Uri Kuitira Mwari Zvose Zvaunofanira Kuita Here?
“Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwe chete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”—MUPARIDZI 12:14.
1. Jehovha akaitira vanhu vake gadziriro dzei?
JEHOVHA anotsigira vaya vanoramba vachimurangarira soMusiki wavo Mukuru. Shoko rake rakafuridzirwa rinovapa zivo inodiwa kuti vanyatsomufadza. Mudzimu mutsvene waMwari unovatungamirira pakuita zvinodiwa naMwari uye paku“bereka zvibereko mubasa rose rakanaka.” (VaKorose 1:9, 10) Uyezve, Jehovha anogovera zvokudya zvomudzimu nenhungamiro yokutonga kunoitwa naye achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47) Saka, munzira dzakawanda vanhu vaMwari vane chikomborero chokudenga sezvavanoshumira Jehovha uye kuita basa rinokosha rokuparidza mashoko akanaka oUmambo.—Mako 13:10.
2. Nezvebasa kuna Jehovha, mibvunzoi ingamuka?
2 VaKristu vechokwadi vanofara kubatikana mubasa dzvene kuna Jehovha. Asi, vamwe vangaora mwoyo ndokufunga kuti zvavanoedza kuita hazvibatsiri. Somuenzaniso, dzimwe nguva vaKristu vakazvitsaurira vanganetseka kana zvavanoedza kuita nemwoyo wose zvichikosha chaizvoizvo. Paanenge achifunga nezvefundo yemhuri nemamwe mabasa, mibvunzo yakafanana neiyi ingangomuka mupfungwa dzomusoro wemhuri: ‘Jehovha ari kunyatsofara nezvatiri kuita here? Tiri kuitira Mwari zvose zvatinofanira kuita here?’ Mashoko okuchenjera omuparidzi angabatsira kupindura mibvunzo yakadaro.
Zvose Hazvina Maturo Here?
3. Maererano naMuparidzi 12:8, chii chinotova chisina maturo kwazvo?
3 Vamwe vangafunga kuti mashoko ouyu murume akachenjera hapana waanonyanya kukurudzira—vaduku kana vakuru. “Zvanzi nomuparidzi: Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!” (Muparidzi 12:8) Chaizvoizvo, zvinotova zvisina maturo kwazvo kuramba Musiki Mukuru muuduku, kuchembera usina kumushumira, uye kuzongonzi wachembera chete muupenyu. Zvose zvave zvisina maturo, kana kuti zvisingabatsiri, nokuda kwemunhu akadaro, kunyange kana akafa ane pfuma nemukurumbira munyika ino iri musimba rewakaipa, Satani Dhiyabhorosi.—1 Johani 5:19.
4. Nei zvichigona kutaurwa kuti hazvisi zvinhu zvose zvisina maturo?
4 Hazvisi zvinhu zvose zvisina maturo nokuda kwevaya vanoisa pfuma mudenga sevashumiri vakatendeka vaJehovha. (Mateu 6:19, 20) Vane zvakawanda zvokuita mubasa raShe rinopa mubayiro, uye mabasa akadaro chokwadi haasi pasina. (1 VaKorinde 15:58) Asi kana tiri vaKristu vakazvitsaurira, tiri kuramba takabatikana mubasa ratakapiwa naMwari mumazuva ano okupedzisira here? (2 Timoti 3:1) Kana kuti tava nemararamiro anosiyana zvishoma neayo evavakidzani vedu here? Vangave vachisonganira nezvitendero zvakasiyana-siyana uye vangave vakazvipira chaizvo, vachigara vachipinda mudzimba dzavo dzokunamatira uye vachiedza kuita zvinodiwa nemanamatire avo. Chokwadi, havasi vazivisi veshoko roUmambo. Havana zivo yakarurama yokuti ino ndiyo “nguva yokupedzisira” uye havana pfungwa yokukurumidza kwemazuva atiri kurarama.—Dhanieri 12:4.
5. Kana zvatinotsvaka nguva dzose muupenyu zvazova zvinhu zvatinonyanya kufunga nezvazvo, tinofanira kuitei?
5 Jesu Kristu akati nezvenguva yedu inonetsa: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Mateu 24:37-39) Zvikaitwa nemwero, hapana chakaipa nekudya nekunwa, uye kuroorana igadziriro yakatangwa naMwari pachake. (Genesi 2:20-24) Asi, kana tikaona kuti zvatinotsvaka nguva dzose muupenyu zvazova zvinhu zvatinonyanya kufunga nezvazvo, tadii kunyengetera nezvenhau yacho? Jehovha anogona kutibatsira kuita kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvirambe zviri pokutanga, kuita zvakarurama, uye kumuitira zvatinofanira kuita.—Mateu 6:33; VaRoma 12:12; 2 VaKorinde 13:7.
Kuzvitsaurira uye Zvatinofanira Kuitira Mwari
6. Vamwe vanhu vakabhabhatidzwa vari kutadza kuitira Mwari zvavanofanira kuita munzira ipi inokosha?
6 Vamwe vaKristu vakabhabhatidzwa vanofanira kunyengetera nemwoyo wese nokuti havasi kurarama maererano nezvavanofanira kuita zvokushumira zvavakabvuma pavakazvitsaurira kuna Mwari. Gore negore, vanonyatsopfuura 300 000 vave vachibhabhatidzwa kwemakore anoverengeka zvino, asi nhamba yose yeZvapupu zvaJehovha zviri kuita basa haisi kuwedzera zvakafanana. Vamwe vakava vaparidzi voUmambo vakarega kuzivisa mashoko akanaka. Asi, vanhu vanofanira kuita ushumiri hwechiKristu zvinonyatsoonekwa vasati vabhabhatidzwa. Saka vanoziva basa iro Jesu akapa vateveri vake vose rokuti: “Endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Kutoti vasingakwanisi kuita zvakawanda pamusana peutano kana kuti zvimwe zvinhu zvavasingagoni kudzora, vanhu vakabhabhatidzwa vasisiri kushanda seZvapupu zvaMwari naKristu zviri kuita basa havasiri kurarama maererano nezvose zvavanofanira kuitira Musiki wedu Mukuru.—Isaya 43:10-12.
7. Nei tichifanira kugara tichiungana kuti tinamate?
7 Israeri wekare rwaiva rudzi rwakazvitsaurira kuna Mwari, uye musungano yeMutemo, vanhu vayo vaiva nezvavaifanira kuitira Jehovha. Somuenzaniso, varume vose vaifanira kuungana nokuda kwemitambo mitatu yegore negore, uye murume airega nemaune kuchengeta Paseka ai“bviswa,” kuri kuurayiwa. (Numeri 9:13; Revhitiko 23:1-43; Dheuteronomio 16:16) Kuti vaite zvavaifanira kuitira Mwari sevanhu vake vakatsaurirwa, vaIsraeri vaifanira kuungana kuti vanamate. (Dheuteronomio 31:10-13) MuMutemo hapana paiti, ‘Ita izvi kana zvichikuitira nyore muupenyu hwako.’ Nokuda kwevaya vakazvitsaurira kuna Jehovha panguva ino, chokwadi murayiro uyu unowedzera kukosha kwemashoko aPauro okuti: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Hungu, kugara tichiungana nevamwe vatinotenda navo chimwe chezvinhu zvinofanira kuitwa nevaKristu vakazvitsaurira kuna Mwari.
Nyatsoongorora Zvaunosarudza!
8. Nei munhu wechiduku akazvitsaurira achifanira kufunga nezvekunyengeterera basa rake dzvene?
8 Pamwe uri wechiduku akazvitsaurira kuna Jehovha. Uchawana zvikomborero zvakawanda kana ukaita kuti zvinhu zvine chokuita neUmambo zvirambe zviri pokutanga muupenyu. (Zvirevo 10:22) Nomunyengetero uye kunyatsoronga, ungakwanisa kupedza makore ako ouduku mubasa rakati renguva yakazara—nzira yakanaka yokuratidza kuti unorangarira Musiki wako Mukuru. Ukasadaro, zvinhu zvekunyama zvingatanga kutora nguva yako yakawanda. Kufanana nevanhu vakawanda, ungakurumidza kuroora ndokupinda muchikwereti kuti uwane zvinhu zvekunyama. Basa rinobhadhara ringatora nguva yako yakawanda nesimba. Kana une vana, uchafanira kutakura mitoro yemhuri kwemakumi emakore. (1 Timoti 5:8) Ungave usina kukanganwa Musiki wako Mukuru, asi kuchenjera kuziva kuti kufanoronga kwako, kana kuti kutadza kudaro, kungaratidza zvichava zvakaita upenyu hwako wakura. Mumakore anozouya, ungazotarira shure ndokudemba kuti dai uduku hwako hwakanga hwashandiswa zvikuru mubasa dzvene kuMusiki wako Mukuru. Wadii wafunga kunyengeterera nezvezvauri kutarisira kuita iye zvino chaiye, kuitira kuti ugutsikane nebasa rako dzvene kuna Jehovha mumakore ako ouduku?
9. Chii chingabvira kune munhu anenge akura uye akambotakura mitoro inorema muungano?
9 Funga nezvemamwe mamiriro ezvinhu—ayo emumwe murume akamboshumira somufudzi we“boka raMwari.” (1 Petro 5:2, 3) Nokuda kwezvimwe zvikonzero, akada hake kurega maropafadzo akadaro. Chokwadi, zvino akura, uye zvingave zvakaoma zvikuru kuti apfuurire mubasa raMwari. Asi zvingadaro here kuti anofanirazve kushandira kuti awane maropafadzo mubasa raMwari? Zvikomboreroi zvingaunzwa nomurume akadaro kana achikwanisa kutakura mitoro yakawanda muungano! Uye sezvo pasina anozviraramira, shamwari nevadiwa vangafara kana achikwanisa kuwedzera basa rake, kuti Mwari apiwe mbiri. (VaRoma 14:7, 8) Zvinonyanya kukosha, Jehovha haazokanganwi zvinoitwa nomunhu upi noupi mubasa rake. (VaHebheru 6:10-12) Saka, chii chingatibatsira kuti tirangarire Musiki wedu Mukuru?
Zvinobatsira Kuti Tirangarire Musiki Wedu Mukuru
10. Nei muparidzi akanga ari iye ainyatsokwanisa kupa nhungamiro munhau yokurangarira Musiki wedu Mukuru?
10 Muparidzi ainyatsokwanisa kupa nhungamiro dzokurangarira kwedu Musiki wedu Mukuru. Jehovha akanga apindura minyengetero yake yemwoyo wese nokumupa uchenjeri husiri hwenguva dzose. (1 Madzimambo 3:6-12) Soromoni akanyatsoongorora mamiriro ose akanga akaita zvinoitwa nevanhu. Uyezve, akafuridzirwa kuti anyore zvaaiwana kuti abatsire vamwe. Akanyora kuti: “Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu wakachenjera, wakapfuura achidzidzisa vanhu zivo; wakarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji. Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.”—Muparidzi 12:9, 10.
11. Nei tichifanira kubvuma zano raSoromoni rokuchenjera?
11 Shanduro yeSeptuagint yechiGiriki yemashoko aya inoti: “Uyezve, pamusana pokuti muparidzi wakanga akachenjera, nokuti akadzidzisa vanhu uchenjeri; kuti nzeve iwane zvinofadza mumifananidzo, muparidzi akanyatsotsvaka kuti awane mashoko anofadza nokunyora kwakarurama—mashoko echokwadi.” (The Septuagint Bible, rakashandurwa naCharles Thomson) Soromoni akaedza kusvika mwoyo yevaravi vake nemashoko anofadza nenhau dzinonakidza zvechokwadi uye dzakakosha. Sezvo mashoko ake anowanikwa muMagwaro ari chibereko chokufuridzira kwemudzimu mutsvene, tinogona kukurumidza kubvuma zvaakawana uye zano rake rokuchenjera.—2 Timoti 3:16, 17.
12. Mumashoko ako pachako, ungataura sei zvakataurwa naSoromoni zvakanyorwa pana Muparidzi 12:11, 12?
12 Kunyange pasina nzira dzokudhinda nadzo dzemazuva ano, kwaiva nemabhuku akawanda muzuva raSoromoni. Mabhuku akadaro aifanira kuonekwa sei? Akati: “Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwe chete. Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.”—Muparidzi 12:11, 12.
13. Mashoko evaya vane uchenjeri hwaMwari angafanana sei nezvibayiso, uye ndivanaani vakaita se“mbambo dzakarovererwa kwazvo”?
13 Mashoko evaya vane uchenjeri hwaMwari anofanana nezvibayiso. Anodaro sei? Anoita kuti varavi kana kuti vateereri vaenderere mberi maererano nemashoko ouchenjeri anenge araviwa kana kunzwiwa. Uyezve, vaya vanozvibatikanisa ne“mashoko akaunganidzwa,” kana kuti mashoko ouchenjeri chaizvo uye anokosha, vakaita se“mbambo dzakarovererwa kwazvo,” kana kuti dzakaroverwa zvakasimba. Izvi zvingadaro nokuti mashoko akanaka evanhu vakadaro anoratidza uchenjeri hwaJehovha uye nokudaro vangadzikamisa nokutsigira varavi kana kuti vateereri. Kana uri mubereki anotya Mwari, haufaniri here kuita zvose zvaunogona kuti uroverere uchenjeri hwakadaro mupfungwa nemwoyo zvemwana wako?—Dheuteronomio 6:4-9.
14. (a) “Kudzidza kuzhinji” hakubatsiri pamabhuku orudzii? (b) Tinofanira kunyanya kurava mabhuku api, uye nei?
14 Zvisinei, nei Soromoni akataura zvaakaita pamusoro pemabhuku? Zvakanaka, zvichienzaniswa neShoko raJehovha, mavhoriyamu asingaperi enyika ino ane mafungiro zvawo evanhu. Akawanda emafungiro iwaya anoratidza pfungwa yaSatani Dhiyabhorosi. (2 VaKorinde 4:4) Naizvozvo, “kudzidza kuzhinji” mabhuku enyika akadaro kunobudisa zvishoma zvinokosha kwenguva yakareba. Kutaura zvazviri, akawanda awo anogona kukuvadza mumudzimu. Kufanana naSoromoni, ngatifungisisei zvinotaura Shoko raMwari nezveupenyu. Izvi zvichasimbisa kutenda kwedu ndokutiswededza pedyo naJehovha. Kunyanyorava mamwe mabhuku kana kuti zvinopa mashoko okurayiridza kunogona kutinetesa. Kunyanya kana mabhuku akadaro ari emafungiro enyika anorwisana nouchenjeri hwaMwari, haana kuchena uye anoparadza kutenda muna Mwari nezvinangwa zvake. Nokudaro, ngatirangarirei kuti mabhuku anonyanya kubatsira emuzuva raSoromoni neredu ndeaya anoratidza uchenjeri hwe“Mufudzi mumwe,” Jehovha Mwari. Akagovera mabhuku 66 eMagwaro Matsvene, uye iwaya ndiwo atinofanira kunyanyokoshesa. Bhaibheri nemabhuku anobatsira e‘muranda akatendeka’ zvinoita kuti tikwanise kuwana “zivo yaMwari.”—Zvirevo 2:1-6.
Zvose Zvatinofanira Kuitira Mwari
15. Ungataura sei mashoko aSoromoni pamusoro pe“zvose zvinofanira kuitwa nomunhu”? (b) Chii chatinofanira kuita kana tichizoitira Mwari zvatinofanira kuita?
15 Achipfupisa zvose zvaakanga aongorora, muparidzi, Soromoni, anoti: “Zvino Shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; [“nokuti izvi ndizvo zvose zvinofanira kuitwa nomunhu,” NW] nokuti Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwe chete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.” (Muparidzi 12:13, 14) Kutya Musiki wedu Mukuru zvakanaka, kana kuti kumuremekedza kuchatidzivirira, uyewo tinovimba kuti nemhuri dzeduwo, kuti dzisatsvake mararamire eufuza angazounza nhamo nokurwadziwa zvisingatauriki patiri nevadiwa vedu. Kutya Mwari zvakanaka kwakachena uye ndiko kuvamba chaiko kwouchenjeri nezivo. (Pisarema 19:9; Zvirevo 1:7) Kana tine nzwisiso inobva muShoko raMwari rakafuridzirwa ndokushandisa zano raro muzvinhu zvose, tinenge tichiita ‘zvose zvatinofanira’ kuitira Mwari. Kwete, haisiri nhau yokuronga zvinhu zvatinofanira kuita. Asi, chinodiwa kuti titarire muMagwaro patinenge tichigadzirisa zvinetso nokuita zvinhu nenzira yaMwari nguva dzose.
16. Nezvekutonga, Jehovha achaitei?
16 Tinofanira kuziva kuti hapana chinhu chisingaonekwi neMusiki wedu Mukuru. (Zvirevo 15:3) Acha“tonga basa rimwe nerimwe.” Hungu, Wokumusoro-soro achatonga zvinhu zvose, kusanganisira zviya zvisingaonekwi nemaziso evanhu. Kuziva izvozvo kunogona kushanda sechinhu chinotiita kuti tichengete mirayiro yaMwari. Asi kuda kwedu Baba vedu vokudenga ndiko kunofanira kunyanya kutiita kuti tidaro, nokuti muapostora Johani akanyora kuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; asi mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Uye sezvo mirayiro yaMwari yakagadzirirwa kutsigira kugara kwedu zvakanaka nokusingaperi, chokwadi hazvina kungofanira chete asiwo kuchenjera zvechokwadi kuti tiichengete. Izvi hazviremi kune vanoda Musiki Mukuru. Vanoda kuita zvavanofanira kumuitira.
Ita Zvose Zvaunofanira Kuita
17. Chii chatichaita kana tichinyatsoda kuitira Mwari zvose zvatinofanira kuita?
17 Kana takachenjera uye tichinyatsoda kuitira Mwari zvose zvatinofanira kuita, kunze kwokuchengeta mirayiro yake, tichatya kumugumbura. Chokwadi, “kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri,” uye vaya vanochengeta mirayiro yake “vane murangariro wakanaka.” (Pisarema 111:10; Zvirevo 1:7) Nokudaro ngatiitei nokuchenjera ndokuteerera Jehovha muzvinhu zvose. Izvi zvinonyanya kukosha iye zvino, nokuti Mambo Jesu Kristu aripo, uye zuva rokutonga kwaachaita seMutongi waMwari akagadzwa rava pedyo.—Mateu 24:3; 25:31, 32.
18. Kana tikaitira Jehovha Mwari zvose zvatinofanira kuita chii chichaitika kwatiri?
18 Mumwe nomumwe wedu zvino ava kunyatsoongororwa naMwari. Tinofarira zvinhu zvomudzimu here, kana kuti zvinhu zvenyika zvakabvumirwa kuti zvinetese ukama hwedu naMwari? (1 VaKorinde 2:10-16; 1 Johani 2:15-17) Tingave vaduku kana vakuru, ngatiitei zvose zvatinogona kuti tifadze Musiki wedu Mukuru. Kana tikateerera Jehovha ndokuchengeta mirayiro yake, ticharamba zvinhu zvisina maturo zvenyika yekare iri kupfuura. Ipapo tinogona kuva netariro yeupenyu husingaperi mugadziriro yezvinhu itsva yaMwari yakapikirwa. (2 Petro 3:13) Idzi itarisiro huru dzakadini nokuda kwavose vanoitira Mwari zvose zvavanofanira kuita!
Ungapindura Sei?
◻ Nei ungati hazvisi zvinhu zvose zvisina maturo?
◻ Nei muKristu wechiduku achifanira kufunga nezvekunyengeterera basa rake dzvene?
◻ “Kudzidza kuzhinji” hakubatsiri pamabhuku orudzii?
◻ Ndezvipi “zvose zvinofanira kuitwa nomunhu”?
[Mufananidzo uri papeji 20]
Hazvisi zvinhu zvose zvisina maturo nokuda kwevaya vanoshumira Jehovha
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kusiyana nemabhuku akawanda enyika ino, Shoko raMwari rinozorodza uye rinobatsira