Misangano Inobatsira Vechiduku
1 Mumwe musikana achiri kuyaruka akati: “Dzimwe nguva ndinofunga kuti vechiduku ndivo vane nguva yakaoma kwazvo muupenyu. Tinorarama navanhu vanoita ufeve, vanoshandisa zvinodhaka, uye vanonwa.” Ndiwo manzwiro ako here? Kana ariwo, unofunga kuti chii chingakubatsira kurwisa kupesvedzera uku kwakaipa? Unoda kutenda, kutenda kwakasimba mukururama kwenzira dzaJehovha, nokuti pasina kudaro “hazvibviri kunyatsomufadza.” (VaH. 11:6) Kupinda misangano yeungano kuchakubatsira kusimbisa kutendiswa kwako kwechiKristu uye kutsunga kwako kuti udzivise chakaipa.
2 Misangano ine Zvakawanda Zvokukupa: Chii chinoita kuti zvokudya zvakanaka neshamwari dzapedyo zvinake? Hakusi kuvapo kwezvokudya zvakanaka uye ushamwari hunofadza makadekara zvenyu here? Naizvozvo, misangano yedu inoita kuti ufare zvakadaro, asi mupfungwa yomudzimu.
3 Zvinhu zvinokurukurwa kumisangano zvinovaka, kuvambira panhau dzine chokuita nezvinetso zvamazuva ose zvoupenyu kusvika kuzvidzidzo zvouprofita hweBhaibheri hunofadza. Murayiridzo unoshanda unopiwa kuti ukudzidzise mararamire aungaita zvakanakisisa muupenyu uye kuti ukunde zvinetso zvaunotarisana nazvo. Shamwari dzinowanikwa kumisangano ndidzo dzakanakisisa pane dzinowanikwa chero kupi zvakwo, uye mamiriro ezvinhu zvomudzimu anofadza uye akachengeteka. (Pis. 133:1) Ndokusaka zvisingashamisi kuti imwe pwere yakati: “Ndinoenda kuchikoro zuva rose, uye zvinondinetesa. Asi misangano yakaita senzvimbo yakasvibira iri mugwenga, kwandinozorodzwa kuti ndipfuurire pazuva rechikoro rinotevera.” Imwe yakati: “Ndakaona kuti kunyatsoshamwaridzana navamwe vanoda Jehovha kunondibatsira kugara pedyo naye.”
4 Nokunyoresa muChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari, unodzidza kuunganidza mashoko eBhaibheri, kuaita hurukuro, uye ipapo kuapa nenzira yokukurukurirana kuvateereri muHoro yoUmambo. Fungidzira kubatsira kwokurovedzwa kudzidzisa nounyanzvi chokwadi chinoponesa upenyu chiri muShoko raMwari! Ndokupizve kungawana vechiduku kurovedzwa kunokosha zvakadaro?
5 Mawanire Aungaita Zvizhinji Mumisangano: Kuti uwane zvizhinji pamisangano, pane zvinhu zvitatu zvinokosha zvinobatanidzwa. Izvo kugadzirira, kubatanidzwa mairi, uye kushandisa.
6 Igadzirire: Ronga nguva yokugadzirira misangano nguva dzose. Usabvumira basa rokuchikoro, basa renguva isina kuzara, kana kuti mabasa enhandaro kukubira nguva yaunoda kuti ufanoongorora mashoko achakurukurwa pamusangano mumwe nomumwe. Zvinobatsira kuva nepurogiramu yenguva dzose. Chokutanga-tanga, fambirana nepurogiramu yokuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki yeChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari. Zvinoda maminiti mashomanana chete zuva rimwe nerimwe kuti uverenge ndokufungisisa zvitsauko zvakagoverwa. Tsaura nguva yokugadzirira Chidzidzo Chebhuku Cheungano uye Chidzidzo cheNharireyomurindi. Vamwe vanoita izvi rinenge zuva rimwe kana kuti maviri misangano iyoyo isati yasvika. Kusvika paunogona napo, ita saizvozvo kuzvikamu zvakarongwa muMusangano Webasa vhiki imwe neimwe.
7 Batanidzwa Mairi: Bhaibheri rinotaura kuti aine makore 12, Jesu akaonekwa patemberi, achiteerera, achibvunza mibvunzo, uye achipindura. (Ruka 2:46, 47) Namamwe mashoko, akanga achinyatsobatanidzwa. Uchabatsirwa zvakanyanya nemisangano paunoedza kubatanidzwa mairi.—Zvir. 15:23.
8 Unofanira kunyatsoteerera zviri kudzidziswa pamisangano. Dzimwe nguva, kuteerera hurukuro kwakaoma pane kuipa. Nei? Pfungwa dzako dzingadzungaira kana mumwe munhu achitaura. Ungazvidzivisa sei? Nokunyora zvinonyorwa. Nyora pasi pfungwa dzinokosha dzaunoda kutaura nezvadzo gare gare. Kuva nezvinonyorwa kuchakubatsira kuchengeta pfungwa dzako dziri papurogiramu yacho. Uyewo, vhura magwaro, uye tarira sezvaanoverengwa nomukurukuri.
9 Uyezve, vavarira kupindura mukukurukurirana kumwe nokumwe kwemibvunzo nemhinduro pamisangano. Uchabatsirwa zvakatonyanya kana ukanyatsofunga zvaunoda kutaura. Zvirevo 15:28 inoti: “Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura.”
10 Shandisa Zvaunodzidza: Nhanho yokupedzisira ndeyokuva nechokwadi chokuti zvaunodzidza zvino‘shanda mauri.’ (1 VaT. 2:13) Sezvaunoshandisa pfungwa dzakanaka kwazvo dzaunodzidza pamusangano mumwe nomumwe, uchaswedera pedyo zvikuru naJehovha Mwari. Achava chaiye kwauri, uye uchava nomufaro mukuru nokugutsikana sezvau“nopfuurira kufamba muchokwadi,” uchichiita chako.—3 Joh. 4.
11 Hama nehanzvadzi dzechiduku, sezvamunogadzirira misangano, nokubatanidzwa mairi, uye kushandisa zvamunodzidza, muchanakidzwa nemisangano yacho zvakazara. Uyewo, muchawana zvose zvinobatsira zvamunogona kuwana mairi. Kutenda kwenyu kuchasimbiswa, ndozvichaitawo kutsunga kwamunoita kuramba muri vechokwadi kuna Baba venyu vokudenga, Jehovha.—Pis. 145:18.