Kuraramazve Mumazuva Okupedzisira aJesu Pasi Pano
IZUVA rechinomwe romwedzi wechiJudha Nisani mugore ra33 C.E. Fungidzira kuti uri kucherechedza zviri kuitika muruwa rweRoma rweJudhea. Achisiya Jeriko nebundo rayo rakasvibira, Jesu Kristu nevadzidzi vake vari kufamba vachikwira nomumugwagwa une guruva, unomonereka. Vamwe vafambi vakawanda vari kukwirawo kuJerusarema nokuda kwekuchengetwa kwegore negore kwePaseka. Zvisinei, zvinopfuura uku kukwira makata kunonetesa zviri mupfungwa dzevadzidzi vaKristu.
VaJudha vave vachishuva Mesiya uyo anogona kuunza rusununguko kubva kujoko reRoma. Vakawanda vanodavira kuti Jesu weNazareta Muponesi iyeye akanguri amirirwa. Kwemakore matatu nehafu, ave achitaura pamusoro poUmambo hwaMwari. Aporesa vanorwara nokudyisa vane nzara. Hongu, anyaradza vanhu. Asi vatungamiriri vorudzidziso vari kushatirwa nemhaka yokushorwa kwavo kunorwadza naJesu uye vakatsunga kuti aurawe. Asi, hoyo, ari kufamba zvake madiro achikwira nomugwagwa wakaoma ari pamberi pevadzidzi vake.—Marko 10:32.
Sezvo zuva rinopota seri kweGomo reMiorivhi riri mberi, Jesu neshamwari dzake vanosvika mumusha weBhetania, uko vachapedzera usiku hutanhatu hunotevera. Ikoko vanovachingamidza ishamwari dzavo dzinodiwa Razaro, Maria, uye Marta. Manheru anovazorodza kubva parwendo rwunopisa uye anovamba Sabata raNisani 8.—Johane 12:1, 2.
Nisani 9
Pashure peSabata, Jerusarema rine zhowezhowe nemhaka yezviri kuitika. Zviuru zvevashanyi zvatoungana kare muguta nokuda kwePaseka. Asi ruzha rwatinonzwa rwunopfuura rwunochimbovapo nguva ino yegore. Mapoka anoda kuziva ari kumhanyira kumasuo eguta nemumigwagwa miduku. Sezvo vanokweshana kuti vabude nomumasuo akazarisa, chiono chakadini chavanosangana nacho! Vanhu vakawanda vanofara vari kudzika muGomo reMiorivhi mumugwagwa unobva Bhetfage. (Ruka 19:37) Izvi zvose zvinorevei?
Tarira! Jesu weNazareta anouya akatasva mwana wembongoro. Vanhu vanowaridza zvipfeko mumugwagwa pamberi pake. Vamwe vanovheyesa mapazi manyoro emichindwe uye vanodaidzira nomufaro kuti: “Ngaarumbidzwe unouya muzita raShe, Mambo wavaIsraeri.”—Johane 12:12-15.
Sezvo boka rinoswedera pedyo neJerusarema, Jesu anotarira guta uye anoshushikana zvikuru. Anovamba kuchema, uye tinomunzwa achifanotaura kuti guta iri richaparadzwa. Apo Jesu anosvika patemberi nguva pfupi gare gare, anodzidzisa mapoka nokuporesa mapofu nevanhu vakaremara vanouya kwaari.—Mateo 21:14; Ruka 19:41-44, 47.
Izvi hazviitiki zvisingacherechedzwi nevapristi vakuru nevanyori. Vanonyangadzwa sei nokuona zvinhu zvinoshamisa izvo Jesu anoita uye mufaro wemapoka! Vasingakwanisi kuviga hasha dzavo, vaFarise vanorayira kuti: “Mudzidzisi, rayirai vadzidzi venyu.” “Ndinokuudzai,” Jesu anopindura kudaro, “Kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.” Asati asimuka, Jesu anocherechedza mibato yokutengeserana mutemberi.—Ruka 19:39, 40; Mateo 21:15, 16; Marko 11:11.
Nisani 10
Jesu anokurumidza kusvika patemberi. Nezuro, hapana zvaaigona kuita kunze kwokutsamwiswa nokutengeswa kukuru kwokunamatwa kwaBaba vake, Jehovha Mwari. Nokushingaira kukuru, naizvozvo, anovamba kudzingira panze avo vanotenga nokutengesa mutemberi. Ipapo anopidigura matafura evatsinhanisi vemari vane udyire nemabhenji evanotengesa njiva. “Kwakanyorwa kuchinzi,” Jesu anodaro, “‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi munoiita bako ramakororo.”—Mateo 21:12, 13.
Vapristi vakuru, vanyori, uye varume vakuru havachagoni kushivirira zviito nokudzidzisa pachena kwaJesu. Vane shungu sei dzokumuuraya! Asi vanotadziswa neboka nemhaka yokuti vanhu vanoshamiswa nekudzidzisa kwaJesu uye vanoramba vaka“munamatira, vachimunzwa.” (Ruka 19:47, 48) Sezvo manheru anosvika, Jesu neshamwari dzake vanofarikanya rwendo rwunofadza rwokudzokera kuBhetania kuti vave nokuzorora kwakanaka usiku.
Nisani 11
Mangwanani-ngwanani, uye Jesu nevadzidzi vake vatova munzira inopfuura nomuGomo reMiorivhi vachienda kuJerusarema. Sezvavanosvika patemberi, vapristi vakuru nevarume vakuru vanokurumidza kusvika Jesu. Chichakajeka mundangariro dzavo chiito chake chokudzinga vatsinhanisi vemari nevatengesi mutemberi. Vavengi vake vanorayira noukasha kuti: “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?” “Neniwo ndichakubvunzaiwo shoko rimwe,” Jesu anopindurawo. “Kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi: Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here?” Vachiungana pamwe chete, vavengi vanotaurirana kuti: “Kana tikati, kudenga, uchati kwatiri: Makagoregererei kumutenda? Asi kana tikati, Kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johane muporofita.” Vagumirwa, vanopindura vakaneta kuti: “Hatizivi.” Jesu anopindura akaterama kuti: “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.”—Mateo 21:23-27.
Vavengi vaJesu zvino vanoedza kumuteya kuti ataure chimwe chinhu chavanogona kuzomusungisa nacho. “Munhu unotenderwa,” vanobvunza kudaro, “kuripira Kesari mutero here, kana kwete?” “Ndiratidzei mari yomutero,” Jesu anopindura kudaro. Anobvunza kuti: “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” “ZvaKesari,” vanodaro. Achivashayisa zano, Jesu anotaura zvakajeka kuti vose vanzwe kuti: “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”—Mateo 22:15-22.
Ashayisa vavengi vake romuromo nekutaura kusina mubvunzo, Jesu zvino anovamba kufumura pamberi pemapoka nevadzidzi vake. Teerera sezvo anoshora nokusatya vanyori nevaFarise. “Saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo nokuti vanotaura, asi havaiti.” Noushingi, anotaura nhevedzano yenhamo pavari, achivazivisa semapofu evatungamiriri nevanyengeri. “Imi nyoka, imi vana venyoka,” Jesu anodaro, “Muchatiza seiko kutonga kweGehena?”—Mateo 23:1-33.
Uku kutuka kunorwadza hakurevi kuti Jesu haaoni mavara akanaka evamwe. Gare gare, anoona vanhu vachidonhedzera mari muchivigiro chemari chetemberi. Zvinoorora sei kuona chirikadzi ine urombo ichidonhedzera zvose zvaiiraramisa—mari duku mbiri dzoukoshi huduku zvikuru! Nokuonga kwoushamwari, Jesu anotsanangura kuti, chaizvoizvo, adonhedzera zvakatowanda kupfuura vose vaisa mipiro mikuru “vachitora pazvizhinji zvavo.” Netsitsi dzake huru, Jesu anoonga zvikuru zvipi kana zvipi izvo munhu anokwanisa kuita.—Ruka 21:1-4.
Zvino Jesu ari kubva mutemberi kokupedzisira. Vamwe vevadzidzi vake vanotsinhira pamusoro porunako rwayo, kuti “yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo.” Vanoshamisika, sezvo Jesu anopindura kuti: “Mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingawisirwi pasi.” (Ruka 21:5, 6) Sezvo vaapostora vanotevera Jesu vachibuda muguta rakazarisa, vanonetseka kuti angadaro ari kurevei.
Zvisinei, gare gare Jesu nevaapostora vake vanogara ndokufarikanya rugare norunyararo zveGomo reMiorivhi. Sezvo vanocherechedza runako rwechitarisiko cheJerusarema netemberi, Petro, Jakobho, Johane, uye Andrea vanoda kutsanangurirwa zvinhu zvinokatyamadza zvakataurwa naJesu pamusoro penguva yemberi. “Tiudzei,” vanodaro, “Kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?”—Mateo 24:3; Marko 13:3, 4.
Mukupindura Mudzidzisi Mukuru anopa uporofita hunoshamisa zvirokwazvo. Anofanotaura hondo dzinotyisa, kudengenyeka kwepasi, kuperevedza kwezvokudya, uye nhenda. Jesu anofanotaurawo kuti mashoko akanaka oUmambo achaparidzwa mupasi rose. “Ipapo,” anonyevera kuti, “kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvika zvino, uye hakuchazovipo.”—Mateo 24:7, 14, 21; Ruka 21:10, 11.
Vaapostora vana vanonyatsoteerera sezvo Jesu anokurukura mamwe mativi e‘chiratidzo chokuvapo kwake.’ Anosimbisa kudikanwa kweku“rinda.” Nemhaka yei? “Nokuti,” anodaro, “hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.”—Mateo 24:42; Marko 13:33, 35, 37.
Iri rave riri zuva risingakanganwiki kuna Jesu nevaapostora vake. Chaizvoizvo, izuva rokupedzisira roushumiri hwaJesu hwapachena asati asungwa, aedzwa, uye aurawa. Sezvo nguva yapera, vanovamba kufamba daro pfupi vachidzoka nomugomo vachienda kuBhetania.
Nisani 12 na13
Jesu anopedza Nisani 12 murunyararo nevadzidzi vake. Anoziva kuti vatungamiriri vorudzidziso vane shungu dzokumuuraya, uye haadi kuti vamutadzise kuchengeta Paseka manheru anotevera. (Marko 14:1, 2) Zuva rinotevera, Nisani 13, vanhu vari mushishi kuita gadziriro dzokupedzisira dzePaseka. Mukuvamba chaiko kwemasikati, Jesu anotuma Petro naJohane kunogadzirira Paseka nokuda kwavo mukamuri repamusoro muJerusarema. (Marko 14:12-16; Ruka 22:8) Zuva risati ranyatsonyura, Jesu nevamwe vaapostora vane gumi vanosangana ikoko nokuda kwekuchengeta kwavo Paseka kwokupedzisira.
Nisani 14, Pashure Pokunyura Kwezuva
Jerusarema rine chiedza chisina kunyatsojeka chorubvunzavaeni sezvo mwedzi wejenaguru unobuda nepamusoro peGomo reMiorivhi. Mukamuri guru rine fenicha, Jesu nevane 12 vakagara patafura yakashongedzwa. “Ndakanga ndichida zvikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika,” anodaro. (Ruka 22:14, 15) Pashure penguva yakati vaapostora vanoshamiswa kuona Jesu achisimuka nokuisa zvipfeko zvake zvokunze parutivi. Achitora tauro nedhishi remvura, anovamba kugeza tsoka dzavo. Chidzidzo chisingakanganwiki zvakadini chokuzvininipisa!—Johane 13:2-15.
Zvisinei, Jesu anoziva kuti mumwe wevarume ava—Judhasi Iskariyoti—atoronga kumutengesa kuvatungamiriri vorudzidziso. Nenzira inonzwisisika, anotambudzika zvikuru. “Mumwe wenyu uchandipandukira,” anotaura kudaro. Vaapostora vanotambudzika zvikuru kwazvo pamusoro paizvozvi. (Mateo 26:21, 22) Pashure pokuchengeta Paseka, Jesu anoudza Judhasi kuti: “Zvaunoita, ita uchikurumidza.”—Johane 13:27.
Judhasi angobva bedzi, Jesu anotanga chokudya chokuchengeta rufu rwake rwunokurumidza kusvika. Anotora chingwa chisina mbiriso, anoonga mumunyengetero, anochimedura, uye anorayira vane 11 kuchidya. “Ichi muviri wangu,” anodaro, “unopiwemi, itai izvi, mugondirangarira.” Ipapo anotora mukombe wewaini tsvuku. Pashure pokukomborera, anovatambidza mukombe, achivaudza kuti vanwe. Jesu anowedzera kuti: “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.”—Ruka 22:19, 20; Mateo 26:26-28.
Mukati memanheru iwayo anokosha, Jesu anodzidzisa vaapostora vake vakatendeka zvidzidzo zvakawanda zvinokosha, uye pakati pazvo kukosha kwokuda hama. (Johane 13:34, 35) Anovavimbisa kuti vachagamuchira “mubetseri,” mudzimu mutsvene. Uchavayeuchidza zvinhu zvose zvaakavaudza. (Johane 14:26) Gare gare mumanheru, vanofanira kuve vakakurudzirwa zvikurusa kunzwa Jesu achivanyengeterera nomwoyo wose. (Johane, ganhuro 17) Pashure pokuimba nziyo dzekurumbidza, vanobuda mukamuri repamusoro ndokutevera Jesu vachipinda mumhepo inotonhorera yepakati pousiku.
Vachiyambuka Mupata weKedroni, Jesu nevaapostora vake vanoenda kune imwe yenzvimbo dzavanonyanyofarira, bindu reGetsemani. (Johane 18:1, 2) Vaapostora vake pavanomirira, Jesu anoenda chinhambwe chipfupi kunonyengetera. Dzvinyiriro yake yendangariro inopfuura izvo mashoko anogona kurondedzera sezvo anokumbira Mwari nomwoyo wose kuti abatsirwe. (Ruka 22:44) Pfungwa yacho pachayo yoruzvidzo rwaizotutirwa pana Baba vake vanodiwa vokudenga kana akakundikana inomurwadza zvakakomba.
Jesu haasati atombopedza kunyengetera kwacho apo Judhasi Iskariyoti anosvika neboka rakatakura mapakatwa, tsvimbo, uye mwenje “Kwaziwai, Rabhi!” anodaro Judhasi, achitsvoda Jesu zvinyoronyoro. Ichi ndicho chiratidzo kuvarume kuti vasunge Jesu. Kamwe kamwe, Petro anosimudza munondo wake ndokucheka nzeve yomuranda womupristi mukuru. “Dzosera munondo wako mumuhara wawo,” anodaro Jesu achiporesa nzeve yemurume wacho. “Vanobata munondo, vachafa nomunondo.”—Mateo 26:47-52.
Zvose zvinoitika nokukurumidza kwazvo! Jesu abatwa nokusungwa. Murutyo nokuvhiringidzika, vaapostora vanosiya Tenzi wavo ndokutiza. Jesu anoendeswa kuna Anasi, aichimbova mupristi mukuru. Ipapo anoendeswa kuna Kayafasi, mupristi mukuru aripo, kuti atongwe. Mumaawa epakuvamba emangwanani, Sanihedhrini inotongera Jesu zvenhema mhaka yokutuka. Tevere, Kayafasi anoita kuti aendeswe kuna gavhuna weRoma Pontio Pirato. Anotumira Jesu kuna Herodhe Antipasi, mutongi weGarirea. Herodhe nevarindiri vake vanonyomba Jesu. Ipapo anodzoserwa kuna Pirato. Kusava nemhaka kwaJesu kunosimbiswa naPirato. Asi vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vanomudzvinyirira kuti atongere Jesu rufu. Pashure pokutukwa nokurohwa, Jesu anoburitswa oendeswa kuGorogota uko anorovererwa noutsinye padanda rokutambudzira ndokutambura rufu rwunorwadza.—Marko 14:50-15:39; Ruka 23:4-25.
Ingadai yakava nhamo yakaipisisa munhau kudai rufu rwaJesu rwakaunza mugumo wechigarire kuupenyu hwake. Nenzira inofadza, hazvina kudaro. Pana Nisani 16, 33 C.E., vadzidzi vake vakashamiswa kuwana kuti akanga amutswa kuvakafa. Pashure penguva yakati, vanhu vanopfuura 500 vakakwanisa kubvumikisa kuti Jesu akanga ava mupenyu zvakare. Uye mazuva 40 pashure porumuko rwake, boka revateveri vakatendeka rakamuona achikwira kudenga.—Mabasa 1:9-11; 1 VaKorinte 15:3-8.
Upenyu hwaJesu Newe
Izvi zvinokutapura sei—zvirokwazvo, tose zvedu? Zvisinei, ushumiri hwaJesu, rufu, uye rumuko zvinorumbidza Jehovha Mwari uye zvinokosha pakushanda kwedonzo Rake guru. (VaKorose 1:18-20) Zvinokosha zvikuru kwatiri mukuti zvivi zvedu zvinogona kukanganwirwa pahwaro hwechibayiro chaJesu uye nokudaro tinogona kuva neukama hwomunhu oga naJehovha Mwari.—Johane 14:6; 1 Johane 2:1, 2.
Kunyange vakafa vorudzi rwomunhu vanotapurwa. Rumuko rwaJesu rwunovhura nzira yokuti vave vapenyuzve muParadhiso yapasi yakapikirwa yaMwari. (Ruka 23:39-43; 1 VaKorinte 15:20-22) Kana uchida kuziva zvakawanda pamusoro penhau dzakadaro, tinokukoka kuti upinde Chirangaridzo chorufu rwaJesu pana April 11, 1998, paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri munharaunda yenyu.
[Bhokisi riri papeji 6]
“Bako Remakororo”
JESU aiva nechikonzero chakanaka chokutaura kuti vatengesi vane udyire vakanga vachinja temberi yaMwari kuva “bako remakororo.” (Mateo 21:12, 13) Kuti vabhadhare mutero yetemberi, vaJudha nevapuroserite vaibva kune dzimwe nyika vaifanira kutsinhanisira mari yavo yekumwe kumari inogamuchirwa. Mubhuku rake rinonzi The Life and Times of Jesus the Messiah, Alfred Edersheim anotsanangura kuti vatsinhanisi vemari vaiwanzoitira bhizimisi ravo mumaruwa pana Adhari 15, kwasara mwedzi kuti Paseka iitwe. Kutanga pana Adhari 25, vaipinda munzvimbo yetemberi muJerusarema kuti vaite mari nekupinda kwevaJudha vakawanda nevapuroserite. Vatengesi vaiita bhizimisi raibudirira, vachibhadharisa chidimbu chiri chose chemari chaichinjwa. Kunongedzera kwaJesu kwavari semakororo kunokarakadza kuti mitengo yavo yakanga yakanyanyisa kwazvo zvokuti vaiva, chaizvoizvo, vachibira varombo mari.
Vamwe vaisagona kuunza mhuka dzavo vamene dzechibayiro. Munhu upi noupi aiita kudaro aifanira kuita kuti mhuka yake inzverwe nemuongorori patemberi—achibhadhara. Vachida kudzivisa kurambirwa mhuka yavo pashure pokunge vabva nayo kure, vakawanda vaitenga yaka“tenderwa” nevaRevhi kuvatengesi vane uipi vaiva patemberi. “Vanhuwo zvavo varombo vakawanda vaigumwa ipapo somuzhanje,” inodaro imwe nyanzvi.
Pane ufakazi hunoratidza kuti aichimbova mupristi mukuru Anasi nemhuri yake vaiwana mhindu kuvatengesi vomutemberi. Manyoro avanaRabhi anotaura nezve“nzvimbo dzokutengesera [dzomutemberi] Zvitoro zvevanakomana vaAnasi.” Mhindu yaiwanika kubva kuvatsinhanisi vemari nokutengeswa kwemhuka mukati menhandare dzetemberi kwaiva kumwe kwaibva mari yavo kukuru. Imwe nyanzvi inotaura kuti chiito chaJesu chokudzinga vatengesi “chakanga chisina kunangidzirwa kwete bedzi pamukurumbira wevapristi asi pahomwe dzavo.” Kunyange zvazvo zvingave zvakadaro, vavengi vake chokwadi vaida kumuuraya!—Ruka 19:45-48.
[Chati iri papeji 4]
Mazuva Okupedzisira Oupenyu hwaJesu Somunhu
Nisani 33 C.E. Zviitiko Munhu Mukurusa*
7 Chishanu Jesu nevadzidzi vake 101, ndima 1
vanofamba kubva kuJericho
kuenda kuJerusarema Nisani 7
anowirirana neSvondo, April 5,
1998, kunyange zvazvo mazuva
echiHebheru aivamba manheru
kusvika kune mamwe manheru)
8 Chish. manheru Jesu nevadzidzi vake vanosvika 101,
kuBhetania; Sabata rinotanga ndima 2-4
Chitanhatu Sabata (Muvhuro, April 6, 1998) 101, ndima 4
9 Chitanh. Zvokudya naSimioni 101,
manheru wemaperembudzi; Maria anozodza ndima 5-9
Jesu nardho; vakawanda vanobva
kuJerusarema kuzoona nokunzwa
Jesu
Svondo Kupinda kworukundo 102
muJerusarema; anodzidzisa
mutemberi
10 Muvhuro Rwendo rwemangwanani 103, 104
rwokupinda muJerusarema;
anochenesa temberi; Jehovha
anotaura kubva kudenga
11 Chipiri MuJerusarema, anodzidzisa 105 kusvika
mutemberi achishandisa ku112
mienzaniso; anofumura vaFarise; ndima 1
anocherechedza chipo
chechirikadzi; anopa chiratidzo
chokuvapo kwake kwomunguva
yemberi
12 Chitatu Zuva rakanyarara nevadzidzi 112,
muBhetania; Judhasi anoronga ndima 2-4
kutengesa
13 China Petro naJohane vanogadzirira 112, ndima 5
Paseka muJerusarema; Jesu kusvika ku113
nevamwe vaapostora vane gumi ndima 1
vanotevera mukupera kwemasikati
(Chitanhatu, April 11, 1998)
14 China manheru Kuchengeta Paseka; Jesu anogeza 113, ndima 2
tsoka dzevaapostora; Judhasi kusvika
anoenda kunotengesa Jesu; Kristu ku117
anovamba Chirangaridzo chorufu
rwake (Pashure pokunyura kwezuva,
Chitanhatu, April 11, 1998)
Pashure Kutengesa nokusungwa mubindu 118 kusvika
pepakati reGetsemani; vaapostora ku120
vanotiza;pousikukutongwa
nomupristi mukuru
neSanihedhrini; Petro anoramba
Jesu
Chish. kubuda Pamberi peSanihedhrini zvakare; 121-127
kwezuva– kuna Pirato, ipapo kuna Herodhe, ndima 7
kunyura kwezuva ipapo kudzoka kuna Pirato;
kutongerwa rufu; kurovererwa;
kuvigwa
15 Chitanhatu Sabata; Pirato anobvumira 127,
varindi veguva raJesu ndim.8-10
16 Svondo Jesu anomutswa 128
* Dzakarongwa pano inhamba dzinozivisa maganhuro ari mubhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Nokuda kwechati ine nongedzero dzine udzame dzeMagwaro eushumiri hwaJesu hwokupedzisira, ona “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari . . . ,” peji 290. Mabhuku aya akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.