Shandira Kuva Noukama naJehovha
“SWEDERAI pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 4:8) Uye munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya.” (Pisarema 25:14) Zviri pachena kuti Jehovha Mwari anoda kuti tive noukama hwepedyo naye. Asi, haasi munhu wose anonamata Mwari nokuteerera mitemo yake anonzwa hake ari pedyo naye.
Zvakadini newe? Une ukama hwepedyo naMwari hwomunhu oga here? Pasina mubvunzo, unoda kuswedera pedyo naye. Tingashandira sei kuva noukama naMwari? Izvi zvingarevei kwatiri? Chitsauko chechitatu chebhuku reBhaibheri raZvirevo chinopa mhinduro dzacho.
Ratidza Mutsa Worudo Nechokwadi
Mambo Soromoni womuIsraeri yekare anotanga chitsauko chechitatu chaZvirevo nemashoko anoti: “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare.” (Zvirevo 3:1, 2) Sezvo Soromoni akanyora achifuridzirwa naMwari, zano iri rakaita serababa chaizvoizvo riri kubva kuna Jehovha Mwari uye riri kupiwa kwatiri. Pano tiri kupiwa zano rokuchengeta zviyeuchidzo zvaMwari—mutemo wake, kana kuti dzidziso yake, nemirayiridzo yake—zvakanyorwa muBhaibheri. Kana tikaita izvi, ‘mazuva mazhinji, nemakore oupenyu, norugare zvichawedzerwa’ kwatiri. Hungu, kunyange zvino tinogona kuva noupenyu hune rugare uye tingadzivisa zvinhu zvingatiita kuti tife nokukurumidza zviri kuwanzowira vaiti vezvakaipa. Uyezve, tingava netariro youpenyu husingaperi munyika itsva ine rugare.—Zvirevo 1:24-31; 2:21, 22.
Achipfuurira, Soromoni anoti: “[“Mutsa worudo,” NW] nezvokwadi ngazvirege kukusiya; uzvisungire pamutsipa wako; uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka pamberi paMwari navanhu.”—Zvirevo 3:3, 4.
Shoko romumutauro wapakutanga rokuti “mutsa worudo” neimwe nzira rinoshandurwa kuti “rudo rwokuvimbika” uye rinobatanidza kutendeseka, kubatana, uye kuvimbika. Takatsunga kuramba tiri kuna Jehovha kunyange zvodini here? Tinoratidzira mutsa worudo here muukama hwedu nevatinotenda navo? Tinoshandira kuramba tiri pedyo navo here? Muzvinhu zvatinoita navo zuva nezuva, tinochengeta ‘mutemo wemutsa worudo parurimi rwedu’ kunyange mumamiriro ezvinhu anoedza here?—Zvirevo 31:26.
Zvaane mutsa worudo kwazvo, Jehovha a“nofarira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Kana takapfidza zvivi zvedu zvekare ndokuitira tsoka dzedu nzira dzakarurama zvino, tinovimbiswa kuti “mwaka yokusimbaradzwa” ichauya ichibva kuna Jehovha. (Mabasa 3:19) Hatifaniri kutevedzera Mwari wedu nokukanganwira vamwe kudarika kwavo here?—Mateu 6:14, 15.
Jehovha ndi“Mwari wechokwadi,” uye anoda “chokwadi” kune vaya vari kutsvaka ukama hwepedyo naye. (Pisarema 31:5) Tingatarisira kuti Jehovha ave Shamwari yedu chaizvoizvo here kana tichirarama upenyu huviri—neimwe nzira pane vatinonamata navo vechiKristu uye neimwe nzira pavanenge vasingationi—kungofanana ne“vanhu venhema” vanovanza zvavari? (Pisarema 26:4) Hwaizova ufuza hwakadini, sezvo “zvinhu zvose zvakafukuka uye zviri pachena mumaziso” aJehovha!—VaHebheru 4:13.
Mutsa worudo nechokwadi zvinofanira kukosheswa senekiresi inokosha ‘yakasungirirwa muhuro medu,’ nokuti zvinotibatsira ‘kuwana nyasha pamberi paMwari nevanhu.’ Hatifaniri kungoratidzira unhu uhwu zvinooneka asiwo kuhunyora ‘pahwendefa remwoyo yedu,’ tichihuita rutivi rwunokosha rweunhu hwedu.
Shandira Kuvimba Chose naJehovha
Mambo akachenjera anopfuurira kuti: “Vimba naJehovha nemwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.
Zvechokwadi Jehovha akafanirwa kuvimbwa nesu zvakakwana. SoMusiki, ndiye “mukuru pakusimba kwake” uye ndiye Anopa “simba.” (Isaya 40:26, 29) Anogona kuita zvose zvaakapikira. Zvechokwadi, zita rake chairo rinoreva “Anokonzera Kuvapo,” uye rinovaka chivimbo chedu mumano ake okuzadzika zvaakapikira! Chokwadi chokuti hazv“ingabviriri Mwari kuti areve nhema” chinomuita ave muenzaniso mukuru wechokwadi. (VaHebheru 6:18) Unhu hwake hunotonga kupfuura hwose rudo. (1 Johani 4:8) “Akarurama panzira dzake dzose, ane nyasha pazvose zvaanoita.” (Pisarema 145:17) Kana tisingavimbi naMwari, ndiani watingavimba? Chokwadika, kushandira kuvimba naye, tinoda ‘kuravira ndokuona kuti Jehovha wakanaka’ nokushandisa zvatinodzidza muBhaibheri muupenyu hwedu somunhu oga nokufunga nezvezvakanaka zvinovapo nemhaka yeizvi.—Pisarema 34:8.
Tinga‘teerera sei Jehovha pane zvose zvatinoita’? Munyori wepisarema akafuridzirwa anoti: “Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.” (Pisarema 77:12) Sezvo Mwari asingaoneki, kufungisisa mabasa ake makuru nezvaanoita nevanhu vake zvinokosha kutanga pakushandira ukama hwepedyo naye.
Munyengetero ndeimwe nzira inokoshawo yokuteerera Jehovha. Mambo Dhavhidhi akaramba achidana kuna Jehovha “zuva rose.” (Pisarema 86:3) Dhavhidhi aiwanzonyengetera munguva yousiku, sepaye paaiva mupoteri murenje. (Pisarema 63:6, 7) “Muchiramba muchinyengetera mumudzimu nguva dzose,” akakurudzira kudaro muapostora Pauro. (VaEfeso 6:18) Tinowanzonyengetera kangani? Tinofadzwa nokukurukurirana kwomunhu oga kunobva pamwoyo naMwari here? Patinosangana nemamiriro ezvinhu anoedza, tinomuteterera kuti atibatsire here? Tinotsvaka nhungamiro yake tichinyengetera here tisati taita zvisarudzo zvinokosha? Minyengetero yedu yechokwadi kuna Jehovha inoita kuti tidiwe naye. Uye tine vimbiso yokuti achateerera munyengetero wedu ndo‘kururamisa makwara edu.’
Ufuza hwakadini ‘kusendama panjere dzedu’ kana pane dzevanhu vaye vakakurumbira vari munyika nepo tichigona kuisa chivimbo chedu chakakwana muna Jehovha! “Usazviti wakachenjera,” anodaro Soromoni. Mukupesana, anorayira kuti: “Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; zvichava mushonga womuviri wako, nomwongo wamapfupa ako.” (Zvirevo 3:7, 8) Kutya kunovaka kwokuda kusafadza Mwari kunofanira kutungamirira zviito zvedu zvose, pfungwa, nemanzwiro edu. Kutya kwakadaro kwokuremekedza kunotidzivisa kuita zvakaipa uye kunorapa nokuzorodza mumudzimu.
Ipa Jehovha Zvakanakisisa Zvako
Munzira imwe ipi matinogona kuswedera pedyo naMwari? “Kudza Jehovha nezvaunazvo [“zvinokosha, NW”], uye nezvitsva zvazvose zvawakawana,” anorayiridza kudaro mambo wacho. (Zvirevo 3:9) Kukudza Jehovha kunoreva kumuratidzira rukudzo rukuru zvikuru uye kumurumbidza pachena nokugoverana uye kutsigira kuziviswa kwezita rake kuvanhu. Zvinhu zvinokosha zvatinokudza Jehovha nazvo inguva yedu, zvipo zvedu, simba redu, uye zvinhu zvedu. Ndizvo zvinofanira kuva zvibereko zvitsva—zvakanakisisa zvedu. Mashandisire atinoita pfuma yedu yomunhu oga haafaniri kuratidzira kutsunga kwedu ‘kwokutanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari’ here?—Mateu 6:33.
Kukudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha kune mubayiro. “Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda,” anovimbisa kudaro Soromoni, “makate ako achapfachuka newaini itsva.” (Zvirevo 3:10) Kunyange zvazvo kubudirira mumudzimu pachakwo kusingaiti kuti tibudirire mukuwana zvinhu, kushandisa norupo pfuma yedu kukudza Jehovha kunouyisa zvikomborero zvakawanda. Kuita kuda kwaMwari kwaiva “zvokudya” zvinoraramisa zvaJesu. (Johani 4:34) Saizvozvowo, kubatanidzwa mubasa rokuparidza nokuita vadzidzi rinopa mbiri Jehovha kunotivaka. Kana tikapfuurira mubasa iroro, matura edu omudzimu achazadzwa nezvakawanda. Mufaro wedu—unofananidzwa newaini itsva—uchapfachuka.
Hatitarisiri kuna Jehovha nokunyengetera kwaari kuti atipewo zvokudya zvezuva nezuva zvakatiringana here? (Mateu 6:11) Kutaura chokwadi, zvose zvatinazvo, zvakabva kuna Baba vedu vokudenga vane rudo. Jehovha achadurura mamwe makomborero maererano nokushandisa kwatinoita zvinhu zvinokosha zvatinazvo kumurumbidza.—1 VaKorinde 4:7.
Gamuchira Chirango chaJehovha
Achicherechedza kukosha kwechirango kuti ukama hwepedyo naJehovha huvepo, mambo waIsraeri anotipa zano achiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; usaneta nokurayira kwake, nokuti Jehovha unorayira mudikanwa wake; sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.”—Zvirevo 3:11, 12.
Zvisinei, chirango chingasava nyore kwatiri kugamuchira. “Hapana chirango chinoita sechinofadza panguva ino, asi chinoshungurudza,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “asi gare gare chinoberekera vakarovedzwa nacho chibereko chine rugare, iko kururama.” (VaHebheru 12:11) Kutsiurwa uye chirango zvimwe zvezvinokosha zvokurovedzwa zvinotiswededza pedyo naMwari. Kugadziriswa kunobva kuna Jehovha—tingave tichikugamuchira kuvabereki, muungano yechiKristu, kana kuti nokufungisisa Magwaro munguva yokudzidza kwedu kwomunhu oga—chiratidzo chorudo rwake kwatiri. Kuchenjera kana tikachigamuchira.
Ramba Wakabatisisa Uchenjeri Nenjere
Zvichitevera izvi, Soromoni anosimbisa kukosha kwouchenjeri nenjere mukushandira ukama hwepedyo naMwari. Anozivisa kuti: “Munhu, wawana uchenjeri, ane mufaro, naiye munhu, anowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivheri; nokuhupfuma ihwo kunopfuura kupfuma ndarama. . . . Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; mumwe nomumwe anohubata ane mufaro.”—Zvirevo 3:13-18.
Achitiyeuchidza nezvokuratidzwa kwatinoitwa uchenjeri nenjere mumabasa okusika anoshamisa aJehovha, mambo wacho anoti: “Jehovha wakateya pasi nouchenjeri; wakasimbisa kudenga-denga nenjere. . . . Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; noukomba pamutsipa wako.”—Zvirevo 3:19-22.
Uchenjeri nenjere unhu hwaMwari. Hatidi kungozvishandira chete asiwo kuzvibatisisa nokusambofa taregeredza fundo yokushingaira yeMagwaro nokushandisa zvatinodzidza. “Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba,” anopfuurira kudaro Soromoni, “rutsoka rwako harungagumburwi.” Anowedzera kuti: “Kana uchivata pasi haungatyi; uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.”—Zvirevo 3:23, 24.
Hungu, tinogona kufamba takachengeteka uye kurara norugare rwepfungwa sezvatinomirira kusvika sekwembavha kwezuva ro“kuparadzwa kwakamwe kamwe” kwenyika yakaipa yaSatani. (1 VaTesaronika 5:2, 3; 1 Johani 5:19) Kunyange padambudziko guru rava pedyo kuitika, tinogona kuva nevimbiso iyi yokuti: “Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe kamwe, kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika; nokuti Jehovha uchava chivimbo chako; uchachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.”—Zvirevo 3:25, 26; Mateu 24:21.
Ita Zvakanaka
“Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka,” anorayira kudaro Soromoni, “kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.” (Zvirevo 3:27) Kuitira vamwe zvakanaka kunobatanidza kushandisa norupo pfuma yedu kuti vabatsirwe, uye kunobatanidza zvakawanda. Asi kubatsira vamwe kuti vawane ukama hwepedyo naMwari wechokwadi hachisi chinhu chakanakisisa chatingavaitira mu“nguva [ino] yokupedzisira” here? (Dhanieri 12:4) Saka, ano mazuva okuti tiratidze kushingaira mubasa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi.—Mateu 28:19, 20.
Mambo akachenjera anorongawo miitiro yokudzivisa, achiti: “Usati kune wokwako: Enda, ugodzokazve, mangwana ndichakupa; kana uchinge unazvo’po. Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, zvaanogara hake newe achikutenda. Usarwa nomunhu pasine mhosva, kana asina kukuitira zvakaipa. Usagodora munhu unomanikidza; usatevera kunyange nomumwe wemitoo yake.”—Zvirevo 3:28-31.
Achipfupikisa chikonzero chezano rake, Soromoni anoti: “Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; asi ane ukama navakarurama. Kutuka kwaJehovha kuri mumba mowakaipa; asi anoropafadza ugaro hwavakarurama. Kana vari vadadi, unovadadira, asi vanozvininipisa unovaitira nyasha. Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.”—Zvirevo 3:32-35.
Kana tichizova noukama hwepedyo naJehovha, hatifaniri kufunga kuita mazano akaipa neanokuvadza. (Zvirevo 6:16-19) Kana tikaita zvakarurama chete pamberi paMwari tichawana nyasha dzake nechikomborero. Tingagamuchirawo rukudzo rwusiri rwokukumbira vamwe pavanocherechedza kuti tinoita mutsinhirano neuchenjeri hwaMwari. Saka ngatirambei nzira dzakaipa dzenyika ino yakaipa neine chisimba. Zvechokwadi, ngatiteverei nzira yakarurama ndokushandira ukama hwepedyo naJehovha!
[Mifananidzo iri papeji 25]
“Kudza Jehovha nezvaunazvo”