Pasi Riri Kurwara Pane Mushonga Here?
PANE zvinhu zviri kuratidza kuti riri kurwara, tembiricha iri kukwira. Muenzaniso weizvi ndewerumwe ruwa rweNewtok ruri kuAlaska, kumaodzanyemba kweArctic Circle. Ivhu raiva rakaomeswa zvechigarire nechando riri panzvimbo iyi, ine zvivako zveNewtok, rava kunyunguduka. Mumwe murume anonzi Frank anogara ikoko akachema-chema achiti, “Handichadi kugara panzvimbo ine ivhu rakaomeswa nechando, kwazara nemadhaka.” Ongororo dzinoratidza kuti mumakore gumi ari kutevera, nzvimbo iyi iri pedyo negungwa inogona kuzokukurwa nechando chinenge chanyunguduka.
Rimwe sangano rinonzi Intergovernmental Panel on Climate Change (IPCC) rakagumisa kuti, “Hapana anoramba kuti mamiriro okunze ari kuwedzera kupisa.” Kukwira kuri kuita tembiricha pasi rose kunoratidza kuti ichi ichokwadi. Zviri kunzi nemasayendisiti kuchinja kwemamiriro okunze zviri kuguma nemamiriro okunze akaipisisa, kusanganisira kusanaya kwemvura, kunyanya kunayisa kwemvura, mhepo inopisa, uye madutu anoitika pasi rose. Chii chichaitika kupasi redu? Pane mushonga here?
Kuziva uye Kuongorora Chirwere chePasi Redu
Somurwere ari muchipatara, zvinhu zvinonyanya kuratidza kuti pasi riri kurwara zviri kuongororwa zvikuru nemasayendisiti ezvemamiriro okunze. Masateraiti anoramba achiongorora kuparara kuri kuita nzvimbo dzine chando, kuwanda kwemvura iri kunaya kuri kuongororwa munzvimbo dzokuongorora mamiriro okunze, mimwe michina iri kuongorora tembiricha yomumakungwa, ndege dziri kuongororawo muchadenga kuti mune magasi akawanda zvakadini. Mashoko aya ane chokuita nemamiriro okunze anobva aiswa mumakombiyuta ane simba zvikuru. Masayendisiti ari kugadzira zvimwe zvinhu zvakaita semamiriro okunze kuti akwanise kufungidzira zvichaita mamiriro okunze mumakumi emakore anotevera kunyange mazana emakore kubva zvino.
Chii chavari kuwana? Vamwe vanodavira kuti muchadenga chedu makazara nemagasi anoita kuti tembiricha ikwire. Magazini inonzi Time inoti muna 2006 chete, nyika yose yakabudisa carbon dioxide “inoda kusvika matani 32 bhiriyoni.” Kungofanana nemidhuri yemagirazi eimba inosimirwa zvirimwa, magasi akadaro ari kuita kuti pasi rirambe richipisa, achiita kuti kupisa kusabva panyika, izvi zvichikonzera kuti pasi rose rirambe richipisa. Saka remangwana richange rakaita sei? Maererano nesangano riya rinonzi IPCC, kana magasi akaramba achingobudiswa sezviri kuitwa, zvichaita kuti “mamiriro okunze achinje chaizvo munyika yose,” izvi zvingangowedzera kuipa kupfuura zvatiri kuona iye zvino. Iye zvino vakawanda vanobvuma kuti mushonga wacho kuita kuti tisanyanya kubudisa carbon dioxide yakawanda. Zvisinei kunyange zvazvo magasi iwaya akasanyanya kubudiswa zvavanowana kubva kumakombiyuta zvinoratidza kuti mvura icharamba ichiwanda mumakungwa uye “kupisa kucharamba kuchiitika kwemazana emakore.”
Kwatinowana Mhinduro
Ichokwadi kuti sayenzi yokuongorora mamiriro okunze ine zvinhu zvakaoma kunzwisisa. “Somuenzaniso, chii chichaitika kumakore Pasi zvarinenge rava kupisa? Makore ari mudenga-denga anochengeta kupisa ayo angaita kuti kupisa kuwedzere achawanda kupfuura aya ari muzasi anovharidzira zuva here?” yakabvunza kudaro imwe magazini yepaindaneti inonzi Earth Observatory. Yakapindura ichiti kudii? “Panguva ino masayendisiti haagoni kupindura mibvunzo iyi.”
Ukuwo, Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti Jehovha Mwari ndiye “Mugadziri wedenga nenyika,” kusanganisira “makore ari kumusoro.” (Genesisi 14:19; Zvirevo 8:28) Achiita zvokudetemba akazviti ndiye akaisa “uchenjeri mumakore akaturikidzana.” Chokwadi, Jehovha anonyatsonzwisisa zvisingagoni kunzwisiswa nemasayendisiti.—Jobho 38:36.
Nezvechadenga chakapoteredza pasi, ona zvakataurwa naMwari zvakanyorwa muBhaibheri makore anenge 2 700 akapfuura, akati: ‘Mvura inonaya ichibva kumatenga, haidzokeri ikoko, yobva yanyorovesa nyika kwazvo.’ (Isaya 55:10) Izvi zvinonyatsorondedzera zvakajeka kutenderera kunoita mvura! Mvura yakaita semhute iri mumakore inobatana yonaya, ‘yonyorovesa nyika.’ Kupisa kwezuva kunoita kuti ipfungaire uye ‘yodzokera ikoko,’ kana kuti muchadenga, kuti itange kutenderera zvakare. Shoko raJehovha rakaratidza zvinhu zvinoshamisa zvine chokuita nemamiriro okunze epasi pachiine mazana emakore zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvisati zvataura nezvazvo. Izvi hazviiti kuti uvimbe noMusiki wako uye nezvaanokwanisa kuita here? Saka patinofunga nezvokuti dambudziko remamiriro okunze epasi rino richaguma sei, hazvina musoro here kuti titarise ku“Musiki wemhepo,” “baba vemvura,” avo vanoziva kuti pasi rino rakagadzirwa sei?—Amosi 4:13; Jobho 38:28.
Pasi Rine Zvarakasikirwa
Kunyange zvazvo vanhu vachitaura zvakasiyana-siyana nezveremangwana repasi, mashoko aya ndeechokwadi: Hakuna nzvimbo yakafanana nepasi redu. Kusiyana nedzimwe nzvimbo dziri muchadenga, rinokwanisa kuchengeta zvinhu zvipenyu zvakasiyana-siyana zvinoshamisa chaizvo. Nei richikwanisa kudaro? Masayendisiti anotaura zvinhu zvinoverengeka. Pasi chete ndiro rine mvura yakawanda; ndiro riri padaro rakarurama kubva kuzuva; uye ndiro rine magasi akavhenganiswa zvakaringana ari muchadenga charo, kusanganisira okisijeni yakawanda.
Ungashamisika kuziva kuti bhuku romuBhaibheri raGenesisi rinotaura nezvezvinhu izvi munhoroondo yokusikwa kwezvinhu. Somuenzaniso, pana Genesisi 1:10 panorondedzera kuti Mwari ‘akaunganidza mvura akaitumidza kuti Makungwa’—mashoko anoratidza zvakajeka kuti pasi pane mvura yakawanda. Pana Genesisi 1:3, tinoverenga kuti: “Mwari akatanga kuti: ‘Chiedza ngachivepo.’” Pasi redu harisi kure nezuva zvokuti mvura yaro inoita chando, asi harisi pedyo nezuva zvakanyanya zvokuti mvura yaro yose inogona kuita mhute yoenda muchadenga.
Genesisi 1:6 inoti Mwari akagadzira “nzvimbo huru” kana kuti denga. Zvadaro ndima 11 uye 12 dzinotsanangura kuti Mwari anoita kuti uswa, zvinomera uye miti zvivepo. Zvose izvi zvinoratidza kuti okisijeni yaivapo, zvizova nyore kuti upenyu hwomunhu nehwemhuka hutsigirwe nokufema.
Saka tingagumisa tichiti kudii? Mwari paakasika pasi nemvura yaro yakawanda, riri padaro rakarurama kubva kuzuva, uye nemivhenganiswa yaro yakarurama yemagasi, anofanira kunge aiva nechikonzero, chinangwa. Bhaibheri rinotiudza kuti: “[Mwari haana] kungoisikira [nyika] pasina, akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Pana Pisarema 115:16 panoti, “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.” Chokwadi, pasi rakasikirwa kuti vanhu vagare.
Maererano neMagwaro, Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga ndokuvaisa mumunda weEdheni, paradhiso yakaisvonaka. Vaifanira ‘kuurima nokuutarisira.’ (Genesisi 2:15) Mwari akavaudzawo kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” (Genesisi 1:28) Chimbofunga nezveremangwana ravo raishamisa! Vaifanira kuwedzera miganhu yeParadhiso mupasi rose uye kugara pariri nokusingaperi. Chokwadi raiva remangwana rakanaka chaizvo!
Zvinosuruvarisa kuti, pane kuteerera Mwari, vanhu vaviri vokutanga vakasarudza mararamiro okuzvimirira, ari kungoitwa nevanhu vazhinji nhasi. (Genesisi 3:1-6) Pane kurima nokutarisira pasi, vanhu vari “kuparadza nyika” pamwero mukuru zvikuru usina kumbobvira waitika. (Zvakazarurwa 11:18) Kunyange zvakadaro, tinogona kunyaradzwa nechokwadi chokuti chinangwa chaMwari nokuda kwepasi hachina kuchinja. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “[Mwari] akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Uye paMharidzo yake yepaGomo Jesu pachake akavimbisa kuti: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5) Izvi zvichaitika sei?
Remangwana Rakajeka Riri Mberi
Aimbova purezidhendi weUnited States akati, “kuchinja kwemamiriro okunze idambudziko renyika yose.” Saka haubvumi here kuti nyika yose inotoda kugadziriswa? Jesu Kristu akaratidza kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchagadzirisa dambudziko racho. Akarayira vateveri vake kuti vanyengetere vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mateu 6:9, 10) Maererano nouprofita hweBhaibheri, Umambo hwokudenga uhwu ihurumende ichatonga pasi rose ichakurumidza ‘kupwanya nokugumisa umambo hwose uhwu [hurumende dziripo nhasi].’ (Dhanieri 2:44) Uyezve, ‘huchaparadza vaya vanoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Zviri pachena kuti vaya vanoparadza pasi uye vachishandisa zvisiri izvo zvinhu zvaro vachazvidavirira uye vachaparadzwa.
Kunyange zvakadaro, chii chichaitika kupasi redu rasvibiswa? Zvinotokosha ndezvokuti Jesu paaiva pasi pano akaita mabasa aishamisa pazvinhu zvakasikwa, zvakadai semhepo negungwa. Akanyaradza dutu raiva nesimba nokungotaura mashoko mashoma chete. (Mako 4:35-41) Achitonga mudenga sa“She wemadzishe naMambo wemadzimambo,” Jesu acharatidza mabasa makuru zvikuru ane chokuita nepasi nezvinhu zvaro. (Zvakazarurwa 17:14) Kutaura zvazviri, Jesu akarondedzera umambo hwake so“kusikwazve.” (Mateu 19:28) Imwe shanduro inoshandisa mashoko okuti “zvinhu zvose zvinoitwazve zvitsva.” (New International Version) Jesu achasikazve, kana kuita kuti zvinhu zvepasi zvivezve zvitsva, nokuita kuti zvifanane nezviya zvaiva mumunda weEdheni. Paradhiso ichadzorerwa. (Ruka 23:43) Pasi richarapwa noUmambo hwaMwari.
Kunyange iye zvino unogona kubatsirwa nokutonga kwoUmambo. Sei? Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Somugumisiro, mamiriyoni evanhu ari kuteerera mashoko akanaka. Vanhu vari kuchinja upenyu hwavo. Vari kukunda tsika dzokupindwa muropa nezvinhu zvinodhaka. Vari kuva noupenyu hwemhuri hwakanaka. Vari kutsiva kuvenga mamwe marudzi norudo. Chokwadi, Umambo hwaMwari huri kuita zvisingagoni kuitwa nehurumende dzevanhu. Hwabatanidza vanhu vanoda kusvika mamiriyoni manomwe vanobva munyika 235 kuva hama dzomunyika yose! Zvechokwadi, sevanhu vanotongwa noUmambo hwaMwari, vari kugadzirira upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano.
Remangwana repasi rakachengeteka. Remangwana rakowo ngarichengeteke!
[Mufananidzo uri papeji 27]
Bhaibheri rakarondedzera pachiine mazana emakore kutenderera kunoita mvura yepanyika zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvisati zvatombotaura nezvazvo
[Mufananidzo uri papeji 28]
Jesu “akatuka mhepo yacho, akati kugungwa: ‘Shii! Nyarara!’ Zvino mhepo yacho yakadzikama, kudzikama kukuru kukavapo”
[Mufananidzo uri papeji 29]
Pasi richarapwa parichaitwazve Paradhiso
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Godo-Foto