Vadzidzisi Veshoko raMwari Vanokurudzirwa Kuti Vazadzise Basa Ravo
MAZANA ezviuru evadzidzisi akaungana kuti arayiridzwe mumwedzi mishoma ichangopfuura. Kutanga muna May wegore rakapera, vakaungana pamazana eKokorodzano Dzoruwa dzeZvapupu zvaJehovha dze“Vadzidzisi Veshoko raMwari” pasi pose. Vapindi vacho vakakurudzirwa kuti vazvidzidzise, kuti vave vanokwanisa zvikuru, uye kuzadzisa basa ravo sevadzidzisi.
Wakapinda imwe yekokorodzano idzi here? Kana zvakadaro, pasina mubvunzo wakafarira zvokudya zvomudzimu zvakapiwa pakuungana uku kwokunamata Mwari wechokwadi, Jehovha. Wadii kubatana nesu mukuongorora purogiramu iyi inorayiridza yekokorodzano.
Zuva Rokutanga—Magwaro Akafuridzirwa Anobatsira Pakudzidzisa
Sachigaro wekokorodzano akagamuchira vapindi noushamwari nehurukuro yaiti “Rayiridzwai, Imi Vadzidzisi veShoko raMwari.” Achidzidza kubva kuna Jehovha, “Murayiridzi Mukuru,” Jesu Kristu akava Mudzidzisi Mukuru. (Isaya 30:20; Mateu 19:16) Kana tichida kufambira mberi sevadzidzisi veShoko raMwari, isuwo tinofanira kurayiridzwa naJehovha.
Pakazotevera chikamu chaiti “Kudzidzisa nezvoUmambo Kunobereka Zvibereko Zvakaisvonaka.” Nokubvunzurudza vadzidzisi veShoko raMwari vane ruzivo mubasa racho, mufaro nezvikomborero zvokuita vadzidzi zvakabudiswa pachena.
Hurukuro yaikurudzira yaiti “Tinokurudzirwa ne‘Zvinhu Zvikuru zvaMwari’” yakatevera. Muzana remakore rokutanga, “zvinhu zvikuru” zvaibatanidza Umambo hwaMwari zvakaita kuti vanhu vaone zvokuita. (Mabasa 2:11) Isuwo tinogona kukurudzira vanhu kuti vaone zvokuita nokuzivisa “zvinhu zvikuru” zvakadaro sedzidziso dzomuMagwaro dzorudzikinuro, rumuko, uye sungano itsva.
Hurukuro yaitevera yakatikurudzira tose ku“Fadzwa Nokururama kwaJehovha.” (Pisarema 35:27) Tinobatsirwa kutsvaka kururama nokudzidza kuda zvakarurama nokuvenga zvakaipa, nokudzidza Bhaibheri, nokugara tichishingairira kusaita zvinhu zvinokuvadza mumudzimu, uye nokukudziridza kuzvininipisa. Matanho akadaro achabatsira pakutidzivirira kubva kusonganiro dzisina kunaka, kubva kuzvinhu zvinokosheswa nenyika ino, uye kuvaraidzo younzenza neyechisimba.
Hurukuro inokosha yaiti, “Kushongedzerwa Zvizere seVadzidzisi veShoko raMwari,” yakatiyeuchidza kuti Jehovha anotiita vashumiri vake vanokwanisa achishandisa Shoko rake, mudzimu wake mutsvene, uye sangano rake repasi. Nezvokushandisa Shoko raMwari, mukurukuri akatikurudzira kuti: “Vavariro yedu ndeyokutora shoko reBhaibheri papeji yakadhindwa kwava kuripinza mumwoyo yevateereri vedu.”
Hurukuro yokusiyirana yokutanga yaiva nomusoro unoti “Kuzvidzidzisa Patinenge Tichidzidzisa Vamwe.” Chikamu chokutanga chakasimbisa kuti tinofanira kuita maererano netsika dzakakwirira dzechiKristu dzatinodzidzisa vamwe. Chikamu chakatevera chakatikurudzira ‘kubata shoko rechokwadi zvakarurama.’ (2 Timoti 2:15) Kuti tizvidzidzise, zvinokosha kuti tidzidze Bhaibheri tiri toga nguva dzose uye tichiita kudaro nokushingaira, zvisinei nokuti takashumira Mwari kwenguva yakareba sei. Chikamu chokupedzisira chehurukuro yokusiyirana chakaratidza kuti Dhiyabhorosi ari kutitarira kuti aone unhu hwakadai sokudada, kufunga kwokuda kuzvimirira, kunzwa sounokosha kupfuura vamwe, godo, shanje, ruvengo, kusafarira, uye kutsvakira vamwe mhaka. Zvisinei, kana tikadzivisa Dhiyabhorosi nesimba, achatitiza. Kuti timudzivise, tinofanira kuswedera pedyo naMwari.—Jakobho 4:7, 8.
Hurukuro yakakodzera nguva yaiti “Sema Muitiro Wenyika Wanetsa Wokuona Nokuverenga Zvinonyadzisira” yakatiratidza kuti tingagona sei kukurira iyi tyisidziro yokunamata kwedu inozvidzisa. Muprofita Habhakuki akati nezvaJehovha: “Imi, mune meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama.” (Habhakuki 1:13) Tinofanira ku“sema zvakaipa.” (VaRoma 12:9) Vabereki vakakurudzirwa kuongorora mashandisire anoita vana vavo Indaneti nokuona terevhizheni. Mukurukuri akati vaya vanokwezvwa nokuona zvinonyadzisira vanofanira kutsvaka rubatsiro kubva kushamwari yakakura mumudzimu. Zvinobatsirawo kufungisisa uye kuyeuka magwaro akadai saPisarema 97:10; Mateu 5:28; 1 VaKorinde 9:27; VaEfeso 5:3, 12; VaKorose 3:5; 1 VaTesaronika 4:4, 5.
Hurukuro yakatevera yaiti, “Rugare rwaMwari Ngarukuchengetedze,” yakatinyaradza nokutivimbisa kuti patinoremerwa nefunganyo, tinogona kukandira mutoro wedu pana Jehovha. (Pisarema 55:22) Kana tikadurura mwoyo yedu mumunyengetero, Jehovha achatipa “rugare rwaMwari,” kudekara uye kugadzikana mumwoyo zvinobva muukama hwedu hunokosha naye.—VaFiripi 4:6, 7.
Zuva rokutanga rakapera nemashoko anofadza ehurukuro yaiti “Jehovha Anoshongedza Vanhu Vake Nechiedza,” yakatsanangura kuzadzika kwechitsauko chechi60 chaIsaya. Murima riri munyika nhasi, “vatorwa”—boka guru riri kumuka revakafanana nemakwai—vanowana chiedza chaJehovha pamwe nevaKristu vakazodzwa. Achitaura nezvendima 19 ne20, mukurukuri akatsanangura kuti: “Jehovha ‘haangaviri’ sezvinoita zuva kana ‘kutapudzika’ sezvinoita mwedzi. Acharamba achishongedza vanhu vake nokuvavhenekera. Ivimbiso yakazonaka kwazvo kwatiri sezvatinorarama mumazuva okupedzisira enyika ino iri murima!” Pakupera kwehurukuro yacho, mukurukuri akazivisa kubudiswa kwebhuku rinonzi Uprofita hwaIsaya Chiedza Chavanhu Vose, Bhuku Rechipiri. Wakapedza here kuverenga bhuku idzva iri?
Zuva Rechipiri—Kunyatsokwanisa Kudzidzisa Vamwe
Pashure pokukurukurwa kworugwaro rwezuva pazuva rechipiri, takanyatsoteerera kuhurukuro yokusiyirana yechipiri pakokorodzano yacho yaiti, “Vashumiri Vanoita Kuti Vamwe Vave Vatendi.” Vakurukuri vaiva pahurukuro yokusiyirana yezvikamu zvitatu iyi vakasimbisa rimwe nerimwe rematanho matatu anobatanidzwa pakubatsira vanhu kuti vave vatendi—kuparidza mashoko oUmambo, kukudziridza kufarira kunenge kwawanikwa, uye kudzidzisa vanofarira kuti vateerere zvakarayirwa naKristu. Tichibatsirwa nebvunzurudzo nezvakaitika, takagona kuona chaizvoizvo kuti tingadzidzisa sei vamwe kuti vave vadzidzi.
Hurukuro yakatevera yakanga ine musoro waiti “Wedzerai Kuzvipira Kuna Mwari Pakutsungirira Kwenyu.” Mukurukuri akaratidza kuti chinokosha zvikuru ‘kutsungirira kwedu kusvika kumugumo.’ (Mateu 24:13) Tinofanira kushandisa zvose zvakapiwa naMwari—munyengetero, kudzidza tiri toga, misangano, uye ushumiri—kuti tive nokuzvipira kuna Mwari. Tinofanira kudzivisa zvishuvo nemabasa enyika kuti zvisapinda kana kuparadza kuzvipira kwedu kuna Mwari.
Ko vanhu vari kushanda zvakaoma uye vakaremerwa vanogona kuwana zororo sei nhasi? Hurukuro yaiti “Kuwana Zororo Pasi Pejoko raKristu” yakapindura mubvunzo iwoyo. Jesu akakoka nomutsa vateveri vake kuti vauye pasi pejoko rake uye kuti vadzidze kubva kwaari. (Mateu 11:28-30) Tinogona kuuya pasi pejoko raJesu nokunyatsotevera muenzaniso wake wokurarama upenyu hwokusada zvinhu zvakawanda, huri pakati nepakati. Pfungwa huru dzehurukuro iyi dzakaratidzwa nokubvunzurudzwa kwevaya vakaita kuti vararame upenyu hwokusada zvinhu zvakawanda.
Chimwe chinhu chinoonekwa pakuungana kukuru kweZvapupu zvaJehovha kubhabhatidzwa kwevashumiri vachangozvitsaurira kuna Mwari. Hama yaipa hurukuro yaiti “Kubhabhatidzwa Kunoita Kuti Pave Nemikana Yakawanda Yokudzidzisa” yakagamuchira vaida kubhabhatidzwa noushamwari uye ikavakumbira kuti vave nechokuita muropafadzo dzakawanda dzebasa. Vadzidzisi veShoko raMwari vachangobhabhatidzwa vanogona kusvasvavirira mitoro yakasiyana-siyana muungano.
“Tevedzera Mudzidzisi Mukuru” ndowakanga uri musoro wehurukuro yokutanga masikati ezuva iroro. Kwenguva yakareba ari kudenga, Jesu akacherechedza noungwaru uye akatevedzera Baba vake, ndosaka akazova Mudzidzisi Mukuru. Paakanga ari pasi, akashandisa mitoo yokudzidzisa inobudirira, yakadai semibvunzo inosvika pamwoyo uye mienzaniso inonzwisisika asi yakanyatsojeka. Jesu aidzidzisa zvaibva muShoko raMwari uye aitaura nechido, ushamwari, uye nechiremera. Hazvina kutiita kuti tide kutevedzera Mudzidzisi Mukuru here?
Imwe hurukuro yaikurudzira yaiti, “Unoda Kushumira Vamwe Here?,” yakatikurudzira kutevedzera muenzaniso waJesu mukushumira vamwe vanhu. (Johani 13:12-15) Mukurukuri wacho akakurudzira zvakananga varume vane zvinodiwa kuti vave saTimoti mukutora mikana yokubatsira vamwe. (VaFiripi 2:20, 21) Vabereki vakakurudzirwa kutevedzera Erikana naHana mukubatsira vana vavo kuti vafunge nezvokuita ushumiri hwenguva yakazara. Uye vechiduku vakakurudzirwa kutevedzera muenzaniso waJesu Kristu uye wechiduku Timoti nokuzvipira nomwoyo wose. (1 Petro 2:21) Takakurudzirwawo nemashoko evaya vakatora mikana yakanaka yokushumira vamwe.
Musoro wehurukuro yechitatu yokusiyirana wakanga uri wokuti “Batsirwa Zvizere Nedzidzo Inobva Kuna Mwari.” Mukurukuri wokutanga akasimbisa kukosha kwokuwedzera urefu hwenguva yatinogona kuteerera. Kuti tiite chinangwa ichocho, tinogona kutanga nokudzidza tiri toga kwenguva pfupi tozoedza kuirebesa. Akakurudzirawo vateereri kuti vavhure magwaro uye kunyora pasi zvinenge zvichikurukurwa mumisangano. Mukurukuri wechipiri akatingwadza kuti tione kudiwa kwokuomerera ku“muenzaniso wemashoko anopa utano.” (2 Timoti 1:13, 14) Kuti tizvidzivirire kuzvinhu zvounzenza zvinobva mune zvinobudisa nhau, uzivi hwevanhu, vatsoropodzi, uye dzidziso dzevakaramba kutenda, tinofanira kutenga nguva yokudzidza tiri toga uye yokupinda misangano. (VaEfeso 5:15, 16) Mukurukuri wokupedzisira wehurukuro yokusiyirana akasimbisa kudiwa kwokuita zvinhu zvadzidzwa kuitira kuti tigone kubatsirwa zvizere nedzidzo inobva kuna Mwari.—VaFiripi 4:9.
Takazofara patakanzwa hurukuro yaiti “Zvinhu Zvitsva Zvokuti Tifambire Mberi Pakunamata”! Takafara nokuziva kuti bhuku idzva rine musoro unoti Batsirwa Nedzidzo yeChikoro chaMwari Choushumiri, richabudiswa munguva pfupi iri kutevera. Kuritarisira kwedu kwakawedzera apo mukurukuri akadonongodza zviri mukati maro. Nezvechikamu chebhuku racho chine pfungwa dzakawanda dzemazano okutaura, akati: “Bhuku idzva iri harishandi sezvinoita mabhuku okunyika pakukurukura pfungwa idzi 53 dzounyanzvi hwokuverenga, kutaura, uye kudzidzisa. Rinoshandisa nheyo dzomuMagwaro.” Bhuku racho richaratidza kuti vaprofita, Jesu, uye vadzidzi vake vakaratidza unyanzvi hwokudzidzisa hwakanaka. Hungu, bhuku iri uye zvimwe zvitsva zvichaitwa paChikoro chaMwari Choushumiri zvechokwadi zvichatibatsira kuva vadzidzisi vakanaka veShoko raMwari.
Zuva Rechitatu—Ivai Vadzidzisi Kana Tichitarira Nguva
Kukurukurwa kworugwaro rwezuva kwapera pazuva rokupedzisira, vanhu vose vakateerera zvikuru kuhurukuro yokusiyirana yekokorodzano yaiti, “Uprofita hwaMaraki Hunoita Kuti Tigadzirire Zuva raJehovha.” Maraki akaprofita anenge makore zana pashure pokunge vaJudha vadzoka kubva kuBhabhironi. Vakanga vadzokerazve kukuramba kutenda uye kuuipi, vachirega kukudza Jehovha nokusateerera mitemo yake yakarurama uye nokuunza mhuka dzokubayira dzakapofumara, dzakaremara, uye dzinorwara. Uyezve, vakanga vachiramba vakadzi vouduku hwavo, vachizviitira kuti varoore vakadzi vokumwe.
Chitsauko chokutanga chaMaraki chinotisimbisira nezvorudo rwaJehovha kuvanhu vake. Chinosimbisa kukosha kwokutya Jehovha uyewo kukoshesa zvinhu zvitsvene. Jehovha anotarisira kuti timupe zvakanakisisa zvedu, tichimunamata nokuda kworudo rusina udyire. Basa redu dzvene harifaniri kuonekwa sechinhu chatinofanira kungoitawo, uye tichafanira kuzvidavirira kuna Mwari.
Achishandisira chitsauko chechipiri chaMaraki muzuva redu, mukurukuri wehurukuro yokusiyirana wechipiri akabvunza kuti: “Tiri kungwarira here kuti ‘kusarurama kusarega kuwanikwa pamiromo yedu’?” (Maraki 2:6) Vaya vanotungamirira mukudzidzisa vanofanira kuva nechokwadi chokuti zvavanotaura zvinobva muShoko raMwari. Tinofanira kuvenga kunyengera kwakadai sokurambana zvisina kururama.—Maraki 2:14-16.
Achikurukura hurukuro inoti “Ndiani Achapona Pazuva raJehovha?” mukurukuri wokupedzisira wehurukuro yokusiyirana akatibatsira kuti tigadzirire zuva raJehovha. Mukurukuri akati “Zvinozorodza zvikuru vashumiri vaJehovha kuziva kuti Maraki chitsauko 3, ndima 17, iri kuzadzika zvakazara pavari!” “Iyo inoti: ‘Vachava vangu—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mwanakomana wake unomubatira.’”
Chimwe chakasimbiswa pakokorodzano wakanga uri mutambo wevanhu vakapfeka zvipfeko zvekare waiti “Remekedza Chiremera chaJehovha,” wairatidza vanakomana vaKora. Pasinei nokupandukira Mosesi naAroni kwababa vavo, vakaramba vakatendeka kuna Jehovha nevamiririri vake. Kunyange Kora nevateveri vake vakaparara, vanakomana vaKora vakapona. Hurukuro yakatevera yaiti, “Remekedza Chiremera chaMwari Nokuvimbika,” yakashandisa zvaiva mumutambo kune mumwe nomumwe wedu. Mukurukuri akanyevera nezvezvinhu zvitanhatu izvo Kora nevateveri vake vakakundikana pazviri: kurega kutsigira chiremera chaJehovha nokuvimbika; kurega kudada, kuda chinzvimbo, uye shanje zvichivakurira; kuomerera pazvikanganiso zveavo vakagadzwa naJehovha; kukudziridza mafungiro okunyunyuta; kusagutsikana neropafadzo yavo yebasa; kurega ushamwari kana ukama hwemhuri zvichiva zvinokosha kudarika kuvimba naJehovha.
“Ndivanaani Vari Kudzidzisa Marudzi Ose Chokwadi?” ndowakanga uri musoro wehurukuro yavose. Chokwadi chakakurukurwa chakanga chisiri chokwadiwo zvacho, asi chokwadi pamusoro pechinangwa chaJehovha icho Jesu Kristu akapupurira. Mukurukuri wacho akataura nezvechokwadi maererano nezvinodavirwa, chokwadi chezvemanamatiro, uye chokwadi chezvomufambiro womunhu oga. Nokuenzanisa vaKristu vomuzana rokutanga remakore neZvapupu zvaJehovha zvanhasi, takaitwa kuti tinyatsogutsikana kuti ‘Mwari ari pakati pedu zvechokwadi.’—1 VaKorinde 14:25.
Nharireyomurindi yevhiki iroro yapfupikiswa, vadzidzisi veshoko raMwari vose vakanga varipo vakakurudzirwa kuona zvokuita nehurukuro yokupedzisira yaiti, “Kuita Basa Redu Rokudzidzisa Nokukurumidza.” Kumbodzokorora zvishoma purogiramu kwakasimbisa kukosha kwokushandisa Magwaro mukudzidzisa, nzira dzatingagona kuva nadzo vadzidzisi vanokwanisa, uye kuda kuva nechivimbo muchokwadi chatinodzidzisa vamwe. Mukurukuri akatikurudzira kuita kuti ‘kufambira mberi kwedu kuonekwe’ uye ‘kuramba tichizvichenjerera pakudzidzisa kwedu.’—1 Timoti 4:15, 16.
Kwaiva kudya kwomudzimu kwakazonaka kwatakava nakwo paKokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari”! Ngatitevedzere Murayiridzi wedu Mukuru, Jehovha, uye Mudzidzisi wedu Mukuru, Jesu Kristu, mukudzidzisa vamwe shoko raMwari.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 28]
Mabhuku Matsva Okupedza Zvinodiwa Chaizvo
Vapindi veKokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari” vakafara kugamuchira zvinhu zviviri zvinofanira kuva zvichabatsira zvikuru mukudzidzisa chokwadi cheMagwaro kuvanhu vari mune mamwe mativi epasi. Turakiti rinonzi Une Mudzimu Usingafi Here? richava chishandiso chinoyamura mukutanga kukurukura nevaya vanogara munyika dzine mitauro isingaratidzi musiyano pakati pe“mweya” no“mudzimu.” Turakiti racho idzva rinonyatsoratidza zvakajeka kuti simba romudzimu rakasiyana nechisikwa chomudzimu uye kuti vanhu havavi zvisikwa zvomudzimu pavanofa.
Bhurocha rinonzi A Satisfying Life—How to Attain It rakabudiswa pakupera kwezuva rechipiri rekokorodzano. Bhurocha iri rakagadzirirwa chinangwa chokutanga zvidzidzo zveBhaibheri nevaya vasina pfungwa yokuti kune Musiki ane unhu uye kuti ane bhuku raakafuridzira. Wakagona kushandisa zvinhu izvi zvitsva muushumiri hwako here?
[Mifananidzo iri papeji 26]
MuMilan, Italy, uye pakokorodzano dzakawanda pasi pose, mazana evanhu akabhabhatidzwa
[Mufananidzo uri papeji 29]
Vateereri vakakurudzirwa nomutambo waiti “Remekedza Chiremera chaJehovha”