Tevedzera Kutenda Kwavo
“Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
SAMUERI akatarira zviso zvevanhu vaaitungamirira. Rudzi rwacho rwakanga rwaungana mutaundi reGirigari, kwavakanga vadanwa nomurume uyu akatendeka akanga ari muprofita uye mutongi kwemakumi emakore. Tichishandisa karenda remazuva ano waiva mwedzi waMay kana kuti June; mwaka wechirimo wakanga watova nenguva watanga. Minda yomunzvimbo iyoyo yakanga yakazara gorosi rakanga rava pedyo nokukohwewa. Rudzi rwacho rwose rwakati mwiroo. Saka Samueri aizoita sei kuti avabatsire?
Vanhu vacho havana kunyatsonzwisisa kuti zvavakanga vaita yaisava nyaya yokutamba nayo. Vakanga vaomerera pakuti vaida kutongwa namambo wavaiona. Havana kunzwisisa kuti vakanga varatidza kusaremekedza Mwari wavo, Jehovha, nomuprofita wake. Chiripo ndechokuti wavakanga varamba kuti ave Mambo wavo ndiJehovha! Saka Samueri aizoita sei kuti avabatsire kupfidza?
Samueri akatanga kutaura. Akaudza vanhu vacho kuti: “Ini ndakwegura.” Imvi dzaakanga ava nadzo dzakaita kuti mashoko ake ave nouremu. Akaenderera achiti: “Ini ndakafamba pamberi penyu kubvira ndichiri muduku kusvikira nhasi.” (1 Samueri 11:14, 15; 12:2) Kunyange zvazvo Samueri akanga akwegura, akanga asina kukanganwa zvaakaita achiri muduku. Akanga achiri kunyatsoyeuka mazuva ekare. Zvaakanga asarudza kuita kare ikako, paakanga achiri kuyaruka, zvakanga zvaita kuti ararame upenyu hwokutenda uye kuzvipira kuna Mwari wake, Jehovha.
Samueri aifanira kugara achivaka kutenda kwake uye kuita kuti arambe ainako, kunyange zvazvo aigara nevanhu vakanga vasina kutenda uye vasina kuvimbika. Mazuva ano, zvakangoomawo kuvaka kutenda, nokuti tinorarama munyika isina kutenda uye ine uori. Ngatimboonai zvatinogona kudzidza pane zvakaitwa naSamueri, kubvira achiri mukomana.
‘Kushumira Pamberi paJehovha, Somukomana’
Makudzirwo aSamueri akanga akasiyana neevamwe vana. Achangorumurwa, zvichida ava nemakore anenge mana, akatanga kushumira patebhenekeri tsvene yaJehovha kuShiro, yaiva makiromita anopfuura 30 kubva kumusha kwavo kuRama. Vabereki vake, Erikana naHana, vakapa mwanakomana wavo kuna Jehovha kuti aite basa rinokosha, achibva ava muNaziri kwoupenyu hwake hwose.a Izvi zvaireva here kuti vabereki vaSamueri vakanga vamuramwa uye vasingachamudi?
Kana! Vaiziva kuti mwanakomana wavo aizotarisirwa zvakanaka kuShiro. Zviri pachena kuti Mupristi Mukuru Eri ndiye aitarisira zvaiitika ikoko, uye ndiye aizoshanda naSamueri. Paivawo nevakadzi vanoverengeka vane mabasa avaiita patebhenekeri, uye vaizviita zvakarongeka.—Eksodho 38:8.
Uyezve, Hana naErikana havana kumbokanganwa dangwe ravo ravaida, ravakanga vapiwa semhinduro yomunyengetero wavo. Hana akanga akumbira mwanakomana kuna Mwari, akavimbisa kuti aizomutsaurira kwaari kuti ashande basa dzvene. Hana paaishanyira Samueri gore negore, aimuunzira jasi idzva risina maoko raainge amugadzirira kuti apfeke paanenge achiita basa rake repatebhenekeri. Mwana wacho aikoshesa chaizvo kushanyirwa ikoko. Hapana mubvunzo kuti akabatsirwa chaizvo nokukurudzirwa nevabereki vake norudo uye kumutungamirira kwavaiita pavaimudzidzisa kuti kushumira Jehovha panzvimbo iyi yakasiyana nedzimwe yaiva ropafadzo chaiyo.
Mazuva ano vabereki vane zvakawanda zvavanogona kudzidza kuna Hana naErikana. Kazhinji vabereki vanonyanya kufunga kuti zvii zvavachawana kana vachitarisa marerero avanoita vana vavo, vobva vakanganwa zvinhu zvine chokuita nokunamata. Asi vabereki vaSamueri vakaisa zvinhu zvine chokuita nokunamata pakutanga, uye zvakabatsira chaizvo kuumba mwanakomana wavo kuti ave zvaakazova.—Zvirevo 22:6.
Ngatimbofungidzirai mukomana wacho achikura uye achimbotenderera-tenderera mumakomo aiva pedyo neShiro. Kunenge kuti paaitarisa zvakaita taundi iri nomupata waiva nechemuzasi maro kune rimwe divi, mwoyo wake waizara nomufaro uye aidada paaiona tebhenekeri yaJehovha. Tebhenekeri iyoyo ndiyo yaiva nzvimbo tsvene.b Yakanga yavakwa makore anoda kusvika 400 akanga apfuura Mosesi pachake achiri kutungamira, uye ndiyo yaiva musimboti wokunamata Jehovha munyika yose.
Samueri akasvika pakunyatsoda tebhenekeri. Nhoroondo yaakazonyora inoti: “Samueri akanga achishumira pamberi paJehovha, somukomana, akasunga efodhi yomucheka werineni.” (1 Samueri 2:18) Jasi iroro risina maoko rairatidza kuti Samueri aibatsira vapristi patebhenekeri. Kunyange hazvo akanga asiri womuimba yevapristi, Samueri aiita mabasa aisanganisira kuvhura masuo aipinda muchivanze chetebhenekeri mangwanani uye ndiye aitumwa naEri akanga akwegura. Asi kunyange hake ainakidzwa neropafadzo idzi, nokufamba kwenguva mwoyo wake wakanga usina mhosva wakatanga kunetseka. Pane chinhu chakaipa chaizvo chakanga chiri kuitwa mumba maJehovha.
Kuramba Akachena Pasinei Nouri Hwevaaigara Navo
Samueri achiri muduku, akaona uori nezvakaipa zvaiitika. Eri akanga aine vanakomana vaviri, vainzi Hofini naFiniyasi. Nhoroondo yaSamueri inoti: “Vanakomana vaEri vakanga vari varume pasina; havana kuva nehanya naJehovha.” (1 Samueri 2:12) Pfungwa mbiri dziri mundima iyi dzinonyatsopindirana. Hofini naFiniyasi vakanga vari “varume pasina,” kureva “vanakomana vasina zvavanobatsira,” nokuti vakanga vasingaremekedzi Jehovha. Vakanga vasina basa nemitemo yake yakarurama uye zvaaida. Izvozvo ndizvo zvakaita kuti vazoita zvimwe zvivi zvose.
Mutemo waMwari wainyatsodonongodza mabasa aifanira kuitwa nevapristi uye mapiro aifanira kuitwa zvibayiro patebhenekeri yake. Mitemo iyi pane zvayaiitirwa. Zvibayiro izvozvo zvaimiririra urongwa hwaMwari hwokukanganwira zvivi kuitira kuti vanhu vagova vakachena mumaziso ake, agovakomborera uye agovatungamirira. Asi zvaiitwa naHofini naFiniyasi zvakaita kuti vamwe vapristi vavaishanda navo vapedzisire vazvidza zvibayiro zvacho.c
Chimbofungidzira Samueri aiva achiri mudiki achiona zvose zvakaipa izvi, pasina aigadzirisa. Vanhu vangani vaakaona, vanosanganisira varombo, vanoshayiwa, vakaora mwoyo, vachiuya kutebhenekeri tsvene vaine tarisiro yokunyaradzwa uye kusimbiswa pakunamata, asi votozobvapo vaodzwa mwoyo, varwadziwa kana kuti vanyadziswa? Uye akanzwa sei paakaziva kuti Hofini naFiniyasi vakanga vasingateereriwo mitemo yaJehovha yairambidza unzenza, vachitorara havo nevamwe vakadzi vaishanda patebhenekeri ipapo? (1 Samueri 2:22) Zvichida aitarisira kuti Eri achatomira- mira kuti azvigadzirise.
Eri ndiye munhu ainyatsokwanisa kunge akagadzirisa dambudziko iri rakanga riri kutokura. Zvaaiva mupristi mukuru, ndiye aiona kuti zvinhu zvaifambiswa sei patebhenekeri. Zvaaiva baba, aifanira kutsiura vanakomana vake. Zvaaitoita zvakanga zviri kutokuvadza ivo pachavo uye vamwe vose vaiva munyika yacho. Asi Eri haana kuita zvaaifanira kuita somupristi mukuru uye sababa. Aitsiura vanakomana vake akangoneta-neta. (1 Samueri 2:23-25) Asi vanakomana vake vaitoda kurangwa zvakasimba. Vakanga vari kuita zvivi zvaikodzera rufu!
Zvinhu zvakazokora muto zvokuti Jehovha akazotumira Eri mumwe muprofita, “munhu waMwari,” asingataurwi zita rake kuti ataure nezvemutongo wakasimba waizouya. Jehovha akaudza Eri kuti: “[Uno]ramba uchikudza vanakomana vako kundipfuura.” Saka Mwari akafanotaura kuti vanakomana vaEri vaiita zvakaipa vaizofa musi mumwe chete uye kuti mhuri yaEri yaizotambura zvikuru, uye yaitozorasikirwa neropafadzo yokuva muboka revapristi. Nyevero yakasimba iyi ine zvayakachinja here mumhuri iyi? Nhoroondo yacho hairatidzi kuti pane chakachinja.—1 Samueri 2:27–3:1.
Uori hwose uhwu hwakaita kuti Samueri anzwe sei? Munhoroondo iyi isinganakidzi, nguva nenguva tinowana mashoko anofadza, okuti Samueri akakura uye akaramba achiita zvakanaka. Yeuka kuti pana 1 Samueri 2:18 panoti Samueri “akanga achishumira pamberi paJehovha, somukomana” akatendeka. Kunyange achiri muduku, Samueri akaita kuti kushumira Mwari kuve musimboti woupenyu hwake. Mundima 21 yechitsauko ichocho, mune mamwe mashoko anonyevenutsa mwoyo, anoti: “Mukomana wacho Samueri akaramba achikura Jehovha ainaye.” Paaikura, ukama hwake naBaba vake vokudenga hwakaramba huchisimba. Ukama hwepedyo hwakadaro naJehovha ndihwo hunodzivirira pauori kupfuura zvimwe zvose.
Zvingadai zvakava nyore kuti Samueri afunge kuti kana mupristi mukuru nevanakomana vake vachigona kuita zvivi, iyewo aigona kuita chero zvaaida. Asi uori hunoitwa nevamwe, kusanganisira vaya vanotungamirira, hachisicho chikonzero chingaita kuti titadze. Mazuva ano, pwere dzechiKristu dzakawanda dzinotevedzera muenzaniso waSamueri uye dzinoramba ‘dzichikura Jehovha ainadzo,’ kunyange kana vamwe vanhu vasingaratidzi muenzaniso wakanaka.
Izvozvo zvakaita kuti Samueri aite sei? Tinoverenga kuti: “Nguva yose iyi mukomana Samueri akanga achikura uye aidiwa zvikuru naJehovha nevanhu.” (1 Samueri 2:26) Saka Samueri aidiwa nevakawanda, asi kunyanya nevaya vaida zvakanaka. Jehovha pachake aida chaizvo mukomana uyu nokuti akaramba akatendeka. Uye zvechokwadi Samueri aiziva kuti Mwari wake aizobvisa zvakaipa zvose zvaiitwa muShiro, asi pamwe aimbonetseka kuti aizozviita rini.
“Taurai Henyu, Nokuti Mushumiri Wenyu Ari Kuteerera”
Rimwe zuva huri usiku, mibvunzo iyi yakapindurwa. Kwakanga kwava kuda kuedza asi kuchakasviba; rambi guru romutemberi richiri kuti n’ai n’ai. Kuchakanyarara kudai, Samueri akanzwa inzwi richidana zita rake. Akafunga kuti aiva Eri, uyo akanga akura chaizvo uye akanga ava kuona madzerere. Samueri akamuka “akamhanyira” kumukweguru uyu. Unogona kufungidzira here mukomana uyu achimhanya asina chaakapfeka mumakumbo, kunoona kuti Eri ari kudei? Zvinobaya mwoyo kuona kuti Samueri airemekedza Eri uye aimuitira mutsa. Pasinei nezvivi zvake zvose, Eri akanga achiri mupristi mukuru waJehovha.—1 Samueri 3:2-5.
Samueri akamutsa Eri, akati: “Ndiri pano, nokuti mandishevedza.” Asi Eri akati akanga asina kumushevedza uye akamuti adzokere kunorara. Inzwi riya rakashevedzazve, rikazodzokororazve! Eri akazopedzisira anzwisisa kuti chii chakanga chiri kuitika. Jehovha akanga asingachanyanyi kutumira shoko rake kuvanhu vake achishandisa zviratidzo kana kuti vaprofita, uye zviri pachena kuti sei akanga ava kudaro. Asi Eri akaziva kuti Jehovha akanga ava kutaurazve, achishandisa mukomana uyu! Eri akaudza Samueri kuti adzokere kunorara achibva amurayiridza mapinduriro akanaka aaifanira kuita. Samueri akateerera. Pasina nguva akanzwa inzwi riya rava kudanazve: “Samueri, Samueri!” Mukomana wacho akapindura kuti: “Taurai henyu, nokuti mushumiri wenyu ari kuteerera.”—1 Samueri 3:1, 5-10.
Pakupedzisira Jehovha akanga ava nomushumiri muShiro uyo akanga achiteerera. Ndiwo akava mararamiro aSamueri. Ndiwo mararamiro aunoitawo here? Hatifaniri hedu kumirira kunzwa inzwi rinoshamisa usiku richitaura nesu. Mazuva ano, tinogara tichinzwa inzwi raMwari. Ririmo muShoko raMwari, Bhaibheri. Kana tikaramba tichiteerera Mwari uye tikaita zvaanenge ataura, kutenda kwedu kucharamba kuchikura. Ndizvo zvakaitika kuna Samueri.
Usiku ihwohwo muShiro hwaiva usiku hunokosha chaizvo muupenyu hwaSamueri, nokuti ndipo paakatanga kuva noukama hunokosha naJehovha, uye akava muprofita waMwari nomutauriri wake. Pakutanga, mukomana wacho aitya kutaura mashoko aJehovha kuna Eri, nokuti ndiwo wakanga uri mutongo wokupedzisira wairatidza kuti uprofita hwakanga hwataurwa nezvemhuri iyi hwakanga hwava kuzozadzika. Asi Samueri akakoka ushingi, uye Eri akazvininipisa akagamuchira mutongo waMwari. Munguva pfupi, zvose zvakanga zvataurwa naJehovha zvakazadzika. Israeri yakarwisana nevaFiristiya, uye Hofini naFiniyasi vakaurayiwa musi mumwe chete. Eri wacho akafa paakaziva kuti Areka tsvene yaJehovha yakanga yatapwa.—1 Samueri 3:10-18; 4:1-18.
Mukurumbira wakanaka waiva naSamueri wokuva muprofita akatendeka wakawedzera. Nhoroondo yacho inoti, “Jehovha akava naye,” uye inowedzera kuti haana kuita kuti chero uprofita hupi zvahwo hwaSamueri hurege kuzadzika.—1 Samueri 3:19.
“Samueri Akashevedzera Kuna Jehovha”
Izvi zvakaita here kuti vaIsraeri vabvume kutungamirirwa naSamueri uye vafarire zvokunamata, vova vanhu vakatendeka? Aiwa. Nokufamba kwenguva, vakasarudza kuti vakanga vasingadi kutongwa nomuprofitawo zvake. Vaida kuita sezvakanga zvakaita mamwe marudzi ose uye vaida kutongwa namambo wavaiona. Samueri akabvuma kuita zvavaida, audzwa naJehovha. Asi aifanira kuudza vaIsraeri kukura kwakanga kwakaita chivi chavo. Vakanga vasiri kuramba munhu, asi vakanga vari kuramba Jehovha. Saka akashevedza vanhu kuti vauye kuGirigari.
Ngatiiteiwo sokunge tiripo panguva iyi yakaoma yaaitaura nevaIsraeri paGirigari. Ikoko, Samueri akanga akwegura akayeuchidza vaIsraeri nezvenhoroondo yake yokuperera kuna Mwari. Zvadaro, tinoverenga kuti: “Samueri akashevedzera kuna Jehovha.” Akakumbira kuti Jehovha aunze mabhanan’ana.—1 Samueri 12:17, 18.
Mabhanan’ana? Muchirimo? Zvinhu zvakadaro zvakanga zvisati zvamboitika. Kana kuri kuti pane vaiita kakushora kana kuti kusava nechokwadi, hazvina kutora nguva refu zvisati zvapera. Denga rakangoerekana rasviba nemakore. Mhepo yakaparadza gorosi raiva muminda. Mabhanan’ana akatanga kuita ruzha rwaidzivira nzeve. Uye mvura yakatanga kunaya. Vanhu vakaita sei? “Vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.” Vakazopedzisira vaona kuti vakanga vaita chivi chakakura.—1 Samueri 12:18, 19.
Mwari wavo Jehovha ndiye akabaya mwoyo yavo yakanga yapanduka, haasi Samueri. Kubvira Samueri achiri pwere kusvikira akwegura, aitenda muna Mwari wake. Uye Jehovha akamupa mubayiro. Nanhasi Jehovha haasati achinja. Achiri kutsigira vaya vanotevedzera kutenda kwaSamueri.
[Mashoko Omuzasi]
a VaNaziri vaiita mhiko yaisanganisira kusanwa zvinodhaka uye kusagera bvudzi ravo. Vakawanda vacho vaipika mhiko iyi kwekanguva, asi vashomanana vakaita saSamsoni, Samueri, uye Johani Mubhabhatidzi vakava vaNaziri kwoupenyu hwavo hwose.
b Tebhenekeri yakanga iri yebhokisi, kureva kuti yaiva tende guru rakanga rakagadzikwa pamatanda. Zvisinei, yaigadzirwa nezvinhu zvemhando yepamusoro-soro, zvakaita sematehwe emasiri, machira akanga akamendwa zvakanaka-naka, uye mapuranga aidhura akanga akaiswa ndarama nesirivha. Tebhenekeri yaiva muchivanze chaiva neatari yakanaka kwazvo yezvibayiro. Nokufamba kwenguva, mamwe makamuri akanga avakwa kumativi kwetebhenekeri kuti ashandiswe nevapristi. Zvinoita sokuti Samueri airara mune rimwe remakamuri aya.
c Nhoroondo yacho inotaura mienzaniso miviri inoratidza kuzvidza kwavaiita. Chokutanga, Mutemo waitaura kuti inhindi dzipi dzechibayiro dzaifanira kudyiwa nevapristi. (Dheuteronomio 18:3) Asi patebhenekeri, vapristi vakaipa vakanga vatanga tsika yakaipa kwazvo. Vaiita kuti vashandi vavo vabaye mugate raibikirwa nyama neziforogo, votora chero nhindi yakanaka yaibudamo. Uyezve, vanhu pavaiunza zvibayiro zvavo kuti zvizopiwa paatari, vapristi vakaipa vaiita kuti mushandi atyisidzire munhu akanga auya kuzopa chibayiro chake, vomuti vanoda nyama mbishi mafuta echibayiro asati atombopisirwa Jehovha.—Revhitiko 3:3-5; 1 Samueri 2:13-17.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Pasinei nokuti aitya, Samueri akaudza Eri zvose nezvomutongo waJehovha
[Mufananidzo uri papeji 18]
Samueri akanyengetera nokutenda, uye Jehovha akapindura nemabhanan’ana