Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinopemberera misi yazvakachata. Zuva rokuzvarwa kupemberera kuzvarwa kwako. Nokudaro nei zvichipemberera misi yazvakachata zvisingapembereri zuva rokuzvarwa?
Nenzira yakajeka, muKristu haambofaniri hake kupemberera zvose zviri zviviri. Zvisinei, izvozvo hazvirevi kuti zvose zviri zviviri zvinoreva zvakafanana kana kuti vaKristu vanofanira kuona chokutanga (kuchengetwa kwomusi wavakachata) sezvavanoita kupembererwa kwezuva rokuzvarwa.
Sezvaratidzwa, zvinogona kutaurwa kuti kwose kupemberera misi yegore negore nokuti “kupemberera musi” ku‘yeuka musi unoratidzira chiitiko chakati kunoitwa gore negore.’ Kunogona kuva kuchengetwa kwechiitiko chero chipi zvacho—zuva rawakaita tsaona nemotokari, rawakaona kuora kwemwedzi, rawakaenda kunoshambira nemhuri yako, zvichingodaro. Zvakajeka kuti vaKristu havaiti kuti “kupemberera musi” kwose kuve zuva rinokosha kana kuti kuva nepati yokukuyeuka. Munhu anofanira kuongorora mativi echiitiko ndokusarudza zvakakodzera.
Somuenzaniso, Mwari akarayiridza vaIsraeri zvakananga kuti vapemberere zuva rakapfuura ngirozi yake padzimba dzavaIsraeri muEgipita gore roga roga nokuzobuda kwakaita vanhu vake muna 1513 B.C.E. (Eksodho 12:14) Apo vaJudha, kubatanidza Jesu, vakayeukawo kupembererwa kwechiitiko ichocho gore negore, vaizviita vachiteerera murayiridzo waMwari, uye havana kuzviita nepati kana kuti nokupa zvipo. VaJudha vakaonawo kupembererwa kwokutsaurirwazve kwetemberi sokwaikosha. Kunyange kuyeukwa kwechiitiko ichi chenhau kusina kurayirwa muBhaibheri, Johane 10:22, 23 inokarakadza kuti Jesu haana kuona chakaipa nokuchengetwa kwacho. Pakupedzisira, vaKristu vane musangano unokosha pakuchengetwa kwegore negore kworufu rwaJesu. Chokwadika, izvi zvinoitwa nemhaka yokuteerera murayiro wakajeka unowanikwa muShoko raMwari.—Ruka 22:19, 20.
Zvakadiniko nokuchengetwa kwomusi womuchato? Mune dzimwe nyika zvakajairika kuti murume nomudzimai vapemberere musi wokuroorana kwavo, gadziriro yakatangwa naMwari. (Genesi 2:18-24; Mateo 19:4-6) Zvirokwazvo, Bhaibheri hariratidzi roorano seyakashata. Jesu akapinda mutambo womuchato uye akabetsera kuti nhambo yacho ifadze.—Johane 2:1-11.
Nokudaro hazvingashamisi kuti varoorani vangava nenguva yokuyeuka mufaro wechiitiko ichocho uye chisarudzo chavo chokushandira kubudirira sevaroorani pamusi wavakachata. Vanozvisarudzira kana vachida kufunga nezvenhambo iyi inofadza vari voga, sevaroorani bedzi, kana kuti kuva nehama dzokunyama shomanene kana kuti shamwari dzepedyo. Nhambo yacho haifaniri hayo kuva nzira yokuva nokuungana kukuru kwokutandara. Pachiitiko ichi vaKristu vangada kutungamirirwa nemitemo inoshanda mazuva ose oupenyu hwavo. Nokudaro kana munhu achipemberera musi waakachata kana kuti kwete inhau yomunhu oga.—VaRoma 13:13, 14.
Kunyange zvakadaro, zvakadini nokupemberera zuva rokuzvarwa? Pane here muBhaibheri patinoona kupemberera kwakadaro?
Zvakanaka, pakuvamba muzana rino remakore, Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, zvaipemberera mazuva okuzvarwa. Zvakawanda zvazvo zvaichengeta mabhuku maduku ainzi Daily Heavenly Manna. Iwaya aiva norugwaro rweBhaibheri rwezuva rimwe nerimwe, uye vaKristu vakawanda vaiisa kapikicha kaduku pamapeji anowirirana nemazuva okuzvarwa evamwe Vadzidzi veBhaibheri. Uyewo, Nharireyomurindi yechiNgezi yaFebruary 15, 1909, yakarondedzera kuti paimwe kokorodzano muJacksonville, Florida, U.S.A., Hama Russell, vaiva purezidhendi weSosaiti panguva iyoyo, vakaperekedzwa pachikuva. Nei? Vakapiwa chipo chezuva rokuzvarwa chemabhokisi emabhuratifuru, zvinanazi, uye maranjisi. Zvinotiratidza zvishomanene zvaiitika kare. Uchifunga manzwisisire avaiita, yeuka kuti panguva iyoyo, Vadzidzi veBhaibheri vaipembererawo 25 December somusi wegore negore wokuzvarwa kwaJesu, kana kuti zuva rokuzvarwa. Yaitova tsika kuva nezvokudya zveKrisimisi padzimbahwe reBrooklyn.
Chokwadika, kubvira panguva iyoyo vanhu vaMwari vakakura mumudzimu mumativi akawanda. Muma 1920 chiedza chakawedzera chechokwadi chakavagonesa kuona zvinotevera:
Jesu haana kuzvarwa musi wa25 December, zuva rine chokuita norudzidziso rwechihedheni. Bhaibheri rinotirayira kuyeuka musi worufu rwaJesu, kwete musi wokuzvarwa kwake kana kwomunhu chero upi zvake. Kuita kudaro kunowirirana naMuparidzi 7:1 neidi rokuti zvinozoitika muupenyu hwomunhu akatendeka zvinokosha zvikuru kupfuura zuva rokuzvarwa kwake. Bhaibheri harina mushumo wokuti mushumiri akatendeka chero upi zvake akapemberera zuva rokuzvarwa kwake. Rine kupembererwa kwemazuva okuzvarwa kwevahedheni, richibatanidza zviitiko izvi nezviito zvoutsinye. Ngatitsvakei chaiita kuti vachengete mazuva okuzvarwa iwayo.
Rokutanga izuva rokuzvarwa kwaFarao womuzuva raJosefa. (Genesi 40:20-23) Munhau iyi, nyaya inotaura nezvemazuva okuzvarwa iri muEncyclopædia of Religion and Ethics yaHastings inovamba ichiti: “Tsika yokuyeuka zuva rokuzvarwa yakabatanidzwa, mumutoo wayo, nokuverengwa kwenguva, uye, mune zviri mairi, nemimwe mitemo yechitendero yapakuvamba.” Gare gare, enisaikoropidhiya yacho inonokora mashoko enyanzvi inonzvera nezveEgipita Sir J. Gardner Wilkinson, akanyora kuti: “MuEgipita mumwe nomumwe akakoshesa zvikuru zuva racho, uye kunyange kusvikira paawa yokuzvarwa kwake; uye zvingadaro kuti, somuPersia, munhu mumwe nomumwe aipemberera zuva rokuzvarwa kwake nokufara kukuru, achichingamidza shamwari dzake nevaraidzo dzose dzenzanga, uye zvokudya zvakanakisisa zvisingawanzodyiwi.”
Kumwe kupemberera zuva rokuzvarwa kunodudzwa muBhaibheri ndokwaHerodhe, pakagurwa Johane Mubhabhatidzi musoro. (Mateo 14:6-10) The International Standard Bible Encyclopedia (chinyorwa cha1979) inogovera nzwisiso iyi: “VaGiriki vakararama kutendeutsirwa kuchiGiriki kusati kwatanga vakapemberera mazuva okuzvarwa kwavamwari nevanhu vakakurumbira. Genéthlia rechiG[iri]ki rakaratidza kupemberera uku, nepo genésia raireva kupemberera kwokuyeuka zuva rokuzvarwa kwomunhu anokosha akafa. Muna 2 Macc[abees] 6:7, tinowana panotaura nezvegenéthlia yomwedzi nomwedzi yaAntiochus IV, umo vaJudha vaimanikidzirwa ‘kudya zvibayiro.’ . . . Pakapemberera Herodhe zuva rake rokuzvarwa akanga achiita maererano netsika yechiGiriki; hapana ufakazi hwokupembererwa kwamazuva okuzvarwa muna Israeri munguva dzakatangira kutendeutsirwa kuchiGiriki.”
Sezvinobvumwa, vaKristu vechokwadi nhasi havabatikani nemavambo nokubatanidzwa kunobvira kwomunguva dzekare kwemiitiro kana kuti tsika dzose nechitendero, asi havafuratiriwo zvakaratidzirwa zvakananga zviri muShoko raMwari. Izvi zvinobatanidza kuti kupembererwa bedzi kwamazuva okuzvarwa kuri muchinyorwa cheBhaibheri ndekwevahedheni uye kwakabatanidzwa nenhambo dzoutsinye. Nokudaro, Magwaro anoisa zvakajeka kupembererwa kwamazuva okuzvarwa muchiono chisina kunaka, idi iro vaKristu vechokwadi vasingazvidzi.
Sezvataona, nepo iri chose chose nhau yomunhu oga kana vaKristu vachisarudza kucherekedza kuchengetwa kwegore negore kwomuchato wavo, kune zvikonzero zvakanaka nei vaKristu vakakura mumudzimu vachirega kupemberera mazuva okuzvarwa.