
11. Nei kuzviranga kuchidikanwa kuti tigadzirire misangano?
11 Mibato nevaraidzo zvisingakoshi kuutano hwedu hwomudzimu zvingapedza nguva yedu yakawandisa. Kana zvakadaro, tinofanira kuzvinzvera ndoku“sava mapenzi” pamusoro pokushandisa nguva yedu. (VaEfeso 5:17) Chinangwa chedu chinofanira kuva cho‘kutenga nguva’ muzvinhu zvisingakoshi kuitira kuti tipedzere nguva yakawanda mufundo yeBhaibheri yomunhu oga nokugadzirira misangano, pamwe chete nomubasa roUmambo. (VaEfeso 5:16) Sezvinobvumwa, izvi hazvisi nyore nguva dzose uye zvinoda kuzviranga. Vanhu vaduku vanongwarira izvi vari kuisa hwaro hwakaisvonaka hwokufambira mberi kweramangwana. Pauro akanyorera shamwari yake duku Timotio kuti: “Shingaira pazvinhu izvi, [zano raPauro kuna Timotio]; uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose.”—1 Timotio 4:15.
Mienzaniso yomuShoko raMwari
12. Muenzaniso upi wakatanhamara wakagadzwa nemhuri yaSamueri?
12 Rangarira muenzaniso wakaisvonaka wakagadzwa nemhuri yaSamueri, iyo nguva dzose yaitora rutivi mugadziriro dzokuungana nevayainamata navo apo tabhernakeri yaMwari yaive muShiro. Vanhurume bedzi ndivo vaidikanirwa kushanya gore negore kunochengeta mitambo. Asi baba vaSamueri, Erikana, vaienda nemhuri yavo yose chero bedzi va“ikwira gore rimwe nerimwe [v]achibva kuguta ra[vo] kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro.” (1 Samueri 1:3-5) Taundi rokumusha kwaSamueri, Ramataimi-zofimi, sezvingabvira rakanga riri pedyo nemhenderekedzo paRentis yomuzuva razvino mujinga me“nyika yemakomo yaEfraimi.” (1 Samueri 1:1) Nokudaro rwendo rwokuShiro rwaifanira kuva rwakabatanidza rwendo rwemakiromita anenge 30, rwendo rwainetesa mumazuva iwayo. Izvi ndizvo zvaiita mhuri yaErikana nokuvimbika “gore rimwe nerimwe, kana [i]chikwira kuimba yaJehovha.”—1 Samueri 1:7.
13. Ndoupi muenzaniso wakagadzwa navaJudha vakatendeka mukati menguva yaJesu pasi pano?
13 Jesu akakurawo sorutivi rwemhuri huru. Makore ose mhuri yacho yaifamba kubva kuNazareta anenge makiromita 100 nechokumaodzanyemba kuti inopinda mutambo wePaseka muJerusarema. Pane nzira mbiri dzinobvira dzavangadai vakatora. Nzira yakananga zvikuru yaibatanidza materu okupinda muMupata weMegidho uye ipapo mukwidza wemamita anenge 600 kukwidza nomunharaunda yeSamaria uye kuenda kuJerusarema. Imwe nzira yakakurumbira yakanga iri yakatorwa naJesu parwendo rwake rwokupedzisira kuJerusarema muna 33 C.E. Iyoyi yaibatanidza kufamba nomuMupata weJoridhani kusvika pasi pomwero wegungwa kusvikira asvika ku“nyika yeJudhea, nemhiri kwaJoridhani.” (Marko 10:1) Kubva panzvimbo iyi, “nzira [yoku]kwira Jerusarema” idaro remakiromita anenge 30, kubatanidza mukwidza wamamita anopfuura 1 100. (Marko 10:32) Nguva dzose, mapoka evachengeti vakatendeka vemitambo akaita rwendo rwakaoma kubva kuGarirea kuenda kuJerusarema. (Ruka 2:44) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwavabatiri vaJehovha vari munyika dzakabudirira nhasi, vakawanda vavo vanogona kupinda kuungana kwechiKristu zviri nyore, nemhaka yezvifambiso zvamazuva ano!
14, 15. (a) Ana akagadza muenzaniso upi? (b) Tinogona kudzidzei mumurangariro wakaisvonaka wakaratidzirwa navamwe vapindi vatsva vemisangano?
14 Mumwe muenzaniso ndouya wechirikadzi yaiva nemakore 84 okukura Ana. Bhaibheri rinotaura kuti “wakanga asingabvi mutembere.” (Ruka 2:37) Uyezve, Ana akaratidza kufarira vamwe kune rudo. Paakaona mucheche Jesu ndokuziva kuti akanga ari Mesiya akapikirwa, akaitei? Akaonga Mwari ndokutanga “k[u]taura pamusoro pake kuna vose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusarema.” (Ruka 2:38) Murangariro wakaisvonaka zvakadini, muenzaniso wavaKristu nhasi!
15 Hungu, kupinda uye kutora rutivi pamisangano yedu kunofanira kuva kunofadza zvokuti, kufanana naAna, hatimbodi kurega kuvapo. Vatsva vakawanda havagoni kurega kunzwa nenzira iyi. Vachiva vakabuda murima vachipinda muchiedza chaMwari chakaisvonaka, vanoda kudzidza zvose zvavanogona, uye vakawanda vanoratidza mbavarira huru nokuda kwemisangano yechiKristu. Pane rumwe rutivi, avo vava nenguva refu muchokwadi vanofanira kudzivisa ‘kusiya rudo rwavakanga vanarwo pakutanga.’ (Zvakazarurwa 2:4) Zvinetso zvoutano zvakakomba kana kuti zvimwe zvinhu zvisingagoni kudzorwa nomunhu padzimwe nguva zvingaganhurira kupinda misangano. Asi hatimbofaniri kubvumira kudisa pfuma, nhandaro, kana kuti kusafarira kuti zvitiparire kuva vasina kugadzirira, vasingashingairi, kana kuti vapindi vemisangano vasiri venguva dzose.—Ruka 8:14.
Muenzaniso Wakaisvonaka Zvikurusa
16, 17. (a) Ndoupi wakanga uri murangariro waJesu pakuungana kwomudzimu? (b) Itsika ipi yakanaka iyo vaKristu vose vanofanira kuedza kutevera?
16 Jesu akagadza muenzaniso wakatanhamara mukuratidza kuonga kuungana kwomudzimu. Pazera duku ramakore 12, akaratidzira kuda kwake imba yaMwari muJerusarema. Vabereki vake vakamushayiwa asi pakupedzisira vakamuwana achikurukura Shoko raMwari navadzidzisi mutembere. Achipindura kuitira hanya kwavabereki vake, Jesu nenzira yokuremekedza akabvunza kuti: “Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?” (Ruka 2:49) Nenzira yokuzviisa pasi, Jesu muduku akadzokera navabereki vake kuNazareta. Ikoko akapfuurira kuratidza kuda kwake misangano yokunamata kupfurikidza nokupinda pasinagoge nguva dzose. Nokudaro, paakavamba ushumiri hwake, Bhaibheri rinoshuma kuti: “Akasvika paNazareta, paakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.” Pashure pokunge Jesu arava ndokutsanangura Isaya 61:1, 2, vateereri vakavamba ku“shamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make.”—Ruka 4:16, 22.
17 Misangano yechiKristu nhasi inotevera mutoo mumwe chetewo unokosha. Pashure pokunge musangano wavhurwa norwiyo rwokurumbidza nomunyengetero, ndima dzomuBhaibheri (kana kuti ndima dzinonokorwa mumashoko efundo yeBhaibheri) dzinoraviwa ndokutsanangurwa. VaKristu vechokwadi vane mutoro wokutevedzera tsika yakanaka yaJesu Kristu. Kusvika panobvumira mamiriro avo ezvinhu, vanowana mufaro mukuva venguva dzose pakuungana kwechiKristu.
Mienzaniso Yomuzuva Razvino Uno
18, 19. Mienzaniso ipi yakaisvonaka iyo hama dziri munyika dzakabudirira zvishomanene dzinogadza pamusoro pemisangano, magungano, uye kokorodzano?
18 Mumativi akabudirira zvishomanene apasi, hama dzedu nehanzvadzi dzakawanda dzinogadza muenzaniso wakaisvonaka wokuonga kuungana kwechiKristu. MuMozambique zvakatorera mutariri wedunhu, Orlando, uye mudzimai wake, Amélia, maawa 45 kufamba makiromita anenge 90 pamusoro pegomo refu kuti vabatire gungano. Ipapo vaifanira kufamba rwendo rwakafanana vachidzokera kunobatira gungano raitevera. Orlando akashuma nokuzvininipisa kuti: “Takanzwa sokuti hapana zvatakanga taita patakasangana nehama dzaibva kuUngano yeBawa. Kuti dzipinde gungano ndokudzokera kumisha yadzo zvaibatanidza rwendo rwamazuva matanhatu rwamakiromita anenge 400 netsoka, uye pakati padzo pakanga pane hama yaiva namakore 60 okukura!”
19 Zvakadini nokuonga misangano yeungano yevhiki nevhiki? Kashwashwa Njamba ihanzvadzi iri ndonda yava nemakore ari muma70. Anogara muKaisososi, musha muduku makiromita mashanu kubva kuHoro yoUmambo muRundu, Namibia. Kuti apinde misangano, anofamba anenge makiromita gumi kuenda nokudzoka nomusango. Vamwe vakabirwa munzira iyoyi, asi Kashwashwa anoramba achiuya. Misangano yakawanda zvikurusa inoitwa mumitauro yaasinganzwisisi. Naizvozvo anobetserwa sei nokupinda? “Kupfurikidza nokutevera magwaro,” Kashwashwa anodaro, “ndinoedza kuwana kuti hurukuro iri kutaura nezvei.” Asi haagoni kurava, naizvozvo anotevera sei magwaro? “Ndinoteerera magwaro andinoziva nomusoro,” anopindura kudaro. Uye mumakore apfuura, akachengeta magwaro akati wandei mundangariro yake. Kuti avandudze mano ake okushandisa Bhaibheri, anopinda kirasi yokudzidza kurava nokunyora yakarongwa neungano. “Ndinoda kupinda misangano,” anodaro. “Nguva dzose pane zvinhu zvitsva zvinofanira kudzidzwa. Ndinoda kusonganirana nehama nehanzvadzi. Kunyange zvazvo ndisingagoni kutaura nadzo dzose, nguva dzose dzinouya ndokundikwazisa. Uye zvinokosha zvikurusa, ndinoziva kuti kupfurikidza nokupinda misangano, ndiri kufadza mwoyo waJehovha.”
20. Nei tisingafaniri kurega kuungana kwedu kwechiKristu?
20 Kufanana naKashwashwa, mamiriyoni evanamati vaJehovha mupasi rose anoratidza kuonga kunorumbidzwa kwekuungana kwechiKristu. Sezvo nyika yaSatani yakananga kuparadzwa kwayo, hatigoni kutsunga kurega kuungana kwedu pamwe chete. Panzvimbo pezvo, ngatirambei takamuka mumudzimu ndokuratidza kuonga kukuru misangano, magungano, uye kokorodzano. Izvozvo hazvizongofadzi mwoyo waJehovha bedzi asi zvichatibetsera zvikuru sezvatinotora dzidziso yaMwari inotungamirira kuupenyu husingagumi.—Zvirevo 27:11; Isaya 48:17, 18; Marko 13:35-37.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Nei iri ropafadzo kupinda kuungana kwechiKristu?
◻ Vateereri vose vanogona sei kubetsera kuti musangano uvake?
◻ Muenzaniso upi wakatanhamara wakagadzwa naJesu Kristu?
◻ Chidzidzo chipi chinogona kudzidzwa kuhama dziri munyika dzakabudirira zvishomanene?
[Bhokisi riri papeji 17]
Vanoonga Misangano Yevhiki Nevhiki
Mamiriyoni avanhu anogara mumaguta akazadzwa nourombo noutsotsi. Pasinei zvapo nemamiriro ezvinhu akadaro, vaKristu vechokwadi pakati pawo vanoratidza kuonga kuungana kwechiKristu kunorumbidzwa. Mumwe mukuru anobatira mune imwe yeungano dzeSoweto dzeGauteng, South Africa, anoshuma kuti: “Muungano ine Zvapupu 60 nevaparidzi vasina kubhabhatidzwa, tine pakati pe70 ne80, uye pane dzimwe nguva vanopfuura, vanopinda misangano yedu. Kunyange zvazvo hama nehanzvadzi dzisingafambi kuenda kure kuti dzipinde, mamiriro ezvinhu murutivi rwuno rweSoweto akaoma. Imwe hama yakabayiwa kumusana payakanga ichifamba kuenda kumusangano. Hanzvadzi dzinenge mbiri dzakabatwa nevanhu vaiedza kudzibira. Asi izvi hazvivaregedzesi kuuya. Misi yeSvondo, tinova nokurovedza nziyo kwenguva pfupi pashure pokunge tavhara musangano nomunyengetero. Vasiri pasi pe95 muzana nguva dzose vanosara ndokuimba nziyo dzose dzichashandiswa mumisangano vhiki inotevera yacho. Izvi zvinobetsera vachangobva kufarira kuti vadzidze nziyo ndokuimbawo.”
Vanhu vanogara kumaruwa vane dzimwe mhinganidzo, dzakadai semadaro marefu avanofanira kufamba kuti vapinde misangano katatu pavhiki. Vamwe varoorani vanofarira vanogara makiromita 15 kubva paHoro yoUmambo muLobatse, Botswana. Gore rakapfuura, vakapinda misangano nguva dzose nevana vavo vaviri. Murume wacho anogadzira shangu kuti atsigire mhuri. Mudzimai wacho anotengesa zvinhu zviduku kuti awedzere mari yemhuri kuitira kuti vagogona kubhadhara mari yechokufambisa yokuenda nokudzoka kumisangano.
Mamwe manheru ezhizha, pashure pomusangano nomutariri wedunhu, mhuri iyi yakazviwana yashayiwa chokufambisa iri pachiteshi chebhazi na9:00 p.m. Mabhazi akanga akurumidza kurega kufamba nemhaka yemamiriro ekunze akaipa. Mumwe mupurisa akamisa motokari yake ndokubvunza chavakanga vari kuita. Paakanzwa nezvenhamo yavo, akavanzwira tsitsi ndokuvaendesa nemotokari rwendo rwamakiromita 15 kuenda kumba. Mudzimai wacho, uyo ari muparidzi asina kubhabhatidzwa, akati kumurume wake: “Ona, kana tikaisa misangano pakutanga, Jehovha anogovera nguva dzose.” Zvino murume wacho akataura chishuvo chokuvawo muparidzi wamashoko akanaka.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Zvapupu zvakadai seizvi zviri muRomania zvinogadza muenzaniso wakaisvonaka wokuonga kuungana kwechiKristu