Mwari Ane Mazita Mangani?
Mhinduro yeBhaibheri
Mwari angori nezita rimwe chete. MuchiHebheru rinonyorwa kuti יהוה uye muchiShona rinonzi “Jehovha.”a Achishandisa muprofita wake Isaya, Mwari akati: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Zita iri rinowanika ka7 000 muzvinyorwa zveBhaibheri zvekare. Rinowanika kakawanda kupfuura mamwe mazita ese ekuremekedza aMwari uye kupfuura chero zita raani zvake anotaurwa muBhaibheri.b
Mwari ane mamwe mazita here?
Kunyange zvazvo Bhaibheri richiti Mwari ane zita rimwe chete, rinoshandisawo mamwe mazita akawanda pakumuremekedza uye pakutsanangura zvaari. Mamwe emazita iwayo anotevera netsanangudzo zvinoratidza chimwe chinhu nezvaJehovha kana kuti zvaari.
Zita rekuremekedza |
Parinowanika |
Zvarinoreva |
---|---|---|
Allah |
(Harisi muBhaibheri) |
Zita rechiArabic rekuti “Allah” harisi zita chairo asi nderekuremekedza rinoreva kuti “Mwari.” Shanduro dzemaBhaibheri echiArabic neemimwewo mitauro dzinoshandisa “Allah” panzvimbo perekuti “Mwari.” |
Wemasimbaose |
Hapana ane simba rakaenzana nerake. Zita rechiHebheru rekuti ʼEl Shad·daiʹ, kureva kuti “Mwari Wemasimbaose,” rinowanika muBhaibheri ka7. |
|
Arufa naOmega |
“Wekutanga newekupedzisira,“ kana kuti “mavambo nemagumo,“ kureva kuti hapana kumbova nemumwe Mwari Wemasimbaose kunze kwaJehovha uye hakuzombovi nemumwe kunze kwake. (Isaya 43:10) Arufa ibhii rekutanga paarufabheti yechiGiriki uye Omega ibhii rekupedzisira. |
|
Wemazuva Mazhinji |
Haana mavambo; akagara aripo pasati patombova naani zvake kana kuti chero chii zvacho.—Pisarema 90:2. |
|
Musiki |
Ndiye akaita kuti zvinhu zvese zvivepo. |
|
Baba |
Ndiye anopa upenyu. |
|
Mwari |
Ane simba guru uye ndiye anofanira kunamatwa. Shoko rechiHebheru rekuti ʼElo·himʹ riri muuwandu, kuratidza ukuru hwaJehovha, chiremerera uye kunaka kwake. |
|
Mwari wavanamwari |
Ndiye Mwari mukuru, akasiyana “navanamwari vasina zvavanobatsira” vanonamatwa nevamwe.—Isaya 2:8. |
|
Murayiridzi Mukuru |
Anotidzidzisa kuti tibatsirwe uye anotitungamirira.—Isaya 48:17, 18. |
|
Muiti Mukuru |
Ndiye akaita kuti zvinhu zvese zvivepo.—Zvakazarurwa 4:11. |
|
Mwari anofara |
Anogara achifara.—Pisarema 104:31. |
|
Munzwi wemunyengetero |
Anonzwa munyengetero wemunhu mumwe nemumwe anonyengetera kwaari aine kutenda. |
|
Ndiri Iye Wandiri |
Eksodho 3:14, Bhaibheri Rine Apokirifa |
Anova chero zvaanoda kuti azadzise chinangwa chake. Chirevo ichocho chinoshandurwawo kuti “Ndichava Wandichava” kana kuti “Ndichava Zvandinenge Ndasarudza.” (Bhaibheri Dzvene; Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva) Mashoko iwayo anotibatsira kuti tinzwisise zvinorehwa nezita raMwari rekuti Jehovha, rinozotaurwa muvhesi inotevera.—Eksodho 3:15. |
Godo |
Joshua 24:19, Bhaibheri Dzvene |
Anoda kunamatwa iye ega. Shoko iri rakashandurwawo kuti “anoda kuzvipira kwakazara.”Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva. |
Mambo asingagumi |
Kutonga kwake hakuna mavambo kana magumo. |
|
Ishe |
Muridzi kana kuti Tenzi; muchiHebheru ʼA·dhohnʹ kana kuti ʼAdho·nimʹ. |
|
Tenzi wehondo |
Isaya 1:9, Bhaibheri Rine Apokirifa |
Mutungamiriri wemauto engirozi kana kuti “Jehovha wemauto.”—VaRoma 9:29 |
Wekumusorosoro |
Ane nzvimbo yepamusorosoro. |
|
Mutsvenetsvene |
Mutsvene (akachena patsika) kupfuura chero munhu upi zvake. |
|
Muumbi |
Ane simba pamusoro pemunhu mumwe nemumwe uye pemarudzi, sezvakangoita muumbi ane simba pamusoro peivhu raanoshandisa pakuumba.—VaRoma 9:20, 21. |
|
Mudzikinuri |
Anodzikinura kana kuti anotenga vanhu kubva muchivi nerufu achishandisa chibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu.—Johani 3:16. |
|
Dombo |
Ndiye nzvimbo yakachengeteka yekutizira uye ndiye muponesi. |
|
Muponesi |
Anonunura kubva pazvinhu zvinokuvadza kana kuparadza. |
|
Mufudzi |
Ane hanya nevanamati vake. |
|
Changamire Ishe |
Ane simba guru; muchiHebheru ʼAdho·naiʹ. |
|
Mukurusa |
Changamire mukurusa |
Mazita enzvimbo ari muMagwaro echiHebheru
MuBhaibheri mune mamwe mazita enzvimbo ane zita raMwari, asi hazvirevi kuti ndemamwe mazita aMwari.
Zita renzvimbo |
Parinowanika |
Zvarinoreva |
---|---|---|
Jehovha-jire |
“Jehovha achapa zvinenge zvichidiwa” |
|
Jehovha-nisi |
“Jehovha ndiye Mureza wangu.” Jehovha ndiMwari anodzivirira uye anobatsira vanhu vake.—Eksodho 17:13-16. |
|
Jehovha-sharomu |
“Jehovha Rugare.” |
Nei tichifanira kuziva uye kushandisa zita raMwari?
Mwari anoona zita rake rekuti Jehovha serinokosha nekuti akaita kuti rinyorwe kane zviuru muBhaibheri.—Maraki 1:11.
Mwanakomana waMwari Jesu, akasimbisa asimbisazve kukosha kwezita raMwari. Semuenzaniso, akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Zita renyu ngaritsveneswe.”—Mateu 6:9; Johani 17:6.
Vaya vanosvika pakuziva zita raMwari vorishandisa, vanenge vachitora matanho ekutanga pakuumba ushamwari naJehovha. (Pisarema 9:10; Maraki 3:16) Ushamwari ihwohwo hunoita kuti vabatsirwe nevimbiso iyi yaMwari yekuti: “Nekuti anondida, ndichamununura. Ndichamudzivirira nekuti anoziva zita rangu.“—Pisarema 91:14.
Bhaibheri rinoti: “Variko vanonzi ‘vanamwari,’ kungava kudenga kana panyika, sezvo kuine ‘vanamwari’ vakawanda uye‘madzishe’ akawanda.” (1 VaKorinde 8:5, 6) Asi rinonyatsotaura nezvaMwari mumwe chete wechokwadi nezita rake rekuti Jehovha.—Pisarema 83:18.
a Dzimwe nyanzvi dzechiHebheru dzinofarira kushevedza Mwari nezita rekuti “Yahweh”.
b Zita raMwari rakapfupikiswa kuti “Jah,” rinowanika kanenge ka50 muBhaibheri, kusanganisira kushandiswa kwarinoitwa mushoko rekuti “Hareruya,” izvo zvinoreva kuti “Rumbidzai Jah.”—Zvakazarurwa 19:1; Bhaibheri Dzvene.