Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuti Dzimba Dziparare Here?
“KANA mumwe wako wawakaroorana naye akachinja chitendero chake, imba inogona kuparara.” Ndizvo zvinotaura vanhu. Kakawanda, mashoko aya anoudzwa munhu anenge akaroora kana kuroorwa paanenge ava kuda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvinotaurwa izvi ndezvechokwadi here?
Zvinonzwisisika kuti kana munhu akaroora kana kuroorwa akatanga kufarira chimwe chitendero kana kuti akachinja zvaaimbotenda, zvinogona kushamisa mumwe wake. Zvingaita kuti mumwe wake anetseke, aore mwoyo, kunyange kutogumbuka.
Kakawanda kacho mudzimai ndiye anotanga kuda kuchinja chitendero. Kana mudzimai wako ari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, izvi zvingaitei kune imba yenyu? Kana uri mudzimai ari kudzidza neZvapupu zvaJehovha, ungaitei kuti mumwe wako asanyanyonetseka?
Maonero Omurume
Mudzimai waMark anogara kuAustralia, akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha vava nemakore 12 vakaroorana. Mark anoti: “Imba yedu yaiva nomufaro uye ndaiva nebasa raigutsa. Upenyu hwedu hwakanga hwakanaka. Mudzimai wangu ndipo paakasarudza kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakafunga kuti upenyu hwangu hwaizovhiringidzwa. Pakutanga, mudzimai wangu paakafarira kudzidza Bhaibheri, handina kuzvifarira, uye paakazondiudza kuti akanga asarudza kubhabhatidzwa kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha ndakanetseka zvikuru.”
Mark akatanga kunetseka kana imba yake yaizoparara pamusana pechitendero chitsva chomudzimai wake. Akafunga kumurambidza kudzidza Bhaibheri uye kuti asatomboshamwaridzana neZvapupu. Zvisinei, pane kukurumidza kuita asina kufungisisa, Mark akabvumira nguva kuti ipfuure. Chii chakaitika kuimba yavo?
Mark anoti, “Zvinofadza kuti imba yedu yatosimba kupfuura zvayaive kare. Yakatowedzera kunaka kubvira pakabhabhatidzwa mudzimai wangu somumwe weZvapupu zvaJehovha makore 15 akapfuura.” Chii chakabatsira imba yavo kuti ibudirire? Mark anoti, “Ndichitarira kumashure, chakanyanya kuita kuti ibudirire ndechokuti mudzimai wangu aishandisa mazano ari muBhaibheri. Anogara achiedza kundiremekedza.”
Mazano Anobva Kumadzimai Akabatsira Varume Vavo
Kana uri mudzimai ari kuwadzana neZvapupu zvaJehovha, ungaitei uye ungataurei kuti murume wako asanyanya kunetseka nezvaangave achityira? Ona zvakataurwa nevakadzi ava vari munyika dzakasiyana-siyana.
Sakiko, wokuJapan anoti: “Ndave ndakaroorwa kwemakore 31 uye ndine vana vatatu. Ndave ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha kwemakore 22 akapfuura. Zvakaoma pane dzimwe nguva kugara nomurume asingatendi zvandinotenda. Asi ndinoshanda nesimba kuti ndiite zvinotaurwa neBhaibheri zvo‘kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura, kunonoka kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19) Ndinoedza kuitira murume wangu mutsa uye kubvuma zvaanoda kana zvisingapesani neBhaibheri. Izvi zvakabatsira imba yedu kuti ibudirire.”
Nadezhda, wokuRussia anoti: “Ndave ndakaroorwa kwemakore 28 uye ndiri Chapupu chakabhabhatidzwa makore 16 akapfuura. Ndisati ndadzidza Bhaibheri, ndaisambofunga kuti murume wangu ndiye anofanira kuva musoro wemhuri. Ndaida kusarudza zvakawanda ndoga. Zvisinei, zvishoma nezvishoma ndakaona kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri ndiko kwaiita kuti mhuri yedu ifare uye ive norugare. (1 VaKorinde 11:3) Zvishoma nezvishoma zvakava nyore kuti ndizviise pasi, uye murume wangu ari kuzviona kuti ndachinja.”
Marli, wokuBrazil anoti: “Ndine vana vaviri uye ndave ndakaroorwa kwemakore 21. Makore gumi nematanhatu akapfuura, ndakabhabhatidzwa kuva Chapupu. Ndakadzidza kuti Jehovha Mwari anoda kuti vakaroorana vagare pamwe chete kwete kuti vaparadzane. Saka ndinoedza kuva mudzimai akanaka, kutaura uye kuita zvinhu nenzira inoita kuti Jehovha nomurume wangu vafare.”
Larisa, wokuRussia anoti: “Pandakava mumwe weZvapupu zvaJehovha anenge makore 19 akapfuura, ndakaona kuti kuchinja mararamiro angu ndicho chinhu chainyanya kukosha. Iye zvino murume wangu anogona kuona kuti Bhaibheri rakandichinja kuva munhu ari nani, uye kuti rakandibatsira kuti ndimukoshese somurume akanaka. Pakutanga taisawirirana pamarerero ataifanira kuita vana vedu, asi takagadzirisa chinetso chacho. Murume wangu anondibvumira kuenda nevana vedu kumisangano yedu yechitendero nokuti anoziva kuti zvavanodzidziswa ikoko zvichavabatsira.”
Valquíria, wokuBrazil anoti: “Ndine mwana mumwe chete uye ndave ndakaroorwa kwemakore 19. Makore gumi nematatu akapfuura, ndakava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pakutanga, murume wangu akanga asingadi kuti ndiite basa rokuparidzira. Asi ndakadzidza kumupindura nounyoro pane zvaaityira uye kumubatsira kuona kuti Bhaibheri rakanga riri kuita kuti ndive nounhu hwakanaka. Murume wangu akazonzwisisa kuti zvaikosha sei kuti ndiite basa rokuparidza. Iye zvino ava kunyatsonditsigira mune zvose zvandinoita pakunamata. Pandinoenda kunodzidza Bhaibheri nevanhu kumaruwa ari kure, anondiperekedza nemotokari yake uye anondimirira nokushivirira kusvikira ndapedza.”
Bhaibheri Rinobatsira
Kana wawakaroorana naye ari kuwadzana neZvapupu zvaJehovha, usatya kuti imba yako ichaparara. Sezvakaonekwa nevarume nevakadzi vakawanda munyika, Bhaibheri rinobatsira chaizvo mumhuri.
Mumwe murume asiri Chapupu chaJehovha akabvuma kuti: “Pakutanga ndakashungurudzika mudzimai wangu paakagamuchira zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha, asi zvino ndava kuona kuti zvine zvazvakanakira.” Mumwe akati nezvomudzimai wake: “Kutendeka, kutsunga uye kuvimbika kwomudzimai wangu kwakaita kuti ndiyemure chaizvo Zvapupu zvaJehovha. Mhuri yedu yabatsirwa chaizvo pamusana pezvinotendwa nomudzimai wangu. Tinoshivirirana uye tinoona imba yedu somubatanidzwa woupenyu hwose.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 13]
Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Imba?
Zvapupu zvaJehovha zvinoona Bhaibheri seshoko rakafuridzirwa naMwari. Saka zvinokoshesa chaizvo zvarinotaura nezvemba. Ona zvinotaura Bhaibheri richipindura mibvunzo inotevera:
▪ Zvapupu zvaJehovha zvinokurudzira vamwe vazvo kuti varambane nomunhu wavanenge vakaroorana naye asiri Chapupu here? Kwete. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana hama chero ipi zvayo iine mudzimai asingatendi, asi iye achida hake kugara nayo, ngairege kumusiya; uye mukadzi ane murume asingatendi, asi murume wacho achida hake kugara naye, ngaarege kusiya murume wake.” (1 VaKorinde 7:12, 13) Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera murayiro uyu.
▪ Mudzimai anenge ari mumwe weZvapupu zvaJehovha anokurudzirwa kuti asaite zvinenge zvichidiwa nomurume wake kana murume wake asingatendi zvaanotenda here? Kwete. Muapostora Petro akanyora kuti: “Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:1, 2.
▪ Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa kuti varume ndivo vane chiremera chose here? Kwete. Muapostora Pauro akati: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinde 11:3) Mudzimai wechiKristu anoremekedza murume wake somusoro wemhuri. Asi, murume haasi iye ane chiremera chose. Anozvidavirira kuna Mwari naKristu. Saka, kana murume akarayira mudzimai wake kuti atyore mutemo waMwari, mudzimai wechiKristu ‘achateerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.’—Mabasa 5:29.
▪ Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa kuti kurambana hakubvumidzwi here? Kwete. Jesu Kristu akati: “Ndinoti kwamuri munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve [unzenza], akaroora mumwe, iye anoita upombwe.” (Mateu 19:9) Saka, Zvapupu zvaJehovha zvinotsigira dzidziso yaJesu yokuti upombwe ndihwo hunogona kuita kuti vanhu varambane. Asi zvinonyatsodavirawo kuti vanhu havafaniri kungorambana nezvikonzero zvenhando. Zvinokurudzira vamwe vazvo kuti vatevedzere mashoko aJesu anoti: “Murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe. . . . Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:5, 6.