Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba
Kubatsira Vechiduku Nemirayiridzo Inoenderana Nenguva
EPAFURASI aiva muKristu womuzana remakore rokutanga aiva aenda kuRoma. Zvisinei, aiva nechikonzero chakanaka chokuramba achifunga nezvokuKorose, rimwe guta raiva muAsia Minor. Akambenge aparidzira mashoko akanaka ikoko uye hapana mubvunzo kuti akanga abatsira vamwe vaKorose kuva vadzidzi vaJesu Kristu. (VaKorose 1:7) Epafurasi aiva nehanya zvechokwadi nevamwe vatendi vaiva muKorose, nokuti muapostora Pauro akavanyorera ari kuRoma kuti: “Epafurasi . . . anokukwazisai, anogarozvishandisa nesimba nokuda kwenyu muminyengetero yake, kuti pakupedzisira mumire makakwana muchitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.”—VaKorose 4:12.
Saizvozvowo, vanababa navanaamai vechiKristu vemazuva ano vanonyengetera nomwoyo wose kuti vechiduku vavo zvivafambire zvakanaka mumudzimu. Vabereki ava vanoedza kudyara rudo rwaMwari mumwoyo yevana vavo vaduku kuitira kuti vazova vakasimba mukutenda.
VaKristu vakawanda vechiduku vakakumbira kubatsirwa kubata nematambudziko avanosangana nawo kuchikoro nokumwe kwose. Mumwe musikana ane makore 15 akati: “Zvinetso zvedu zviri kuwedzera kuipa. Upenyu hwava kuzotyisa. Tinoda kubatsirwa!” Zvikumbiro zvevechiduku vakadaro neminyengetero yevabereki vanoda Mwari zvakapindurwa here? Hungu! “Muranda akatendeka, akangwara” akashandiswa kupa mirayiridzo inobva muBhaibheri. (Mateu 24:45) Ari kutaurwa munyaya ino mamwe emabhuku akabatsira mazana ezviuru zvevechiduku ku“mira [v]akakwana [va]chitendiswa zvakasimba.” Ngatimboongororai mamwe emabhuku aya.
“Tarirai Zvapupu Zvitsva . . . 15 000!”
Muna August 1941, vapindi 115 000 vakaungana muSt. Louis, kuMissouri, U.S.A., vachipinda kokorodzano huru yeZvapupu zvaJehovha kupfuura dzimwe dzose dzaiva dzambopindwa. Pazuva rokupedzisira—“Zuva Revana”—vana vanenge 15 000 vaiva vakagara pedyo nechikuva vakanyatsoteerera sezvo Joseph F. Rutherford aitaura nezve“Vana vaMambo.” Ava kuda kupedza hurukuro yake, Rutherford aiva nemakore 71 akati nenzwi rakafanana nerababa:
“Mose zvenyu imi . . . vana vakabvuma . . . kuteerera Mwari naMambo wake, ndapota simukai.” Vana vacho vose vakasimuka pamwe chete. “Tarirai,” vakadanidzira kudaro Hama Rutherford, “Zvapupu zvitsva zvinopfuura 15 000 zvoUmambo!” Pakava nokuombera maoko kukuru. Mukurukuri akawedzera kuti: “Mose zvenyu muchaita zvamunogona kuti muudze vamwe pamusoro poumambo hwaMwari . . . , ndapota itai kuti Hungu.” Vana vakadavira nokudanidzira kuti “Hungu!” Ipapo akabudisa bhuku idzva rinonzi Children, iro rakagamuchirwa nokuombera maoko kwakatora nguva refu.
Pashure pehurukuro yaiorora iyi, vana vaduku vakaita mutsetse murefu vachienda pachikuva, apo Hama Rutherford vaivapa chipo chekopi yebhuku idzva racho. Vapindi vaiona vakasvimha misodzi yokufara. Mumwe akazviona akati: “Hapana akanga asingaororwi nokuona vana vachiratidza kuvimba uye kutenda kwakakwana muna Mwari wavo Jehovha.”
Pagungano iroro risingakanganwiki, vechiduku 1 300 vakabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Vakawanda vavo vakaramba vakasimba mukutenda kusvikira nhasi chaiye. Vanotsigira ungano dzemavanogara, vanoshanda paBheteri, kana kuti vanoshanda semamishinari mune dzimwe nyika. Chaizvoizvo, “Zuva Revana” nebhuku rinonzi Children zvakachinja mwoyo yevechiduku vakawanda zvachose!
“Dzinoita Sedziri Kuuya Panguva Yacho Chaiyo”
Muma1970, Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mamwe mabhuku akasvika pamwoyo yemazana ezviuru zvevechiduku. Iwaya aiva Kuterera kunoMudzidzisi Mukuru, Upwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri, uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Muna 1982 nyaya dzakatevedzana dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” dzakatanga kubuda mumagazini yeMukai! Nyaya idzi dzakafarirwa nevakuru nevaduku. “Usiku huri hwose ndinoonga Mwari kuti akaita kuti dzibudiswe,” akadaro mumwe ane makore 14. “Ndinoda nyaya dzacho,” akadaro mumwe ane makore 13, “dzinoita sedziri kuuya panguva yacho chaiyo.” Vabereki nevakuru vechiKristu vakagadzwa vanobvumirana kuti nyaya idzi dzinouya panguva chaiyo uye dzinobatsira.
Pakazosvika 1989 nyaya dzinenge 200 dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” dzakanga dzabuda muMukai! Pakokorodzano Yoruwa yo“Kuzvipira Kwoumwari” yegore iroro, bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rakabudiswa. Rabatsira vechiduku kuramba vakasimba mukutenda here? Vechiduku vatatu vakanyora kuti: “Bhuku iri rave riri mudziyo wakanaka kwatiri mukutibatsira kunzwisisa zvinetso zvedu uye kuziva nzira yokuzvibata nayo. Makaita henyu nokuratidza kuva nehanya nokugara zvakanaka kwedu.” Vechiduku vakawanda munyika yose vanobvumirana naizvozvo.
“Kwakapedza Nzara Yedu”
Muna 1999, Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa chimwe chinhu chinoenderana nenguva pakurayiridza vechiduku—vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? Yakafarirwa zvikuru. “Vhidhiyo iyi yakasvika pamwoyo pangu chaipo,” akadaro mumwe ane makore 14. “Tichagara tichiiona sechimwe chezvokudya zvedu zvomudzimu,” vakadaro vamwe amai vasina murume. “Zvinofadza kuziva kuti Shamwari yedu yepamwoyo, Jehovha, anoda uye ane hanya zvechokwadi nevechiduku vari musangano rake repasi pose,” akadaro mumwe mukadzi wechiduku.
Vhidhiyo yacho yakabatsira mune zvipi? Vechiduku vanoti: “Yakandibatsira kuchenjerera vandinotamba navo, kuwedzera shamwari muungano, uye kuita Jehovha shamwari yangu.” “Yakandibatsira kushinga kuramba zvinoitwa nevezera rangu.” “Yakasimbisa shungu dzangu dzokushumira Jehovha zvakanakisisa zvandingagona.” Uye vamwe vakaroorana vakanyora kuti: “Tinokutendai zvinobva mumwoyo yedu nokutipa kwamakaita uku ‘kudya.’ Kwakapedza nzara yedu.”
Sebasa rake raakapiwa naMwari, “muranda akatendeka, akangwara” akazodzwa ave achipa zvokudya zvomudzimu kune vose vachazvigamuchira. Uye zvinofadza kuona mirayiridzo yomuMagwaro yakadaro ichibatsira vechiduku nhasi kuti va“mire [v]akakwana [v]chitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose”!