Waizviziva Here?
Pane chikonzero nei Pondiyo Pirato aitya Kesari here?
Vatungamiriri vechiJudha pavaida kumanikidza Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato kuti aurayise Jesu, vakati: “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari.” (Johani 19:12) “Kesari” airehwa apa ndiTibheriyo, aiva Mutongi weRoma. Pirato angave aiva nechikonzero chaiita kuti atye Kesari here?
Tibheriyo Kesari aiva munhu akaita sei? Bhuku rinonzi The New Encyclopædia Britannica rinotaura kuti, makore akawanda Jesu asati asungwa kuti atongwe, Tibheriyo akanga atova “munhu aiita seaida kungozvigutsa chete uye achiwedzera nzira dzakaipa dzokuzvigutsa.” Aitya kupandukirwa zvokuti aitambudza kana kuuraya chero munhu waainge afungidzira kuti ainge asina kutendeseka. Bhuku iroro rinoti, “Kana vanyori venhoroondo dzekare vakararama panguva yaTibheriyo vakanyora chokwadi nezvake, zvaainyanya kuda kuvaraidzwa nazvo zvaisanganisira utsinye uye zvinonyadzisa. Kunyange pakanga pasina nyaya, aingouraya noutsinye, achingouraya chero waainge ada.”
Saka Pirato angangove akabvuma kufurirwa nevatungamiriri vechiJudha ndokurayira kuti Jesu aurayiwe pamusana pembiri yaTibheriyo.—Johani 19:13-16.
Nei Jesu akageza tsoka dzevaapostora vake?
MuIsraeri yekare, vanhuwo zvavo vaiita mabasa avo vasina shangu. Vaya vaipfeka mutsoka vaipfeka hwashu, idzo dzaingovhara pasi petsoka dziine tambo dzaizosungirirwa patsoka uye pazviziso zvemakumbo. Sezvo migwagwa uye minda yakanga iine guruva kana madhaka, tsoka dzevanhu dzaitongosviba.
Saka, vaive netsika yokuti munhu aibvisa hwashu dzake paaipinda mumba. Aibva agezwa tsoka dzake kuratidza kuti aigamuchirwa. Basa iri raiitwa nomuridzi wemba kana kuti nomushandi. Bhaibheri rinotaura nezvetsika iyi kakawanda. Somuenzaniso, Abrahamu akati kuvaenzi vakanga vamushanyira mutende rake: “Ndapota, mvura shomanana ngaitorwe, mugeze tsoka dzenyu. Ibvai matsenhama pasi pomuti. Regai nditore chimedu chechingwa, musimbise mwoyo yenyu.”—Genesisi 18:4, 5; 24:32; 1 Samueri 25:41; Ruka 7:37, 38, 44.
Aya mashoko anotibatsira kunzwisisa zvakaita kuti Jesu ageze tsoka dzevadzidzi vake pavaichengeta Paseka yokupedzisira. Pachiitiko ichocho, pakanga pasina muridzi wemba kana mushandi kuti aite basa iroro, uyewo zviri pachena kuti hapana mudzidzi akazvipira kuita basa racho. Saka, Jesu paakatora mudziyo wokugezera waiva nemvura uye jira kuti ageze nokupukuta tsoka dzevadzidzi vake, akavadzidzisa kuti vave norudo uye vazvininipise.—Johani 13:5-17.