Swedera Pedyo naMwari
Musiki Akakodzera Kuti Timurumbidze
WAKAMBOZVIBVUNZA here kuti, ‘Takasikirwei?’ Vaya vanodavira kuti upenyu hwakavapo pamusana pedzidziso isina musoro yokushanduka-shanduka havawani mhinduro yomubvunzo iwoyo. Asi vanoiwana ndevaya vanodavira chokwadi chakavimbika chokuti Jehovha Mwari ndiye Musiki. (Pisarema 36:9) Vanoziva kuti aiva nechinangwa paakatisika. Chinangwa ichocho chinotaurwa pana Zvakazarurwa 4:11. Ngationei mashoko iwayo akanyorwa nomuapostora Johani sezvo achitsanangura kuti nei tiri pano.
Johani anonyora nezverwiyo rwokudenga rwairumbidza Mwari rwuchiti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Jehovha ndiye chete akakodzera kurumbidzwa zvakadaro. Nei? Nokuti ndiye “akasika zvinhu zvose.” Saka zvisikwa zvake zvine njere zvinofanira kunzwa zvichida kuitei?
Zvinonzi Jehovha ndiye akakodzera ‘kugamuchira’ kukudzwa, kuremekedzwa, uye simba. Hapana mubvunzo kuti ndiye munhu akakodzera kukudzwa, kuremekedzwa uye ane simba kupfuura zvisikwa zvose. Zvisinei, vanhu vakawanda havabvumi kuti ndiye Musiki wezvinhu zvose. Kunyange zvakadaro, kune vanhu vanotya Mwari vanonyatsoona “zvaari zvisingaoneki” pavanoongorora zvinhu zvaakasika. (VaRoma 1:20) Vachionga nomwoyo wose, vanonzwa vachida kurumbidza uye kukudza Jehovha. Vanozivisa vanhu vose vanoda kunzwa uchapupu hunoshamisa hwokuti Jehovha ndiye akasika zvinhu zvose nounyanzvi, saka akakodzera kuti timuremekedze.—Pisarema 19:1, 2; 139:14.
Saka Jehovha anogamuchira sei simba kubva kuvanhu vanomunamata? Chokwadi, hapana chisikwa chingagona kupa simba kuMusiki wemasimbaose. (Isaya 40:25, 26) Asi sezvo takasikwa nomufananidzo waMwari, takapiwa unhu hwake hunosanganisira simba. (Genesisi 1:27) Kana tichionga nomwoyo wose zvatakaitirwa noMusiki wedu, tichanzwa tichida kushandisa simba redu uye kuita zvatinokwanisa kuti timukudze uye timuremekedze. Pane kuti tishandise simba redu kuita zvatinoda, tinonzwa sokuti Jehovha Mwari ndiye akakodzera kugamuchira simba redu rose patinomushumira.—Mako 12:30.
Saka nei tiri pano? Chikamu chokupedzisira chaZvakazarurwa 4:11 chinopindura kuti: “Nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Hatina kuzvisika. Tiripo nokuti ndizvo zvinoda Mwari. Saka, upenyu hwokuda kungozvifadza chete hahugutsi uye hahuna zvahunoreva. Kuti mumwoyo medu tive norugare, mufaro, uye tigutsikane tinofanira kudzidza zvinodiwa naMwari torarama maererano nezvaanoda. Patinodaro, ndipo patichanzwisisa kuti takasikirwei.—Pisarema 40:8.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
NASA, ESA, and A. Nota (STScI)