Siyana Zvachose Nokunamata Kwenhema!
“‘Ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena.’”—2 VAKORINDE 6:17.
1. Vanhu vakawanda vakatendeseka vanozviwana vari mumamiriro ezvinhu api pakunamata?
VANHU vakawanda vakatendeseka havazivi chokwadi nezvaMwari uye nezveramangwana ravo. Vanogara vakavhiringidzika uye vasina chokwadi sezvo vanenge vasina kuwana mhinduro dzezvinhu zvinonyanya kuvanetsa pakunamata. Mamiriyoni anoitwa varanda nemagamuchidzanwa, tsika, uye mhemberero dzinogumbura Musiki wedu. Ungangodaro uine vavakidzani kana kuti hama dzinodavira kuti kune moto wehero, kuti Mwari utatu, kuti mweya haufi, kana kuti dzinodavira imwewo dzidziso yenhema.
2. Chii chakaitwa nevatungamiriri vezvitendero, uye zvakaguma nei?
2 Chii chinoita kuti kwose kwose vanhu vasaziva Mwari? Zvinoshamisa kuti chitendero—zvikurukuru masangano aya ezvitendero nevatungamiriri vazvo vakadzidzisa pfungwa dzinopesana nedzaMwari. (Mako 7:7, 8) Somugumisiro, vanhu vakawanda vave vachinyengedzwa kufunga kuti vari kunamata Mwari wechokwadi, ivo vachitomugumbura. Chitendero chenhema ndicho chiri kuita kuti pave nemamiriro ezvinhu anosuruvarisa akadai.
3. Mutsigiri mukuru wechitendero chenhema ndiani, uye anorondedzerwa sei muBhaibheri?
3 Pane munhu asingaoneki anotsigira chitendero chenhema. Achitaura nezvomunhu iyeye, muapostora Pauro akati: “Vakapofumadzwa pfungwa namwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino, kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka anokudzwa ane chokuita naKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.” (2 VaKorinde 4:4) Kutaura zvazviri “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino” ndiSatani Dhiyabhorosi. Ndiye mutsigiri mukuru wokunamata kwenhema. “Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza,” akanyora kudaro Pauro. “Saka hachisi chinhu chikuru kana vashumiri vake vachiramba vachizvichinjawo kuva vashumiri vokururama.” (2 VaKorinde 11:14, 15) Satani anoita kuti zvinhu zvakaipa zviite sezvakanaka uye anonyengedza vanhu kuti vadavire nhema.
4. Mutemo waMwari kuna Israeri wekare waitii nezvevaprofita venhema?
4 Ndokusaka zvisingashamisi kuti nei Bhaibheri richishora zvakasimba chitendero chenhema! Somuenzaniso, Mutemo waMosesi wakanyevera zvakananga vanhu vaMwari vakasarudzwa kuti vaifanira kungwarira vaprofita venhema. Munhu wose aitsigira dzidziso dzenhema uye ainamata vanamwari venhema aifanira ‘kuurayiwa nokuti akataura nezvokumukira Jehovha.’ VaIsraeri vakarayirwa kuti ‘vabvise zvakaipa pakati pavo.’ (Dheuteronomio 13:1-5) Chokwadi, Jehovha anoona chitendero chenhema sechinhu chakaipa chaizvo.—Ezekieri 13:3.
5. Inyevero dzipi dzatinofanira kuteerera nhasi?
5 Jesu Kristu nevaapostora vake vakaratidza manzwiro akasimba anoita Jehovha nezvechitendero chenhema. Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti: “Chenjererai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza.” (Mateu 7:15; Mako 13:22, 23) Pauro akanyora kuti “hasha dzaMwari dziri kuratidzwa dzichibva kudenga kuzorwisa kusada Mwari kwose uye kusarurama kwevanhu vaya vari kudzivisa chokwadi.” (VaRoma 1:18) Zvinokosha zvikuru kuti vaKristu vechokwadi vateerere nyevero idzi vosiyana zvachose nomunhu chero upi zvake anovanza chokwadi cheShoko raMwari kana kuti anoparadzira dzidziso dzenhema!—1 Johani 4:1.
Buda mu“Bhabhironi Guru”
6. “Bhabhironi Guru” rinotaurwa sei muBhaibheri?
6 Chimbofunga kuti bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinorondedzera sei chitendero chenhema. Chinotaurwa sehure rakadhakwa rine simba paumambo hwakawanda nevanhu vahwo. Mukadzi uyu wokufananidzira anoita ufeve nemadzimambo akawanda uye adhakwa neropa revanamati vechokwadi vaMwari. (Zvakazarurwa 17:1, 2, 6, 18) Pahuma pake pakanyorwa zita rinoenderana nomufambiro wake unosemesa uye unonyangadza. Zita rake nderokuti “Bhabhironi Guru, amai vemahure uye vezvinhu zvinonyangadza zvenyika.”—Zvakazarurwa 17:5.
7, 8. Chitendero chenhema chave chichiita zvoupfambi sei, uye zvakaguma nei?
7 Rondedzero yeBhabhironi Guru iri muMagwaro inoenderana chaizvo nesangano romunyika yose rechitendero chenhema. Kunyange zvazvo zviuru zvezvitendero zvisina kubatana zviri pamutemo sesangano rimwe chete renyika, zvine chinangwa chimwe chete uye zvinoita zvakafanana. Sezvinoratidzwa nomukadzi womuna Zvakazarurwa anoita unzenza, chitendero chenhema chine simba zvikuru pahurumende. Chichiita somukadzi asina kutendeka kumhiko dzake dzomuchato, chitendero chenhema chakazviita hure nokubatana kwachakaita nemasimba enyika akasiyana-siyana. “Imi mhombwekadzi, hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari?” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. “Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.”—Jakobho 4:4.
8 Uku kubatana kwechitendero chenhema nehurumende ndiko kwakakonzera kuti vanhu vatambure zvikuru. Muongorori wezvematongerwo enyika womuAfrica Dr. Xolela Mangcu akataura kuti “nhoroondo yenyika ine mienzaniso yakawanda yevanhu vazhinji vaiurayiwa zvichikonzerwa nokubatana kwechitendero nezvematongerwo enyika.” Munguva pfupi yapfuura rimwe pepanhau rakati: “Mazuva ano kukakavadzana kunokonzera kuteurwa kweropa rakawanda zvikuru uye kune ngozi zvikuru . . . kunokonzerwa nezvitendero.” Mamiriyoni evanhu akaurayiwa muhondo dzaitsigirwa nechitendero. Bhabhironi Guru rakatotambudza rikauraya vashumiri vaMwari vechokwadi, richiita seradhakwa neropa ravo.—Zvakazarurwa 18:24.
9. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza sei kuvenga kunoita Jehovha kunamata kwenhema?
9 Zvichaitika kuBhabhironi Guru zvicharatidza pachena kuti Jehovha anovenga kunamata kwenhema. Zvakazarurwa 17:16 inoti: “Nyanga gumi dzawaona, nechikara, izvi zvichavenga hure uye zvichariparadza nokuripfekenura, uye zvichadya nhengo dzaro dzine nyama uye zvichariroromesa nomoto.” Kutanga, chikara chikuru chinoriuraya chodya nhengo dzaro dzine nyama zhinji. Zvadaro, zvose zvinenge zvasara zvicharoromeswa nomoto. Saizvozvowo, munguva pfupi inotevera hurumende dzenyika dzicharwisa zvitendero zvenhema. Mwari achaita kuti dzidaro. (Zvakazarurwa 17:17) Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hwechitendero chenhema, richaparadzwa. “Harizombowanikizve.”—Zvakazarurwa 18:21.
10. Tinofanira kuona sei chitendero chenhema?
10 Vanamati vechokwadi vanofanira kuona sei Bhabhironi Guru? Bhaibheri rinorayira zvakajeka zvikuru kuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugovana naro zvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe matambudziko aro.” (Zvakazarurwa 18:4) Vaya vanoda kuponeswa vanofanira kubuda muchitendero chenhema vasati vanyanya kunonoka. Paaiva pasi pano, Jesu Kristu akafanotaura kuti mumazuva okupedzisira, vakawanda vaizongotaura nomuromo kuti vanomutevera. (Mateu 24:3-5) Kune vakadaro, anoti: “Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.” (Mateu 7:23) Jesu Kristu, Mambo akagadzwa iye zvino, haana chokuita nechitendero chenhema.
Siyana Zvachose Nokunamata Kwenhema—Sei?
11. Tinofanira kuitei kuti tisiyane zvachose nokunamata kwenhema?
11 VaKristu vechokwadi vano- siyana zvachose nokunama- ta kwenhema, vachiramba nhema dzinodzidziswa nechitendero. Izvi zvinoreva kuti hationi kana kuteerera mapurogiramu echitendero paredhiyo nepaterevhizheni uyewo hativerengi mabhuku echitendero anodzidzisa nhema pamusoro paMwari neShoko rake. (Pisarema 119:37) Kungavawo kuchenjera kuti tirege kuva pamagungano uye panhandaro dzinotsigirwa nemari nesangano chero ripi zvaro rine chokuita nechitendero chenhema. Uyezve, hatimbotsigiri kunamata kwenhema munzira chero ipi zvayo. (1 VaKorinde 10:21) Kudzivisa zvinhu izvi kunotidzivirira kuti mumwe munhu asaenda nesu “semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.”—VaKorose 2:8.
12. Munhu angarega sei kuva nhengo yemasangano echitendero chenhema?
12 Zvakadini kana munhu anoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha achinge akanyoresa senhengo yechimwe chitendero chenhema? Kazhinji kacho tsamba yokuoneka inenge iri uchapupu hwokuti munhu haachadi kuzivikanwa senhengo yechitendero chenhema. Zvinokosha zvikuru kuti munhu aratidze paamire kuti arege zvachose kusvibiswa mune zvokunamata nechitendero chenhema. Zvinoitwa neanoda kuzova Chapupu zvinofanira kuratidza pachena kusangano racho rechitendero uye kune vanhu vanoonawo kuti haasisiri wechitendero ichocho.
13. Bhaibheri rinopa zano rei rokuti tinofanira kusiyana zvachose nokunamata kwenhema?
13 “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi,” akanyora kudaro muapostora Pauro. “Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima? Uyezve, Kristu naBheriari vanotsinhirana pachii? Kana kuti munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi? Temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pachii? . . . ‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena.’” (2 VaKorinde 6:14-17) Tinoteerera mashoko aya nokusiyana zvachose nokunamata kwenhema. Zano raPauro rinoreva kuti isuwo hatifaniri kushamwaridzana nevanamati venhema here?
“Rambai Muchifamba Nokuchenjera”
14. Hatitombofaniri kushamwaridzana zvachose nevaya vanonamata zvenhema here? Tsanangura.
14 Vanamati vechokwadi havafaniri kutombotaura nevanhu vanonamata zvenhema here? Hatitombofaniri kushamwaridzana nevaya vasingatendi zvatinotenda here? Mhinduro ndeyokuti kwete. Murayiro wechipiri pamirayiro miviri mikuru unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Chokwadi tinoratidza kuti tinoda vavakidzani vedu patinovaudza mashoko akanaka oUmambo. Kuvada kwatinoita kunoratidzwawo patinodzidza navo Bhaibheri toita kuti vazive kuti vanofanira kusiyana zvachose nokunamata kwenhema.
15. Zvinorevei ‘kusava venyika’?
15 Kunyange zvazvo tichiparidza mashoko akanaka kuvavakidzani vedu, sevateveri vaJesu hatisi “venyika.” (Johani 15:19) Shoko rokuti “nyika” pano rinoreva vanhu vasingadi Mwari. (VaEfeso 4:17-19; 1 Johani 5:19) Takaparadzana nenyika pakuti tinoramba mafungiro ayo, matauriro ayo, uye mufambiro unogumbura Jehovha. (1 Johani 2:15-17) Uyezve, maererano nepfungwa yokuti “ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira,” tinodzivisa kunyanya kuwirirana nevaya vasingararami maererano nemitemo yechiKristu. (1 VaKorinde 15:33) Kusava venyika kuramba “usina ruvara rwenyika.” (Jakobho 1:27) Saka, kuparadzana nenyika hakurevi kuti hatitombotauri nevamwe vanhu.—Johani 17:15, 16; 1 VaKorinde 5:9, 10.
16, 17. VaKristu vanofanira kubata sei vaya vasingazivi chokwadi cheBhaibheri?
16 Saka tinofanira kubata sei vaya vasingazivi chokwadi cheBhaibheri? Pauro akanyorera ungano yaiva muKorose, kuti: “Rambai muchifamba nokuchenjera kune vaya vari kunze, muchizvitengera nguva yakakodzera. Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” (VaKorose 4:5, 6) Muapostora Petro akanyora kuti: “Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Pauro akapa vaKristu zano rokuti “varege kutaura zvinokuvadza pamusoro pomunhu chero upi zvake, kuti varege kurwa, kuti vave vanonzwisisa, vachiratidza unyoro kuvanhu vose zvizere.”—Tito 3:2.
17 SeZvapupu zvaJehovha, hatiitiri vamwe hasha kana kuvatsvinyira. Hatitombofaniri kushandisa mashoko okuzvidza kana tichitaura nezvevanhu vezvimwe zvitendero. Pane kudaro, tinongwarira pakutaura, kunyange kana saimba, muvakidzani, kana kuti watinoshanda naye asina mutsa kana kuti achishandisa mashoko okutuka.—VaKorose 4:6; 2 Timoti 2:24.
“Ramba Wakabata Muenzaniso Wemashoko Anopa Utano”
18. Vaya vanodzokera kunonamata zvenhema vanenge vari mumamiriro ezvinhu api ezvokunamata anosiririsa?
18 Zvine ngozi kana munhu akatangazve kunamata zvenhema iye ambodzidza chokwadi cheBhaibheri! Bhaibheri rinorondedzera migumisiro inosuruvarisa yokuita izvozvo parinoti: “Chokwadi, kana vakaitazve zvinhu izvi uye vakakundwa, pashure pokunge zivo yakarurama pamusoro paShe uye Muponesi Jesu Kristu, yambovabatsira kubva pakusvibisa kwenyika, kuguma kwavo kunova kwaipa kupfuura kutanga kwavo. . . . Shoko rechirevo chechokwadi rakaitika kwavari, rinoti: ‘Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, uye nguruve hadzi yakanga yashambidzwa kunoumburuka mumatope.’”—2 Petro 2:20-22.
19. Nei zvichikosha kuti tirambe takasvinurira chero chinhu chipi zvacho chingakanganisa manamatiro edu?
19 Tinofanira kuramba takasvinurira chinhu chero chipi zvacho chingakanganisa manamatiro edu. Ngozi dzacho dziripo zvechokwadi! Muapostora Pauro anonyevera kuti: “Kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni.” (1 Timoti 4:1) Tiri kurarama ‘munguva dzakanzi dzinouya.’ Vaya vasingasiyani zvachose nokunamata kwenhema vanogona ‘kukandwa kwose kwose sokunge vanokandwa nemafungu uye vachitakurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa nounyengeri hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa.’—VaEfeso 4:13, 14.
20. Tingazvidzivirira sei kuti tisafurirwa nechitendero chenhema?
20 Tingazvidzivirira sei kuti tisafurirwa nechitendero chenhema? Funga nezvezvose zvatakapiwa naJehovha. Tine Shoko raMwari, Bhaibheri. (2 Timoti 3:16, 17) Jehovha akatipawo zvokudya zvine chokuita nokunamata achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Sezvatinofambira mberi muchokwadi, hatifaniri here kukudziridza kuda ‘zvokudya zvikukutu zvevanhu vakuru,’ uye chido chokunoungana nevamwe kumisangano, kwatinodzidza chokwadi chine chokuita nokunamata? (VaHebheru 5:13, 14; Pisarema 26:8) Ngatitsungei kushandisa urongwa hwaJehovha zvizere kuitira kuti ‘tirambe takabata muenzaniso wemashoko anopa utano’ atakanzwa. (2 Timoti 1:13) Tikadaro tinogona kusiyana zvachose nokunamata kwenhema.
Wadzidzei?
• “Bhabhironi Guru” chii?
• Tinofanira kuitei kuti tisiyane zvachose nechitendero chenhema?
• Tinofanira kudzivisa ngozi dzipi dzingakanganisa manamatiro edu?
[Mufananidzo uri papeji 28]
Unoziva here kuti nei “Bhabhironi Guru” richifananidzwa nomukadzi nzenza?
[Mufananidzo uri papeji 29]
“Bhabhironi Guru” rava kuda kuparadzwa
[Mufananidzo uri papeji 31]
Tinoratidza “unyoro noruremekedzo rukuru” vaya vasingatendi zvatinotenda