Ramangwana Riri Mumaoko Ako!
UNOKWANISA KUSARUDZA ZVICHANGE ZVAKAITA RAMANGWANA RAKO HERE? Vamwe vanoti upenyu hwemunhu mumwe nemumwe hwagara hwakatorongwa naMwari, saka hazvibatsiri kuti vazvisarudzire. Kana vakatadza kuita zvimwe zvinhu vanongoti zvagara zvanga zvisiri zvavo.
Vamwe vanoora mwoyo pavanoona zvinhu zvinoshungurudza zviri kuitika munyika. Vanogona kunge vakamboedza vaedzazve kuti upenyu hwavo huve nani, asi vakakundikana pamusana pehondo, utsotsi, njodzi dzinongoitika dzega uye urwere. Vanobva vangoti, ‘Chandinozvinetsera chii?’
Ichokwadi kuti zvinhu zvinoitika muupenyu zvinogona kukanganisa zvirongwa zvako. (Muparidzi 9:11) Asi unokwanisa kusarudza zvichange zvakaita ramangwana rako. Bhaibheri rinotoratidza kuti ramangwana riri mumaoko ako. Inzwa zvarinotaura.
Mosesi, uyo aitungamirira vaIsraeri kare, akaudza vanhu vainge vava kupinda muNyika Yakapikirwa kuti: “Ndaisa upenyu norufu pamberi penyu, uye chikomborero nokutukwa; naizvozvo sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu, imi nevana venyu, nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari.”—Dheuteronomio 30:15, 19, 20.
“Ndaisa upenyu norufu pamberi penyu, uye chikomborero nokutukwa; naizvozvo sarudzai upenyu.”—Dheuteronomio 30:19
Mwari akanunura vaIsraeri kubva muuranda kuIjipiti uye akavavimbisa kuzorarama upenyu hwakanaka muNyika Yakapikirwa. Asi vaisazongoerekana vapinda munyika yacho. Kuti vawane makomborero iwayo, vaifanira ‘kusarudza upenyu.’ Vaizozviita sei? Vaifanira ‘kuda Mwari, kuteerera inzwi rake uye kunamatira kwaari.’
Unofanira kuitawo chisarudzo, uye zvauchasarudza zvicharatidza kuti ramangwana rako richange rakaita sei. Kana ukasarudza kuda Mwari, kuteerera inzwi rake uye kunamatira kwaari, uchawana upenyu husingaperi muparadhiso pano panyika. Asi ungazviita sei?
SARUDZA KUDA MWARI
Rudo ndihwo unhu hukuru huna Mwari. Muapostora Johani akanyora kuti, “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Ndosaka Jesu paakabvunzwa kuti ndeupi murayiro mukuru pane yese, akati: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Kunamata Mwari hakufaniri kubva pakumutya, asi pakumuda. Asi nei tichifanira kuda Mwari?
Kuda kunoita Jehovha vanhu kwakafanana nekuda kunoita vabereki vana vavo. Vabereki vanodzidzisa, vanokurudzira, vanotsigira uye vanoranga vana vavo nekuti vanoda kuti vana vacho vafare uye vakure zvakanaka. Vabereki vanodawo chii kubva kuvana vavo? Vanoda kuti vana vavo vavade uye vaite zvinhu zvese zvavanenge vavadzidzisa. Saka Baba vedu vekudenga vanodawo kuti tivade nekuti vanotiitira zvakawanda.
TEERERA INZWI RAKE
Mumutauro wakatanga kunyorwa nawo Bhaibheri, shoko rekuti “teerera” rinosanganisira “kuita zvaunenge wanzi uite.” Mwana paanonzi ateerere vabereki vake, zvinenge zvichireva kuti aite zvaanoudzwa. Saka kuteerera inzwi raMwari kunoreva kuziva zvaanoda uye kuzviita. Sezvo tisingakwanisi kunzwa inzwi raMwari, tinomuteerera patinoverenga Shoko rake Bhaibheri uye patinoita zvarinotaura.—1 Johani 5:3.
Kuratidza kuti kuteerera inzwi raMwari kunokosha, Jesu akati: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4) Tinoda zvekudya kuti tirarame, asi kuziva nezvaMwari kunotokosha kupfuura zvekudya. Nei? Mambo Soromoni akati: “Uchenjeri hunodzivirira kufanana nemari inodzivirira; asi zvakanakira zivo ndezvokuti uchenjeri hunochengetedza varidzi vahwo vari vapenyu.” (Muparidzi 7:12) Zivo neuchenjeri hunobva kuna Mwari zvinogona kutichengetedza uye kutibatsira kuita zvinhu zvichaita kuti tizowana upenyu husingaperi mune ramangwana.
KUNAMATIRA KWAARI
Yeuka zvakataurwa naJesu zvatambotaura munyaya yapfuura, paakati: “Gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Tinotoda kubatsirwa uye kuramba tiri pedyo nemunhu anonyatsoziva mugwagwa wacho kuti tisvike kwatiri kuenda, kuupenyu husingaperi. Saka zvinokosha kuti tirambe tiri pedyo naMwari. (Pisarema 16:8) Tingazviita sei?
Zuva nezuva tine zvinhu zvatinoita uye tine zvimwewo zvatinoshuva kuti dai taita. Zvinhu izvozvo zvinogona kuita kuti tigare takabatikana zvekuti tinoshaya nguva yekufungawo nezvaMwari. Ndosaka Bhaibheri richitiyeuchidza kuti: “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16) Kuita kuti ushamwari hwedu naMwari huve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu ndiko kuchaita kuti tirambe tiri pedyo naye.—Mateu 6:33.
CHISARUDZO NDECHAKO
Kunyange zvazvo usingakwanisi kuchinja zvakaitika kare, unogona kusarudza kuti iwe nehama dzako muve neramangwana rakanaka. Bhaibheri rinoratidza kuti Baba vedu vekudenga, Jehovha Mwari, vanotida chaizvo uye vanotiudza zvavanoda kuti tiite. Inzwa zvakataurwa nemuprofita Mika:
“Haiwa iwe munhu wepanyika, iye akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi. Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa uye uve nomwero pakufamba naMwari wako?”—Mika 6:8.
Uchabvuma kukokwa naJehovha wofamba naye kuti uzowana makomborero aakachengetera vanhu vanomuteerera here? Chisarudzo ndechako!