Zvinoita Here Kutenda Kuti Kune Musiki?
“PANDAIFUNGA nezvokuvapo kweMusiki, zvaindigumbura kufunga kuti mumwe munhu angave aine simba rokuti vanhu vasatambura asi akanga asingadi hake kurishandisa!” Akadaro mumwe munhu akanga asingadaviri kuti kune Musiki akaurayirwa mhuri yake nevaNazi. Akanga asiri iye oga aiva nemanzwiro aya.
Vakawanda vanowana zvakaoma kutenda kuti kuna Mwari pavanoitirwa utsinye, saka vangada havo kunyaradzwa nepfungwa yokuti hakuna Mwari. Zvii zvinonyanya kukonzera vamwe kuti vasava nokutenda? Vanhu vaizofambirwa zvakanaka here nezvinhu sezvinofunga vamwe kudai pasina Mwari kana kuti zvechitendero? Zvinoita here kuti munhu asingatendi kuti kuna Mwari atende kuti kune Musiki ane rudo?
Kukundikana Kwechitendero
Zvinotoshamisa ndezvokuti chitendero ndicho chinotonyanya kukonzera kuti vamwe vanhu vasatenda kuti kune Musiki. Mumwe munyori wenhau dzakaitika kare anonzi Alister McGrath anoti: “Chinoita kuti vanhu vasatenda kuti kune Musiki ipfungwa yokusemburwa nokutsigira chitendero zvakanyanyisa uye kukundikana kwacho.” Vanhu vanowanzoona chitendero sehonzeri yehondo nechisimba. Mumwe muzvinafundo asingatendi kuti kune Musiki anonzi Michel Onfray anoratidza kushamisika nezverimwe bhuku rechitendero kuti rinoita kuti pave nemapoka maviri evanhu, “rinokurudzira vamwe kuti vave vasande,” ukuwo “richikurudzira vamwe kuita utsinye”—ugandanga.
Vamwe vanhu vanorwadziwa pavanoyeuka kuzvibatanidza kwavakaita nechitendero. Rimwe jaya rinonzi Bertil rokuSweden, paraishandira muchiuto, rakanzwa mumwe mufundisi anonamatira mauto achiruramisa chisimba nokushandisa mashoko aJesu enyevero okuti vaya vanoshandisa bakatwa vachafawo nebakatwa. Mufundisi wacho akati panofanira kuva nomumwe munhu anofanira kushandisa bakatwa racho, saka murwi anofanira kunge ari mushumiri waMwari!—Mateu 26:52.a
Bernadette, uyo anababa vakaurayiwa kuFrance muhondo yenyika yechipiri, anoyeuka achigumburwa nemashoko omupristi pamariro omunin’ina wake aiva nemakore matatu mwana waamaiguru vake, uyo akati: “Mwari adana mwana uyu kuti ave ngirozi.” Bernadette akazoberekawo mwana aiva chirema, uyewo vokuchechi havana kumbomunyaradza.
Ciarán, uyo akakura munguva yaiitwa chisimba kuNorthen Ireland, aisemburwa nedzidziso yokuti kune moto wehero. Aigarotaura kuti anovenga chero Mwari upi zvake anokonzera uipi hwakadaro uye aiti, kana Mwari ariko, amuuraye zvake. Ciarán haasi oga anosemburwa nedzidziso dzakaipa dzakadaro dzechechi. Chokwadi, dzidziso dzechechi dzingave dziri idzo dzakatobatsira kuti pave nedzidziso yokuti zvinhu zvakavapo nokushanduka-shanduka. Maererano naAlister McGrath, “kusemburwa zvikuru” kwaDarwin nedzidziso yokuti kune moto wehero—kwete kudavira kwake kuti zvinhu zvakavapo nokushanduka-shanduka—ndiko kwakaita kuti asava nechokwadi chokuti kuna Mwari. McGrath anonyorawo kuti Darwin “akarwadziwa chaizvo pakafa mwanasikana wake.”
Vamwewo ndivo vanoti kuita zvechitendero kunongova kunyanyisa uye kuita zvinhu zvisina musoro. Irina, uyo akaguma afinhwa nemharidzo dzisingagutsi dzechitendero neminyengetero yokudzokorora, anoti: “Kwandiri zvaiita sokuti vanhu vechitendero vakanga vasingafungi.” Louis uyo akasemburwa nezviito zvoutsinye zvaiitwa nevaitsigira nokunyanyisa zvechitendero, akataurawo mafungiro ake: “Kwemakore akawanda ndave ndichiona chitendero sechinhu chinofinha, asi iye zvino ndinogona kuona kuti chitendero chinogona kuvanzira vanhu zvachiri. Ndakatanga kushora zvikuru zvitendero zvose.”
Vanhu Vari Kufambirwa Zvakanaka Here Nezvinhu Vasina Mwari?
Saka hazvishamisi kuti vakawanda vanoona chitendero sechipingamupinyi chinotadzisa vanhu kubudirira uye kuva norugare. Vamwe vakatozvibvunza kuti vanhu vaizofambirwa zvakanaka here nezvinhu vasina Mwari nechitendero. Zvisinei, kurambwa uku kwakapararira kwechitendero kungakonzera zvinetso zvakwowo here?
Mumwe muzvinafundo womuzana remakore rechi18 ainzi Voltaire akashora achitsutsumwa kubata vanhu zvisina kufanira kwaiitwa nechechi yaiva nouori yomunguva yake. Kunyange zvakadaro, akabvuma kuti kune Munhu Mukuru Zvikuru anokosha pakuti tive netsika dzakanaka. Gare gare, mumwe muzvinafundo wokuGermany ainzi Friedrich Nietzsche akazivisa zvakapararira kuti Mwari akafa, asi aitya kuti mafungiro okuti hakuna Musiki aisadzidzisa tsika uye aigona kukuvadza vanhu. Kutya uku kwaive kwakakodzera here?
Mumwe munyori anonzi Keith Ward anoti pashure penguva yokuma1600 nema1700, zviito zvoutsinye hazvina kuderera asi “zvakatowedzera kupfuura zvazvaive kare.” Kunyange kudavira kuti hakuna Musiki hakuna kuita kuti vanhu vasununguke pazvinhu zvakadai souori uye kusashivirirana. Zvinhu izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vanofunga, kunyange vasingatendi kuti kune Musiki, vaone kuti zvinobatsira patsika kutenda kuti kuna Mwari.
Keith Ward akaratidza kuti zvinobatsira kutenda kuti kuna Mwari, akati: “Kutenda kunoramba kuchiita kuti vanhu vade tsika, vade kutarisira nyika yakasikwa naMwari.” Ongororo dzinoverengeka dzichangobva kuitwa dzakaratidza kuti vanhu vakawanda vezvitendero vanoda kuyamura vamwe vanhu. Kuda kuyamura vamwe kunoitawo kuti vanhu vanodaro vanzwe vamboti gutsikanei. Ongororo dzakadaro dzinosimbisa kukosha kwemashoko akataurwa naJesu anoti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Mumwe akanga asingatendi kuti kune Musiki, aishanda kubatsira vanhu, akabayiwa mwoyo nokukwanisa kweBhaibheri kuchinja upenyu hwevanhu. Akati: “Ndapedza makore akawanda, ndisinganyatsobudiriri, ndichiedza kubatsira vanhu kuti vasiye maitiro anovakuvadza ivo nevamwe, zvakandishamisa kuona kuti vanhu vanogona kuchinja kuva vanhu vari nani. Ndakadzidzawo kuti kana vachinja vaikwanisa kuramba vakadaro.”
Kunyange zvakadaro, sokufunga kunoita vamwe vanoti hakuna Musiki, kudavira kuti kuna Mwari ndiko kwakakonzera kuurayiwa kwevanhu vakawanda nehondo kupfuura kuyamura vamwe nokuita zvakanaka. Vangaona kuti vamwe vanotenda vanoita zvakanaka, asi ivo vanongoramba vasina chokwadi nazvo. Nei?
Zvimwe Zvinokonzera Kuti Vanhu Vasatenda
Vakawanda vanodzidziswa kuti zvakatopupurirwa kuti zvinhu zvakavapo nokushanduka-shanduka. Somuenzaniso, Anila, akadzidza kuti hakuna Musiki kuAlbania. Anoti, “Kuchikoro taidzidziswa kuti kutenda kuti kuna Mwari kunopusisa uye chiratidzo chokusarira. Ndaigarodzidza zvinhu zvinonakidza nezvezvirimwa uye zvipenyu, asi ndaingoti zvose zvakashanduka-shanduka, sezvo zvaiita kuti tiite setaifunga maererano nesayenzi.” Nhasi anobvuma kuti “uchapupu hwakapiwa hwaifanira kungobvumwa pasina kubvunza mibvunzo.”
Kutsutsumwa ndiko kungava chipingamupinyi kune vamwe. Zvapupu zvaJehovha zvinowanzosangana nevanhu vane mafungiro iwaya pazvinoita basa razvo repasuo nesuo, zvichitaura nezvetariro inobva muBhaibheri. Bertil, ambotaurwa, akamboshanyirwa nechimwe Chapupu chechiduku. Bertil anoyeuka achizviudza kuti: ‘Munhu uyu anonamata zvokudarika mwero. Manje wauya pamunhu asiri iye!’ Anoti: “Ndakamubvumira kupinda mumba ndokuratidza kugumbukira kwandaive ndakaitira Mwari, Bhaibheri nechitendero.”
Gus, wokuScotland, airwadziwa nokusaruramisira. Pakutanga, aiva nenharo chaizvo uye asingadi kubvuma paaikurukura neZvapupu zvaJehovha. Aibvunza mibvunzo yakafanana neyakabvunzwa nomuprofita wechiHebheru, Habhakuki, uyo akati kuna Mwari: “Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza?”—Habhakuki 1:3.
Maitiro aMwari okunge asina hanya nouipi anorwadzawo vanhu. (Pisarema 73:2, 3) Mumwe munyori wokuFrance anonzi Simone de Beauvoir akamboti: “Zvaiva nyore kuti ndifunge nezvenyika isina musiki pane kufunga nezvemusiki anongotaurwa nezvake nepakasiyana-siyana munyika.”
Zvisinei, kusakwanisa kutsanangura pfungwa dzakasiyana-siyana idzodzo kwezvitendero kunoreva here kuti hapana tsanangudzo? Gus anoti pakupedzisira akawana “tsanangudzo inogutsa yokuti nei Musiki ane simba akabvumira vanhu kuti vambotambura kwenguva pfupi.” Anoti, iyoyo ndiyo “yaiva nhano inokosha yandakatora.”b
Chaizvoizvo, vamwe vanhu vanoti hakuna Musiki vangave vasina chokwadi nedzidziso yokuti zvinhu zvakavapo nokushanduka-shanduka, vangaona kuti vanodawo kunamata, uye vangatonyengetera. Ngationei kuti chii chakaita kuti vamwe vaimboti hakuna Musiki uye Mwari vazoguma vafungisisa nezvenyaya yacho ndokuva noukama hwepedyo noMusiki wavo.
Chii Chakavabatsira Kuti Vatende Kuti Kune Musiki
Richiratidza kuti zvaiva nomusoro, jaya rakashanyira Bertil rakamuratidza kuti chiKristu chechokwadi chakasiyana chaizvo nezvitendero zvevaya vanozviti vaKristu zviri zvezita chete. Bertil anotsanangura chakamubaya mwoyo kupfuura kungoitisana nharo nezvokuvapo kwoMusiki, anoti: “Ndakayemura kushivirira kwake kunyange zvazvo ndainge ndakaoma musoro. . . . Airamba akadzikama chaizvo, uye nguva dzose aindiunzira mabhuku uye ainge akanyatsogadzirira.”c
Svetlana, uyo aidavira dzidziso yokuti zvinhu zvakavapo nokushanduka-shanduka uye zveKomonizimu, ainyatsotenda kuti vakasimba ndivo chete vanorarama. Kunyange zvakadaro ainetseka nepfungwa iyi isingafadzi youpenyu. Akavhiringidzwawo nezvaakadzidziswa kuchikoro chokurapa, anoti: “Munguva yezvidzidzo zvokuti hakuna Musiki, taidzidziswa kuti zvakasimba ndizvo chete zvinorarama. Asi muzvidzidzo zvokurapa, taidzidziswa kuti tinofanira kubatsira vasina simba.” Mukadzi uyu ainetseka kuti nei vanhu vanonzi vakashanduka-shanduka kubva kutsoko, vachitambura nezvinetso zvepfungwa zvisingatambudzi tsoko. Zvinopesana netsanangudzo idzi zvakabva kumwewo, anoti: “Ambuya vangu vakanditsanangurira kubva muBhaibheri kuti kusakwana kwedu ndiko kunokonzera mafungiro asina kunaka.” Svetlana akafarawo kuziva kupindura kunoita Bhaibheri mibvunzo yakadai sokuti nei vanhu vakavimbika vachitambura.
Leif, wokuScandinavia, aidavira zvakasimba kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka uye aiona Bhaibheri sebhuku rengano. Zvisinei, rimwe zuva shamwari yake yakamubvunza zvaaitenda ichiti: “Uri kuziva here kuti uri kungodzokorora zvagara zvichitaurwa nevamwe, usina kana chaunoziva nezveBhaibheri?” Achitsanangura kubayiwa mwoyo kwaakaitwa nemashoko iwayo, Leif anoti: “Ndakaona kuti ndakanga ndisina kumbonyatsoongorora dzidziso yokuti zvinhu zvakashanduka-shanduka, asi ndakanga ndangoibvuma ndisina kuiongorora. . . . Ndinofunga kuti pakati pezvimwe zvinhu zivo youprofita hweBhaibheri nokuzadzika kwahwo zvinogona kubatsira munhu asingatendi kuti kune Musiki kutanga kufunga.”—Isaya 42:5, 9.
Ciarán, ambotaurwa, akaodzwa mwoyo nokubatanidzwa mune zvematongerwo enyika kwemakore akawanda. Paaifungisisa nezvoupenyu, izvi zvakauya mupfungwa dzake: Mwari ane simba chete uye ane rudo ndiye anogona kugadzirisa zvinetso zviri panyika uye kundiratidza nzira yokubuda nayo mumatambudziko angu. Akachema-chema achiti, ‘Dai ndangowana mwari uyu.’ Aodzwa mwoyo zvikuru, akanyengetera achiti: “Kana muripo muchikwanisa kundinzwa, ndiratidzewo nzira yokubuda nayo mumatambudziko angu uye okurwadziwa kuri kuitwa vanhu.” Mazuva mashomanana gare gare, mumwe weZvapupu zvaJehovha akagogodza pasuo rake. Chapupu chacho chakatsanangura zvinodzidziswa neBhaibheri nezvekutonga kwehurumende dzevanhu kunodzorwa nouipi. (VaEfeso 6:12) Tsanangudzo iyi yakagutsa zvakanga zvacherechedzwa naCiarán uye akada kuziva zvakawanda. Pashure pokudzidza zvimwe zvakati wandei nezveBhaibheri, kutenda kwake mune Musiki ane rudo kwakatanga kusimba.
Musiki Wevanhu Newe
Unyengeri hwechitendero, hwakadai sedzidziso dzokuti hakuna Musiki uyewo dzokuti zvinhu zvakavapo nokushanduka-shanduka, uye uipi hungori kwose kwose ndizvo zvakakonzera vakawanda kuti vasava nechokwadi kana kuti vatoramba kuti kune Musiki. Zvisinei, kana ukaverenga Bhaibheri, rinogona kukupindura zvinogutsa mibvunzo yako. Rinoratidzawo mafungiro aMwari, ‘pfungwa dzorugare, kwete dzedambudziko, kuti rikupe nguva yemberi netariro.’ (Jeremiya 29:11) Kana ari Bernadette, akabereka mwana aiva chirema uye aiti hakuna Musiki, tariro iyi yakaita somushonga unopodza maronda akanga akonzerwa nokutambura kwake.
Tsanangudzo yeBhaibheri yokubvumira kwaMwari kutambura yakafadza mwoyo nepfungwa dzevakawanda vaimboti hakuna Musiki. Kana ukatora nguva yokuona kupindura kunoita Bhaibheri mibvunzo yakadai inokosha, iwewo unogona kusvika pakutenda kuti kuna Mwari uyo kutaura zvazviri, “asiri kure nomumwe nomumwe wedu.”—Mabasa 17:27.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mashoko anoratidza kuti vaKristu vechokwadi vanofanira kubatanidzwa muhondo here, ona nyaya inoti, “VaKristu Vanofanira Kubatanidzwa Muhondo Here?” pamapeji 29-31.
b Kana uchida mashoko anonyatsotsanangura kuti nei Mwari akabvumira uipi, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, mapeji 106 kusvika ku114.
c Kana uchida mashoko anoratidza kuti zvinhu zvakasikwa, ona Awake! yaSeptember 2006, inoti, “Is There a Creator?,” yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi riri papeji 13]
Mibvunzo Isina Kupindurwa Nedzidziso Yokuti Zvinhu Zvakavapo Nokushanduka-shanduka
• Upenyu hungabva sei mune chimwe chinhu chisina upenyu?—PISAREMA 36:9.
• Nei mhuka nezvinhu zvinomera zvichibereka zvorudzi rwazvo chete?—GENESISI 1:11, 21, 24-28.
• Kana vanhu vakabva kutsoko dzisingakoshi, nei pasina kurarama chimupanzi chimwe chete zvacho chinenge munhu?—PISAREMA 8:5, 6.
• Mabasa okuyamura vanhu angatsanangurwa sei nedzidziso yokuti zvakasimba ndizvo chete zvinorarama?—VAROMA 2:14, 15.
• Vanhu vane tariro neremangwana here?—PISAREMA 37:29.
[Mifananidzo iri papeji 12, 13]
Mwari ane rudo angasika sei nyika inoita kuti vana vatambure?
Unyengeri hwechitendero hwakaita kuti vakawanda varege kutenda muna Mwari