Michato Inokudzwa Mukuona kwaMwari Nevanhu
“MuKana . . . makaitwa mutambo womuchato . . . Jesu nevadzidzi vake vakakokwawo kumutambo womuchato.”—JOHANI 2:1, 2.
1. Nhoroondo yaJesu ari kuKana inobudisa pfungwa ipi?
JESU, amai vake, nevamwe vadzidzi vake, vaiziva mufaro unogona kukonzerwa nomuchato unokudzwa wevanhu vaMwari. Kristu akatoita kuti mumwe muchato ukurumbire nokuita chishamiso chake chokutanga ipapo, icho chakazonyorwa, achiita kuti muchato wacho unakidze zvikuru. (Johani 2:1-11) Ungave wakapinda uye wakanakidzwa nemichato yevaKristu vanenge vachida kushumira Jehovha vachifara. Kana kuti ungatarisira kuti iwe pachako uve nomuchato wakadaro kana kuti kubatsira shamwari yako kuti muchato wayo ubudirire. Chii chingaita kuti ubudirire?
2. Mashoko api ari muBhaibheri ane chokuita nemichato?
2 VaKristu vakaona kuti zano riri muShoko raMwari rakafuridzirwa rinobatsira chaizvo murume nomukadzi pavanoronga kuroorana. (2 Timoti 3:16, 17) Chokwadi, Bhaibheri haridonongodzi zvose zvinofanira kuitwa pamuchato wevaKristu. Izvi zvinonzwisisika nokuti tsika kunyange mitemo zvinosiyana zvichienderana nokwatinogara uye nenguva. Somuenzaniso, muIsraeri yekare makanga musingaitwi muchato wepamutemo. Musi womuchato, murume aienda nomwenga wake kumba kwake kana kuti kwababa vake. (Genesisi 24:67; Isaya 61:10; Mateu 1:24) Sezvo izvi zvaiitwa vanhu vachiona, ndiwo waitova muchato wacho, pasina zvokuunganidza vanhu kuti vapemberere sezvinoitwa pamichato yakawanda nhasi.
3. Jesu akabatsira pachiitiko chipi muKana?
3 VaIsraeri vaiona danho iri sokuroorana kana kuti somuchato. Zvadaro, dzimwe nguva vaizoita mutambo wokupemberera, wakaita souya unotaurwa pana Johani 2:1. Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzinoshandura ndima iyi dzichiti: “Kwakanga kuno muchato paKana.” Asi shoko rakakodzera rakashandiswa mumutauro wekare nderokuti “mutambo womuchato” kana kuti “mhemberero yomuchato.”a (Mateu 22:2-10; 25:10; Ruka 14:8) Nhoroondo yacho inojekesa kuti Jesu aivapo uye ane zvaakaitawo kuti mutambo womuchato wechiJudha unakidze. Zvisinei, pfungwa huru ndeyokuti wainzi muchato kareko wakasiyana neyava kuitwa mazuva ano.
4. Vamwe vaKristu vanosarudza muchato wakaita sei, uye nei?
4 Munyika dzakawanda mazuva ano, vaKristu vanoda kuroorana vane mimwe mitemo yavanofanira kutevedzera. Kana vakadaro, vanogona kuchata chero nenzira ipi zvayo inotenderwa nomutemo. Izvi zvingaitwa pamutambo muduku, vachichatiswa nomutongi, meya, kana mufundisi akatenderwa neHurumende. Vamwe vanosarudza kuchata saizvozvo, zvichida vokumbira voukama vashomanana kana shamwari dzechiKristu kuti vavepo vova zvapupu zvepamutemo kana kuti vafarewo navo pachiitiko ichi chinokosha. (Jeremiya 33:11; Johani 3:29) Saizvozvowo, vamwe vaKristu vangasarudza kusaita mutambo womuchato wakakura kana kuti mabiko izvo zvingada kuronga kunotora nguva uye zvinodya mari yakawanda. Pane kudaro, vangaronga kuti vadye zvokudya nedzimwe shamwari dzavo dzepedyo. Pasinei nezvatingada kuita munyaya iyi, tinofanira kuziva kuti vamwe vaKristu vane ruzivo vangava nemaonero akasiyana needu.—VaRoma 14:3, 4.
5. Nei vaKristu vakawanda vachida kuva nehurukuro yomuchato pavanoroorana, uye inotaura nezvechii?
5 VaKristu vakawanda vanosarudza kuti pamuchato wavo pakurukurwe hurukuro yeBhaibheri.b Vanoziva kuti Jehovha ndiye akatanga urongwa hwokuroorana uye kuti muShoko rake anopa zano rouchenjeri rokuti muchato ungabudirira sei woita kuti vafare. (Genesisi 2:22-24; Mako 10:6-9; VaEfeso 5:22-33) Uye vazhinji vanenge vachida kuchata vanoda kuti shamwari dzavo dzechiKristu nevoukama vavepowo pachiitiko ichi chinofadza. Asi tinofanira kuona sei kusiyana-siyana kwemitemo, maitirwo emichato, kunyange tsika dzinoitwa munzvimbo nenzvimbo? Nyaya ino ichakurukura zvinoitwa munyika dzakasiyana-siyana. Zvimwe zvacho zvingasiyana chaizvo nezvaunoziva kana kuti nezvinoitwa kwaunogara. Kunyange zvakadaro, unogona kuona zvimwe zvakafanana kana zvimwewo zvinokosha kuvashumiri vaMwari.
Muchato Unokudzwa—Ndowepamutemo
6, 7. Nei tichifanira kukoshesa mitemo ine chokuita nokuroora, uye tingaratidza sei kuti tinoikoshesa?
6 Kunyange zvazvo Jehovha ari iye akatanga urongwa hwokuroorana, hurumende dzevanhu dzine zvadzinotaura zvinofanira kuitwa nevaya vanenge vachiroorana. Izvi zvakakodzera. Jesu akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mako 12:17) Saizvozvowo muapostora Pauro akarayira kuti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba makuru, nokuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari; vanhu vane masimba varipo vakaiswa munzvimbo dzavo dzine mwero naMwari.”—VaRoma 13:1; Tito 3:1.
7 Munyika dzakawanda, Kesari, kana kuti hurumende ndiyo inosarudza kuti ndiani akakodzera kuroora. Saka vaKristu vaviri vakasununguka kuroora maererano nezviri muMagwaro pavanosarudza kuroorana, vanofanira kunyatsotevedzera mutemo womunyika yavo. Izvi zvingasanganisira kuwana rezenisi, kuchatiswa nomunhu akatenderwa neHurumende, uye zvichida kunyoresa pamutemo muchato wacho. Kesari Agasto paakarayira kuti ‘kunyoresa’ kuitwe, Mariya naJosefa vakateerera, vakaenda kuBhetrehema “kunonyoresa.”—Ruka 2:1-5.
8. Itsika dzipi dzisingaitwi neZvapupu zvaJehovha, uye nei zvisingaiti izvozvo?
8 Kana vaKristu vakaroorana nenzira iri pamutemo uye inozivikanwa kuti ndeyepamutemo, kuna Mwari izvozvo zvakatokwana. Saka Zvapupu zvaJehovha hazvidzokorori kuchata nokunyoresa muchato kakawanda, uyewo hazvidzokorori mhiko dzomuchato, zvakadai sepanguva yokupemberera kuti zvava nemakore 25 kana 50 zvakaroorana. (Mateu 5:37) (Mamwe machechi haabvumi muchato unonyoreswa kuhurumende, achiti muchato wakadaro haugamuchirwi kutoti mupristi kana kuti mufundisi ane tsika yaaita kana kutaura kuti vaviri vacho vava murume nomudzimai.) Munyika dzakawanda, hurumende dzinobvumira mushumiri weZvapupu zvaJehovha kuti anyorese michato zvepamutemo. Kana kuri kuti ndizvo zvinoitwa, angaitisa muchato wacho pamwe nokukurukura hurukuro yomuchato paImba yoUmambo. Ndiyo nzvimbo yokunamata kwechokwadi munharaunda yacho uye ndiyo yakakodzera kuti ikurukurirwe hurukuro inotaura nezvourongwa uhwu, hwakatangwa naJehovha Mwari.
9. (a) Kana vachizochatiswa nomumiririri wehurumende, vaKristu vangasarudza kuitei? (b) Vakuru vangabatanidzwawo sei muzvirongwa zvomuchato?
9 Mune dzimwe nyika, mutemo unorayira kuti vanenge vachida kuchata vachatire pahofisi yehurumende, zvakadai sepaimba inoshandisirwa zvakasiyana-siyana yeguta iroro, kana kuti kuchatiswa nomumiririri akasarudzwa nehurumende. VaKristu vanowanzosarudza kuti pashure pedanho iri repamutemo, vapiwe hurukuro yomuchato paImba yoUmambo zuva iroro kana kuti rinotevera racho. (Havangadi kuti papfuure mazuva akawanda vachatiswa nomumiririri wehurumende vozoita hurukuro yeBhaibheri, nokuti vanenge vatoroorana pamberi paMwari nevanhu, uye peungano yechiKristu.) Kana vaya vachazochatiswa nomumiririri wehurumende vachida kuti hurukuro ikurukurwe pane imwe Imba yoUmambo, vanofanira kutanga vakumbira mvumo kuvakuru vari muDare reBasa reUngano yacho. Kana vaona kuti vari kuda kuchata vacho vane zita rakanaka, vatariri ava vachava nechokwadi chokuti nguva yomuchato haizokanganisi misangano yenguva dzose nepurogiramu dzakarongwa paimba yacho. (1 VaKorinde 14:33, 40) Vachakurukurawo zvingada kugadzirirwa paimba iyi nevari kuda kuchata vosarudza kana pachifanira kupiwa chiziviso kuti ichashandiswa.
10. Kana muchato uchifanira kuitiswa nomumiririri wehurumende, hurukuro yomuchato inofanira kuzokurukurwa sei?
10 Mukuru achakurukura hurukuro yomuchato achaedza kuikurukura zvine ushamwari, zvinovaka mukunamata, uye zvinoremekedzeka. Kana vaviri vacho vakatanga vachatiswa nomumiririri wehurumende, achajekesa kuti vakaroorana maererano nomutemo waKesari. Kana vasina kuita mhiko dzomuchato pavaichatiswa nomumiririri wehurumende, vangada kudziita panguva inenge ichipiwa hurukuro.c Kana vakaita mhiko pamuchato wakaitiswa nomumiririri wehurumende asi vachida kuita mhiko dzavo pamberi paJehovha neungano, vangaita izvozvo vachitaura nenzira inoratidza kuti ‘vakatosungwa pamwe chete pajoko.’—Mateu 19:6; 22:21.
11. Mune dzimwe nyika, murume nomukadzi vanoroorana sei, uye hurukuro inozokurukurwa sei?
11 Mune dzimwe nzvimbo, mutemo ungava uchiti vaviri vacho havafaniri havo kunyoresa muchato wavo, kunyange pamberi pomumiririri wehurumende. Vanonzi vachata kana vapa mukuru mukuru wehurumende fomu rakasainwa. Muchato wavo unobva wazonyorwa. Kana vaita izvi, vaviri vacho vanenge vava kuonekwa somurume nomudzimai, zuva iri riri iro musi womuchato wavo. Sezvambotaurwa, vaviri vanenge varoorana nenzira iyi vangada kuti vabve vangopiwa hurukuro yeBhaibheri paImba yoUmambo. Hama yakasimba pakunamata inenge yasarudzwa kuti ipe hurukuro yacho ichazivisa vose vanenge varipo kuti vaviri vacho varoorana nokuti muchato wavo uchangobva kunyoreswa zviri pamutemo. Kana paine mhiko dzichaitwa, dzinofanira kuitwa sezvataurwa mundima 10 uye pamashoko omuzasi endima iyoyo. Vaya vanenge vari paImba yoUmambo vachafara nevari kuchata ava uye vachabatsirwa nezano richapiwa rinobva muShoko raMwari.—Rwiyo rwaSoromoni 3:11.
Kuroorana Maererano Netsika uye Nehurumende
12. Kuroorana kunoitwa maererano netsika kuita sei, uye chii chinokurudzirwa kana vaviri varoorana saizvozvo?
12 Mune dzimwe nyika, vanenge vachida kuroorana vangaita zvinganzi kuroorana maererano netsika (kana kuti nedzinza). Izvi hazvirevi vanhu vari kuchaya mapoto zvavo, uyewo hazvirevi vanhu vanenge vachingogara zvavo pamwe chete, izvo zvingagamuchirwa mune dzimwe nzvimbo asi chaizvoizvo kusiri kuroorana kwepamutemo.d Tiri kutaura nezvokuroorana kunogamuchirwa sokuroorana chaiko maererano netsika inoitwa nedzinza racho kana kuti yomunzvimbo yacho. Izvi zvingasanganisira kubviswa nokubvumwa kwemari yeroora yose, izvo zvingareva kuti vaviri vacho vanenge varoorana maererano nomutemo neMagwaro. Hurumende inoona kuroorana kunoitwa maererano netsika kwakadaro sokunogamuchirwa, sokwepamutemo, uye sokunobatanidza vaviri vacho. Zvadaro, kazhinji kacho zvinoita kuzonyoresa kuroorana kwetsika uku kunenge kuchangobva kuitwa, uye kana vadaro vaviri vacho vanopiwa chitupa chepamutemo. Kunyoresa muchato kungadzivirira vaviri vacho kana kuti mudzimai wacho kana akazova chirikadzi uye kungadzivirira vana vangazoberekwa. Ungano inokurudzira vapi nevapi vanoroorana nenzira iyi kuti vanyorese muchato wavo nokukurumidza sezvinobvira. Sezvineiwo, zvinoita sokuti muMutemo waMosesi, michato nemazuva okuzvarwa zvainyoreswa zviri pamutemo.—Mateu 1:1-16.
13. Pashure pokubatanidzwa maererano netsika, chii chakakodzera kuitwa tichifunga nezvehurukuro yomuchato?
13 Vaviri vanobatanidzwa zviri pamutemo maererano netsika iyi vanova murume nomudzimai kana varoorana saizvozvo. Sezvambotaurwa, vaKristu vanobatanidzwa nenzira yepamutemo iyi vangada kuti pave nehurukuro yomuchato uye mhiko dzomuchato, paImba yoUmambo. Kana izvozvo zvaitwa, mukurukuri wacho angataura kuti vaviri vacho vakatobatanidzwa maererano nomutemo waKesari. Panongokurukurwa hurukuro imwe chete bedzi. Vanobatanidzwa kamwe chete, vachibatanidzwa zviri pamutemo maererano netsika yavo, uye panongopiwa hurukuro yeMagwaro imwe chete. Kuita kuti zvinhu zviviri izvi zviitwe panguva imwe chete sezvinobvira, kana zvichiita musi mumwe chete, kunoita kuti kuroorana kwevaKristu kukudzwe munzvimbo yacho.
14. MuKristu angaitei kana michato yose, wetsika nowokushandisa mumiririri wehurumende, ichikwanisa kuitwa?
14 Mune dzimwe nyika dzinoona kuroorana maererano netsika sekwapamutemo, munewo urongwa hwokuroorana maererano nomutemo wehurumende. Muchato wehurumende unowanzoitiswa nomumiririri wehurumende, uye zvingasanganisira kuita mhiko dzomuchato nokusaina tsamba yomuchato. Vamwe vaKristu vanoda kuroorana vanosarudza kushandisa mumiririri wehurumende pane kutevedzera tsika. Hapafaniri hapo kuitwa zvose; nokuti zvose zvinenge zvakakodzera pamutemo. Zvataurwa mundima 9 ne10 nezvehurukuro yomuchato nemhiko zvinoshandawo pano. Chinonyanya kukosha ndechokuti vaviri vacho vanenge varoorana nenzira inokudzwa naMwari nevanhu.—Ruka 20:25; 1 Petro 2:13, 14.
Rambai Muchikudzana Mumuchato
15, 16. Vanhu vangakudzana sei mumuchato?
15 Mumba mamambo wokuPezhiya pamakava nechinetso, chipangamazano wake mukuru ainzi Memukani akamupa zano rakanaka rokuti—‘madzimai ose akudze varume vawo.’ (Esteri 1:20) VaKristu vakaroorana havafaniri havo kuudzwa izvi namambo; madzimai anofanira kukudza varume vawo. Saizvozvowo, varume vechiKristu ‘vanokudza vakadzi vavo’ uye vanovarumbidza. (Zvirevo 31:11, 30; 1 Petro 3:7) Hatifaniri kuzotanga kukudzana padarika makore akawanda. Tinofanira kutanga kuzviita pakutanga chaipo, kutangira pazuva romuchato chairo.
16 Murume nomukadzi—vari kuchata—havasi ivo chete vanofanira kuratidza rukudzo pazuva romuchato. Kana mukuru wechiKristu achizopa hurukuro yomuchato, hurukuro yacho inofanira kuratidza rukudzo. Anofanira kukurukura nevari kuchata vacho. Senzira yokuvakudza, mukurukuri wacho haazotauri zvokuda kusetsa vanhu kana ngano. Haafaniri kunyanya kutaura zvinhu izvo vanhu vanofanira kuzvisarudzira voga zvingaita kuti vari kuchata uye vateereri vanzwe vachinyara. Pane kudaro, achaedza kuva ane ushamwari uye anovaka, achinyanya kutaura nezveAkatanga urongwa hwokuroorana nemazano Ake anobatsira zvikuru. Chokwadi, hurukuro inokudzwa ichakurukurwa nomukuru wacho ichaita kuti muchato wacho ukudze Jehovha Mwari.
17. Nei michato yevaKristu ichitevedzera mitemo?
17 Zvichida munyaya ino waona pfungwa dzakawanda dzine chokuita nemitemo yemichato. Zvimwe zvacho zvingasashanda zvakananga kwaunogara. Kunyange zvakadaro, tose zvedu tinofanira kuziva kuti zvinokosha zvikuru kuti zvirongwa zvemichato zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha zviratidze kuremekedza mitemo yomunyika yavo, inorayirwa naKesari. (Ruka 20:25) Pauro akatirayira kuti: “Ipai vose zvakavakodzera, kune anorayira mutero, mutero; kune anorayira muripo, muripo; . . . kune anorayira kukudzwa, kukudzwa kwakadaro.” (VaRoma 13:7) Chokwadi, zvakakodzera kuti vaKristu, kubvira pazuva chairo rokuchata, vakudze urongwa hwaMwari huripo iye zvino.
18. Ndeipi imwe nyaya ine chokuita nomuchato yatinofanira kufunga nezvayo, uye ndokupi kwatingawana mashoko nezvenyaya iyi?
18 VaKristu vakawanda kana vachata vanozoungana vachishamwaridzana—kuita mutambo womuchato uye kudya pamwe chete. Yeuka kuti Jesu akasarudza kuva pane mumwe mutambo wakadaro. Kana tichizoungana saizvozvo, zano reBhaibheri ringatibatsira sei kuti tive nechokwadi chokuti tinokudza Mwari uye kuti tisashorese vachangobva kuchata uye ungano yechiKristu? Nyaya inotevera ichakurukura izvi.e
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko iri raigonawo kushandiswa kureva mutambo wakanga usiri womuchato.—Esteri 9:22, Septuagint.
b Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa hurukuro yomuchato yemaminitsi 30 ine musoro unoti “Muchato Unokudzwa Mukuona kwaMwari.” Inotaura mazano akanaka omuMagwaro anowanika mubhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nemamwe mabhuku eZvapupu zvaJehovha. Hurukuro yacho inobatsira vaviri vari kuroorana nevose vanenge vari pamuchato wacho.
c Kutoti mitemo yomunzvimbo yacho ichirayira zvimwewo zvakasiyana, mhiko dzinotevera dzinokudza Mwari ndidzo dzinoshandiswa. Murume anoti: “Ini [zita romurume] ndinokutora iwe [zita romwenga] kuti uve mudzimai wangu womuchato, kuti ndikude nokukutarisira maererano nomutemo waMwari wakarongwa muMagwaro Matsvene nokuda kwevarume vechiKristu, chero bedzi tose tiri vaviri tiri vapenyu pasi pano maererano nourongwa hwaMwari hwokuroorana.” Mwenga unoti: “Ini [zita romwenga] ndinokutora iwe [zita romurume] kuti uve murume wangu womuchato, kuti ndikude nokukutarisira nokukuremekedza zvikuru maererano nomutemo waMwari wakarongwa muMagwaro Matsvene nokuda kwevadzimai vechiKristu, chero bedzi tose tiri vaviri tiri vapenyu pamwe chete pasi pano maererano nourongwa hwaMwari hwokuroorana.”
d Nharireyomurindi yeChirungu yaMay 1, 1962, peji 287, inotaura nezvevaviri vanogara vose asi vasina kuroorana zviri pamutemo.
e Onawo nyaya inoti “Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa,” iri papeji 28.
Unoyeuka Here?
• Nei tichifanira kukoshesa zvinhu zvine chokuita nemitemo uye zvine chokuita nokunamata panyaya yokuroora?
• Kana vaKristu vaviri vakachatiswa nomumiririri wehurumende, vangasarudza kuitei nokukurumidza pashure pacho?
• Nei hurukuro dzemichato dzichikurukurirwa paImba yoUmambo?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Pamuchato wevaIsraeri vekare, murume aienda nomwenga kumba kwake kana kuti kwababa vake
[Mufananidzo uri papeji 21]
Pashure pokunge varoorana maererano netsika, vaKristu vangada kuti pave nehurukuro inopiwa paImba yoUmambo