Nei Vakaramba Mesiya?
JESU paaiva panyika, mapoka evanhu akabatwa-batwa nezvaakataura uye akaomeswa mate mukanwa nezvishamiso zvaakaita. Izvi zvakaita kuti vakawanda ‘vatende maari’ uye vabvume kuti ndiye Mesiya kana kuti Kristu akanga afanotaurwa. Vakafunga kuti: “Kristu paanosvika, angazoita zviratidzo zvinopfuura zvaitwa nomunhu uyu here?”—Johani 7:31.
Pasinei nouchapupu hwakawanda hwairatidza kuti Jesu ndiye Mesiya, vazhinji vakaona nokunzwa Jesu achitaura havana kutenda maari. Zvinosuruvarisa kuti kunyange vamwe vakambotanga vachitenda maari vakazomusiya. Nei vakawanda vakaramba kuti Jesu ndiMesiya pasinei nouchapupu hwakasimba kudaro? Ngatikurukurei zvikonzero zvacho uye patichadaro, zvibvunze kuti, ‘Ini ndingadaro ndiri kurambawo Mesiya here?’
Tarisiro Dzisina Kuzadzika
Panguva yakaberekwa Jesu, vaJudha vakawanda vaitarisira kuona Mesiya. Jesu paakaunzwa kutemberi ari mucheche, akaonekwa nevaya “vaimirira kununurwa kweJerusarema” naMesiya akapikirwa. (Ruka 2:38) Pave paya, vakawanda vakaona mabasa aJohani Mubhabhatidzi vakafunga kuti: “Angava ndiye Kristu here?” (Ruka 3:15) Saka vaJudha vomuzana remakore rokutanga vaitarisira kuti Mesiya aitei?
VaJudha vakawanda vepanguva iyoyo vaidavira kuti Mesiya aizouya ovasunungura paudzvinyiriri hwehurumende yeRoma ovadzorera umambo hwepanyika hweIsraeri. Jesu asati atanga ushumiri hwake, kwakava nevatungamiriri vakawanda vaifarirwa nevanhu uye vaikurudzira kupandukira simba raitonga panguva iyoyo. Zvakaitwa nevarume ava zvingangodaro zvakakanganisawo zvaitarisirwa nevanhu kuti Mesiya aizoita.
Jesu akanga akasiyana zvachose navanaMesiya venhema ivavo. Akanga asingakurudziri zvokurwisana asi akadzidzisa vateereri vake kuda vavengi vavo uye kuzviisa pasi pevane masimba. (Mateu 5:41-44) Vanhu pavakaedza kumuita mambo, akaramba. Asi, akatodzidzisa kuti umambo hwake hwakanga ‘husiri hwenyika ino.’ (Johani 6:15; 18:36) Kunyange zvakadaro, mafungiro aiva nevanhu asina kururama pamusoro paMesiya akanga akadzika midzi.
Johani Mubhabhatidzi akazvionera uye akazvinzwira uchapupu hunoshamisa hwairatidza kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Asi, paakanga ava mujeri, akatuma vadzidzi vake kuti vanobvunza Jesu kuti: “Ndimi Iye Anouya here, kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?” (Mateu 11:3) Zvimwe Johani akanga asina chokwadi kana Jesu aiva iye Mununuri akapikirwa zvechokwadi, uyo aizozadzisa tarisiro dzevaJudha.
Vaapostora vaJesu vaiomerwa nokunzwisisa kuti aizourayiwa ozomutswa. Rimwe zuva Jesu paakatsanangura kuti Mesiya aifanira kutambura ozopedzisira afa, Petro “akaenda naye parutivi, akatanga kumutsiura.” (Mako 8:31, 32) Petro akanga asati ava kunzwisisa nei Jesu aifanira kufa iye ari Mesiya.
Kwasara mazuva mashoma kuti Paseka ya33 C.E. iitwe, mhomho yevanhu yakafara ichirumbidza Jesu saMambo paakanga achipinda muJerusarema. (Johani 12:12, 13) Asi pasina nenguva yose vakanga vachinja! Muvhiki iroro, Jesu akasungwa ndokuurayiwa. Pashure porufu rwaJesu, vadzidzi vake vaviri vakachema-chema vachiti: “Taitarisira kuti munhu uyu ndiye aifanira kununura Israeri.” (Ruka 24:21) Kunyange pashure pokunge Jesu amutswa uye vamuona, vadzidzi vake vakaramba vaine pfungwa yokuti Mesiya aizotanga umambo panyika. Vakabvunza kuti: “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?” Chokwadi, tarisiro dzisina kururama nezvaMesiya dzakanga dzadzika midzi mumwoyo nepfungwa dzevateereri vaJesu.—Mabasa 1:6.
Jesu akwira kudenga uye mudzimu mutsvene wadururwa, vadzidzi vake vakazonyatsonzwisisa kuti Mesiya aizotonga saMambo wokudenga. (Mabasa 2:1-4, 32-36) Vaapostora Petro naJohani vakaparidza noushingi nezvokumutswa kwaJesu uye vakaratidza kuti vaitsigirwa naMwari nokuita zvishamiso. (Mabasa 3:1-9, 13-15) Zviuru zvevanhu zvakateerera zvikava vatendi muJerusarema. Zvisinei, izvi hazvina kufadza vakuru vakuru vechiJudha. Iye zvino vakanga vava kupikisa vaapostora nevadzidzi sekupikisa kwavakanga vaita Jesu. Nei vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakaramba Jesu zvakasimba kudaro?
Akarambwa Nevatungamiriri Vezvitendero
Panguva yakazouya Jesu panyika, zvaifungwa uye zvaiitwa nevechitendero chechiJudha zvakanga zvarasana nokure nezvaidzidziswa neMagwaro akafuridzirwa. Vatungamiriri vezvitendero zvepanguva iyoyo vaisanganisira vaSadhusi, vaFarisi uye vanyori vaiti sika-sika netsika dzevanhu, vachidzikoshesa kukunda Shoko raMwari rakanyorwa. Vaigara vachipomera Jesu mhosva yokutyora Mutemo nokuti aiita zvishamiso zvokurapa paSabata. Kuramba zvine simba kwakaita Jesu dzidziso dzavo dzakanga dzisingabvi mumagwaro kwakaratidza kuti aipesana nemasimba avo uye nokutaura kwavaiita kuti vaiva noukama hwakanaka naMwari. Jesu akanga akasiyana navo pakuti aibva mumhuri yakaderera uye akanga asina kuenda kuzvikoro zvechitendero sezvavakanga vakaita. Ndosaka zvakanga zvakaoma kuti varume vaizvikudza kudaro vabvume kuti Jesu ndiye aiva Mesiya! Kupikiswa ikoko kwakavagumbura zvokuti “vakarangana pamusoro [paJesu] kuti vamuparadze.”—Mateu 12:1-8, 14; 15:1-9.
Zvisinei, vatungamiriri vechitendero vaizotii nezvokukwanisa kwaiita Jesu kuita zvishamiso? Havana kuramba kuti zvishamiso izvozvo zvakaitika. Asi vakaedza kuita kuti vanhu vasatende muna Jesu nokutaura nenzira yokuzvidza kuti simba rake raibva kuna Satani vachiti: “Munhu uyu hapana chimwe chaanoshandisa kudzinga madhimoni kunze kwaBherizebhubhu, mutongi wemadhimoni.”—Mateu 12:24.
Paiva nechimwe chikonzero chakasimba chaiita kuti vaomese musoro vachiti Jesu haasi Mesiya. Paakamutsa Razaro, vatungamiriri vemapoka akawanda ezvitendero vakaungana pamwe chete ndokutaurirana vachiti: “Toitei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvizhinji? Kana tikamurega achiita izvi, vose vachatenda maari, uye vaRoma vachauya, votora nzvimbo yedu norudzi rwedu.” Vachityira kutorerwa simba ravo uye chinzvimbo chavo, vatungamiriri vezvitendero vakarangana kuti vauraye Jesu naRazaro wacho!—Johani 11:45-53; 12:9-11.
Kusafarirwa Nevanhu Uye Kutambudzwa
Zvaiitwa nevatungamiriri vezvitendero vechiJudha muzana remakore rokutanga zvakaita kuti vanhu vavenge munhu wose aizobvuma kuti Jesu ndiMesiya. Pamusana pokuzvikudza nezvinzvimbo zvavo, vaishora chaizvo munhu wose airatidza kutenda muna Jesu vachiti: “Pane mumwe wevatongi kana wevaFarisi atenda maari here?” (Johani 7:13, 48) Vamwe vatungamiriri vechiJudha vakadai saNikodhimo naJosefa wokuArimatiya vakava vadzidzi vaJesu asi havana kuda kuti vanhu vazvizive pamusana pokutya. (Johani 3:1, 2; 12:42; 19:38, 39) Vatungamiriri vechiJudha vakanga vatsidza kuti ‘kana munhu akapupurira pachena kuti Jesu ndiye Kristu, anofanira kudzingwa musinagogi.’ (Johani 9:22) Munhu wacho aizodzingwa obva aramwiwa nevanhu.
Kupikiswa kwaiitwa vaapostora vaJesu pamwe nevadzidzi vake kwakaita kuti vapedzisire vava kutambudzwa. Pamusana pokuparidza kwavo noushingi vaapostora vakatambudzwa zvokutambudzwa zviya nedare repamusoro-soro rechiJudha reSanihedrini. (Mabasa 5:40) Vaipikisa vakapomera mumwe mudzidzi ainzi Stefani mhosva yokumhura. Sanihedrini yakati ane mhosva uye aurayiwe achiita zvokutemwa-temwa nematombo. Zvadaro “kutambudzwa kukuru kwakamuka paungano yaiva muJerusarema; vose kunze kwevaapostora chete vakapararira munzvimbo dzose dzeJudhiya neSamariya.” (Mabasa 6:8-14; 7:54–8:1) Sauro uyo akazopedzisira ava kunzi muapostora Pauro, ane zvaakaitawo pakutsigira kutambudzwa kwakanga kwabvumirwa nemupristi mukuru uye “neungano yose yevarume vakuru.”—Mabasa 9:1, 2; 22:4, 5.
Kunyange zvinhu pazvaiva zvakaoma kudaro, chiKristu chakakura nokukurumidza pashure pokufa kwaJesu. Kunyange zvazvo zviuru zvakava vatendi, vaKristu vakaramba vachingova kapoka kaduku muzana remakore rokutanga muParestina. Kutaura pachena kuti uri muteveri waKristu kwaigona kuita kuti uramwiwe nevamwe kana kutambudzwa.
Wana Chidzidzo Pane Zvakaitwa Nevakaramba Jesu
Kubva pane zvataona, mafungiro asina kururama, kufurirwa nevanhu uye kutambudzwa kwakaita kuti vanhu vakawanda vomuzana remakore rokutanga vasatenda muna Jesu. Mafungiro asina kururama pamusoro paJesu nedzidziso dzake anogona kukanganisawo vanhu mazuva ano. Somuenzaniso, vakawanda vakadzidziswa kuti Umambo hwaMwari huri mumwoyo yavo kana kuti vanhu ndivo vachaita kuti umambo hwacho hugadzwe. Vamwe vanofungidzira kuti sayenzi kana kuti kufambira mberi kwekugadzirwa kwezvinhu ndiko kuchagadzirisa matambudziko evanhu zvoita kuti pasava nechikonzero chokutenda muna Mesiya. Vakawanda vanotsoropodza vanoti zvakanyorwa muBhaibheri pamusoro poushumiri hwaJesu inhema uye vanhu ava vanenge vachiti kutenda kuti Jesu ndiye Mesiya hakushandi.
Chinoita kuti zvidaro ndechokuti vakawanda havazivi mabasa aMesiya kana kuti havatomborina basa nokuziva kuti anoita nezvei. Asi kune vaya vanoda kuongorora kuti chokwadi ndechipi, pane zvakawanda zvinoratidza kuti Jesu ndiye Mesiya kutodarika zvaizivikanwa muzana remakore rokutanga. Tine Magwaro echiHebheru akazara ane uprofita hwakawanda hunotaura nezvezvaizoitwa naMesiya uye mabhuku mana eEvhangeri anotaura zvakaitwa naJesu kuti azadzike uprofita ihwohwo.a
Pane uchapupu hwakawanda hunotibatsira kunyatsoita chisarudzo chine musoro panyaya iyi. Uye chisarudzo chacho chinofanira kukurumidza kuitwa. Nei? Nokuti Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu saMesiya, Mambo woUmambo hwaMwari, munguva pfupi achabvisa vose vari kuparadza nyika uye achatonga nokururama zvichaita kuti vanhu vanoteerera vararame nokusingaperi pasi pano nyika painenge yave paradhiso. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15, 18; 21:3-5) Iye zvino kana ukaedza nepaunogona kudzidza nezvaJesu uye kuratidza kuti unotenda maari zvechokwadi unokwanisa kurarama mune ramangwana rakanaka iri. Nyaradzwa nemashoko aJesu okuti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona chati rakanzi “Uprofita Hune Chokuita naMesiya” riri papeji 200 mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
Dai wakararama mumazuva aJesu, ungadai wakabvuma kuti ndiye Mesiya here?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Usamborega pfungwa dzisina kururama dzichikutadzisa kudzidza chokwadi nezvaJesu