Zvatingadzidza Kuna Mariya
Wakambonzwa usingachazivi zvokuita pamusana pokuti wakanga wasangana nedambudziko kana kuti wapiwa basa guru usingazvitarisiri here? Unonzwa wakaneta pamusana pokutsvaka chouviri here? Zvichida uri mumwe wemamiriyoni evanhu vanonzwa vakavhiringidzika uye vachitya nokuti vaifanira kutama vachibva munyika yokumusha kwavo vachinopotera kune imwe. Uye ndiani wedu asina kumborwadziwa zvikuru uye kupererwa pashure pokunge afirwa nomunhu waanoda zvikuru?
WAIZVIZIVA here kuti Mariya, amai vaJesu, akasangana nematambudziko ose aya? Chinotonyanya kukosha ndechokuti akaakunda ose! Tingadzidzei kwaari?
Chokwadi Mariya anozivikanwa munyika yose. Izvi hazvishamisi nokuti akaita basa guru pakuti zvinangwa zvaMwari zviitike. Uyezve, Mariya anoremekedzwa nevanhu vakawanda. VeChechi yeRoma vanomuremekedza vachiti ndiAmai vavanoda uye munhu wokutevedzera panyaya yokutenda, yetariro, uye yokuyamura vanoshayiwa. Vakawanda vakadzidziswa kuti Mariya ndiye anoreverera vanhu kuna Mwari.
Unofungei nezvaamai vaJesu? Uye zvinotonyanya kukosha ndezvokuti, Mwari anomuona sei?
Basa Rinokosha Kwazvo
Mariya mwanasikana waHeri, aiva muIsraeri wedzinza raJudha. Anotanga kutaurwa nezvake muBhaibheri pane chimwe chiitiko chinoshamisa zvikuru. Ngirozi yakamushanyira ndokuti: “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha kwazvo, Jehovha anewe.” Pakutanga, Mariya akanetseka zvikuru uye “akatanga kufunga kuti uku kungava kukwazisa kworudzii.” Saka ngirozi yakamuudza kuti akanga asarudzwa kuti aite basa raishamisa asiwo raikosha zvikuru, rokubereka uye kurera Mwanakomana waMwari.—Ruka 1:26-33.
Chokwadi mhandara iyi yakanga yapiwa basa guru raikosha kwazvo! Akaita sei? Mariya angave akanetseka kana vanhu vaizobvuma nyaya yake. Kubata kwake pamuviri kwaizomurambisa nomukomana wake Josefa here kana kuti kwaizomuita chiseko chenyika? (Dheuteronomio 22:20-24) Akabvuma kuita basa iri raikosha asingazezi.
Kutenda kwakasimba kwaiva naMariya kwakaita kuti akwanise kuzviisa pasi paMwari wake, Jehovha. Aiva nechokwadi chokuti Mwari aizomutarisira. Ndosaka akati: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri maererano nezvamazivisa.” Mariya aida kutarisana nematambudziko aiva mberi nokuti aikoshesa basa raakanga apiwa naMwari.—Ruka 1:38.
Mariya paakaudza Josefa kuti aiva nepamuviri, mukomana wake akada kuti varambane. Nguva iyoyo inofanira kunge yakavashungurudza vose. Bhaibheri haritauri kuti zvakavatorera nguva yakareba sei zvinhu pazvainge zvakaoma kudai. Zvisinei, Mariya naJosefa vanofanira kunge vakanzwa kunyevenuka ngirozi yaJehovha payakaenda kuna Josefa. Chisikwa ichi chomudzimu, chakatsanangura kubata kwaMariya pamuviri nenzira inoshamisa uye chakarayira Josefa kuti amutore aende naye kumba kwake kuti ave mudzimai wake.—Mateu 1:19-24.
Nguva Dzakaoma Muupenyu hwaMariya
Mazuva ano, vana amai vakazvitakura vanopedza mwedzi yakawanda vachigadzirira mwana wavachazosununguka, uye Mariya angave akaitawo izvozvo. Uyu aizova dangwe rake. Asi, zvimwe zvakazoitika zvaakanga asingatarisiri zvakaomesa zvirongwa zvake. Kesari Agasto akapa murayiro wokuti vanhu vose vaverengwe, uye vanhu vose vaifanira kunonyoresa mazita avo kwavakaberekerwa. Naizvozvo Josefa akaenda naMariya, parwendo rwemakiromita anenge 150, zvimwe akatakurwa nembongoro sezvo akanga ava nemwedzi mipfumbamwe akazvitakura! Vanhu vakanga vakaita mavhu nemarara muBhetrehema uye Mariya aida nzvimbo yakavanda kuti asununguke, asi danga rezvipfuwo ndiro chete nzvimbo yavakawana. Kusunungukira mudanga rezvipfuwo kunofanira kunge kwaisava nyore kuna Mariya. Angangove ainyara uye aitya.
Panguva idzi dzakaoma muupenyu hwake, zviri pachena kuti Maria akanyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha, aine chivimbo chokuti aizotarisirwa iye nomwana wake. Vafudzi vakazosvika vachida kuona mwana. Vakataura kuti ngirozi dzakanga dzataura kuti mwana iyeyo ainzi “Muponesi, uyo ari Kristu Ishe.” Saka tinoverenga kuti: “Mariya akatanga kuchengeta mashoko aya ose, achiafungisisa mumwoyo make.” Akafungisisa nezvemashoko iwayo uye akamusimbisa.—Ruka 2:11, 16-19.
Zvakadini nesu? Tingangorwadziwa muupenyu. Uyezve, Bhaibheri rinoratidza kuti tose tinogona ‘kuwirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi,’ zvichikonzera nhamo nematambudziko muupenyu hwedu. (Muparidzi 9:11) Kana izvozvo zvikaitika, tinogumbuka here, tichipomera Mwari? Hazvingavi zvakanaka here kuti titevedzere Mariya toswedera pedyo naJehovha Mwari nokudzidza Shoko rake Bhaibheri, uye tofungisisa zvatinenge tadzidza? Chokwadi kana tikadaro zvichatibatsira kuti titsungirire miedzo.
Aiva Murombo uye Mupoteri
Mariya akasanganawo nemamwe matambudziko aisanganisira urombo uye kutiza munyika yokumusha kwake. Wakambosangana nezvipingamupinyi zvakadaro here? Mamwe mashoko anoti, “hafu yevanhu vari panyika vanenge mabhiriyoni matatu, vanorarama nemari iri pasi pemadhora maviri okuAmerica pazuva,” uye mamiriyoni akawanda anotambudzika kuti awane chouviri kunyange vachirarama munyika dzinonzi dzakapfuma. Zvakadini newe? Kushanda zvakaoma kuti uwanire mhuri yako zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara kunokuita kuti unete here, kana kutombokuvhiringidza pane dzimwe nguva?
Bhaibheri rinoratidza kuti Josefa naMariya vaiva varombo. Tinoziva sei? Evhangeri dzaMateu, Mako, Ruka, naJohani dzinoratidza kuti mazuva 40 pashure pokunge Mariya asununguka, iye naJosefa vakaenda kutemberi kuti vanopa chibayiro chaidiwa, che“magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku.”a (Ruka 2:22-24) Varombo vakanga vasingakwanisi kupa gwayana ndivo chete vaibvumirwa kupa chibayiro ichi. Saka, zvinofanira kunge zvakanga zvakaomera Josefa naMariya kuti vawane chouviri. Kunyange zvakadaro, vakabudirira zvaiyemurika kuvaka mhuri ine rudo. Zviri pachena kuti vaikoshesa zvokunamata.—Dheuteronomio 6:6, 7.
Isiri nguva refu Jesu aberekwa, upenyu hwaMariya hwakaita manyama amire nerongo zvakare. Ngirozi yakaudza Josefa kuti atizire kuIjipiti nemhuri yake. (Mateu 2:13-15) Aka kaiva kechipiri Mariya achibva munzvimbo yaakajaira, asi panguva ino aifanira kuenda kune imwe nyika. MuIjipiti maiva nevaJudha vakawanda, saka Mariya naJosefa vangave vakakwanisa kugara nevanhu vorudzi rwavo. Kunyange zvakadaro, zvingasava nyore kugara mune imwe nyika. Iwe nemhuri yako muri pakati pemamiriyoni akawanda evanhu vakatama munyika yavo here, pamwe nokuti maida kutarisira vana venyu kana kuti makatiza njodzi? Kana zvakadaro, unogona kunzwisisa mamwe matambudziko akava naMariya paaiva muIjipiti.
Aiva Mudzimai uye Amai Vakazvipira
Kunze kwenhoroondo yokuberekwa uye panguva iyo Jesu aiva mucheche, Mariya haanyanyi kutaurwa nezvake muEvhangeri. Asi, tinoziva kuti Mariya naJosefa vakava nevana vanenge vatanhatu kana kupfuura. Izvi zvingakushamisa. Zvisinei, chimboona zvinotaurwa neEvhangeri.
Josefa airemekedza zvikuru kukudzwa kwakanga kwaitwa Mariya kuti abereke Mwanakomana waMwari. Naizvozvo, Josefa haana kurara naye asati abereka Jesu. Pana Mateu 1:25 panoti Josefa “haana kurara naye kusvikira abereka mwanakomana.” Shoko rokuti “kusvikira” rinoratidza kuti pashure pokuzvarwa kwaJesu, Josefa naMariya vakarara vose somurume nomudzimai. Evhangeri dzinoti, Mariya akaita vana naJosefa, vanakomana nevanasikana. Jakobho, Josefa, Simoni uye Judhasi vaiva vanun’una vaJesu, vana vaamai vake. Mariya akavawo nevanasikana vaviri kana kupfuura. (Mateu 13:55, 56) Zvisinei, vana ava vakanambwa sezvinongoitwa vamwe vose.b
Mariya aiva munhu aikoshesa ukama hwake naMwari. Kunyange zvazvo Mutemo wakanga usingatauri kuti vakadzi vaifanira kupinda mutambo wePaseka, gore negore Mariya aigaroenda naJosefa kuJerusarema kumutambo iwoyo. (Ruka 2:41) Izvi zvaireva kufamba makiromita anenge 300 gore negore nemhuri yakakura! Nzendo idzi dzinofanira kunge dzaifarirwa nemhuri.
Nhasi vakadzi vakawanda vanotevedzera muenzaniso wakanaka waMariya. Vanoshanda nesimba uye vasina udyire kuti vazadzise zvavanonzi nemagwaro vaite. Vakadzi ivava vanogaroratidza kushivirira, kutsungirira, uye kuzvininipisa zvikuru! Kufunga nezvemafungiro aMariya kunovabatsira kukoshesa zvinhu zvine chokuita nokunamata pane kuti vakoshese mafaro uye kuda kugara zvakanaka. Sezvaiita Mariya, vanoziva kuti kunamata Mwari pamwe chete nomurume nevana kunosimbisa uye kunobatanidza mhuri.
Pane imwe nguva Mariya naJosefa pavaidzoka kubva kumutambo kuJerusarema, zvimwe panguva ino vakanga vava nevana vakawanda, vakaona kuti Jesu uyo akanga ava nemakore 12, akanga asipo. Unogona kufungidzira here kushungurudzika kwakaita Mariya paaitsvaka mwanakomana wake kwemazuva matatu? Mariya naJosefa pavakamuwana ari mutemberi, Jesu akati: “Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” Uyezve, nyaya yacho inoti, Mariya ‘akanyatsochengeta mashoko aya ose mumwoyo make.’ Izviwo zvinoratidza kuti Mariya aida zvikuru kuona zvinhu semaonero anoita Mwari. Akanyatsofungisisa nezvezvakanga zvaitika kuna Jesu. Mumakore akazotevera angangove akazorondedzera nezvezviitiko izvi zvaakanga asingambokanganwi nezvimwewo zvakaitika Jesu achiri muduku kuvanyori veEvhangeri.—Ruka 2:41-52.
Kutsungirira Paakatambura uye Paakarasikirwa
Chii chakazoitika kuna Josefa, baba vakarera Jesu? Taverenga nezvake panyaya imwe chete yaJesu achiri muduku, Josefa haazombotaurwi nezvake muEvhangeri. Vamwe vanoti izvi zvinoratidza kuti Josefa akafa Jesu asati atanga ushumiri hwake.c Pasinei nokuti chii chakanyatsoitika, zvinoratidza kuti Mariya akanga ava chirikadzi pakazopedza Jesu ushumiri hwake. Panguva yaakazofa, Jesu akakumbira muapostora Johani kuti atarisire amai vake. (Johani 19:26, 27) Jesu angadai asina kudaro dai Josefa akanga achiri mupenyu.
Mariya naJosefa vakatarisana nezvinhu zvakawanda pamwe chete! Vakashanyirwa nengirozi, vakatiza mambo aidzvinyirira, vakatama kakawanda, uye vakarera mhuri yakakura. Unofunga kuti manheru akawanda zvakadini avaigara pasi vachikurukura nezvaJesu, zvaaizotarisana nazvo munguva yemberi, uye vachida kuziva kana vaimudzidzisa uye kumurayiridza zvakarurama? Zvino nenguva isipi, Mariya akanga ava oga.
Wakafirwa nomurume kana nomukadzi wako here? Uchiri kunzwa kurwadziwa uye kusurikirwa here pamusana pokufirwa kunyange pava nemakore akawanda? Tinogona kuva nechokwadi chokuti Mariya akanyaradzwa nokuti aiziva uye aitenda kuti vakafa vachamutswa.d (Johani 5:28, 29) Zvisinei, pfungwa dzinonyaradza kudaro hadzina kupedza matambudziko aMariya. Kungofanana navanaamai vakawanda vasina varume, Mariya akava nebasa rakaoma rokurera vana vake asisina murume anomubatsira.
Zvine musoro kudavira kuti Jesu ndiye akanga ava kushanda kuti awane mari yokutarisira mhuri Josefa afa. Sezvo vanun’una vaJesu vaikura, vaizoitawo mamwe mabasa okutarisira mhuri. Jesu pa“akanga ava nemakore anenge makumi matatu,” akabva pamba ndokutanga basa rake rokuparidzira. (Ruka 3:23) Vabereki vakawanda vanorwadziwa uye vanodada mwanakomana kana kuti mwanasikana akura paanobva pamba. Mwana paanobva pamba, vabereki vanosara vasurikirwa nokuti vanenge vakamurera vachishandisa nguva yakawanda, vachishanda nesimba, uye nomwoyo wose. Une vana vakabva pamba kuti vanoshanda here? Unodada navo here, asi panguva imwe chete uchinzwa kuti dai vari pedyo? Saka unogona kufungidzira kuti Mariya ainzwa sei Jesu paakabva pamba.
Miedzo Yaakanga Asingatarisiri
Mariya akatarisana nemuedzo waakanga asingatarisiri. Jesu paaiparidzira, vanhu vakawanda vakamutevera, asi kwete vanun’una vake. Magwaro anoti, “Chokwadi, vanun’una vake vakanga vasingatendi maari.” (Johani 7:5) Hapana mubvunzo kuti Mariya akavaudza zvaakanga audzwa nengirozi, kuti Jesu aiva “Mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:35) Asi kuna Jakobho, Josefa, Simoni uye Judhasi, Jesu aingova mukoma wavo. Saka mhuri yaMariya yakanga ine vanhu vaiva nepfungwa dzakasiyana mune zvokunamata.
Mariya akaora mwoyo ndokukanda mapfumo pasi here? Kwete! Pane imwe nguva Jesu paaiparidzira ari muGarireya, akaenda kune imwe imba kunodya, uye boka revanhu rakaungana kuti rizonzwa zvaaitaura. Ndivanaani vakauya vachimutsvaka? Mariya uye vanun’una vaJesu. Saka Jesu paaiva pedyo nokumusha kwake, Mariya aimutevera uye zviri pachena kuti aienda nevamwe vana, zvimwe achitarisira kuti vaizochinja mafungiro avo nezvaJesu.—Mateu 12:46, 47.
Zvimwe iwewo une dambudziko rakadai rokuti uri kuedza kutevera Jesu asi vamwe vari mumhuri yako vasingadi kudaro. Usaora mwoyo, uye usakanda mapfumo pasi! Sezvakaitwa naMariya, vakawanda vakakurudzira vomumhuri dzavo kwemakore pasati pava nechimuko. Mwari anokoshesa kutsungirira kwakadaro, kunyange vanhu vachibvuma kana kwete.—1 Petro 3:1, 2.
Muedzo Waiva Wakaoma Zvikuru
Zviri pachena kuti muedzo wokupedzisira waMariya unotaurwa muMagwaro wakamushungurudza mupfungwa nomumwoyo. Aiva akatarisa mwanakomana wake paakafa achirwadziwa zvikuru pashure pokunge arambwa nevanhu vorudzi rwake. Kufa kunoita mwana kwakatsanangurwa nevamwe kuti “kurasikirwa zvikuru,” “kufirwa kunorwadza zvikuru” pasinei nokuti mwana wacho afa achiri muduku here kana kuti akura. Sezvakanga zvafanotaurwa makore akawanda izvi zvisati zvaitika, Mariya akanzwa sokuti bakatwa refu rakanga richimubvoora!—Ruka 2:34, 35.
Muedzo uyu wokupedzisira, wakamukanganisa mupfungwa here kana kuita kuti atadze kutenda muna Jehovha? Kwete. Panozotaurwa nezvaMariya muBhaibheri, anenge aine vadzidzi vaJesu, “vachiramba vachinyengetera nomwoyo mumwe.” Uye akanga asiri oga. Vamwe vanakomana vake vaivapo naye, panguva iyi vakanga vava kutenda zvaidzidziswa nomukoma wavo. Chokwadi, izvi zvinofanira kunge zvakanyaradza Mariya!e—Mabasa 1:14.
Mariya akararama upenyu hwaigutsa achiita basa rake akatendeka kuna Mwari somunhukadzi, somudzimai uye saamai. Akasangana nezviitiko zvaigutsa muupenyu hwake hwokushumira Mwari. Akakunda miedzo uye matambudziko akawanda. Patinotarisana nematambudziko atinenge tisingafungiri kana kuti patinenge tichishushikana nezvematambudziko omumhuri, tinogona kudzidza zvinhu zvinotibatsira kubva pamuenzaniso wake wokutsungirira nokutendeka.—VaHebheru 10:36.
Zvisinei, tingati chii nezvokuremekedza kunoitwa Mariya muzvitendero? Nyaya yomuBhaibheri yaMariya inotaura nezvebasa rake rinokosha inotsigira here kuti anofanira kunamatwa?
[Mashoko Omuzasi]
a Pashiri dzavaiva nadzo vakapa imwe yacho sechinopiwa chechivi. (Revhitiko 12:6, 8) Paakapa chinopiwa ichi, Mariya akaratidza kuti anoziva kuti iye, sezvakangoitawo vanhu vose vasina kukwana, aiva nechivi chaakawana kuna Adhamu, munhu wokutanga.—VaRoma 5:12.
b Ona bhokisi rinoti, “Jesu Aiva Nevanun’una, Vakoma, Nehanzvadzi Here?”
c Sezvo Josefa asingataurwi nezvake panguva youshumiri hwaJesu zvinoratidza kuti akanga afa nokuti vamwe vomumhuri yaJesu vanotaurwa, vakadai saamai vake, vanun’una uye hanzvadzi dzake. Somuenzaniso, pamuchato wakaitirwa kuKana, Mariya aimira-mira zvikuru achitotaura zvaigona kuitwa, asi hapana panombotaurwa nezvaJosefa. (Johani 2:1-11 ) Pane chimwe chiitiko, vanhu vokumusha kwaKristu vanotaura nezvaJesu vachimuti “mwanakomana waMariya,” kwete mwanakomana waJosefa.—Mako 6:3.
d Kuti uwane mashoko akawanda anotaura zvakavimbiswa neBhaibheri nezvokumutswa kwevakafa, ona chitsauko 7 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
e Ona bhokisi rinoti, “Akava Noushingi Hwokuti Achinje,” riri papeji 7.
[Bhokisi/Mufananidzo riri papeji 6]
Jesu Aiva Nevanun’una, Vakoma, Nehanzvadzi Here?
Aiva nevanun’una nehanzvadzi. Vamwe vanodzidza nezvezvitendero vakaedza kuramba chokwadi ichi, kunyange zvazvo Evhangeri dzichinyatsoratidza kuti aiva navo. (Mateu 12:46, 47; 13:54-56; Mako 6:3) Zvisinei, dzimwe nyanzvi dzinodzidza Bhaibheri dzinotaura zvinhu zviviri zvinopikisa dzidziso dzokuti Mariya haana mumwe mwana waakazobereka. Chokutanga, zvinoita kuti dzidziso dzacho dzisimudzirwe ndezvokuti, dzinotsigira pfungwa yokuti Mariya akaramba ari mhandara upenyu hwake hwose, iyo yakazotanga kushandiswa pave paya nechechi. Chechipiri, kana dzidziso dzacho dzikaongororwa hadzibudisi chokwadi chinogutsa.
Somuenzaniso, imwe dzidziso inotaura kuti vanonzi “vakoma” vaJesu vaiva vanakomana vaJosefa vaakanga aita nomumwe mukadzi waakambenge akaroorana naye. Pfungwa iyi haina musoro, nokuti inoramba kuti Jesu akanga ari dangwe uye aiva nekodzero yokugara nhaka umambo hwaDhavhidhi.—2 Samueri 7:12, 13.
Imwe dzidziso inoti vanakomana ava vaiva vakoma kana kuti vanun’una vasiri vomumhuri yaJesu kunyange zvazvo Magwaro echiGiriki achishandisa mashoko akasiyana pamashoko okuti “vakoma kana kuti vanun’una,” “vakoma kana kuti vanun’una vasiri vomumhuri menyu” uye “hama.” Saka, imwe nyanzvi inonzi Frank E. Gaebelein inoti dzidziso dzechitendero idzi hadzisi dzechokwadi. Anogumisa kuti: “Chokwadi ndechokuti shoko rokuti ‘vanun’una’ . . . rinoreva vanakomana vaMariya naJosefa, vanun’una vaJesu vakaberekwa naamai vake.”
[Bhokisi riri papeji 7]
Aiva Noushingi Hwokuchinja
Mariya akaberekerwa mumhuri yevaJudha, uye ainamata muchitendero chevaJudha. Aiendawo kusinagogi yaiva kwaaigara, kureva zita renzvimbo inonamatirwa nevaJudha uye aishanyira temberi yaiva muJerusarema. Zvisinei, sezvo Mariya aiwedzera kuziva zvinangwa zvaMwari, akakwanisa kunzwisisa kuti tsika dzemadzibaba ake dzakanga dzisingachafarirwi naMwari. Vatungamiriri vechitendero chevaJudha vakaita kuti Mwanakomana wake, Mesiya, aurayiwe. Izvi zvisati zvaitika, Jesu akavaudza kuti: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mateu 23:38) Mwari akarega kukomborera chitendero chakanga charererwa Mariya.—VaGaratiya 2:15, 16.
Ungano yechiKristu payakazoumbwa, Mariya angangodaro aiva nemakore 50 kana kupfuura. Aizoitei? Akataura kuti akanga aberekerwa muchitendero chevaJudha uye aifanira kuramba akavimbika kutsika dzemadzibaba ake here? Akati here akanga akura zvokuti akanga asingachakwanisi kuchinja? Kwete! Mariya akanzwisisa kuti Mwari akanga ava kukomborera ungano yechiKristu, saka aiva nokutenda uye akanga akashinga kuchinja.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kutizira kuIjipiti sevapoteri
[Mufananidzo uri papeji 8]
Chinhu chinorwadza zvikuru muupenyu hwaamai